Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki—Itirai Vana Venyu Zvavanoda!

Vabereki—Itirai Vana Venyu Zvavanoda!

Vabereki—Itirai Vana Venyu Zvavanoda!

VANA vanoda kutungamirirwa nokurangwa, zvikurukuru nevabereki vavo. Nezvaizvozvi, mumwe mudzidzisi wokuBrazil, Tania Zagury, anoti: “Pfungwa dzemwana wose dzakarerekera pakutsvaka zvinofadza. Panotoda kuiswa miganhu. Vabereki ndivo vanofanira kuiisa. Vakasadaro, vana vaya havazodzoreki.”

Zvisinei, munyika dzakawanda kutevedzera zano riri pamusoro apo kungava kwakaoma pamusana pokuti magariro emadiro akaita vanhu anokurudzira kuti mwana asiyiwe akasununguka. Saka tingawanepi rubatsiro? Vabereki vanotya Mwari vanoziva kuti vana vavo “inhaka inobva kuna Jehovha.” (Pisarema 127:3) Saka vanotsvaka nhungamiro yokuvarera muShoko raMwari, Bhaibheri. Somuenzaniso, Zvirevo 13:24 inoti: “Unorega shamhu unovenga mwanakomana wake; asi unomuda, unomuranga zvakanaka.”

Mashandisiro anoita Bhaibheri shoko rokuti “shamhu” haafaniri kunzwisiswa seanongoreva kurova chete; anoreva kugadzirisa, kungaitwa nenzira ipi zvayo. Zvechokwadi, kazhinji kacho mashoko chete angava akakwana kugadzirisa mwana ava kutsauka. Zvirevo 29:17 inoti: “Rayirira mwanakomana wako, agokuzorodza; zvirokwazvo uchafadza mweya wako.”

Vana vanoda chirango chorudo kuti vabvise unhu husina kunaka. Kugadzirisa kwakatsiga uye kwomutsa kwakadaro kunopa uchapupu hwokuti mubereki ane hanya nemwana. (Zvirevo 22:6) Saka vabereki, shingai! Nokutevera zano rakanaka rinoshandisika reBhaibheri, muchafadza Jehovha Mwari uye vana venyu vachakuremekedzai.