Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vanhu Vari Kuti Ndini Ani?”

“Vanhu Vari Kuti Ndini Ani?”

“Vanhu Vari Kuti Ndini Ani?”

YAVA nguva yeKrisimasi zvekare. Vanhu pasi pose vanosarudza kupemberera rimwe zuva rokuzvarwa. Kuzvarwa kwaani? KwoMwanakomana waMwari here kana kungoti kwomumwe muJudha akazvipira aiedza kuvandudza chitendero chaiva chakapararira munharaunda yake muzana remakore rokutanga? Raiva zuva rokuzvarwa kwomunhu aida kubatsira varombo here kana kuti romunhu aiva mupanduki akaedza kurwisa Umambo hweRoma zvokuti akaurayiwa, kana kuti zvichida aiva muchenjeri ainyanya kuzviti anoziva? Unofanira kushamisika nomubvunzo wokuti, ‘Jesu Kristu aiva ani chaizvo?’

Jesu pachake akanga achida kuziva kuti vanhu vanopindura sei mubvunzo iwoyo. “Vanhu vari kuti ndini ani?” akambobvunza vadzidzi vake kudaro. (Mako 8:27) Nei akabvunza kudaro? Vakawanda vakanga vatorega kumutevera. Zvichida vamwe vakanga vava nemibvunzo uye vakanga vavhiringidzika mushure mokunge aramba pavakaedza kumuita mambo. Uyezve, paaibvunzwa nevavengi vake, Jesu haana kupa chiratidzo chaibva kudenga kuratidza kuti akanga ari ani. Saka pakupindura mubvunzo iwoyo, vaapostora vake vakati akanga ari ani? Vakataura zvimwe zvaitaurwa nevanhu vakawanda: “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe Eriya, vamwezve Jeremiya kana mumwe wevaprofita.” (Mateu 16:13, 14) Havana kutaura zvimwe zvakanga zvichitaurwa nevamwe vatsoropodzi muParestina nezvaJesu—mumhuri, muprofita wenhema, kunyange munhu anopenga.

Zvinhu Zvakasiyana-siyana Maererano naJesu

Kudai Jesu aizobvunza mubvunzo iwoyo nhasi, aikwanisa kuugadzirisa achiti: “Vanhu vakadzidza vari kuti ndini ani?” Zvekare, zvichida mhinduro yaizova yokuti: Kune pfungwa dzakawanda-wanda. “Jesu ave ari dasvawatasva bhiza repahofisi,” akadaro David Tracy weUniversity of Chicago. Muzana remakore rapfuura, vanhu vakadzidza vakashandisa nzira dzakasiyana-siyana vachiedza kuwana mhinduro yokuti Jesu akanga ari ani chaizvo. Pakupedzisira, vakawana kuti Jesu ndiani?

Vamwe vanhu vakadzidza vanoramba vachitaura kuti Jesu womunhau dzekare akanga ari muprofita wechiJudha aitaura nezvokuguma kwenyika achida kuti vanhu vatendeuke. Zvisinei, havabvumi kuti akanga ari Mwanakomana waMwari, Mesiya, uye Mudzikinuri. Vazhinji vanopokana nezvinotaurwa neBhaibheri kuti akabva kudenga uye kuti akamutswa. Kune vakawanda, Jesu akanga ari munhu ane muenzaniso muupenyu uye zvaaidzidzisa zvakabatsira zvitendero zvinoverengeka izvo zvakaguma zvava chiKristu. Uye sezvinotaurwa neTheology Today, kune vamwewo vanofunga kuti Jesu akanga ari ‘munhu aidzidzisa uzivi, munhu aingomberereka achidzidzisa pfungwa dzake, kana kuti murimi asinganzwisisiki paaiva amire; munhu aidzora vamwe munzanga, nyanduri aiva nhubu akanga achida kuchinja tsika dzakanga dzagara dziripo, kana kuti mungwaru aitaura zvaaifunga paaifamba mumisha yomunzanga yakashatirwa isina kugadzikana iri payo yoga yeParestina.’

Kunewo vamwe vane pfungwa dzisinganzwisisiki. Mifananidzo yaJesu ari munhu mutema iri kubudiswa nevanoridza mimhanzi yerap, uye vaya vanogadzira zviumbwa. * Vamwe vanoita zvokufungidzira vanoti Jesu akanga achitova mukadzi. Muzhizha ra1993, vakaenda kushoo yeOrange County Fair muCalifornia vakaona chiumbwa cha“Christie,” “Kristu” wechikadzi asina kupfeka ari pamuchinjikwa. Panenge panguva iyoyo muNew York, “Christa”—“Jesu” wechikadzi akaroverwa pamuchinjikwa—akanga achiratidzwa. Mifananidzo miviri iyi yakaitiranwa nharo nezvayo zvikuru. Uye kumavambo kwa1999, vatengi vaikwanisa kutenga bhuku raitaura “nezvorudo rwaJesu Mukomana nembwa yake, Ngirozi.” Ukama hwavo hwakataurwa kuti ‘hwakanga huri hwepedyo napedyo chaizvo zvokuti mukomana akanga akagadzirira kufira imbwa uye imbwa kufira mukomana.’

Zvine Basa Here?

Nei uchifanira kuziva kuti Jesu akanga ari ani uye kuti ndiani? Chokutanga, imhaka yokuti, tichitaura zvakambotaurwa naNapoleon, “Jesu Kristu akapesvedzera uye akarayira vateveri Vake Iye asipo.” Kuburikidza nokudzidzisa kwake kwakanga kune simba uye nzira yaakararama nayo, Jesu akachinja nesimba guru upenyu hwevanhu vane mabhiriyoni kwemakore anoda kusvika zviuru zviviri. Mumwe munyori akazvitaura nomazvo kuti: “Mauto ose akambofora, uye ngarava dzose dzehondo dzakambovakwa, uye matare eparamende ose akambovapo, madzimambo ose akambotonga, zvaiswa pamwe chete hazvina kuchinja upenyu hwevanhu pasi pano sezvakaitwa na[Jesu Kristu.]”

Uyezve, unofanira kuziva kuti Jesu aiva ani uye kuti ndiani nokuti zvine chokuita nenguva yako yemberi. Une mukana wokudzorwa nehurumende yokudenga yakagadzwa—Umambo hwaMwari mukutonga kwaJesu. Pasi redu ratambura richakwanisa kuva nezvinhu zvakasiyana-siyanazve kana Jesu ava kutonga. Uprofita hweBhaibheri hunotipikira kuti Umambo hwaJesu huchapa vanhu vava kuziya zvokudya, huchatarisira varombo, kurapa vanorwara, uye kumutsa vakafa.

Zvechokwadi unoda kuziva kuti munhu rudzii ane hurumende yakadaro. Nyaya inotevera ichakubatsira kuziva kuti Jesu chaiye akanga ari ani.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Nezvechitarisiko chaJesu, ona nyaya inoti “Jesu Aiva Akaita Sei?,” muMukai! yaDecember 8, 1998.