Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zororo Pakunetseka Nepfungwa—mushonga Unoshanda

Zororo Pakunetseka Nepfungwa—mushonga Unoshanda

Zororo Pakunetseka Nepfungwa—mushonga Unoshanda

“Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai.”—MATEU 11:28.

1, 2. (a) Chii chiri muBhaibheri chinobatsira kubvisa kunetseka mupfungwa kwakanyanya? (b) Zvaidzidziswa naJesu zvaishanda zvakadini?

ZVICHIDA ungabvuma kuti kunyanya kunetseka nepfungwa hakuna kunaka; kunoita kuti munhu ashushikane. Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vose vari kuremerwa nemitoro iyo vakawanda vari kumirira kuti ibviswe muupenyu. (VaRoma 8:20-22) Asi Magwaro anoratidzawo nzira yatinokwanisa kuwana nayo zororo kubva kune zvinotinetsa iye zvino. Zororo rakadaro rinobva mukutevera zano uye muenzaniso womumwe murume muduku akararama makore 2 000 apfuura. Akanga ari muvezi, asi ainyanya kuda vanhu. Aitaura zvaisvika pamwoyo pevanhu, kugadzirisa zvaivanetsa, kubatsira vasina simba uye kunyaradza vakaora mwoyo. Kuwedzera kune izvozvo, akabatsira vakawanda kuti vaite zvavaikwanisa pakunamata. Nokudaro vakawana zororo kubva kune zvaivanetsa zvakanyanya, uye iwe unogona kudarowo.—Ruka 4:16-21; 19:47, 48; Johani 7:46.

2 Murume uyu, Jesu wokuNazareta, akanga asingavimbi nokudzidza kwakanyanya kwaitsvakwa nevamwe mumaguta ekare eRoma, Atene kana kuti Arekizandiriya. Kunyange zvakadaro, zvaaidzidzisa zvakakurumbira. Zvakanga zvine mashoko anokosha aya: hurumende iyo Mwari achashandisa kutonga nyika zvakanaka. Jesu akatsanangurawo mashoko akanaka ane chokuita nokurarama—mashoko anokosha chaizvo nhasi. Vaya vanodzidza uye vanoshandisa zvakadzidziswa naJesu vanobatsirwa iye zvino, kusanganisira kuwana zororo kubva kune zvinovanetsa zvakanyanya mupfungwa. Hazvikufadzi here izvozvo?

3. Ikokero ipi yakaisvonaka iyo Jesu akapa?

3 Ungasava nechokwadi. ‘Ko mumwe munhu akararama pasichigare angava nezvaanoita muupenyu hwangu sei?’ Zvakanaka, teerera mashoko aJesu okukoka aya anoti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:28-30) Airevei? Regai tiongorore mashoko aya zvakati dzamei, tione kuti anovhura sei nzira yokuwana nayo zororo kubva kune zvinotinetsa zvinodzvinyirira.

4. Jesu akataura navanaani, uye nei vateereri vake vangava vakazviwana zvakaoma kuita zvavakanzi vaite?

4 Jesu akataura nevakawanda vaiedza nemwoyo wose kuita zvakanga zvichibvumirwa nomutemo asi vakanga “vakaremerwa” nokuti vatungamiriri vechiJudha vaiita kuti kunamata kuome. (Mateu 23:4) Vainyanya kusimbirira pamitemo isingaperi pachinhu chose zvacho muupenyu. Zvaisazokunetsa here kungoramba uchiudzwa kuti “haufaniri” kuita ichi kana kuti icho? Kusiyana naizvozvo, kokero yaJesu yakanga iri yokuenda kuchokwadi, kuenda kune zvakarurama, kuupenyu huri nani hwokumuteerera. Hungu, nzira yokuziva nayo Mwari wechokwadi yaibatanidza kuteerera Jesu Kristu, nokuti maari, vanhu vaikwanisa—uye vanogona—kuona zvakaita Jehovha. Jesu akati: “Aona ini aonawo Baba.”—Johani 14:9.

Upenyu Hwako Huzere Nezvinonetsa Here?

5, 6. Mashandiro uye mari yaitambirwa munguva yaJesu zvakafanana sei nezvedu nhasi?

5 Nyaya iyi inganyanya kukufadza nokuti basa rako kana kuti mhuri yako zvingadaro zvichikuremedza zvikuru. Kana kuti mamwe mabasa angaita seasingabviri kuita. Kana zvakadaro, wakafanana nevanhu vaizviraramirawo zvavo vakasangana naJesu akavabatsira. Somuenzaniso, funga nezvedambudziko rokuwana chokurarama nacho. Zvinotambudza vakawanda nhasi, uye ndizvo zvaiitawo vakawanda munguva yaJesu.

6 Kare ikako, mushandi aifondoka kwemaawa 12 pazuva, mazuva matanhatu pavhiki, kazhinji kacho kuti awane dhinari muswere wezuva. (Mateu 20:2-10) Izvi zvakafanana papi nemari yaunotambira kana kuti inotambirwa neshamwari dzako? Zvinogona kuva zvakaoma kuenzanisa mari yaitambirwa kare neyanhasi. Imwe nzira ndeyokuona simba rine mari, zvinhu zvainokwanisa kutenga. Imwe nyanzvi inoti munguva yaJesu rofu rechingwa raigadzirwa nemakapu mana egorosi raitengwa nemari yepaawa imwe chete. Imwe nyanzvi inoti kapu imwe chete yewaini yakanaka yaitengwa nemari yemaawa maviri. Unogona kuona kubva mumashoko aya kuti vanhu panguva iyoyo vaifondoka kwenguva yakareba kuti vawane chokurarama nacho. Vaida zororo, uye nesu tinoridawo. Kana uchishanda, unganzwa uchifanira kushanda zvakaoma. Kazhinji hatina nguva yokunyatsofunga pakuita zvisarudzo. Ungabvuma kuti unopanga zororo.

7. Vanhu vakaita sei nemashoko aJesu?

7 Zviri pachena kuti kokero yaJesu kune vose vakanga ‘vachishanda zvakaoma uye vakaremerwa’ inofanira kuva yakafadza vateereri vakawanda kare ikako. (Mateu 4:25; Mako 3:7, 8) Uye yeuka kuti Jesu akawedzera kuvimbisa kuti “ndichakuzorodzai.” Vimbiso iyoyo ichiri kushanda nanhasi. Inogona kushanda kwatiri kana tiri ‘kushanda zvakaoma uye takaremerwa.’ Uye inogona kushanda kuvadiwa vedu, vari mumamiriro ezvinhu akafanana needu.

8. Kurera vana uye kukwegura kunonetsa sei?

8 Kune zvimwe zvinhu zviri kuremera vanhu. Kuyarutsa vana ibasa rakaoma chaizvo. Kunyange kuva mwana kunogona kuva kwakaoma. Nhamba iri kuwedzera yevanhu vemazera ose vanosangana nezvinetso zvoutano hwomuviri uye hwepfungwa. Uye kunyange vanhu vakararama kwenguva yakareba, vakwegura vane zvinovanetsa, pasinei nokubudirira mune zvokurapa.—Muparidzi 12:1.

Kushanda Pasi Pejoko

9, 10. Munguva dzekare, joko rakanga richimirira chii, uye nei Jesu akakoka vanhu kuti vatakure joko rake?

9 Wacherechedza here kuti mumashoko atorwa pana Mateu 11:28, 29 Jesu akati: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri.” Kare ikako, munhuwo zvake angava akanzwa sokuti akanga achishanda pasi pejoko. Kubvira pasichigare, joko rave richishandiswa kuenzanisira uranda kana kuti kushandiswa senhapwa. (Genesi 27:40; Revhitiko 26:13; Dheuteronomio 28:48) Vakawanda vevashandi vaisangana naJesu vaishanda vaine joko chairo pamafudzi avo, vakatakura mikwende inorema. Zvichienderana nokuti joko rakanga rakagadzirwa sei, raigona kusasvuura mutsipa kana mapfudzi kana kuti raigona kusvuura munhu. Somuvezi, Jesu anogona kunge akagadzira majoko akawanda, uye anofanira kuva aiziva kugadzira joko “romutsa.” Zvichida aiisa jira kana dehwe panotakurwa napo kuti joko racho rive nyore kutakura.

10 Apo Jesu akati “Takurai joko rangu,” angave aizvifananidza pachake nomunhu anogadzira majoko ‘omutsa’ kumitsipa nemapfudzi evanhu vaishanda. Nokudaro Jesu akawedzera kuti: “Mutoro wangu wakareruka.” Izvi zvairatidza kuti joko rakanga richifadza kushandisa, uye basa racho rakanga risiri rouranda. Ichokwadi kuti Jesu paaikoka vateereri vake kuti vatore joko rake, akanga asiri kuvapa zororo pakarepo kubva kune zvose zvakanga zvichinetsa panguva iyoyo. Kunyange zvakadaro, kuchinja kwemaonero kwaakataura kwaizoita kuti pave nezororo rakati kuti. Kuchinja mumararamiro avo uye nzira yokuita nayo zvinhu kwaizovazorodza. Uye chaikosha kupfuura zvose, tariro yakajeka uye yechokwadi yaizovabatsira kuti upenyu husanyanya kuvaomera.

Unogona Kuwana Zororo

11. Nei Jesu akanga asiri kutaura nezvokuchinjanisa majoko?

11 Tapota cherechedza kuti Jesu akanga asiri kuti vanhu vaikwanisa kuchinjanisa majoko. Roma yakanga ichiri kudzora nyika yacho, kufanana nehurumende dzinodzora nyika dzinorarama vaKristu. Mitero yeRoma yomuzana remakore rokutanga yaizoramba iripo. Zvinetso zvoutano nezvoupfumi zvaizoramba zviripo. Kusakwana uye chivi zvaizoramba zviri muvanhu. Kunyange zvakadaro, vaigona kuwana zororo kana vaibvuma dzidziso dzaJesu, sezvatinogona kuriwana nhasi.

12, 13. Jesu akasimbisa kuti chii chaizounza zororo, uye vamwe vakaita sei?

12 Kushanda kwomuenzaniso waJesu kwakanyanya kuoneka maererano nebasa rokuita vadzidzi. Hapana mubvunzo kuti basa guru raJesu rakanga riri rokudzidzisa vamwe, achinyanyosimbisa nezvoUmambo hwaMwari. (Mateu 4:23) Nokudaro paakati “Takurai joko rangu,” izvi zvechokwadi zvaizoreva kuitawo basa iroro raaiita. Nhoroondo yeEvhangeri inoratidza kuti Jesu akaita kuti varume vaiva pachokwadi vachinje mabasa avo, zvinova zvinhu zvinonyanya kunetsa vanhu vakawanda muupenyu. Yeuka kudana kwaakaita Petro, Andireya, Jakobho naJohani achiti: “Nditeverei, uye ndichakuitai kuti muve vabati vevanhu.” (Mako 1:16-20) Akaratidza vabati vehove ivavo kuti zvaizogutsa sei kudai vaizoita basa raakanga achiisa pakutanga muupenyu hwake, vachiita izvozvo pasi penhungamiro uye norubatsiro rwake.

13 Vamwe vevateereri vake vechiJudha vakanzwisisa zvaakanga achitaura uye vakazviita. Mupfungwa dzako, fungidzira zvakanga zvichiitika zvatinoverenga pana Ruka 5:1-11. Vabati vehove vana vakanga vafondoka usiku hwose asi hapana chavakabata. Mambure avo akangoerekana azara! Izvi hazvina kungoitika netsaona; zvakaitwa naJesu. Sezvavakatarisa kumahombekombe, vakaona chita chevanhu vakanga vachida chaizvo kunzwa zvaidzidziswa naJesu. Zvakabatsira kududzira zvakaudzwa varume vana ivavo naJesu zvokuti: “Kubvira zvino [muchange] muchibata vanhu vari vapenyu.” Vakaita sei? “Vakadzosa magwa kunyika yakaoma, vakasiya zvinhu zvose vakamutevera.”

14. (a) Nhasi tingawana zororo sei? (b) Mashoko api akanaka anozorodza akaziviswa naJesu?

14 Chaizvoizvo, unogonawo kuita saizvozvo. Basa rokudzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri richiri kuitwa. Zvapupu zvaJehovha zvinenge mamiriyoni matanhatu pasi pose zvakabvuma kokero yaJesu yoku‘takura joko rake’; vakava “vabati vevanhu.” (Mateu 4:19) Vamwe vanoriita basa ravo renguva yakazara; vamwe vanoita nepavanogona napo pavanenge vawanira mukana. Vose vanozorodzwa naro, saka upenyu hwavo hunova nezvinonetsa zvishoma. Zvinosanganisira kuita zvinovanakidza, kuudza vamwe mashoko akanaka—“mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 4:23) Nguva dzose zvinofadza kutaura mashoko akanaka asi kunyanya aya mashoko akanaka. Bhaibheri rine mashoko chaiwo atinoda okutanga achaita kuti vakawanda vade kurarama upenyu hune zvinonetsa zvishoma.—2 Timoti 3:16, 17.

15. Ungabatsirwa sei nedzidziso dzaJesu nezvoupenyu?

15 Kunyange vanhu vachangobva kutanga kudzidza nezvoUmambo hwaMwari vakabatsirwa nedzidziso dzaJesu pamusoro pokurarama. Vakawanda vanogona kutaura zvechokwadi kuti dzidziso dzaJesu dzakavazorodza uye dzakavabatsira kuchinja upenyu hwavo chaizvo. Izvi zvinogona kuitika kwauri kana ukaongorora mamwe emashoko maererano nokurarama ari munhoroondo dzoupenyu hwaJesu noushumiri, kunyanya Evhangeri dzakanyorwa naMateu, Mako naRuka.

Nzira Yokuwana Nayo Zororo

16, 17. (a) Ungawana kupi dzimwe dzedzidziso dzaJesu? (b) Chii chinodiwa kuitira kuti munhu awane zororo kuburikidza nokushandisa dzidziso dzaJesu?

16 Muchirimo cha31 C.E., Jesu akapa hurukuro ichiri kutaurwa nezvayo kunyange nanhasi pasi pose. Inowanzonzi Mharidzo yepaGomo. Yakanyorwa muna Mateu zvitsauko 5 kusvika ku7 uye Ruka chitsauko 6, uye inopa muchidimbu dzidziso dzakawanda dzakapiwa naJesu. Unogona kuwana dzimwe dzidziso dzaJesu mune dzimwe nzvimbo muEvhangeri. Zvakawanda zvaakataura hazvidi tsananguro, kunyange zvazvo kuzviita richigona kuva basa gukutu. Wadii kuverenga zvitsauko izvi, uchifungisisa? Ita kuti simba repfungwa dzake ridzore pfungwa dzako uye mafungiro ako.

17 Zviri pachena kuti dzidziso dzaJesu dzinogona kurongwa munzira dzakasiyana-siyana. Regai tiise dzidziso huru muzvikamu zvokuti tinova nechikamu chezuva roga roga pamwedzi, wova nevavariro yokudzishandisa muupenyu hwako. Sei? Rega kudziverenga uchimhanya. Yeuka mutongi muduku akapfuma akabvunza Jesu Kristu kuti: “Ndichagara nhaka youpenyu husingaperi nokuitei?” Apo Jesu akadzokorora dzidziso dzinokosha muMutemo waMwari, murume wacho akati akanga ari kutoita izvozvo. Kunyange zvazvo zvakadaro, aifanira kuita zvakawanda. Jesu akamuyeuchidza kuti aite zvose zvaaigona kuita zvinodiwa naMwari munzira dzinoshanda, kuti ave mudzidzi anoita basa. Zvinoita sokuti murume wacho akanga asingadi kuita izvozvo. (Ruka 18:18-23) Saka, munhu anoda kudzidza dzidziso dzaJesu nhasi anofanira kuyeuka kuti kubvumirana nadzo kwakasiyana nokudziita, zvadaro zvoderedza kunetseka nepfungwa.

18. Taura kuti ungashandisa sei bhokisi riri munyaya ino zvinobatsira.

18 Sepokutangira kuongorora uye kushandisa dzidziso dzaJesu, tarira pfungwa nhamba 1 mubhokisi riri munyaya ino. Inotaura nezvaMateu 5:3-9. Chokwadi, ani naani wedu anogona kushandisa nguva yakati kuti achifungisisa zano rinoshamisa riri mundima idzi. Kunyange zvakadaro, uchidzitarisa dzose unoguma wati chii nezvepfungwa dzirimo? Kana uchida zvechokwadi kukunda kunetseka nepfungwa kwakanyanya muupenyu hwako, chii chichakubatsira? Upenyu hwako hungachinjwa sei zviri nani kana ukawedzera kuisa pfungwa dzako pazvinhu zvokunamata, uchiita kuti zvinhu izvozvo zvitore nguva yako yakawanda? Pane zvimwe zvinhu muupenyu hwako here zvaungada kurega kunyanyokoshesa, kuitira kuti unyanye kufunga nezvokunamata? Kana ukadaro, zvichaguma nokuwedzera kwomufaro wako iye zvino.

19. Chii chaungaita kuti uwane zivo yakawedzerwa uye nzwisiso?

19 Iye zvino famba nenyaya yacho kuenda pane rimwe danho. Unodii kukurukura ndima idzodzo nomumwe mushumiri waMwari, zvichida murume wako kana kuti mudzimai wako, hama yako yepedyo, kana kuti shamwari? (Zvirevo 18:24; 20:5) Yeuka kuti mutongi muduku akapfuma akabvunza mumwe munhu—Jesu—nezvenyaya yakada kudai. Mhinduro yacho ingadai yakaita kuti mukana wake wokufara uwedzere uye awane upenyu husingaperi. Waunonamata naye waunokurukura naye ndima idzodzo haana kufanana naJesu; asi chero zvakadaro, kukurukura nezvedzidziso dzaJesu kuchakubatsirai mose. Edza kuita izvozvo nokukurumidza.

20, 21. Ipurogiramu ipi yaunogona kutevera kuti udzidze nezvedzidziso dzaJesu, uye ungaziva sei kuti uri kufambira mberi?

20 Tarisa zvekare pabhokisi riri munyaya ino rinoti “Dzidziso Dzokukubatsira.” Dzidziso idzi dzakaiswa muzvikamu zvokuti une dzidziso imwe yokufunga nezvayo pazuva. Unogona kutanga waverenga zvakataurwa naJesu mundima dziripo. Zvadaro funga nezvemashoko ake. Fungisisa kuti ungaashandisa sei muupenyu hwako. Kana uchifunga kuti uri kutoita izvozvo, fungisisa kuti ungawedzera sei kurarama nezvinodzidziswa naMwari izvozvo. Zviite muswere wezuva. Kana zvichikuomera kunzwisisa kana kuti uchitadza kuona kuti ungazvishandisa sei, tora rimwe zuva uchizvifunga. Zvisinei, yeuka kuti haufaniri kuzvigona kuti uzopfuurira. Zuva rinotevera unogona kufunga imwe dzidziso. Pakupera kwevhiki, unogona kudzokorora woona kuti wakagona here kunzwisisa dzidziso ina kana kuti shanu dzaJesu. Vhiki inotevera wedzera dzimwe, uyewo zuva nezuva. Kana ukaona kuti watsvedza pakushandisa imwe dzidziso, usaora mwoyo. Izvi zvichaitika kumuKristu wose. (2 Makoronike 6:36; Pisarema 130:3; Muparidzi 7:20; Jakobho 3:8) Pfuurira vhiki rechitatu nerechina.

21 Panopera mwedzi kana kuti nemazuva pamusoro, ungave wakwanisa kupedza pfungwa dzose dziri 31. Kunyange zvakadaro, uchange wava kunzwa sei? Haunzwi kakufara here, kakugadzikana muhana? Kunyange kana ukafambira mberi zvishoma, zvichida uchanetseka zvishoma, kana kuti uchange wava kuita zviri nani, uye unenge uine nzira yokupfuurira. Usakanganwa kuti kune dzimwe dzidziso dzakaisvonaka dzaJesu dzisiri mubhokisi iri. Wadii kutsvaka dzimwe dzacho woedza kudzishandisa?—VaFiripi 3:16.

22. Chii chingaguma chaitika kana ukatevera dzidziso dzaJesu, asi ndezvipi zvimwe zvatinofanira kudzidza?

22 Unogona kuona kuti joko raJesu, kunyange zvazvo riine uremu, zvechokwadi nderomutsa. Dzidziso dzake uye kuva mudzidzi wake kwakareruka. Pashure pemakore 60 okuzvionera, muapostora Johani, shamwari yaJesu yepamwoyo, akati: “Nokuti kuda kwaMwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; asi mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Unogona kuva nechivimbo chakadaro chaizvo. Kana ukaramba uchishandisa dzidziso dzaJesu, uchawedzera kuona kuti upenyu hwako huchava nezvinhu zvinonetsa zvishoma. Uchaona kuti unenge wawana zororo rakati kuti. (Pisarema 34:8) Asi, kune chimwe chinhu chakataurwa naJesu nezvejoko rake romutsa chaunofanira kufunga nezvacho. Jesu akataurawo kuti “munyoro uye anozvininipisa mumwoyo.” Izvi zvinopinda papi mukudzidza kwedu uye kutevedzera Jesu? Izvi tichazvikurukura munyaya inotevera.—Mateu 11:29.

Unopindura Uchitii?

• Nei tichifanira kutarira kuna Jesu patinotsvaka zororo kubva kune zvinotinetsa zvakanyanya?

• Joko raimirira chii, uye nei?

• Nei Jesu akakoka vanhu kuti vatakure joko rake?

• Unogona sei kuwana zororo mumudzimu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Rugwaro rwegore rweZvapupu zvaJehovha mugore ra2002 ruchava rwokuti: “Uyai kwandiri . . . uye ndichakuzorodzai.”—Mateu 11:28.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 12, 13]

Dzidziso Dzokukubatsira

Ndezvipi zvinhu zvakanaka zvaunogona kuwana muna Mateu zvitsauko 5 kusvika ku7? Zvitsauko izvi zvine dzidziso dzakataurwa noMudzidzisi Mukuru, Jesu, mujinga megomo reGarireya. Tapota verenga ndima dziri pasi apa, muBhaibheri rako pachako, uye zvibvunze mibvunzo inoenderana nepawaverenga.

1. 5:3-9 Izvi zvinondiudzei nezvemafungiro angu ose zvawo? Chii chandingaita kuti ndiwane mufaro wakawanda? Ndingaisa sei pfungwa dzangu pazvinhu zvine chokuita nokunamata kwangu?

2. 5:25, 26 Ndezvipi zviri nani pane kutevedzera mafungiro okuda kukakavara ane vanhu vakawanda?—Ruka 12:58, 59.

3. 5:27-30 Zvakataurwa naJesu zvinoratidza chii nezvokufunga nyaya dzepabonde? Kana ndikarega kufunga zvakadaro, zvichaita sei kuti ndifare muupenyu hwangu uye ndive norugare rwepfungwa?

4. 5:38-42 Nei ndichifanira kuedza chose kuti ndisava nepfungwa dziri muvanhu mazuva ano maererano nokusimbirira pane zvandinenge ndataura?

5. 5:43-48 Ndichabatsirwa sei nokushamwaridzana nevanhu vandaifunga kuti vavengi vangu? Izvi zvichaita sei kuti makakatanwa ave mashoma kana kuti kuabvisa?

6. 6:14, 15 Dzimwe nguva kana ndisingadi kukanganwira, kudada kungava ndiko kunenge kuchikonzera izvi here? Ndingachinja sei izvi?

7. 6:16-18 Ndinonyanya kunetseka nezvechitarisiko changu kupfuura zvandinoita pamusoro pezvandiri mukati here? Chii chandinofanira kunyanya kungwaririra?

8. 6:19-32 Chii chingaitika kana ndikanyanya kufunga nezvemari kana kuti zvinhu? Kufunga nezvechii kuchandibatsira kuti ndirambe ndiine maonero ari pakati nepakati?

9. 7:1-5 Ndinonzwa sei kana ndiri pane vanhu vanotsoropodza nguva dzose, vanenge vachingotsvaka zvakanganiswa? Nei zvichikosha kuti ndisava akadaro?

10. 7:7-11 Kana kuramba ndichikumbira kuna Mwari kuchidiwa, zvakadini nemune zvimwe zvinhu zvoupenyu?—Ruka 11:5-13.

111. 7:12 Kunyange ndichiziva mutemo uri muBhaibheri, ndinoshandisa mutemo uyu kakawanda sei pandinobata nevamwe?

12. 7:24-27 Sezvo ndiine mutoro wokudzora zvinoitika muupenyu hwangu, ndingakwanisa sei kufanogadzirira nguva dzakaita semadutu nemafashamo enhamo kana kuti zvinetso? Nei ndichifanira kufunga nezvazvo iye zvino?—Ruka 6:46-49.

Dzimwe dzidziso dzandinogona kufunga nezvadzo:

13. 8:2, 3 Ndingaratidza sei tsitsi kune vanotambura, sezvaiwanzoitwa naJesu?

14. 9:9-38 Ndinoratidza ngoni here muupenyu hwangu, uye ndingadziratidza kakawanda sei?

15. 12:19 Ndichidzidza kubva muuprofita hunotaura nezvaJesu, ndinoedza kudzivisa kukakavadzana nevanhu here?

16. 12:20, 21 Ndezvipi zvinhu zvakanaka zvinovapo kana ndikarega kukuvadza vamwe nemashoko angu kana kuti zviito zvangu?

17. 12:34-37 Ndinowanzotaura nezvei? Ndinoziva kuti kana ndikasvina orenji panobuda muto weorenji, saka nei ndichifanira kufunga pamusoro pezvandiri nechomukati, mumwoyo mangu?—Mako 7:20-23.

18. 15:4-6 Kubva mumashoko aJesu, chii chandinodzidza nezvokuitira vakwegura zvakanaka?

19. 19:13-15 Chii chandinofanira kupedza nguva ndichiita?

20. 20:25-28 Nei zvisina chimuko kuti ndishandise simba kuti zvindinakire ini pachangu? Ndingatevedzera Jesu sei panhau iyi?

Dzimwe pfungwa, dzakanyorwa naMako:

21. 4:24, 25 Mabatiro andinoita vamwe anokosha zvakadini?

22. 9:50 Kana zvandinotaura uye zvandinoita zvakanaka, zvinhu zvipi zvakanaka zvichaguma zvavapo?

Pakupedzisira, funga nezvedzidziso shoma dzakanyorwa naRuka:

23. 8:11, 14 Kana ndikarega kunetseka, upfumi, uye mafaro zvichiva zvinhu zvikuru muupenyu hwangu, zvingaguma nei?

24. 9:1-6 Kunyange zvazvo Jesu akanga ane simba rokurapa vanorwara, chii chaakaisa panzvimbo yokutanga pane kuita izvozvo?

25. 9:52-56 Ndinokurumidza kushatirwa kana ndatadzirwa nevamwe here? Ndinorega kutsiva here?

26. 9:62 Ndinoona sei basa randinofanira kuita rokutaura pamusoro poUmambo hwaMwari?

27. 10:29-37 Ndingaratidza sei kuti ndiri munhu anofarira vamwe kwete munhu asina basa nevamwe?

28. 11:33-36 Kuchinja kupi kwandichaita kuchaita kuti upenyu hwangu huve nani?

29. 12:15 Ukamai huripo pakati poupenyu nezvinhu zvokunyama?

30. 14:28-30 Kana ndikanyatsotora nguva ndichiita zvisarudzo, chii chandingadzivisa, uye izvi zvichandibatsira nechii?

31. 16:10-12 Kurarama upenyu hwokutendeka kungandibatsira sei?

[Mifananidzo iri papeji 10]

Basa rinoponesa upenyu pasi pejoko raJesu rinozorodza