Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vose Vechokwadi Vaparidzi Veevhangeri

VaKristu Vose Vechokwadi Vaparidzi Veevhangeri

VaKristu Vose Vechokwadi Vaparidzi Veevhangeri

“Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.”—PISAREMA 96:2.

1. Vanhu vanoda kunzwa mashoko akanaka echii, uye Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiratidza sei muenzaniso wakanaka mukuparadzira mashoko akadaro?

MUNYIKA munoitika njodzi mazuva ose, zvinonyaradza zvechokwadi kuziva kuti sokuzivisa kunoita Bhaibheri, hondo, kuparwa kwemhosva, nzara, uye udzvinyiriri zvava pedyo kuguma. (Pisarema 46:9; 72:3, 7, 8, 12, 16) Nhai, aya haasi mashoko akanaka anoda kunzwikwa nomunhu wose here? Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kudaro. Kwose kwose zvinozivikanwa sevanhu vanoparidza “mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka.” (Isaya 52:7) Ichokwadi kuti Zvapupu zvakawanda zvakatambudzirwa kutsunga kwazvo kutaura mashoko akanaka. Asi zvine hanya zvikuru nevanhu. Uye Zvapupu zvaenda mbiri yokushingaira nokutsungirira!

2. Ndechipi chimwe chikonzero chokushingaira kweZvapupu zvaJehovha?

2 Kushingaira kweZvapupu zvaJehovha kunofanana nokuya kwevaKristu vomuzana remakore rokutanga. Pepanhau reRoma Katurike rinonzi L’Osservatore Romano rakataura zvakarurama nezvavo kuti: “VaKristu vokutanga pavakangobhabhatidzwa vakanzwa vaine mutoro wokuparadzira Vhangeri. Varanda vaitaura Vhangeri nomuromo.” Nei Zvapupu zvaJehovha zvichishingaira zvakadaro, kufanana nevaKristu vokutanga? Kutanga, nokuti mashoko akanaka azvinoparidza anobva kuna Jehovha Mwari pachake. Pangava nechimwe chikonzero chinopfuura ichi here chokushingaira? Zvinoparidza nemhaka yemashoko omunyori wepisarema anoti: “Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.”—Pisarema 96:2.

3. (a) Ndechipi chikonzero chechipiri chokushingaira kweZvapupu zvaJehovha? (b) “Kuponesa kwa[Mwari]” kunosanganisirei?

3 Mashoko omunyori wepisarema anotiyeuchidza chikonzero chechipiri chokushingaira kweZvapupu zvaJehovha. Shoko razvo nderiya roruponeso. Vamwe vanhu vanoshanda mune zvokurapa, zvokugarisana zvakanaka kwevanhu, zvoupfumi, kana mamwewo mabasa kuti vaite kuti upenyu hwevamwe vanhu huve nani, uye mabasa akadaro akanaka. Asi chero chinoitwa nomunhu mumwe chete achiitira mumwe hapana kure kwachinosvika kana chichienzaniswa noku“ponesa kwa[Mwari].” Jehovha achashandisa Jesu Kristu kuponesa vanyoro pachivi, kurwara, uye rufu. Vachabatsirwa nazvo vachararama nokusingaperi! (Johani 3:16, 36; Zvakazarurwa 21:3, 4) Nhasi, kuponeswa kuri pakati pe“mabasa . . . anoshamisa” anotaurwa nevaKristu pavanoita maererano nemashoko anoti: “Dudzirai kubwinya kwa[Mwari] pakati pavahedheni, mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose. Nokuti Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo; unofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.”—Pisarema 96:3, 4.

Muenzaniso Mukuru

4-6. (a) Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira nokuda kwechikonzero chipi chechitatu? (b) Jesu akaratidza sei kuti aishingairira kuparidza mashoko akanaka?

4 Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira nokuda kwechimwe chikonzero chechitatu. Zvinotevera muenzaniso waJesu Kristu. (1 Petro 2:21) Murume iyeye akakwana akabvuma nomwoyo wose kuita basa ‘rokuparidzira vanyoro mashoko akanaka.’ (Isaya 61:1; Ruka 4:17-21) Nokudaro akava muparidzi weevhangeri, mutauri wemashoko akanaka. Hapana paakasiya “kuparidza mashoko akanaka oumambo” muGarireya nomuJudhiya. (Mateu 4:23) Uye nokuti aiziva kuti vakawanda vaizobvuma mashoko akanaka iwayo, akati kuvadzidzi vake: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”—Mateu 9:37, 38.

5 Maererano nomunyengetero wake, Jesu akarovedza vamwe kuti vave vaparidzi veevhangeri. Nokufamba kwenguva, akatuma vaapostora vake vari voga ndokuvaudza kuti: “Zvamunoenda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” Zvaizova nani kuti vaite zvirongwa zvokurerutsira vanhu matambudziko emazuva acho here? Kana kuti vaifanira kudai vakabatanidzwa mune zvematongerwe enyika kuti varwise uori hwenguva yacho hwakanga hwazara here? Aiwa. Asi, Jesu akaratidza zvinofanira kuitwa nevaparidzi veevhangeri vose vechiKristu paakaudza vateveri vake kuti: “Zvamunoenda, paridzai.”—Mateu 10:5-7.

6 Gare gare, Jesu akatuma rimwe boka revadzidzi vake kuti rizivise kuti: “Umambo hwaMwari hwasvika pedyo.” Pavakadzoka kuzoshuma kubudirira kworwendo rwavo rwokuparidza evhangeri, Jesu akafara zvikuru. Akanyengetera kuti: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makanyatsovanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.” (Ruka 10:1, 8, 9, 21) Vadzidzi vaJesu, avo vaimbova varedzi vaishanda nesimba, varimi, nevamwewo, vakanga vakaita sevacheche kana vachienzaniswa nevatungamiriri vechitendero vorudzi rwacho vakanga vakadzidza zvikuru. Asi vadzidzi vakarovedzwa kuparidza mashoko akanakisisa pane ose.

7. Jesu akwira kudenga, vateveri vake vakatanga kuparidzira vanaani mashoko akanaka?

7 Jesu akwira kudenga, vateveri vake vakaramba vachiparadzira mashoko akanaka oruponeso. (Mabasa 2:21, 38-40) Vakatanga kuparidzira vanaani? Vakaenda kumarudzi akanga asingazivi Mwari here? Kwete, vakatanga kuvaIsraeri, vanhu vakanga vachiziva Jehovha kwemakore anodarika 1 500. Vaiva nekodzero yokuparidza munyika umo Jehovha aitonamatwa here? Hungu. Jesu akanga avaudza kuti: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) VaIsraeri vaifanira kunzwa mashoko akanaka sezvaingoitawo mamwe marudzi.

8. Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinotevedzera sei vateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga?

8 Saizvozvowo, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoparidza munyika yose. Zvinoshandira pamwe nengirozi yakaoneka naJohani yakanga “ine mashoko akanaka asingaperi kuti izivise semashoko anofadza kune avo vanogara pasi, uye kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu.” (Zvakazarurwa 14:6) Mugore ra2001 zvaiparidza munyika nendima 235, kusanganisira dzimwe dzinowanzooneka sedzechiKristu. Zvapupu zvaJehovha zvinokanganisa here kuparidza munzvimbo makatotangwa machechi kare nechiKristudhomu? Vamwe vanoti kukanganisa uye vangatoona kuparidza evhangeri kwakadaro so“kuba makwai.” Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinoyeuka manzwiro aiita Jesu nokuda kwevaJudha vaizvininipisa vomuzuva rake. Kunyange zvazvo vaitova nevapristi, Jesu haana kuzeza kuvaudza mashoko akanaka. Aka“siririswa navo, nokuti [v]aibatwa zvisina kufanira uye [v]akanga [v]akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Zvapupu zvaJehovha pazvinowana vanhu vanozvininipisa vasingazivi Jehovha noUmambo hwake, zvinofanira kurega kuudza vanhu vakadaro mashoko akanaka nokuti chimwe chitendero chinoti vanhu vacho here? Tichitevera muenzaniso wevaapostora vaJesu, tinopindura kuti kwete. Mashoko akanaka anofanira kuparidzwa “kumarudzi ose,” pasina runosara.—Mako 13:10.

VaKristu Vose Vokutanga Vakaparidza Evhangeri

9. Muzana remakore rokutanga, ndivanaani muungano yechiKristu vaiita basa rokuparidza?

9 Muzana remakore rokutanga ndivanaani vaiita basa rokuparidza? Zvakaitika zvinoratidza kuti vaKristu vose vaiva vaparidzi veevhangeri. Munyori W. S. Williams anoti: “Uchapupu hunoratidza kuti vaKristu vose vomuChechi yepakutanga . . . vaiparidza evhangeri.” Nezvezvakaitika pazuva rePendekosti ya33 C.E., Bhaibheri rinoti: “Vose [varume nevakadzi] vakazadzwa nomudzimu mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, sokupiwa kwavakanga vachiitwa nomudzimu kuti vataure.” Vaparidzi veevhangeri vakazosanganisira varume nevakadzi, vakuru nevaduku, varanda nevakasununguka. (Mabasa 1:14; 2:1, 4, 17, 18; Joere 2:28, 29; VaGaratiya 3:28) Kutambudzwa pakwakamanikidzira vaKristu kutiza muJerusarema, “avo vakanga vapararira vakapfuura nomunyika iyoyo vachizivisa mashoko akanaka eshoko.” (Mabasa 8:4) Vose “vakanga vapararira,” kwete vashoma chete vakanga vakagadzwa, vakaparidza evhangeri.

10. Ibasa ripi rine mativi maviri rakaitwa nyika yeJudha isati yaparadzwa?

10 Ndizvo zvazvakaita mumakore ose iwayo okutanga. Jesu akaprofita kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Mukuzadzika kwemashoko iwayo kwomuzana remakore rokutanga, mashoko akanaka akanga achiparidzwa kwose mauto eRoma asati aparadza zvechitendero nezvematongerwe enyika zvechiJudha. (VaKorose 1:23) Uyezve, vateveri vaJesu vose vakateerera murayiro wake unoti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) VaKristu vokutanga havana kukurudzira vanyoro kutenda muna Jesu vovasiya kuti vazvitsvakire manamatiro avanoda, sezvinoitwa nevamwe vaparidzi vemazuva ano. Pane kudaro, vakavadzidzisa kuti vave vadzidzi vaJesu, vakavaronga kuti vave ungano, ndokuvarovedza kuti naivowo vaparidze mashoko akanaka vachiita vadzidzi. (Mabasa 14:21-23) Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinotevera maitiro iwayo.

11. Nhasi ndivanaani vanozivisa vanhu mashoko akanakisisa?

11 Zvapupu zvaJehovha zvinoverengeka zvakaenda kune dzimwe nyika semamishinari, zvichitevedzera mienzaniso yaPauro, Bhanabhasi, nevamwewo. Basa razvo rave richibatsira zvechokwadi, sezvo zvisina kubatanidzwa mune zvematongerwe enyika kana kurega kuita basa rokuparidza mashoko akanaka mudzimwe nzira. Zvakateerera murayiro waJesu unoti: “Zvamunoenda, paridzai.” Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvakawanda hazvisi mamishinari kune dzimwe nyika. Zvakawanda zvacho zvinorarama nokushanda kunyika, uye zvimwe zvichiri kuenda kuchikoro. Zvimwe zviri kurera vana. Asi Zvapupu zvose zvinoudza vamwe mashoko akanaka azvakadzidza. Vaduku nevakuru, varume nevakadzi, vanoteerera nomufaro zvinokurudzirwa neBhaibheri kuti: “Paridza shoko, riite nokukurumidza mumwaka wakafanira, mumwaka unotambudza.” (2 Timoti 4:2) Kufanana nevakazvitangira vomuzana remakore rokutanga, zvinoramba ‘zvichizivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, . . . zvisingaregi.’ (Mabasa 5:42) Zviri kuzivisa mashoko akanakisisa nokuda kwevanhu.

Kutendeutsa Here Kana Kuti Kuparidza Evhangeri?

12. ‘Kutendeutsa vanhu’ kwakasvika pakuonekwa sei?

12 Mazuva ano vamwe vanoti kutendeutsa vanhu kwakaipa. Rimwe gwaro rinobudiswa neWorld Council of Churches rinototaura nezve“chivi chokutendeutsa vanhu.” Nei? Magazini inonzi Catholic World Report inoti: “Pamusana pokunyunyuta kwenguva dzose kunoitwa muchechi yeOrthodox, ‘kutendeutsa vanhu’ kwava kuonekwa sokunoreva kutendeutsa nechisimba.”

13. Ndeipi mimwe mienzaniso yokutendeutsa kusina kunaka?

13 Kutendeutsa kune ngozi here? Inogona kuvapo. Jesu akati kutendeutsa kwaiitwa nevanyori nevaFarisi kwaikanganisa vanhu vavaitendeutsa. (Mateu 23:15) Chokwadi “kutendeutsa nechisimba” hakuna kururama. Somuenzaniso, maererano nomunyori wenhau dzakaitika Josephus, apo John Hyrcanus muMaccabee akakunda vaIdumaea, aka“vatendera kuramba vari munyika yavo chero bedzi vaibvuma kudzingiswa uye vaida kuchengeta mitemo yevaJudha.” Kana vaIdumaea vaizorarama pasi poutongi hwechiJudha, vaizofanira kuva muchitendero chechiJudha. Vanyori venhau dzakaitika vanotiudza kuti muzana remakore rechisere C.E., Charlemagne akakunda vaSaxon vechihedheni vokuchamhembe kweEurope ndokuvamanikidza noutsinye kutendeuka. * Zvino tingati here vaSaxon nevaIdumaea vakatendeuka nomwoyo wose? Somuenzaniso, tingati Mambo wevaIdumaea Herodhi—uyo akaedza kuita kuti mucheche Jesu aurayiwe—aida zvechokwadi Mutemo waMosesi wakafuridzirwa naMwari here?—Mateu 2:1-18.

14. Mamwe mamishinari echiKristudhomu anomanikidza sei vanhu kutendeuka?

14 Vanhu vanomanikidzwa kutendeuka here nhasi? Mupfungwa yakati, vamwe vanodaro. Zvinonzi mamwe mamishinari echiKristudhomu anoti kana vanhu vakatendeuka vanogona kupiwa dzidzo mhiri kwemakungwa. Kana kuti vangati mupoteri ari kuziya nenzara agare achiteerera mharidzo kuti azogoverwa zvokudya. Maererano nezvakataurwa muna 1992 nesangano remaBhishopu eOrthodox, “kutendeutsa dzimwe nguva kunoitwa pachishandiswa ruchiva rwezvinhu uye dzimwe nguva nemarudzi akasiyana-siyana echisimba.”

15. Zvapupu zvaJehovha zvinotendeutsa maererano nezvinoreva shoko racho mazuva ano here? Tsanangura.

15 Hazvina kunaka kumanikidza vanhu kuchinja chitendero chavo. Zvapupu zvaJehovha hazvimboiti nenzira iyoyo. * Nokudaro, hazvitendeutsi mupfungwa inorehwa neshoko racho mazuva ano. Asi, kufanana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, vanoparidza mashoko akanaka kumunhu wose. Chero ani zvake anobvuma nokuzvidira anokokwa kuwedzera zivo nokudzidza Bhaibheri. Vanofarira vakadaro vanodzidza kutenda muna Mwari nezvinangwa zvake, zvichibva pazivo yakarurama yeBhaibheri. Somugumisiro, vanodana pazita raMwari, Jehovha, kuti vaponeswe. (VaRoma 10:13, 14, 17) Vanozozvisarudzira kana vachida kana kuti vasingadi kugamuchira mashoko akanaka. Hazviiti zvokumanikidzirwa. Kudai zvainzarwo, kutendeuka kwaisazoreva chinhu. Kuti kugamuchirwe naMwari, kunamata kunofanira kubva mumwoyo.—Dheuteronomio 6:4, 5; 10:12.

Kuparidza Evhangeri Mazuva Ano

16. Basa rokuparidza evhangeri reZvapupu zvaJehovha rakawedzera sei munguva dzazvino?

16 Mazuva ano ose, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiparidza mashoko akanaka oUmambo mukuzadzika kukuru kwaMateu 24:14. Chinhu chikuru chavave vachishandisa mubasa ravo rokuparidza evhangeri imagazini yeNharireyomurindi. * Muna 1879, pakabudiswa magazini dzokutanga dzeNharireyomurindi, magazini yacho yaibudiswa makopi 6 000 mumutauro mumwe. Mugore ra2001, makore anopfuura 121 gare gare, pava kubudiswa makopi 23 042 000 mumitauro 141. Kukura kwebasa rokuparidza evhangeri reZvapupu zvaJehovha kwave kuchienderana nokuwedzera ikoko. Enzanisa zviuru zvishomanana zvemaawa zvakapedzerwa gore rimwe nerimwe mubasa rokuparidza muzana remakore rechi19 nemaawa 1 169 082 225 akapedzerwa mubasa rokuparidza mugore rebasa ra2001. Funga nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvisingabhadhariswi zvinokwana 4 912 702 paavhareji zvakaitiswa mwedzi mumwe nomumwe. Chokwadi pakaitwa basa guru kwazvo rakaisvonaka! Uye rakaitwa nevaparidzi voUmambo vanoshingaira vanosvika 6 117 666.

17. (a) Ndivanamwari venhema vapi vanonamatwa nhasi? (b) Pasinei nomutauro wake, rudzi, kana chinzvimbo chake munzanga, munhu wose anofanira kuzivei?

17 Munyori wepisarema anoti: “Vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; asi Jehovha wakaita kudenga-denga.” (Pisarema 96:5) Munyika yanhasi, urudzi, zviratidzo zvenyika, vanhu vakakurumbira, zvinhu zvokunyama, uye kunyange pfuma pachayo zvave zvichinamatwa. (Mateu 6:24; VaEfeso 5:5; VaKorose 3:5) Mohandas K. Gandhi akamboti: “Ini ndinonyatsofunga kuti . . . Europe nhasi inongova yechiKristu chokungotaura. Chaizvoizvo iri kunamata Mammon [upfumi].” Zviripo ndezvokuti, mashoko akanaka anofanira kunzwiwa kwose kwose. Munhu wose, pasinei nomutauro wake, rudzi, kana chinzvimbo chake munzanga, anofanira kuziva Jehovha nezvinangwa zvake. Tinoti dai vanhu vose vaizobvuma mashoko omunyori wepisarema anoti: “Ipai Jehovha kukudzwa nesimba. Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake”! (Pisarema 96:7, 8) Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha zvokuti vanogona kumupa mbiri. Uye vaya vanobvuma vanobatsirwa kwazvo. Zvii zvavanobatsirwa nazvo? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Maererano neThe Catholic Encyclopedia, panguva yoKushanduka kwezvinhu kumanikidza vanhu kupinda chitendero kwairatidzwa nokutaura kwokuti: Cuius regio, illius et religio (Chaizvoizvo izvi zvinoreva kuti: “Chero ani zvake anotonga nyika ndiye anoisarudzirawo chitendero.”)

^ ndima 15 Pamusangano weUnited States International Religious Freedom Commission musi waNovember 16, 2000, mumwe akapinda akaratidza musiyano wevaya vanoedza kumanikidza kutendeuka, nebasa reZvapupu zvaJehovha. Zvakaonekwa kuti Zvapupu zvaJehovha pazvinoparidzira vamwe, zvinozviita nenzira iya yokuti munhu anogona kungoti “Handifariri” obva avhara musuwo.

^ ndima 16 Musoro wakazara wemagazini yacho unoti Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Nei Zvapupu zvaJehovha zviri vaparidzi veevhangeri vanoshingaira?

• Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza kunyange uko chiKristudhomu chinenge chatanga machechi acho?

• Nei Zvapupu zvaJehovha zvisiri kutendeutsa vanhu maererano nezvinorehwa neshoko racho mazuva ano?

• Basa rokuparidza evhangeri reZvapupu zvaJehovha rakura sei munguva dzazvino?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Jesu aiva muparidzi weevhangeri anoshingaira uye akarovedza vamwe kuita basa iroro

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vose vaiva muungano yomuzana remakore rokutanga vaiparidza evhangeri

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kumanikidza vanhu kuchinja chitendero chavo hakuna kunaka