Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakuru—Rovedzai Vamwe Kutakura Mitoro

Vakuru—Rovedzai Vamwe Kutakura Mitoro

Vakuru—Rovedzai Vamwe Kutakura Mitoro

MUUNGANO dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose, muri kudiwa nokukurumidza varume vanogona kushanda sevatariri. Pane zvikonzero zvikuru zvitatu nei zvinhu zvakadai.

Chokutanga, Jehovha ari kuzadzika chipikirwa chake chokuita “wakadukupa . . . rudzi rune simba.” (Isaya 60:22) Nomutsa wake usina kufanirwa, vadzidzi vatsva vanoda kusvika miriyoni vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha mumakore matatu apfuura. Varume vanokwanisa vari kudiwa kuti vabatsire vatsva ava vakabhabhatidzwa kufambira mberi kuti vave vaKristu vakakura.—VaHebheru 6:1.

Chechipiri, vamwe vakashanda sevakuru kwemakumi emakore vakaitwa kuti vaderedze mitoro yavo muungano nokukura uye zvinetso zvoutano.

Chechitatu, vakuru vechiKristu vakati kuti vari kushanda mumatare anoona nezvezvipatara (Hospital Liaison Committees), Matare Okuvaka Omunharaunda, kana kuti Matare Okuvaka Dzimba Dzemagungano. Vamwe vave vachifanira kudzikamisa mitoro yavo kuburikidza nokusiya mimwe yacho muungano mavo.

Saka vamwe varume vanokwanisa vari kudiwa zvikuru vangawanikwa sei? Kurovedza ndiwo musimboti wacho. Bhaibheri rinokurudzira vatariri vechiKristu kurovedza “va[rume] vakatendeka, avo, vachavawo vanonyatsokwanisa kudzidzisa vamwe.” (2 Timoti 2:2) Chiito chokuti “kurovedza” chinoreva kudzidzisa kuitira kuti munhu akodzere, akwanise, kana kuti anyatsogona. Ngationei kuti vakuru vangarovedza sei vamwe varume vanokwanisa.

Teverai Muenzaniso waJehovha

Jesu Kristu akanga ‘akakodzera, achikwanisa uye achinyatsogona basa rake—uye izvozvo hazvishamisi! Akarovedzwa naJehovha Mwari pachake. Zvinhu zvipi zvakaita kuti purogiramu iyi yokurovedza ibudirire? Jesu akataura zvitatu, semanyorerwo akaitwa pana Johani 5:20: “Baba [1] vanoda Mwanakomana kwazvo uye [2] vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita, uye vachamuratidza [3] mabasa makuru kune aya.” Kuongorora chimwe nechimwe chezvitatu izvi kuchatipa nzwisiso panyaya yokurovedza.

Cherechedza kuti Jesu akatanga ati: “Baba vanoda Mwanakomana kwazvo.” Kubvira pamavambo okusikwa kwezvinhu, ukama hwakanaka hwaivepo pakati paJehovha noMwanakomana wake. Zvirevo 8:30 inojekesa ukama ihwohwo ichiti: “Nenguva iyo [ini Jesu] ndaiva naye, ndiri mhizha; ndaimufadza [Jehovha Mwari] zuva rimwe nerimwe, ndichi[fara] pamberi pake nguva dzose.” Pakanga pasina mubvunzo mupfungwa dzaJesu kuti Jehovha ‘aifadzwa’ naye. Uye Jesu haana kuvanza mufaro waainzwa paaishanda naBaba vake. Zvakazonaka kana paine ushamwari hwakasununguka pakati pevakuru vechiKristu nevaya vavari kurovedza!

Chinhu chechipiri chakataurwa naJesu ndechokuti Baba “vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita.” Mashoko aya anotsigira zviri pana Zvirevo 8:30, zvokuti Jesu ‘aiva naJehovha paisikwa zvinhu zvose.’ (Genesi 1:26) Vakuru vanogona kutevedzera muenzaniso iwoyo nokushanda pamwe chete nevashumiri vanoshumira, vachivaratidza maitiro avangaita mabasa avo zvakanaka. Zvisinei vashumiri vanoshumira vachangogadzwa handivo chete vanoda kuramba vachirovedzwa. Zvakadini nehama dzakatendeka dzave dzichisvasvavirira basa routariri kwemakore akawanda asi dzisina kugadzwa? (1 Timoti 3:1) Vakuru vanofanira kupa zano rakananga kuvarume vakadaro kuitira kuti vazive pavari kufanira kugadziridza.

Somuenzaniso, mushumiri anoshumira angava akavimbika, achichengeta nguva, uye achiita mabasa ake nomazvo. Angavawo ari mudzidzisi akanaka zvikuru. Muzvakawanda zvaari kuita muungano angava ari kuita zvakazonaka. Zvisinei, angasaziva kuti ane kamuitiro kokubata vamwe vaKristu nehasha. Vakuru vanofanira kuratidza “unyoro hwouchenjeri.” (Jakobho 3:13) Ungasava mutsa here kana mumwe mukuru akataura nomushumiri anoshumira wacho, achimujekesera chinetso chacho, achipa mienzaniso yaanotoziva, opa mazano anoshanda kuti avandudze? Kana mukuru wacho ‘akarunga zano rake nomunyu’ kazhinji kacho zvaanotaura zvichagamuchirwa. (VaKorose 4:6) Ichokwadi mushumiri anoshumira wacho achaita kuti zvirerukire mukuru nokuva akasununguka neanogamuchira zano ripi zvaro raanopiwa.—Pisarema 141:5.

Mudzimwe ungano, vakuru vari kugara vachirovedza vashumiri vanoshumira. Somuenzaniso, vanotora mushumiri anoshumira voenda naye pavanoshanyira vanorwara nevakwegura. Nenzira iyoyo mushumiri anoshumira anowana ruzivo mubasa rokufudza. Ichokwadi kuti pane zvakawanda zvinogona kuitwa nomushumiri anoshumira kuti awedzere kufambira mberi kwake mune zvokunamata.—Ona bhokisi riri pazasi rine musoro unoti “Zvinogona Kuitwa Nevashumiri Vanoshumira.”

Chechitatu chakaita kuti kurovedzwa kwaJesu kubudirire zvakadaro ndechokuti Jehovha akamurovedza achifunga nezvokufambira mberi kwomunguva yemberi. Jesu akati Baba vaizomuratidza “mabasa makuru kune aya.” Ruzivo rwakawanikwa naJesu pasi pano rwakamuita kuti ave nounhu hwaizoita kuti akwanise mabasa aaizopiwa munguva yemberi. (VaHebheru 4:15; 5:8, 9) Somuenzaniso, Jesu achapiwa basa guru kwazvo—rokumutsa uye kutonga mabhiriyoni evanhu vakafa!—Johani 5:21, 22.

Pakurovedza vashumiri vanoshumira, vakuru nhasi vanofanira kufunga nezveremangwana. Nepo pangaita sepane vakuru nevashumiri vanoshumira vakakwana vanotarisira zviri kudiwa panguva ino, zvicharamba zvakadaro kana pakaumbwa ungano itsva here? Ko kana ungano dzakati kuti dzikaumbwa? Mumakore matatu akapfuura, maiva neungano dzinopfuura 6 000 munyika yose. Pane nhamba huru zvikuru yevakuru nevashumiri vanoshumira vanodiwa kuti vatarisire ungano itsva idzodzo!

Vakuru, muri kutevedzera muenzaniso waJehovha nokukudziridza ukama hwakanaka nevarume vamuri kurovedza here? Muri kuvaratidza nzira yokuita nayo basa ravo here? Munofunga nezvezvinodiwa mune remangwana here? Kutevedzera muenzaniso waJehovha mukurovedza kwake Jesu kuchaguma nezvikomborero zvakapfuma kuvakawanda.

Musazeza Kugovera Mabasa

Vakuru vanokwanisa vakajairira kuita mabasa akawanda anorema vari voga vangaona zvichiti omei kupa vamwe mamwe mabasa. Vangave vakambozviedza munguva yakapfuura zvikasafamba zvakanaka. Saka vangava nepfungwa yokuti, ‘Kana uchida kuti basa riitwe nemazvo, wotoriita iwe pachako.’ Asi mafungiro iwayo anotsinhirana nokuda kwaJehovha here, sokuratidzwa kwakunoitwa muMagwaro, kwokuti varume vasina ruzivo vanofanira kurovedzwa nevane ruzivo?—2 Timoti 2:2.

Muapostora Pauro akaodzwa mwoyo apo mumwe wevaaifamba navo, Johani Mako, akasiyira basa rake panzira paPamfiriya ndokudzokera kumusha. (Mabasa 15:38, 39) Zvisinei, Pauro haana kurega chipingamupinyi ichocho chichimuodza mwoyo pakurovedza vamwe. Akasarudza imwe hama yechiduku, Timoti, ndokumurovedza mubasa roumishinari. * (Mabasa 16:1-3) PaBheriya mamishinari acho akasangana nokupikiswa kwaityisa zvokuti zvakanga zvisisaiti kuti Pauro arambe aripo. Saka akasiya ungano yacho itsva yava kutarisirwa naSirasi, imwe hama yechikuru yaive yakakura mumudzimu, uye Timoti. (Mabasa 17:13-15) Hapana mubvunzo kuti Timoti akadzidza zvakawanda kubva kuna Sirasi. Pava paya, apo Timoti akanga agadzirira kutakura mimwe mitoro, Pauro akamutuma kuTesaronika kunokurudzira ungano yeko.—1 VaTesaronika 3:1-3.

Ukama hwaiva pakati paPauro naTimoti hwakanga husiri huya hwevanhu vangosanganawo panzira, hwakatonhora. Vainyatsowirirana. Paainyorera ungano yokuKorinde, Pauro akataura nezvaTimoti, uyo waaironga kutumirako, se“mwana wa[ke] anodiwa uye akatendeka munaShe.” Akawedzera kuti: “[Timoti] achakurangaridzai nezvemitoo yangu pamusoro paKristu Jesu.” (1 VaKorinde 4:17) Timoti akashandisa kurovedzwa kwaakaitwa naPauro, akava anokwanisa kuita mabasa ake. Hama dzechiduku dzakawanda dzakava vashumiri vanoshumira, vakuru, kunyange vatariri vanofambira vanokwanisa nokuti dzakabatsirwa nokurovedzwa kwadzakawana kuvarume vakuru vainyatsodzifarira, sezvakaitwa naPauro kuna Timoti.

Vakuru, Rovedzai Vamwe!

Zviri pachena kuti uprofita huri pana Isaya 60:22 huri kuzadzika nhasi. Jehovha ari kuita kuti ‘wakadukupa ave rudzi rune simba.’ Kuti rudzi irworwo rurambe rune “simba,” runofanira kuva rwakanyatsorongwa. Vakuru, madii kufunga nezvenzira dzokuwedzera dzokurovedza kwamungaita varume vakazvitsaurira vanokwanisa kurovedzwa? Ivai nechokwadi chokuti mushumiri anoshumira mumwe nomumwe anonyatsoziva zvaanofanira kugadziridza kuti afambire mberi. Uye imi hama dzakabhabhatidzwa, nyatsoshandisai kurovedzwa kwamunoita somunhu woga. Shandisai mikana yamunowana kuwedzera mano enyu noruzivo pamunenge muchishanda. Jehovha haamboregi kukomborera purogiramu yokubatsira norudo yakadaro.—Isaya 61:5.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Pava paya, Pauro akazoshandazve naJohani Mako.—VaKorose 4:10.

[Bhokisi riri papeji 30]

Zvinogona Kuitwa Nevashumiri Vanoshumira

Nepo vakuru vachifanira kurovedza vashumiri vanoshumira, pane zvakawanda zvinogona kuitwa nevashumiri vanoshumira pachavo kuti vafambire mberi mune zvokunamata.

—Vashumiri vanoshumira vanofanira kuita mabasa avo nomwoyo wose uye nokuvimbika. Vanofanira kuvawo nomuitiro wakanaka wokudzidza. Kusvika kumwero mukuru zvikuru, kufambira mberi kunoenderana nokudzidza uye nokushandisa zvadzidzwa.

—Kana mushumiri anoshumira achigadzirira hurukuro yokupa pamusangano wechiKristu, haafaniri kuzeza kukumbira mukuru anokwanisa kuti amubatsire kuti angaipa sei.

—Mushumiri anoshumira wacho angakumbirawo mumwe mukuru kuti aone kuti achapa sei hurukuro yeBhaibheri uye kuti amupe zano rokuvandudza.

Vashumiri vanoshumira vanofanira kutsvaka, kubvuma, uye kushandisa zano rinobva kuvakuru. Nenzira iyi, kufambira mberi kwavo ‘kuchaonekwa nevanhu vose.’—1 Timoti 4:15.