Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvikomborero Zvinobva Mumashoko Akanaka

Zvikomborero Zvinobva Mumashoko Akanaka

Zvikomborero Zvinobva Mumashoko Akanaka

“Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, . . . kuti ndinyaradze vose vanochema.”—ISAYA 61:1, 2.

1, 2. (a) Jesu akazivisa kuti iye aiva ani, uye sei? (b) Mashoko akanaka akaziviswa naJesu akaunza zvikomboreroi?

RIMWE zuva reSabata kumavambo kwoushumiri hwake, Jesu akanga ari musinagoge muNazareta. Zvakanyorwa zvinoti, “akagamuchidzwa mupumburu womuprofita Isaya, uye akazarura mupumburu akawana pakanga pakanyorwa kuti: ‘Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka.’” Jesu akapfuurira kuverenga zvimwe zviri mundima yacho youprofita. Apedza akagara pasi akati: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika.”—Ruka 4:16-21.

2 Nenzira iyi, Jesu akazivisa kuti iye pachake ndiye muparidzi weevhangeri akaprofitwa nezvake, mutauri wemashoko akanaka uye munyaradzi. (Mateu 4:23) Uye zvaifanira kutaurwa naJesu aiva mashoko akanaka zvechokwadi! Akataurira vakanga vakamuteerera kuti: “Ndini chiedza chenyika. Anonditevera haazombofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” (Johani 8:12) Akatiwo: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo, uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:31, 32) Hungu, Jesu aiva ne“mashoko oupenyu husingaperi.” (Johani 6:68, 69) Chiedza, upenyu, rusununguko—zvechokwadi izvi zvikomborero zvinofanira kukosheswa!

3. Vadzidzi vaJesu vakaparidza mashokoi akanaka?

3 Pashure pePendekosti ya33 C.E., vadzidzi vakapfuurira nebasa raJesu rokuparidza evhangeri. Vakaparidza “mashoko akanaka oumambo” kuvaIsraeri nokuvanhu vemarudzi. (Mateu 24:14; Mabasa 15:7; VaRoma 1:16) Vaya vakaabvuma vakasvika pakuziva Jehovha Mwari. Vakasunungurwa kubva pakuva varanda vezvitendero vakava nhengo dzorudzi rwomudzimu, “Israeri waMwari,” ane nhengo dzine tarisiro yokutonga nokusingaperi mudenga naIshe wavo, Jesu Kristu. (VaGaratiya 5:1; 6:16; VaEfeso 3:5-7; VaKorose 1:4, 5; Zvakazarurwa 22:5) Zvechokwadi izvozvo zvaiva zvikomborero zvinokosha kwazvo!

Kuparidza Evhangeri Nhasi

4. Basa rokuparidza mashoko akanaka riri kuitwa munzira ipi nhasi?

4 Nhasi, vaKristu vakazodzwa, vachitsigirwa ne“boka guru” re“mamwe makwai,” vanoenderera mberi kuita basa rakaprofitwa nezvaro rakanga ratanga kupiwa kuna Jesu. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Nokudaro mashoko akanaka ari kuparidzwa zvisati zvamboonekwa. Munyika uye ndima 235, Zvapupu zvaJehovha zvakabuda ‘kunoparidzira vanyoro mashoko akanaka; kunorapa vane mwoyo yakaputsika, kunoparidzira vakatapwa kusunungurwa, nokune vakasungwa kuti vachazarurirwa; kunoparidza gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kunonyaradza vose vanochema.’ (Isaya 61:1, 2) Nokudaro, basa rechiKristu rokuparidza evhangeri rinoramba richiunza zvikomborero kune vakawanda uye nyaradzo yechokwadi kune vaya “vari pakutambudzika kworudzi rupi norupi.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

5. Nezvokuparidza mashoko akanaka, Zvapupu zvaJehovha zvakasiyana sei nedzimwe chechi dzechiKristudhomu?

5 Ichokwadi kuti machechi echiKristudhomu anotsigira nemari mimwe mitoo yokuparidza evhangeri. Akawanda anotumira mamishinari kunotendeutsa vanhu mune dzimwe nyika. Somuenzaniso, The Orthodox Christian Mission Center Magazine inoshuma nezvebasa remamishinari eOrthodox ari kuMadagascar, kumadokero kweAfrica, kuTanzania, neZimbabwe. Zvisinei, muChechi yeOrthodox, kufanana nomudzimwe chechi dzechiKristudhomu, ruzhinji rwenhengo dzayo hadziiti basa iroro. Kusiyana navo, Zvapupu zvaJehovha zvose zvakazvitsaurira zvinoedza kuita basa rokuparidza evhangeri. Zvinoziva kuti kuzivisa mashoko akanaka ndiko kunoratidza kuti kutenda kwazvo ndokwechokwadi. Pauro akati: “Munhu anotenda nemwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.” Kutenda kusingaiti kuti munhu aite mabasa, kutaura chokwadi kwakafa.—VaRoma 10:10; Jakobho 2:17.

Mashoko Akanaka Anounza Zvikomborero Zvisingagumi

6. Mashokoi akanaka ari kuparidzwa nhasi?

6 Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza mashoko akanakisisa anobvira kuparidza. Zvinozarura maBhaibheri azvo zvoratidza vanoda kuti Jesu akabayira upenyu hwake kuti ape vanhu nzira yokutaura nayo naMwari, vakanganwirwe zvivi, uye vave netariro youpenyu husingaperi. (Johani 3:16; 2 VaKorinde 5:18, 19) Zvinozivisa kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa kudenga pasi paMambo akazodzwa, Jesu Kristu, uye kuti nokukurumidza huchabvisa uipi panyika hwotarisira kudzorerwa kweParadhiso. (Zvakazarurwa 11:15; 21:3, 4) Mukuzadzika kwouprofita hwaIsaya, zvinozivisa vavakidzani vazvo kuti iye zvino rava “gore rengoni dzaJehovha” apo vanhu vachiri kukwanisa kugamuchira mashoko akanaka. Zvinonyeverawo kuti nokukurumidza pachauya “zuva rokutsiva raMwari wedu” apo Jehovha achagumisa vaiti vezvakaipa vasingapfidzi.—Pisarema 37:9-11.

7. Chiitiko chipi chinoratidza kubatana kweZvapupu zvaJehovha, uye nei zvakabatana zvakadaro?

7 Munyika yamomoterwa nenhamo nematambudziko, aya ndiwo chete mashoko akanaka anobatsira zvisingaperi. Vanoagamuchira vanova vamwe vehama dzechiKristu dzomunyika yose dzakabatana idzo dzisingabvumi kuparadzaniswa nokusiyana kwadzakaita parudzi, dzinza kana mari. ‘Vakapfeka rudo, nokuti chisungo chakakwana chokubatana.’ (VaKorose 3:14; Johani 15:12) Izvi zvakaoneka gore rapera mune imwe nyika yomuAfrica. Mamwe mangwanani vanhu vomuguta guru remo vakamutswa nokurira kwepfuti. Pane vakanga vachiedza kupidigura hurumende. Zvakabva zvazongoti pindu, zvikatanga kubatanidza kuvengana kwemadzinza, imwe mhuri yeZvapupu ikatsoropodzwa kuti yakanga iri kuhwandisa mumwe wavo aivawo Chapupu, aiva werimwe dzinza. Mhuri yacho yakapindura ichiti: “Tinongova neZvapupu zvaJehovha zvoga zviri kugara mumba medu.” Kwavari kusiyana kwemadzinza kwakanga kusina basa; rudo rwechiKristu—kunyaradza vanoshayiwa—ndiko kwakanga kwakakosha. Imwe hama yemhuri iyi yakanga isiri Chapupu yakataura kuti: “Vamwe vezvimwe zvitendero zvose vakatengesa vavainamata navo. Zvapupu zvaJehovha zvoga ndizvo zvisina kudaro.” Zviitiko zvakawanda zvakadaro zvinobva kunyika dzasakadzwa nokurwisana kwevagari vemo zvinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha ‘zvinoda sangano rose rehama’ zvechokwadi.—1 Petro 2:17.

Mashoko Akanaka Anochinja Vanhu

8, 9. (a) Vaya vanogamuchira mashoko akanaka vanochinja sei? (b) Zviitiko zvipi zvinoratidza simba remashoko akanaka?

8 Mashoko akanaka ane chokuita nohwakanzi naPauro “upenyu huno nehuchauya.” (1 Timoti 4:8) Haangopi tariro inoshamisa, yechokwadi yenguva yemberi asiwo anoita kuti “upenyu huno” huve nani. Mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha anotungamirirwa neShoko raMwari, Bhaibheri, kuti aite kuti upenyu hwake huenderane nokuda kwaMwari. (Pisarema 119:101) Unhu hwavo chaihwo hunoitwa hutsva sezvavanokudziridza zvinhu zvakadai sokururama nokuvimbika.—VaEfeso 4:24.

9 Fungai muenzaniso waFranco. Dambudziko rake raiva rehasha. Zvinhu pazvaingoti tsveyamei chete, aibva atanga kupengereka achipwanya-pwanya zvinhu. Mudzimai wake aidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye muenzaniso wazvo wechiKristu wakabatsira Franco zvishoma nezvishoma kuona kuti aifanira kuchinja. Akadzidza Bhaibheri nazvo uye pakupedzisira akakwanisa kuratidza zvibereko zvomudzimu mutsvene zvorugare nokuzvidzora. (VaGaratiya 5:22, 23) Aiva mumwe we492 vakabhabhatidzwa muBelgium mugore rebasa ra2001. Fungaizve nezvaAlejandro. Jaya iroro rakapindwa muropa nezvinodhaka zvokuti rakanga rongoswerotevedza mabhini richitsvaka chero charaiwana chokutengesa kuti ritsigire tsika yaro yokushandisa zvinodhaka. Alejandro paakanga ava nemakore 22, Zvapupu zvaJehovha zvakamukoka kuti adzidze Bhaibheri, uye akabvuma. Akaverenga Bhaibheri mazuva ose uye akapinda misangano yechiKristu. Akachenesa upenyu hwake zvokuti mumwedzi isingasviki mitanhatu, akanga ava kukwanisa kuita basa rokuparidza evhangeri—achiva mumwe we10 115 vakaita kudaro muPanama.

Mashoko Akanaka—Chikomborero Kuvanyoro

10. Ndivanaani vanobvuma mashoko akanaka, uye mafungiro avo anochinja sei?

10 Isaya akaprofita kuti mashoko akanaka aizoparidzwa kuvanyoro. Vanyoro ava ndivanaani? Ndivo vaya vanotsanangurwa mubhuku raMabasa se“vaida upenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48) Vanhu vanozvininipisa vanowanika munzanga dzose, vanozarurira mwoyo yavo kumashoko echokwadi. Vakadaro vanodzidza kuti kuita kuda kwaMwari kunounza mibayiro yakanakisisa zvikuru kudarika chii zvacho chinopiwa nenyika. (1 Johani 2:15-17) Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinosvika sei pamwoyo mubasa razvo rokuparidza evhangeri?

11. Maererano naPauro, mashoko akanaka anofanira kuparidzwa sei?

11 Imbofungai muenzaniso womuapostora Pauro, uyo akanyorera vaKorinde kuti: “Ini, pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokutaura kwokunyanyisa kana kwouchenjeri ndichikuzivisai chakavanzika chitsvene chaMwari. Nokuti ndakasarudza kusaziva chinhu pakati penyu kunze kwaJesu Kristu, akarovererwa.” (1 VaKorinde 2:1, 2) Pauro haana kuedza kuorora vateereri vake nedzidzo yake. Chaakangodzidzisa chaiva chokwadi chakavimbiswa naMwari, chokwadi icho nhasi chakanyorwa muBhaibheri. Cherechedzai zvakare izvo Pauro akakurudzira mumwe waaiparidza evhangeri naye, Timoti kuti: “Paridza shoko, riite nokukurumidza.” (2 Timoti 4:2) Timoti aifanira kuparidza “shoko,” mashoko aMwari. Pauro akanyorerawo Timoti kuti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Timoti 2:15.

12. Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera sei mashoko nomuenzaniso waPauro?

12 Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera muenzaniso waPauro nemashoko ake kuna Timoti. Zvinobvuma simba reShoko raMwari zvorishandisa sezvazvinotsvaka kuratidza vavakidzani vazvo mashoko akakodzera etariro nenyaradzo. (Pisarema 119:52; 2 Timoti 3:16, 17; VaHebheru 4:12) Ichokwadi kuti zvinoshandisa zvakanaka mabhuku azvo eBhaibheri zvokuti vanofarira vanogona kuwana zivo yakawanda yeBhaibheri vakasununguka havo. Asi zvinogara zvichitsvaka kuratidza vanhu mashoko anotaurwa neMagwaro. Zvinoziva kuti Shoko raMwari rakafuridzirwa richaorora mwoyo yevanozvininipisa. Uye kurishandisa munzira iyi kunosimbisa kutenda kwazvowo.

‘Nyaradza Vose Vanochema’

13. Mugore ra2001, zviitikoi zvakaita kuti vanochema vari kwakawanda-wanda vade kunyaradzwa?

13 Mugore ra2001 maivawo nenjodzi dzaiitika, zvikaita kuti pave nevanhu vakawanda vaida kunyaradzwa. Muenzaniso mukuru ndewokurwisa kwakaita magandanga World Trade Center muNew York nePentagon pedyo neWashington, D.C. kuUnited States muna September apfuura. Nyika yacho yose yakavhundutswa nokurwisa ikoko! Zvichitarira zviitiko zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zviri kuedza kwazvo kuita basa razvo ‘rokunyaradza vose vanochema.’ Zviitiko zvishomanana zvicharatidza kuti zvinozviita sei.

14, 15. Pazviitiko zviviri zvakasiyana Zvapupu zvakakwanisa sei kushandisa magwaro zvinobudirira kunyaradza vanochema?

14 Chimwe Chapupu chinoparidza evhangeri nguva yakazara chakataura nomumwe mukadzi munofambirwa nevetsoka ndokumubvunza kuti aifungei nokurwisa kwakanga kuchangobva kuitwa nemagandanga. Mukadzi wacho akatanga kusvimha misodzi. Akati ainzwa urombo uye chido chake chaiva chokuti kudai aigona kubatsira neimwe nzira. Chapupu chacho chakamutaurira kuti Mwari anotifarira tose zvikuru, uye chakamuverengera Isaya 61:1, 2. Mashoko aya akafuridzirwa naMwari akava nomusoro kumukadzi uyu uyo akataura kuti munhu wose aichema. Akagamuchira turakiti akakumbira Chapupu chacho kumushanyira kumba kwake.

15 Zvimwe Zvapupu zviviri zvaiva mubasa rokuparidza evhangeri zvakasangana nomumwe murume akanga ari kushanda muimba yake yokuchengetera zvinhu. Zvakati zvaida kumuratidza mashoko enyaradzo anobva muMagwaro maererano nenjodzi yakanga ichangobva kuitika paWorld Trade Center. Abvuma, vakaverenga 2 VaKorinde 1:3-7, inosanganisira mashoko anoti: “Kunyaradzwa . . . kunowanda nokuda kwaKristu.” Murume wacho akafara kuti vavakidzani vake, Zvapupu, vakanga vari kugoverana nevamwe chimwe chinhu chinonyaradza, ndokuti: “Mwari ngaakomborere basa rakanaka kwazvo ramuri kuita.”

16, 17. Zviitiko zvipi zviviri zvinoratidza simba reBhaibheri rokubatsira vanhu vakaora mwoyo kana kuvhiringidzwa nenjodzi?

16 Chimwe Chapupu chakanga chichidzokera kuvanhu vanofarira chakasangana nomwanakomana womumwe mukadzi akanga amboratidza kufarira chikatsanangura kuti chakanga chichinetseka kuti vavakidzani vacho vakanga vari kuita sei pashure penjodzi yakanga ichangobva kuitika. Murume wacho akashamiswa kuti Chapupu chacho chakanga chashandisa nguva yacho kuti chione kuti vanhu vari sei. Akati akanga achishandira pedyo nepaWorld Trade Center pakaitika njodzi yacho uye akaona zvose nemaziso ake zvichitoitika. Paakabvunza kuti nei Mwari achibvumira kutambura, Chapupu chacho chakaverenga ndima dzinobva muBhaibheri, kusanganisira Pisarema 37:39, iro rinoti: “Kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.” Murume wacho akabvunza nomutsa kuti Chapupu chacho nemhuri yacho vakanga vari sei, akachikoka kuti chizodzoka, ndokuonga nomwoyo wose kushanya kwachakanga chaita.

17 Mumwe wezviuru zvevanochema zvakanyaradzwa neZvapupu zvaJehovha mumazuva akatevera kurwisa kwemagandanga, mudzimai akasangana neZvapupu pazvaishanyira vavakidzani vazvo. Akanga akagumbuka kwazvo nezvakanga zvaitika uye akateerera sezvazvaiverenga Pisarema 72:12-14 rinoti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakunamikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.” Zvechokwadi mashoko iwayo akanga akanaka kwazvo! Mukadzi wacho akakumbira Zvapupu zvacho kuverenga zvakare ndima idzodzo ndokuzvikumbira kuti zviuye kumba kwake kuzoenderera mberi nekurukurirano yacho. Pakazopera kurukurirano yacho, chidzidzo cheBhaibheri chakanga chatotangwa.

18. Chimwe Chapupu chakabatsira sei vavakidzani vacho pachakakumbirwa kunyengetera?

18 Chimwe Chapupu chinoshanda muresitorendi munharaunda yakati simukirei umo vanhu vakanga vasinganyanyi kufarira mashoko akanaka oUmambo. Pashure pokurwisa kwemagandanga, nharaunda yacho yakaratidza kuvhunduka. Chishanu manheru pashure pokurwisa kwacho, maneja weresitorendi yacho akakumbira vanhu vose kubuda panze vobata makenduru mumaoko, vachirangarira kwenguva pfupi vanyerere vanhu vakanga vafa. Chichiremekedza manzwiro avo, Chapupu chacho chakabuda ndokumira chinyerere munofambirwa nevetsoka. Maneja wacho aiziva kuti chaiva mushumiri weZvapupu zvaJehovha, saka nguva yokurangarira yapfuura, akachikumbira kuti chimiririre vanhu vose mumunyengetero. Chapupu chacho chakabvuma. Mumunyengetero wacho, chakataura nezvokuchema kwaiita vanhu vose asi ndokuti vachemi vacho vaisafanira kuchema vasina tariro. Chakataura nezvenguva apo zviitiko zvinotyisa zvakadaro zvisingazoitikizve ndokuti vose vaigona kuswedera pedyo naMwari wenyaradzo kuburikidza nezivo yakarurama inobva muBhaibheri. Pashure pokuti “Ameni,” maneja wacho—achiteverwa nevanhu vanopfuura 60 vaiva panze peresitorendi yacho—akaenda paiva neChapupu chacho, akachionga, ndokuchimbundira, achitaura kuti munyengetero wacho wakanga uriwo wakanakisisa waakanga ati ambonzwa.

Chikomborero Munharaunda

19. Chiitiko chipi chinoratidza kuti vamwe vanocherechedza tsika dzakanaka kwazvo dzeZvapupu zvaJehovha?

19 Kunyanya mumazuva ano, nharaunda dzinoshandwa neZvapupu zvaJehovha dzinobatsirika nokuvapo kwazvo—sezvakataurwa nevakawanda. Vanhu vanosimudzira rugare, kutendeseka, netsika dzakanaka vangatadza sei kubatsira vamwe vanhu? Mune imwe nyika iri kuCentral Asia, Zvapupu zvakasangana nomumwe aimbova mutikitivha wehurumende. Akati imwe nguva akambonzi aongorore masangano ezvitendero akasiyana-siyana. Paakaongorora Zvapupu zvaJehovha, akaororwa nokutendeseka kwazvo nokuzvibata zvakanaka. Akayemura kutenda kwazvo kwakasimba uye kuti dzidziso dzazvo ndedzomuMagwaro. Murume uyu akabvuma kudzidza Bhaibheri.

20. (a) Basa rakashumwa neZvapupu zvaJehovha gore rapera rinoratidzei? (b) Chii chinoratidza kuti kune basa rakawanda rokuita, uye tinoona sei ropafadzo yokuparidza evhangeri?

20 Kubva mune zvakaitika zvarondedzerwa munyaya ino pakati pezviuru zvaidai zvarondedzerwa, zviri pachena kuti Zvapupu zvaJehovha zvave zvakabatikana kwazvo mugore rebasa ra2001. * Zvakataura nemamiriyoni evanhu, zvakanyaradza vakawanda vaichema, uye basa razvo rokuparidza evhangeri rakakomborerwa. Kwaiva ne236 431 vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari kuburikidza nokubhabhatidzwa. Pasi pose, nhamba yevaparidzi veevhangeri yakawedzera ne1,7 muzana. Uye kupinda kwakaita 15 374 986 Chirangaridzo chegore negore chorufu rwaJesu kunoratidza kuti kune basa rakawanda rokuita. (1 VaKorinde 11:23-26) Ngatirambe tichitsvaka vanyoro vanogamuchira mashoko akanaka. Uye chero gore rengoni dzaJehovha richiri kupfuurira, ngatirambe tichinyaradza “vane mwoyo yakaputsika.” Chokwadi tine basa rinokomborera! Chokwadi tose tinodzokorora mashoko aIsaya anoti: “Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro muna Mwari wangu.” (Isaya 61:10) Mwari ngaarambe achitishandisa sezvaanozadzika mashoko ouprofita aya: “Ishe Jehovha uchameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.”—Isaya 61:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Chati iri pamapeji 19 kusvikira ku22 inopa mushumo webasa reZvapupu zvaJehovha mugore rebasa ra2001.

Unoyeuka Here?

• Vanyoro vakabatsirwa sei nemashoko akanaka akaparidzwa naJesu?

• Zvikomboreroi zvakauya kune vaya vakateerera basa rokuparidza evhangeri revadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga?

• Nhasi vaya vanoda vave vachibatsirwa sei nemashoko akanaka?

• Tinoona sei ropafadzo yedu yokuva vaparidzi veevhangeri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 19-22]

MUSHUMO WEGORE REBASA RA2001 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE

(Ona bhaundi vhoriyamu)

[Mifananidzo iri papeji 15]

Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichiyeuka mutoro wazvo wokuparidza evhangeri

[Mifananidzo iri papeji 17]

Vaya vanobvuma mashoko akanaka vanova vamwe vehama dzakabatana dzomunyika yose