Jehovha—Muenzaniso Mukuru Worunako
Jehovha—Muenzaniso Mukuru Worunako
“Ongai Jehovha wehondo, nokuti Jehovha wakanaka!”—JEREMIA 33:11.
1. Nei tichinzwa tichida kurumbidza Mwari nokuda kworunako rwake?
JEHOVHA MWARI akanaka mupfungwa yakazara. “Haiwa, kunaka kwake kukuru sei!” akadaro muprofita Zekaria nomufaro. (Zekaria 9:17, NW) Zvechokwadi, runako runooneka muzvinhu zvose zvakaitwa naMwari achigadzirira pasi kuti ritifadze. (Genesi 1:31) Hatimbofi takakwanisa kunzwisisa mitemo yaMwari yakaoma yaakaita kuti ishande paakasika zvinhu zvose. (Muparidzi 3:11; 8:17) Asi zvishoma zvatinoziva zvinotiita kuti tirumbidze Mwari nokuda kworunako rwake.
2. Ungarondedzera sei runako?
2 Runako chii? Kunyatsonaka mutsika kana kuti ururami. Asi runopfuura kungoshayikwa kwouipi. Runako, chimwe chezvibereko zvomudzimu, unhu hwakanaka. (VaGaratiya 5:22, 23) Tinoratidza runako kana tichiitira vamwe zvakanaka uye zvinovabatsira. Munyika ino, zvinonzi nevamwe zvakanaka zvingaonekwa nevamwe sezvakaipa. Zvisinei, kuti tive norugare nomufaro, panofanira kuva nomwero mumwe worunako. Ndiani ane kodzero yokugadza mwero uyu?
3. Genesi 2:16, 17 inoratidza chii pamusoro pomwero worunako?
3 Mwari ndiye anogadza mwero worunako. Pakutanga kwenhau yevanhu, ndiJehovha akarayira murume wokutanga kuti: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Hungu, vanhu vanofanira kutarira kuMusiki wavo kuti vazive chakanaka nechakaipa.
Kuitirwa Zvakanaka Kusina Kufanirwa
4. Mwari akaitira vanhu chii kubva pakatadza Adhamu?
4 Tarisiro yevanhu yokuva nomufaro usingagumi vakakwana yakakanganiswa pakatadza Adhamu ndokuramba kubvuma kodzero yaMwari yokugadza mwero worunako. (Genesi 3:1-6) Zvisinei, vana vaAdhamu vasati vaberekwa vari vagari venhaka yechivi norufu, Mwari akafanotaura nezvokuuya kweMbeu yakakwana. Achitotaura naSatani Dhiyabhorosi “nyoka yepakutanga,” Jehovha akazivisa kuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Zvakazarurwa 12:9; Genesi 3:15) Chaiva chinangwa chaJehovha kudzikinura vanhu vanotadza. Achiita zvakanaka zvisina kufanira vanhu, Jehovha akaita urongwa hwokuti vaya vanotenda muchibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake vapone.—Mateu 20:28; VaRoma 5:8, 12.
5. Kunyange zvedu tichizvarwa mwoyo yedu ichida kutadza, nei tichigona kuita zvakanaka kusvika kumwero wakati?
5 Zvechokwadi pamusana pechivi chaAdhamu, takaberekwa mwoyo yedu yakarerekera kutadza. (Genesi 8:21) Zvisinei, zvinofadza kuti Jehovha anotibatsira kuita zvakanaka kusvika kumwero wakati. Kuramba tichitevedzera zvinhu zvatinodzidza muzvakanyorwa zvake zvitsvene zvinokosha hakungotiiti chete kuti tive ‘vakachenjera nokuda kwokuponeswa’ ‘nokutishongedzera basa rose rakanaka,’ asiwo kunoita kuti tikwanise kuita zvakanaka mukuona kwake. (2 Timoti 3:14-17) Zvisinei, kuti tibatsirwe nemirayiridzo yomuMagwaro uye tiite zvakanaka, tinofanira kuva nemafungiro akaita seomunyori wepisarema akaimba kuti: “Imi [Jehovha] makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu.”—Pisarema 119:68.
Runako rwaJehovha Runorumbidzwa
6. Mambo Dhavhidhi aita kuti areka yesungano iunzwe kuJerusarema, vaRevhi vakaimba rwiyo rwaisanganisira mashoko api?
6 Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akabvuma runako rwaMwari ndokutsvaka nhungamiro Yake. “Jehovha wakanaka, wakarurama,” akadaro Dhavhidhi. “Saka ucharayira vatadzi panzira.” (Pisarema 25:8) Mirayiridzo yakapiwa vaIsraeri naMwari yaisanganisira mitemo gumi yaikosha—Mirayiro Gumi—yakanyorwa pamahwendefa ematombo ichichengetwa mubhokisi raiyera rainzi areka yesungano. Pashure pokunge Dhavhidhi aita kuti Areka iunzwe kuguta guru raIsraeri, Jerusarema, vaRevhi vakaimba rwiyo rwaisanganisira mashoko aya: “Ongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.” (1 Makoronike 16:34, 37-41) Zvaifadza sei kunzwa mashoko iwayo achibva mumiromo yevaRevhi!
7. Chii chakaitika pakapinzwa Areka muNzvimbo Tsvene-tsvene pashure pomunyengetero waSoromoni wokutsaurira?
7 Mashoko mamwe chete aya okurumbidza akasimbiswa pakutsaurirwa kwetemberi yakavakwa naSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi. Areka yesungano yaiswa muNzvimbo Tsvene-tsvene yetemberi yakanga ichangovakwa, vaRevhi vakatanga kurumbidza Jehovha, “nokuti wakanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.” Pachiitiko ichocho 2 Makoronike 5:13, 14) Soromoni apedza munyengetero wokutsaurira, “moto ndokuburuka kudenga, ukapedza chipiriso chinopiswa nezvimwe zvibayiro.” Vaona izvi, “vana vaIsraeri vose . . . vakakotamira pasi nezviso zvavo pakarongwa namabwe vakanamata nokuonga Jehovha, vachiti: Nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.” (2 Makoronike 7:1-3) Pashure pomutambo wemazuva 14, vaIsraeri vakadzokera kumisha yavo “nemwoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakaitira Jehovha Dhavhidhi, naSoromoni, navanhu vake vaIsraeri.”—2 Makoronike 7:10.
nenzira yechishamiso temberi yakazadzwa negore rairatidza mbiri yokuvapo kwaJehovha. (8, 9. (a) Kunyange zvazvo vaIsraeri vakarumbidza Jehovha norunako rwake vakapedzisira vatora nzira ipi? (b) Chii chakafanotaurwa naJeremia nezveJerusarema, uye uprofita ihwohwo hwakazadzika sei?
8 Zvinosuwisa kuti vaIsraeri havana kuramba vachirarama maererano nenziyo dzavo dzokurumbidza Mwari. Nokufamba kwenguva, vanhu veJudha ‘vaikudza Jehovha nemiromo yavo.’ (Isaya 29:13) Pane kuenderana nomwero waMwari worunako, vakatanga kuita zvakaipa. Uye zvakaipa zvavaiita zvaisanganisira chii? Vakatova nemhosva yokunamata zvidhori, unzenza, kudzvinyirira varombo, nezvimwe zvivi zvakakomba! Zvakapedzisira zvaitika ndezvokuti Jerusarema rakaparadzwa uye vagari vomuJudha vakaendeswa kuutapwa kuBhabhironi muna 607 B.C.E.
9 Saka Mwari akaranga vanhu vake. Zvisinei, achishandisa muprofita Jeremia, Mwari akafanotaura kuti muJerusarema maizonzwiwazve inzwi revaya vanoti: “Ongai Jehovha wehondo, nokuti Jehovha wakanaka, nokuti ngoni dzake dziripo nokusingaperi!” (Jeremia 33:10, 11) Uye zvakaitikawo zvechokwadi. Mushure memakore 70 nyika yacho iri dongo, muna 537 B.C.E., vakasara vevaJudha vakadzokera kuJerusarema. (Jeremia 25:11; Dhanieri 9:1, 2) Vakavaka atari panzvimbo yetemberi muGomo reMoriya ndokutanga kupa zvipiriso ipapo. Nheyo yetemberi yakateyiwa mugore rechipiri vadzoka. Inguva yaifadza zvikuru! “Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetembere yaJehovha,” akadaro Ezra, ‘vapristi vakamirapo vakafuka nguo dzavo, vakabata hwamanda, navaRevi, ivo vanakomana vaAsafi, vakabata makandira, kuti varumbidze Jehovha sezvakanga zvarayirwa naDhavhidhi mambo waIsraeri. Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuonga Jehovha, vachiti: Nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kuna Israeri.’—Ezra 3:1-11.
10. Pisarema 118 rinotanga nokuguma nemashoko api anokosha?
10 Mamwe mashoko akadaro okurumbidza Jehovha nokuda kworunako rwake anooneka mumapisarema akati kuti. Rimwe rawo ndiPisarema 118, raiimbwa nemhuri dzevaIsraeri pakupedzisa kuchengetwa kwePaseka. Pisarema racho rinotanga nokupera nemashoko okuti: “Ongai Jehovha; nokuti wakanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” (Pisarema 118:1, 29) Aya angangova mashoko okupedzisira okurumbidza akaimbwa naJesu Kristu nevaapostora vake vakatendeka usiku hwaakazofa muna 33 C.E.—Mateu 26:30.
“Dondiratidzai Henyu Kubwinya Kwenyu”
11, 12. Mosesi paakati onei kubwinya kwaMwari, akanzwa kuzivisa kwokutii?
11 Kubatana kwakaita runako rwaJehovha nomutsa wake worudo kwakatanga kuoneka nguva refu Ezra asati avako. VaIsraeri vachangobva kunamata mhuru yendarama murenje uye vatadzi vacho vaurayiwa, Mosesi akateterera Jehovha achiti: “Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.” Achiziva kuti Mosesi aisagona kuona chiso Chake oramba ari mupenyu, Jehovha akati: “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako.”—Eksodho 33:13-20.
12 Mangwana acho paGomo reSinai runako rwaJehovha rwakapfuura nepamberi paMosesi. Panguva iyoyo, Mosesi akangoti onei kubwinya kwaMwari ndokunzwa inzwi richizivisa kuti: ‘Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unonoka kutsamwa, uzere nomutsa worudo, nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana mutsa worudo, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo asi usingapembedzi munhu une mhosva, unorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.’ (Eksodho 34:6, 7) Mashoko acho anoratidza kuti runako rwaJehovha runofambirana nomutsa wake worudo nezvimwe zvinobatanidzwa muunhu hwake. Kukurukura izvi kuchatibatsira kuita zvakanaka. Ngatitangei nokukurukura chataurwa kaviri mukuzivisa uku kunoshamisa runako rwaMwari.
‘Mwari . . . Uzere Nomutsa Worudo’
13. Mukuzivisa kwaMwari runako rwake, unhu hupi hwakataurwa kaviri, uye nei izvi zvakakodzera?
13 ‘Jehovha ndiMwari uzere nomutsa worudo . . . unochengetera vane zviuru zvamazana mutsa wake worudo.’ Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘mutsa worudo’ rinorevawo “rudo rwakavimbika.” Ndiro chete rakataurwa kaviri pakuzvizivisa kwaMwari kuna Mosesi. Zvakakodzera, sezvo Jehovha achiratidzira rudo kupfuura zvimwe zvose! (1 Johani 4:8) Mashoko anozivikanwa zvikuru okurumbidza Jehovha “nokuti wakanaka, nyasha dzake dziripo nokusingaperi” anosimbisa unhu uhwu.
14. Ndivanaani zvikurukuru vanoratidzwa naMwari kunaka kwake nenyasha dzake?
1 Petro 5:6, 7) Sezvinogona kupupurirwa nevanamati vaJehovha, ‘anochengetera mutsa worudo’ vaya vanomuda nokumushumira. (Eksodho 20:6) Rudzi rwaIsraeri chairwo rwakaguma kuitirwa mutsa worudo kana kuti rudo rwakavimbika naJehovha, nokuti rwakaramba Mwanakomana wake. Asi runako rwaMwari norudo rwakavimbika kuvaKristu vakatendeka vemarudzi ose zvichagara nokusingaperi.—Johani 3:36.
14 Kumwe kuratidza kunoita Jehovha kuti akanaka ndokwokuti ‘uzere nomutsa worudo.’ Izvi zvinonyanya kuoneka nemabatiro akanaka aanoita vashumiri vake vakazvitsaurira, vakatendeka. (Jehovha—Uzere Nyasha Nengoni
15. (a) Kuzivisa kwakanzwikwa naMosesi paGomo reSinai kwakatanga nemashoko okutii? (b) Nyasha dzinosanganisira chii?
15 Kuzivisa kwakanzwikwa naMosesi paGomo reSinai kwakatanga nemashoko okuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni.” Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “nyasha” rinogona kureva “ura” uye riri pedyo zvikuru neshoko rokuti “chibereko.” Saka nyasha dzinosanganisira kunzwa tsitsi nounyoro zvakadzama zviri mukati momunhu. Asi nyasha dzinosanganisira zvinopfuura kunzwira tsitsi kwechokwadi. Dzinofanira kutiita kuti tiite chimwe chinhu kuti tipedze kutambura kwevamwe. Somuenzaniso, vakuru vechiKristu vane rudo vanoona zvakafanira kuva nenyasha kuvamwe vatendi, ‘vachiratidza ngoni nomufaro’ pazvinenge zvakakodzera.—VaRoma 12:8; Jakobho 2:13; Judha 22, 23.
16. Nei zvingagona kunzi Jehovha ane ngoni?
16 Kunaka kwaMwari kunoonekwawo pangoni dzake. Munhu ane ngoni anofungawo nezve“manzwiro anoita mumwe” uye anoratidza ‘mutsa zvikuru kune vari pasi pake.’ Jehovha ndiye muenzaniso wakanakisisa wengoni mukubata nevashumiri vake vakatendeka. Somuenzaniso, achishandisa ngirozi, nengoni Mwari akasimbisa muprofita akwegura Dhanieri uye akaudza mhandara Mariya nezveropafadzo yaaizova nayo yokubereka Jesu. (Dhanieri 10:19; Ruka 1:26-38) Sevanhu vaJehovha, tinokoshesa kutaura nesu kwaanoita nengoni kuburikidza nemapeji eBhaibheri. Tinomurumbidza nokuda kwokuratidza kwake kunaka kwake uye tinotsvaka kuva nengoni mumabatiro atinoita vamwe. Kana vaya vakakura mumudzimu vachiruramisa mumwe mutendi “nounyoro,” vanoedza kuita zvakapfava, uye nengoni.—VaGaratiya 6:1.
Mwari Anononoka Kutsamwa
17. Nei tichionga kuti Jehovha “anononoka kutsamwa”?
17 “Mwari . . . anononoka kutsamwa.” Mashoko iwayo anoyeuchidza nezvokumwe kuratidzwa kwokuti Jehovha akanaka. Jehovha anoshivirira zvikanganiso zvedu uye anotipa nguva yokukurira kukundikana kwedu kwakakomba tofambira mberi mukunamata. (VaHebheru 5:12–6:3; Jakobho 5:14, 15) Mwoyo murefu waMwari unobatsirawo vaya vasati vava vanamati vake. Vachine nguva yokudavira shoko roUmambo vopfidza. (VaRoma 2:4) Zvisinei, kunyange zvazvo Jehovha aine mwoyo murefu, kunaka kwake dzimwe nguva kunomuita kuti aratidze hasha dzake, sezvaakaita pakanamata vaIsraeri mhuru yendarama paGomo reSinai. Hasha dzaMwari dzava kubva dzoratidzwa pamwero mukuru paachagumisa nyika yakaipa yaSatani.—Ezekieri 38:19, 21-23.
18. Maererano nechokwadi, musiyano upi uri pakati paJehovha nevatungamiriri vevanhu?
18 “Jehovha Mwari . . . une zvokwadi.” Jehovha akasiyana zvikuru nevatungamiriri vevanhu vanovimbisa zvinhu zvikuru vozotadza kuzviita! Asi, vanamati vaJehovha vanogona kuvimba nechinhu chose chakataurwa muShoko rake rakafuridzirwa. Sezvo Mwari ane chokwadi zvikuru, tinogona kuvimba nezvipikirwa zvake nguva dzose. Nokunaka kwavo Baba vedu vokudenga vanopindura minyengetero yedu yokutsvaka chokwadi vasingakundikani Pisarema 43:3; 65:2.
nokutiwanisa chokwadi chacho chakawanda.—19. Ndezvipi zvakanaka zvakatanhamara zvakaitirwa vatadzi vanopfidza naJehovha?
19 ‘Jehovha ndiMwari unokanganwira zvakaipa nokudarika nezvivi.’ Nokunaka kwake, Jehovha akagadzirira kukanganwira vatadzi vanopfidza. Tinoonga zvechokwadi kuti Baba vedu vokudenga vane rudo vakaita gadziriro yokuti tikanganwirwe kuburikidza nechibayiro chaJesu. (1 Johani 2:1, 2) Zvechokwadi tinofara kuti vose vanotenda murudzikinuro vanokwanisa kuwana ukama hwakanaka naJehovha, vaine tariro youpenyu husingagumi munyika itsva yakapikirwa. Izvi zvikonzero zvakatanhamara zvokurumbidza Jehovha nokuda kwokuratidza kunaka kwake kuvanhu!—2 Petro 3:13.
20. Chii chinotiratidza kuti Mwari haatunhiri zvakaipa?
20 ‘Jehovha haapembedzi munhu une mhosva.’ Zvechokwadi ichi chimwe chikonzero chokurumbidza Jehovha nokuda kworunako rwake. Nei? Nokuti chinhu chinokosha parunako ndechokuti harutunhiri zvakaipa kana nenzira ipi zvayo. Uyezve “pakuratidzwa kwaShe Jesu achibva kudenga nengirozi dzake dzine simba,” kutsiviwa kuchaitwa kune vaya “vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka.” Ivava “vachatongerwa kuparadzwa.” (2 VaTesaronika 1:6-9) Vanamati vaJehovha vachapukunyuka vachakwanisa zvino kunakidzwa noupenyu zvizere pasina kukanganiswa nevanhu vasinganamati, “vasingadi zvakanaka.”—2 Timoti 3:1-3.
Tevedzera Kunaka kwaJehovha
21. Nei tichifanira kuva vakanaka?
21 Hapana mubvunzo kuti tine zvikonzero zvakawanda zvokurumbidza nokuonga Jehovha nokuda kworunako rwake. Sevashumiri vake, hatifaniri here kuita nepatinogona napo kuratidza unhu uhu? Hungu, nokuti muapostora Pauro akakurudzira vamwe vaKristu kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” (VaEfeso 5:1) Baba vedu vokudenga vanoratidza kuti vakanaka zvisingachinji, saka isuwo tinofanira kudaro.
22. Tichakurukurei munyaya inotevera?
22 Kana takazvitsaurira kuna Jehovha nomwoyo wose, hapana mubvunzo kuti tinoda zvikuru kutevedzera runako rwake. Nokuti tiri vazukuru vaAdhamu akatadza, hazvisi nyore kuita zvakanaka. Zvisinei munyaya inotevera tichaona kuti nei zvichibvira kuti tiite zvakanaka.Tichakurukurawo nezvenzira dzakasiyana-siyana dzatinogona uye dzatinofanira kutevedzera nadzo Jehovha—muenzaniso mukuru worunako.
Ungapindura Sei?
• Runako chii?
• Mashoko api ari muMagwaro anosimbisa runako rwaMwari?
• Ndokupi kumwe kuratidzwa kworunako rwaJehovha?
• Nei tichifanira kutevedzera muenzaniso waJehovha worunako?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 12]
Jehovha akaranga vanhu vake vekare nokuti havana kurarama maererano nemashoko avo okumurumbidza
[Mufananidzo uri papeji 12]
Vakatendeka vakasara vakadzokera kuJerusarema
[Mufananidzo uri papeji 13]
Mosesi akanzwa kuziviswa kunoshamisa kwokunaka kwaMwari
[Mufananidzo uri papeji 15]
Runako rwaJehovha runoonekwa munzira yaanotaura nesu kuburikidza nemapeji eBhaibheri