Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mabasa Akanaka Anopa Mbiri Kuna Mwari

Mabasa Akanaka Anopa Mbiri Kuna Mwari

Mabasa Akanaka Anopa Mbiri Kuna Mwari

NOMUFAMBIRO wavo wakanaka nemabasa akanaka, vaKristu vechokwadi vanounza mbiri kuna Mwari. (1 Petro 2:12) Izvi zvinogona kuonekwa nezvakaitika muItaly mumakore achangopfuura.

Muna September 1997, kudengenyeka kwepasi kune simba kwakaitika munzvimbo dzematunhu eMarche neUmbria, kuchiparadza misha inoda kusvika 90 000. Mapoka eZvapupu zvaJehovha akakurumidza kupa rubatsiro kune vavanonamata navo uye vamwewo. Makaravhani, mabhegi okurarira, zvitofu, magwenya emagetsi, nezvimwe zvinhu zvaidiwa zvakagoverwa. Kuyamura uku hakuna kungoitwa pasina vanocherechedza.

Pepanhau rinonzi Il Centro rakashuma kuti: “Vakatanga kusvika nezvinhu zvokuyamura munzvimbo dzakawirwa nedambudziko racho vaiva Zvapupu zvaJehovha zvomuRoseto [mupurovhinzi yeTeramo] . . . Kunze kwokuungana nguva nenguva kuti vanamate, avo vakatendeka kuna Jehovha vanoshanda nenzira yakarongeka, vachiyamura vaya vanotambura, pasina kumbofunga kuti vanopinda chitendero chipi.”

Meya weNocera Umbra, rimwe reguta rakanyanya kurohwa nedambudziko racho, akanyorera Zvapupu kuti: “Ndinokuongai pachangu nomwoyo wose norubatsiro rwakapiwa kuvanhu vanogara muNocera. Ndine chokwadi chokuti ndiri kutaura manzwiro evanogara imomo vose.” Uyezve, Bazi reHurumende Rinoona Nezvomukati meNyika rakapa Congregazione Cristiana dei Testimoni di Geova (Ungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha) chitupa chokugona basa uye menduru “kuitira kupupurira basa rakaitwa uye kushingaira kwakaitwa mumabasa ane chokuita nebasa rokukurumidzira rakanga ramuka mumatunhu eUmbria neMarche.”

Muna October 2000, mafashamo anoparadza akaitika mudunhu rePiedmont nechokumusoro kweItaly. Zvekare, Zvapupu zvakakurumidza kugadzirira kunoyamura. Aya mabasa akanaka akacherechedzwawo zvekare. Dunhu rePiedmont rakavapawo chitupa che“basa ravo rakanaka rokuzvipira mukutsigira vanhu vokuPiedmont vakakanganiswa nemafashamo acho.”

Jesu Kristu akarayira vadzidzi vake kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka kwazvo vape mbiri kuna Baba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:16) Zvapupu zvaJehovha zvinopa mbiri kuna Mwari, kwete kwazviri izvo, nokuita “mabasa . . . akanaka” anobatsira vavakidzani vazvo mune zvokunamata uye mune dzimwe nzira.