Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rambai Muchiita Zvakanaka

Rambai Muchiita Zvakanaka

Rambai Muchiita Zvakanaka

“Zvibereko zvechiedza zvinoumbwa nokunaka kworudzi rwose nokururama nechokwadi.”—VAEFESO 5:9.

1. Mamiriyoni anoratidza sei kuti anobvumirana naPisarema 31:19?

CHINHU chakanakisisa chingagona kuitwa nomunhu kupa mbiri kuna Jehovha. Nhasi, mamiriyoni ari kuita izvi kuburikidza nokurumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake. SeZvapupu zvaJehovha zvakavimbika, tinobvumirana nomwoyo wose nomunyori wepisarema akaimba kuti: “Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu!”—Pisarema 31:19.

2, 3. Chii chaizoitika dai basa redu rokuita vadzidzi raisatsigirwa nomufambiro wakanaka?

2 Kutya Jehovha kwokuremekedza kunotiita kuti timurumbidze nokuda kwokunaka kwake. Kunotiitawo kuti ‘tionge Jehovha timurumbidze, tichizivisa kubwinya kwoushe hwake.’ (Pisarema 145:10-13) Ndokusaka tichiita basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi nokushingaira. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Ichokwadi kuti basa redu rokuparidza rinofanira kutsigirwa nomufambiro wakanaka. Tikasadaro tingaunza ruzvidzo pazita dzvene raJehovha.

3 Vanhu vakawanda vanotaura kuti vanonamata Mwari, asi mufambiro wavo hauwirirani nezvinodiwa zvakagadzwa zviri muShoko rake rakafuridzirwa. Achinyora nezvevamwe vakanga vasingararami zvinoenderana nezvavaitaura, muapostora Pauro akati: “Iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here? Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ unoba here? Iwe, unoti ‘Usaita upombwe,’ unoita upombwe here? . . . Sokunyorwa kwazvakaitwa; ‘zita raMwari riri kumhurwa pakati pemarudzi nemhaka yenyu.’”—VaRoma 2:21, 22, 24.

4. Chii chinoitwa nomufambiro wedu wakanaka?

4 Panzvimbo pokuunza ruzvidzo pazita raJehovha, tinoedza kuripa mbiri nomufambiro wedu wakanaka. Izvi zvinoita chimwe chinhu chakanaka pavanhu vari kunze kweungano yechiKristu. Chimwe chaizvozvo ndechokuti zvinotiita kuti tishayise vashori vedu romuromo. (1 Petro 2:15) Chinotokosha zvikuru ndechokuti mufambiro wedu wakanaka unokwevera vanhu kusangano raJehovha, zvovazarurira mukana wokumupa mbiri uye kuwana upenyu husingaperi.—Mabasa 13:48.

5. Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

5 Sezvo tisina kukwana, tingarega sei mufambiro ungagona kushoresa Jehovha nokugumbura vari kutsvaka chokwadi? Chaizvoizvo, tingabudirira sei mukuita zvakanaka?

Chibereko Chechiedza

6. Mamwe e“mabasa asina zvibereko erima” ndeapi, asi chibereko chipi chinofanira kuwanikwa pakati pevaKristu?

6 SevaKristu vakazvitsaurira, tine chimwe chinhu chinotibatsira kurega “mabasa asina zvibereko erima.” Iwaya anosanganisira mabasa anozvidzisa Mwari akadai sokunyepa, kuba, kutaura kwokunyomba, kutaura kunonyadzisira nezvepabonde, mufambiro unonyadzisa, majee akaipa, noudhakwa. (VaEfeso 4:25, 28, 31; 5:3, 4, 11, 12, 18) Pane kubatanidzwa mumabasa akadaro, ‘tinoramba tichifamba sevana vechiedza.’ Muapostora Pauro anoti “zvibereko zvechiedza zvinoumbwa nokunaka kworudzi rwose nokururama nechokwadi.” (VaEfeso 5:8, 9) Saka tinokwanisa kuramba tichiita zvakanaka kuburikidza nokufamba muchiedza. Asi ichi chiedza chorudzii?

7. Tinofanira kuitei kuti tirambe tichiratidza chibereko chorunako?

7 Pasinei nokusakwana kwedu, tinogona kuita zvakanaka kana tikafamba muchiedza chomudzimu. “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu,” akaimba kudaro munyori wepisarema. (Pisarema 119:105) Kana tichida kuramba tichiita zvakanaka kunova “chibereko chechiedza” kuburikidza no“kunaka kworudzi rwose,” tinofanira kugara tichishandisa chiedza chinowanikwa muShoko raMwari, chakanyatsorondedzerwa mumabhuku echiKristu, uye chinogara chichikurukurwa patinosangana tichinamata. (Ruka 12:42; VaRoma 15:4; VaHebheru 10:24, 25) Tinofanirawo kunyatsocherechedza muenzaniso nedzidziso zvaJesu Kristu, “chiedza chenyika” uye “kuratidzwa kwembiri ya[Jehovha].”—Johani 8:12; VaHebheru 1:1-3.

Chibereko Chomudzimu

8. Nei tichigona kuita zvakanaka?

8 Hapana mubvunzo kuti chiedza chomudzimu chinotibatsira kuita zvakanaka. Uyewo, tinokwanisa kuita zvakanaka nokuti tinotungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinoshanda. Runako chimwe che“zvibereko zvomudzimu.” (VaGaratiya 5:22, 23) Kana tikatevera nhungamiro yomudzimu mutsvene waJehovha, uchava nechibereko chawo chakaisvonaka chorunako matiri.

9. Tingaita sei maererano nemashoko aJesu ari pana Ruka 11:9-13?

9 Chido chedu chikuru chokufadza Jehovha kuburikidza nokuratidza chibereko chomudzimu chorunako chinofanira kutiita kuti tiite maererano nemashoko aJesu okuti: “Naizvozvo ndinoti kwamuri, Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anogamuchira, uye munhu wose anotsvaka anowana, uye munhu wose anogogodza achazarurirwa. Zvechokwadi, ndevapi baba pakati penyu, vanoti kana mwanakomana wavo akakumbira hove, vangamutambidza nyoka panzvimbo pehove? Kana kuti akakumbirawo zai, vangamugamuchidze rize here? Naizvozvo, kana imi, kunyange [musina kukwana nokudaro kana muchienzaniswa navo] makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!” (Ruka 11:9-13) Ngatitevedzerei zano raJesu kuburikidza nokunyengetera kuti tipiwe mudzimu waJehovha kuitira kuti tigone kuramba tichiratidzira chibereko chawo chorunako.

“Ramba Uchiita Zvakanaka”

10. Zvii zvinosanganisirwa murunako rwaJehovha zvakataurwa pana Eksodho 34:6, 7?

10 Tiine chiedza chomudzimu chinobva muShoko raMwari uye tichibatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari, tinogona ‘kuramba tichiita zvakanaka.” (VaRoma 13:3) Nokudzidza Bhaibheri nguva dzose, tinoramba tichidzidza zvakawanda nezvezvatingaita kuti titevedzere runako rwaJehovha. Nyaya yakatangira ino yakakurukura nezvezvimwe zvorunako rwaMwari zvinowanikwa muziviso yakapiwa Mosesi yakanyorwa pana Eksodho 34:6, 7, patinoverenga kuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi usingapembedzi munhu ane mhosva.” Kunyatsoongorora uku kuratidzwa kworunako rwaJehovha kuchatibatsira ‘kuramba tichiita zvakanaka.’

11. Kuziva kwedu kuti Jehovha ane nyasha nengoni kunofanira kutiita kuti tiite sei?

11 Kuzvizivisa kwaMwari uku kunotiyeuchidza kuti timutevedzere nokuva nenyasha nengoni. “Vanofara vane ngoni,” akadaro Jesu, “sezvo vachanzwirwa ngoni.” (Mateu 5:7; Ruka 6:36) Tichiziva kuti Jehovha ane ngoni, tinobva taratidza ngoni uye tinova vanofadza mukubata kwedu nevamwe, kusanganisira vaya vatinoparidzira. Izvi zvinoenderana nezano raPauro rinoti: “Kutaura kwenyu ngakugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive nzira yamunofanira kupindurana nayo.”—VaKorose 4:6.

12. (a) Sezvo Mwari achinonoka kutsamwa, tingabata sei nevamwe? (b) Nyasha dzaJehovha dzinotiita kuti tiitei?

12 Sezvo Mwari achinonoka kutsamwa, chido chedu ‘chokuramba tichiita zvakanaka’ chinotiita kuti tishivirire tuzvikanganiso twehama dzedu toisa pfungwa dzedu pazvakanaka zvavanoita. (Mateu 7:5; Jakobho 1:19) Nyasha dzaJehovha dzinotiita kuti tiratidze rudo rwokuvimbika, kunyange kana tiri mumamiriro ezvinhu anoedza zvikuru. Izvi zvinoyemurika zvechokwadi.—Zvirevo 19:22.

13. Tinofanira kuita sei kuti tiratidze kuti Jehovha ‘ane chokwadi’?

13 Sezvo Baba vedu vokudenga ‘vaine chokwadi,’ tinotsvaka ‘kuzvirumbidza sevashumiri vake pakutaura chokwadi.’ (2 VaKorinde 6:3-7) Pakati pezvinhu zvinomwe zvinonyangadza Jehovha pane “rurimi runoreva nhema” uye “chapupu chinonyengera chinoreva nhema.” (Zvirevo 6:16-19) Saka chido chedu chokufadza Mwari chakatiita kuti ‘tibvise nhema titaure chokwadi.’ (VaEfeso 4:25) Ngatisambokundikana kuita zvakanaka munzira inokosha iyi.

14. Nei tichifanira kukanganwira?

14 Kuzvizivisa kwakaita Mwari kuna Mosesi kunofanira kutiita kuti tive vanokanganwira, nokuti Jehovha akagadzirira kukanganwira. (Mateu 6:14, 15) Hazvirevi kuti Jehovha haarangi vatadzi vasingapfidzi. Saka tinofanira kutsigira nheyo dzake dzorunako mukuchengeta ungano yakachena mumudzimu.—Revhitiko 5:1; 1 VaKorinde 5:11, 12; 1 Timoti 5:22.

“Rambai muchinyatsongwarira”

15, 16. Zano raPauro rakanyorwa pana VaEfeso 5:15-19 ringatibatsira sei kuramba tichiita zvakanaka?

15 Kuti tirambe tichiratidza kunaka pasinei nouipi hwakatipoteredza, tinofanira kuzadzwa nomudzimu waMwari tongwarira mufambiro wedu. Pauro akakurudzira vaKristu vaiva muEfeso nezvazvo achiti: “Rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira, nokuti mazuva akaipa. Nemhaka yeizvi musava mapenzi, asi rambai muchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii. Uyewo, musadhakwa newaini, umo mune zvakaipa, asi rambai muchizadzwa nomudzimu, muchitaurirana nemapisarema nokurumbidza Mwari nenziyo dzomudzimu, muchiimba uye muchiridzira Jehovha nziyo mumwoyo menyu.” (VaEfeso 5:15-19) Zvechokwadi iri zano rakakodzera kwatiri mumazuva ano okupedzisira.—2 Timoti 3:1.

16 Kuti tirambe tichiita zvakanaka, tinofanira kuramba tichinyatsongwarira kuti tiri kufamba sevaya vari kuratidza uchenjeri hwaMwari. (Jakobho 3:17) Tinofanira kurega zvivi zvakakomba uye tinofanira kuzadzwa nomudzimu mutsvene, tichizvibvumira kutungamirirwa nawo. (VaGaratiya 5:19-25) Nokushandisa mirayiridzo yomudzimu inopiwa pamisangano magungano nekokorodzano dzechiKristu, tinogona kuramba tichiita zvakanaka. Mashoko aPauro kuvaEfeso angatiyeuchidzawo kuti pakuungana kwedu kuzhinji kwokunamata, tinobatsirwa nokuimba kwedu nomwoyo wose “nziyo dzomudzimu”—zhinji dzacho dzichitaura nezvounhu hwomudzimu, hwakadai sorunako.

17. VaKristu vanorwara zvikuru vangava nechokwadi chokutii kana mamiriro avo ezvinhu achivatadzisa kupinda misangano nguva dzose?

17 Zvakadini nevatinonamata navo vasingakwanisi kupinda misangano yechiKristu nguva dzose nokuda kwokurwara-rwara? Vanganzwa vaora mwoyo nokuti havagoni kunamata Jehovha nguva dzose vakanyatsosangana nehama dzavo nehanzvadzi. Asi vanogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anonzwisisa mamiriro avo ezvinhu, achaita kuti varambe vari muchiedza, achavapa mudzimu wake mutsvene, uye achavabatsira kuramba vachiita zvakanaka.—Isaya 57:15.

18. Chii chichatibatsira kutevera mararamiro akanaka?

18 Kutevera mararamiro akanaka kunoda kuti tichenjerere vatinotamba navo uye tisiyane ne“vasingadi zvakanaka.” (2 Timoti 3:2-5; 1 VaKorinde 15:33) Kushandisa zano rakadaro kunotibatsira kusa“shungurudza mudzimu mutsvene waMwari” nokuita zvinopesana nawo. (VaEfeso 4:30) Uyezve, tinobatsirwa kuita zvakanaka kana tikava pedyo nevaya vane upenyu hunoratidza kuti vanhu vanoda zvakanaka uye vanotungamirirwa nomudzimu waJehovha.—Amosi 5:15; VaRoma 8:14; VaGaratiya 5:18.

Runako Runounza Migumisiro Yakanaka

19-21. Rondedzera zviitiko zvinoratidza migumisiro yokuita zvakanaka.

19 Kufamba muchiedza chomudzimu, kutevera nhungamiro yomudzimu waMwari, uye kuchenjerera mafambiro atinoita zvichatibatsira kusaita zvakaipa ‘toramba tichiita zvakanaka.’ Izvi zvichatibatsirawo kuva nezvibereko zvakanaka. Chimbofunga nezvezvakaitika kuna Zongezile, mumwe weZvapupu zvaJehovha muSouth Africa. Achienda kuchikoro mamwe mangwanani, akapfuura nokubhengi kuti atarise mari yakanga iri mubhuku rake. Siripi romuchina wokudhirowa mari rairatidza kuti mari yakanga yawandisa neR42 000 (Z$338 000). Mumwe murindiri wepabhengi nevamwe vakamukurudzira kutora mari yacho oibhenga mune rimwe bhengi. Zvapupu zvakaroorana zvaaigara nazvo ndizvo chete zvakamurumbidza nokuti akanga asina kutora mari yacho.

20 Pazuva rakatevera rebasa, Zongezile akanoudza vokubhengi kwacho nezvechikanganiso chacho. Zvakazoonekwa kuti aiva nenhamba dzebhuku rokubhengi dzakafanana nedzomumwe muzvinabhizimisi akapfuma uyo akanga akanganisa ndokuisa mari mubhuku risiri iro. Ashamisika kuti nei Zongezile akanga asina kushandisa chero imwe yemari yacho, muzvinabhizimisi wacho akati: “Unopinda chechi ipi?” Zongezile akatsanangura kuti akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akarumbidzwa zvikuru nevakuru vebhengi racho, avo vakati: “Dai vanhu vose vakavimbika seZvapupu zvaJehovha.” Zvechokwadi zviito zvokuvimbika nokunaka zvinogona kuita kuti vamwe varumbidze Jehovha.—VaHebheru 13:18.

21 Hazvirevi kuti zviito zvakanaka zvinofanira kuva zvinoshamisa kuti zvive nemigumisiro yakanaka. Kuenzanisira: Chimwe Chapupu chechiduku chinoshanda somushumiri wenguva yakazara pachimwe chezvitsuwa zveSamoa chaifanira kuenda kuchipatara chomunharaunda iyoyo. Vanhu vakanga vakamirira kuona chiremba, uye Chapupu chiya chakacherechedza kuti mumwe mukadzi wechikuru aiva mushure make airwara zvikuru. Akaita kuti mukadzi wacho amutangire kuti akurumidze kubatsirwa. Mumwe musi, Chapupu chiya chakasangana nomukadzi uya wechikuru pamusika. Akamuyeuka nezvakanaka zvaakamuitira pachipatara. “Iye zvino ndava kuziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoda muvakidzani wazvo zvechokwadi,” akadaro. Nepo akambenge asingafariri shoko roUmambo, zvakanaka zvaakaitirwa neChapupu chacho zvakava nemigumisiro yakanaka. Akabvuma chidzidzo cheBhaibheri ndokutanga kupinza zivo yeShoko raMwari.

22. Ndeipi nzira inokosha zvikuru ‘yokuramba tichiita zvakanaka’?

22 Pamwe iwe unotogona kurondedzera chiitiko chinoratidza kukosha kwokuita zvakanaka. Imwe nzira inokosha ‘yokuramba uchiita zvakanaka’ ndeyokugara uchizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Ngatirambei tichishingaira kuita basa iri rakaropafadzwa, tichiziva kuti iyi ndiyo imwe nzira yokuita zvakanaka, zvikurukuru kune vaya vanobvuma. Zvinokosha kupfuura zvose, ushumiri hwedu nomufambiro wakanaka zvinopa mbiri kuna Jehovha, muridzi chaiye worunako.—Mateu 19:16, 17.

Rambai ‘Muchiita Zvakanaka’

23. Nei ushumiri hwechiKristu huri basa rakanaka?

23 Hapana mubvunzo kuti ushumiri hwedu ibasa rakanaka. Hunogona kuguma nokupona kwedu nokwevanoteerera shoko reBhaibheri nokudaro vopinda munzira inotungamirira kuupenyu husingagumi. (Mateu 7:13, 14; 1 Timoti 4:16) Saka kana tatarisana nezvisarudzo, chido chokuda kuita zvakanaka chichaita kuti tizvibvunze kuti: ‘Chisarudzo changu chichasiya basa rangu rokuparidza Umambo riri sei? Zvandiri kufunga kuita zvakanaka zvechokwadi here? Zvichandibatsira kuti ndiyamure vamwe kuti vagamuchire “mashoko akanaka asingaperi” vosvika pakuva noukama hwepedyo naJehovha Mwari here?’ (Zvakazarurwa 14:6) Mufaro mukuru uchabva mukuita chisarudzo chinotsigira zvinhu zvine chokuita noUmambo.—Mateu 6:33; Mabasa 20:35.

24, 25. Ndedzipi dzimwe nzira dzokuita nadzo zvakanaka muungano, uye tingava nechokwadi nechii kana tikaramba tichiita zvakanaka?

24 Ngatisamboona sokuti kuita zvakanaka hakunyanyobatsiri. Tinogona kuramba tichiita zvakanaka nokutsigira ungano yechiKristu uye kuita zvatinogona kuitarisira kuti igare yakanaka. Zvechokwadi tinoita zvakanaka kana tichipinda uye tichibatanidzwa pane zvinoitwa pamisangano yechiKristu. Kuvapo kwedu chaiko kunokurudzira vamwe vanamati, uye mhinduro dzedu dzakanyatsogadzirirwa dzinovavaka mumudzimu. Tinoitawo zvakanaka kana tichishandisa zvatinowana kuchengetedza Imba yoUmambo uye kana tichibatsira pakunyatsoitarisira. (2 Madzimambo 22:3-7; 2 VaKorinde 9:6, 7) Zvechokwadi, “chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.”—VaGaratiya 6:10.

25 Hatigoni kutarisira kuti mamiriro ose ezvinhu achatipa mukana wokuita zvakanaka. Saka sezvatinotarisana nezvinetso zvitsva, ngatitsvake chiedza chinobva muMagwaro, tonyengetera nokuda kwomudzimu mutsvene waJehovha, toita kuda kwake kwakanaka uye kwakakwana nepatinogona napo. (VaRoma 2:9, 10; 12:2) Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatikomborera zvikuru sezvatinoramba tichiita zvakanaka.

Ungapindura Sei?

• Ndechipi chinhu chakanakisisa chatingagona kuita?

• Nei runako ruchinzi ‘chibereko chechiedza’?

• Nei runako ruchinzi ‘chibereko chomudzimu’?

• Mufambiro wedu wakanaka unogona kuitei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Shoko raMwari nomudzimu wake mutsvene zvinotibatsira kuita zvakanaka

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kuita zvakanaka kunounza migumisiro yakanaka