Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba naJehovha—Mwari Chaiye

Vimba naJehovha—Mwari Chaiye

Vimba naJehovha—Mwari Chaiye

Wakambotarisa mudenga usiku kusina makore ukaona mazana enyeredzi here? Unofunga kuti zvakavapo sei?

MURUNYARARO rwousiku, nyeredzi dzakaita sedzakataura naMambo Dhavhidhi weIsraeri yekare, zvikamuita kuti anyore kuti: “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.” (Pisarema 19:1) Hungu Musiki, kwete zvakasikwa, ndiye akafanira ku“gamuchira mbiri nokukudzwa nesimba.”—Zvakazarurwa 4:11; VaRoma 1:25.

“Iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari,” rinodaro Bhaibheri. (VaHebheru 3:4) Zvechokwadi, Mwari wechokwadi, ‘ane zita rinonzi Jehovha, ndiye Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.’ (Pisarema 83:18) Haasi chifungidziro—manyiminya. NezvaBaba vake vokudenga Jehovha, Jesu Kristu akati: “Iyeye akandituma aripo chaizvoizvo.”—Johani 7:28.

Jehovha—Muiti Wezvinangwa Zvake

Zita raMwari rakasiyana nemamwe, Jehovha, rinooneka muMagwaro echiHebheru oga ka7 000. Zita racho pacharo rinoratidza kuti aripo chaizvoizvo. Zita raMwari rinonyatsoreva kuti “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” Nokudaro Jehovha Mwari anozvizivisa soMuiti wezvinangwa zvake. Mosesi paakabvunza zita raMwari, Jehovha akarondedzera zvarinoreva nenzira iyi: “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Shanduro yaRotherham inotaura zvakananga kuti: “Ndichava chero zvandinoda kuva.” Jehovha anoratidza kuva, kana kuti anosarudza kuva, chero zvinenge zvichidiwa kuti zvinangwa zvake nezvipikirwa zvakarurama zvizadzike. Ndokusaka aine mazita okuremekedza akawanda zvinoshamisa akadai sokuti Musiki, Baba, Changamire Ishe, Mufudzi, Jehovha wehondo, Munzwi womunyengetero, Mutongi, Murayiridzi Mukuru, Mudzikinuri.—Vatongi 11:27; Pisarema 23:1; 65:2; 73:28; 89:26; Isaya 8:13; 30:20; 40:28; 41:14.

Mwari wechokwadi chete ndiye ane kodzero yokuva nezita rokuti Jehovha, nokuti vanhu havambofi vakaziva kuti zvirongwa zvavo zvichabudirira. (Jakobho 4:13, 14) Jehovha chete ndiye anogona kuti: “Mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudyari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:10, 11.

Jehovha anogona kuita chinangwa chake nechokwadi zvokuti kunyange zvinoita sezvisingaiti kuvanhu zvinoita mukuona kwake. Nguva refu Abrahamu, Isaka, naJakobho vafa, Jesu akataura nezvavo akati: “Iye [Jehovha] ndiMwari, kwete wevakafa, asi wevapenyu, nokuti vose vapenyu kwaari.” (Ruka 20:37, 38) Madzitateguru acho matatu echiHebheru akanga akafa, asi chinangwa chaMwari chokuvamutsa chaiva nechokwadi chokuzadzika zvokuti vaiva vakangoita sevapenyu kwaari. Kudzorera vashumiri ava vakatendeka kuupenyu hakunetsi Jehovha sezvo kusika munhu wokutanga kubva muguruva kusina kumunetsa.—Genesi 2:7.

Muapostora Pauro anopa mumwe muenzaniso wokuti Mwari anoita kuti zvinangwa zvake zviitike. Mumagwaro, Abrahamu anonzi “baba vamarudzi akawanda.” (VaRoma 4: 16, 17) Abrama paakanga asati ava nemwana, Jehovha akachinja zita rake kuti rive Abrahamu, zvichireva kuti “Baba veBoka (Vazhinji zhinji).” Jehovha akaita kuti zvinoreva zita iroro zviitike nokudzorera simba rokuita mwana raAbrahamu akanga akwegura neromudzimai wake, Sara.—VaHebheru 11:11, 12.

Apiwa simba rakawanda nechiremera, Jesu Kristu akataura nezvokuzadzika chaiko kwezvinhu achiona nenzira yakakwirira zvikuru kupfuura yevanhu. Kunyange zvazvo shamwari yake yepedyo Razaro akanga afa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.” (Johani 11:11) Nei Jesu akataura nezvomunhu akafa seakarara?

Pakasvika Jesu muguta rokumusha kwaRazaro, Bhetani, akaenda kuguva racho ndokurayira kuti dombo rakanga rakarivhara ribviswe. Mushure mokunyengetera achidanidzira, akati: “Razaro, buda!” Uye maziso evaiona akatarisa paguva, “murume akanga akafa akabuda makumbo ake nemaoko zvakasungwa nezvinomonera, uye chiso chake chakanga chakamonerwa nomucheka.” Jesu akazoti zvino: “Musunungurei mumurege aende.” (Johani 11:43, 44) Jesu akamutsa Razaro—achidzorera upenyu mumurume akanga afa kwemazuva mana! Kristu akanga asiri kumonyanisa chokwadi paakati shamwari yake yakanga yakarara. Mukuona kwaJehovha naJesu, Razaro akafa akanga akaita seakarara zvake. Hungu, Jesu naBaba vake vokudenga vanoisa pfungwa dzavo pazvinhu chaizvo.

Jehovha Anogona Kuita Kuti Tariro Dzedu Dzive Zvinhu Chaizvo

Pane musiyano mukuru pakati pezvidhori zvinonyengedza naMwari chaiye! Vanamati vezvidhori vanokanganisa vachiti zvinhu zvavanonamata zvine simba rinopfuura revanhu. Zvisinei, kunyange zvikanamatwa sei zvidhori izvi hazvikwanisi kuitwa kuti zviite zvishamiso. Ukuwo, Jehovha Mwari ane kodzero yokutaura nezvevashumiri vake vakafa kare sevapenyu, nokuti anokwanisa kuvapa upenyu zvekare. “Jehovha ndiye Mwari wezvokwadi,” uye haatombonyengeri vanhu vake.—Jeremia 10:10.

Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti munguva yaJehovha yakafanira, vakafa vaanorangarira vachamutswa—vachadzorerwa kuupenyu! (Mabasa 24:15) Hungu, rumuko runoreva kudzorerwa kwemararamiro omunhu wacho. Kuyeuka mararamiro avaiita vasati vafa nokuvamutsa hazvinetsi Musiki, uyo ane uchenjeri nesimba zvisingagumi. (Jobho 12:13; Isaya 40:26) Sezvo Jehovha aine rudo rukuru, achashandisa kuyeuka kwake kwakakwana kudzorera vakafa kuupenyu muparadhiso pasi pano vaine unhu hwavaiva nahwo vasati vafa.—1 Johani 4:8.

Sezvo mugumo wenyika yaSatani unoswedera, nguva yemberi yakajeka zvechokwadi kune vaya vanovimba naMwari. (Zvirevo 2:21, 22; Dhanieri 2:44; 1 Johani 5:19) Munyori wepisarema anotipa chivimbo achiti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; . . . asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:10, 11) Kuparwa kwemhosva nemhirizhonga zvichava zvinhu zvakapfuura. Kururamisira kuchava kwose kwose, uye pachange pasisina nhamo yemari. (Pisarema 37:6; 72:12, 13; Isaya 65:21-23) Zvose zvinoratidza kusarurana munzanga, madzinza, nendudzi zvichabviswa. (Mabasa 10:34, 35) Hondo nezvombo zvehondo zvichange zvisisipo. (Pisarema 46:9) Panguva iyoyo “hakuna ugeremo uchati: ‘Ndinorwara.’” (Isaya 33:24) Munhu wose achava noutano hwakakwana, hwakanaka. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Paradhiso pasi pano ichava chinhu chaicho munguva pfupi iri kutevera. Chinangwa chaJehovha!

Hungu, tariro dzose dzakavakirwa muBhaibheri dzava kubva dzozadzika. Tingazvibvumira seiko kunyengerwa nezvinhu zvinonamatwa munyika ino isu tichigona kuvimba zvakazara naJehovha? Kuda kwake kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:3, 4) Pane kuti tipedzere nguva yedu nezvatinowana pazvinhu zvokufungidzira, kana kuti manyiminya, zvenyika ino navamwari vayo, ngatikurei mukuziva Mwari chaiye tovimba naye nomwoyo wedu wose.—Zvirevo 3:1-6; Johani 17:3.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Mukuona kwaJehovha naJesu, Razaro akanga akatorara zvake

[Mifananidzo iri papeji 7]

Paradhiso pasi pano ichava chinhu chaicho munguva pfupi iri kutevera