Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Guta Pamusoro Pegomo

Guta Pamusoro Pegomo

Guta Pamusoro Pegomo

“MURI chiedza chenyika. Guta harigoni kuvanzwa kana riri pamusoro pegomo,” Jesu akaudza vadzidzi vake muMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira.—Mateu 5:14.

Maguta mazhinji omuJudhiya nomuGarireya akanga akavakirwa pamusoro pemakomo panzvimbo pomumipata yaiva pasi. Chinhu chikuru nei vaisarudza pamusoro pemakomo kwaiva kuda kuchengeteka. Kuwedzera kumauto aiuya kuzorwisa, zvikwata zvevapambi zvaigara zvichiparadza misha yevaIsraeri. (2 Madzimambo 5:2; 24:2) Vagari venyika vakashinga vaigona kudzivirira dzimba dzakabatana zvikuru pamusoro pechikomo zviri nyore kwazvo kupfuura guta riri pakadzikira, raida rusvingo rwakareba rwokudzivirira.

Sezvo kakawanda madziro edzimba dzechiJudha aidzururwa nevhu jena, dzimba dzose dzakabatana idzi dzakadzururwa nevhu jena pamusoro pechikomo dzaigona kuonekwa zviri nyore uri kure. (Mabasa 23:3) Muzuva rakajeka rokuParestina, maguta iwayo epamusoro pezvikomo aipenya somwenje, sezvichiri kungoita maguta eMediterranean muzuva ranhasi.

Jesu akashandisa muenzaniso uyu unonyatsooneka wenyika yeGarireya neJudhiya kuti adzidzise vateveri vake basa romuKristu wechokwadi. “Saizvozvowo chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka kwazvo vape mbiri kuna Baba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:16) Nepo vaKristu vasingaiti mabasa akanaka kuti varumbidzwe nevanhu, mufambiro wavo wakanaka hauregi kuonekwa.—Mateu 6:1.

Mufambiro wakadaro unonyatsoonekwa pamakokorodzano oruwa eZvapupu zvaJehovha. Rimwe pepanhau muSpain, richitaura nezvekokorodzano ichangoitika, rakashuma kuti: “Nepo kufarira zvechitendero kuri kupera mune mamwe mapoka, izvi handizvo zvazviri kuZvapupu zvaJehovha. Sezvo zvisingadi kuti Bhaibheri rirasikirwe nokushanda kwaro, zvinoshandisa Shoko raMwari.”

Thomas, muchenesi wenhandare iri nechokumusoro kwakadziva kumadokero kweSpain iyo Zvapupu zvaiwanzoshandisa, ainakidzwa nokuva pane vanhu vanoshandisa Shoko raMwari. Akamboramba achishanda kwevhiki dzinoverengeka kuitira kuti agone kupinda kokorodzano yoruwa yeZvapupu zvaJehovha asati arega basa. Apo vapindi vakawanda, kusanganisira vechiduku, vakasvika kwaari kokorodzano yapera kuti vamutende nokuda kwokushandira pamwe kwake kwemakore akanga apfuura uye kumushuvira zvakanaka panguva yake yokurega basa, akadonhedza misodzi. “Kukuzivai vanhu imi kwave kuri chimwe chezvinhu zvakanakisisa muupenyu hwangu,” akadaro.

Guta riri pamusoro pegomo rinoonekwa nomuoni nokuti riri pakajeka uye kuti dzimba chena dziri mariri dzinoteya chiedza chezuva. Kufananawo naizvozvo, vaKristu vechokwadi vanozvisiyanisa nevamwe nokuti vanoedza kutevedzera zvinodiwa zvomuMagwaro zvakakwirira zvokuvimbika, kuva netsika dzakanaka, uye kuva netsitsi.

Mukuwedzera, vaKristu vanoratidza chiedza chechokwadi nebasa ravo rokuparidza. NezvevaKristu vomuzana remakore rokutanga, muapostora Pauro akati: “Zvatine ushumiri uhwu maererano nengoni dzatakaratidzwa, hatiregi . . . asi nokuonesa chokwadi ti[no]zvirumbidza kuhana yomunhu wose pamberi paMwari.” (2 VaKorinde 4:1, 2) Kunyange zvazvo vaisangana nokushorwa kwose kwavaiparidza, Jehovha akakomborera ushumiri hwavo zvokuti munenge mugore ra60 C.E., Pauro aigona kunyora kuti mashoko akanaka akanga ari kuparidzwa “pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.

Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinotora nenzira yakakomba mutoro wazvo wokuita kuti ‘chiedza chazvo chipenye pamberi pevanhu,’ sezvakarayirwa naJesu. Neshoko romuromo uye nezvakanyorwa, Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa mashoko oUmambo munyika 235 pasi pose. Kuitira kuti chiedza chechokwadi cheBhaibheri chisvike kune vanhu vakawanda sezvingabvira, zvakaita kuti mabhuku azvo eBhaibheri awanike mumitauro 370.—Mateu 24:14; Zvakazarurwa 14:6, 7.

Munzvimbo dzakawanda, Zvapupu zvakazvipira kuita basa rakaoma rokudzidza mitauro yevanhu vakatama kubva kunyika idzo basa rokuparidza rinorambidzwa kana kuti raimborambidzwa. Somuenzaniso, mumaguta makuru akawanda muNorth America, kwave kune vanhu vakawanda vanobva kuChina neRussia. Zvapupu zvemo zvakaedza kudzidza mutauro wokuChina newokuRussia, uye mimwe mitauro kuitira kuti zviparidze mashoko akanaka kune vatsva vanouya ava. Chaizvoizvo, zvidzidzo zvemitauro yakawanda zvokukurumidza zviri kuitwa kuti mashoko akanaka aparidzwe kune vamwe apo munda uchaka“chenera kukohwa.”—Johani 4:35.

Muprofita Isaya akafanotaura kuti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri.” Nemaitiro azvo noushumiri hwazvo, Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsira vanhu kwose kwose kuuya ku“gomo reimba yaJehovha” kuti vadzidziswe nzira dzaMwari uye kuti vadzidze kufamba munzira yaMwari. (Isaya 2:2, 3) Mugumisiro unofadza ndewokuti, sezvakataurwa naJesu, pamwe chete ‘vanopa mbiri kuna Baba vavo vari kumatenga,’ Jehovha Mwari.—Mateu 5:16; 1 Petro 2:12.