Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Akatidzidzisa Kutsungirira Nokushingirira

Jehovha Akatidzidzisa Kutsungirira Nokushingirira

Nyaya Youpenyu

Jehovha Akatidzidzisa Kutsungirira Nokushingirira

YAKATAURWA NAARISTOTELIS APOSTOLIDIS

Nechokumusoro kwakaperera Makomo eCaucasus kune Pyatigorsk, guta rokuRussia rakakurumbira nezvitubu zvaro zvine munyu uye mamiriro okunze ari pakati nepakati. Ndakaberekerwa ikoku muna 1929 nevapoteri vakabva kuGreece. Makore gumi gare gare, pashure pokuoneswa ndondo nokuparadza, kutambudza uye kuuraya mamwe madzinza kwaiitwa nevanhu vaStalin, takava vapoteri zvekare, sezvatakamanikidzirwa kuenda kuGreece.

TAENDA kuPiraiévs, kuGreece, “upoteri” takahuona hwasiyana nehwataiziva. Tainzwa sevanhu vasingambozivikanwi. Kunyange zvazvo ini nomukoma wangu takanga tine mazita evazivi vaviri vakakurumbira vechiGiriki, Socrates naAristotle, taisambonzwa tichishevedzwa nemazita iwayo. Munhu wose aititi tuvanhu twokuRussia.

Hondo Yenyika yechipiri ichangotanga, amai vangu vandaida vakafa. Ndivo vakanga vari musimboti womusha wedu, uye kurasikirwa navo kwaikangaidza zvikuru. Sezvo vakanga vatora nguva yakati kuti vari ndonda, vakanga vandidzidzisa kuita mabasa omumba akawanda. Rovedzo iyi yakazobatsira zvikuru muupenyu hwangu hwakazotevera.

Hondo Norusununguko

Hondo, kupambwa nevaNazi, uye kubhombwa kusingamiri neMubatanidzwa wemauto kwaiita kuti zuva rimwe nerimwe riite serokupedzisira. Urombo, nzara norufu zvakanga zvakawanda zvikuru. Kutangira pazera remakore 11, ndaifanira kushanda nesimba pamwe nababa vangu kuitira kuti isu vatatu tigone kurarama. Dzidzo yangu yokunyika yakakanganiswa nokusanyatsogona mutauro wechiGiriki, uyewo nehondo nemigumisiro wayo.

Kupambwa kweGreece neGermany kwakapera muna October 1944. Nguva pfupi pashure peizvozvo, ndakasangana neZvapupu zvaJehovha. Mukupera mwoyo uye nhamo zvenguva yacho, tariro yeBhaibheri yeremangwana rakajeka muUmambo hwaMwari yakafadza mwoyo wangu. (Pisarema 37:29) Chipikirwa chaMwari choupenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu ane rugare pasi pano chakava mafuta chaiwo pamaronda angu. (Isaya 9:7) Muna 1946, ini nababa vangu takabhabhatidzwa, tichiratidza kuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha.

Gore rakatevera racho, ndakava nomufaro wokuwana mugove wangu wokutanga somutarisiri wemagazini muungano yechipiri yakarongwa muPiraiévs. Ndima yedu yaibva kuPiraiévs kuenda zasi kuEleusis, mufambo weanenge makiromita 50. Panguva iyoyo, vaKristu vakawanda vakazodzwa nomudzimu vaishumira muungano yacho. Ndakanga ndine ropafadzo yokushanda navo uye kudzidza kubva kwavari. Ndainakidzwa nokuva navo nokuti vakanga vane zviitiko zvisingaperi zvokurondedzera nezvesimba rakawanda rinodiwa pakuita basa rokuparidza. Kubva mumararamiro avo zvakanga zvakajeka kuti, kuti ushumire Jehovha wakatendeka, kushivirira kukuru nokushingirira zvinodiwa. (Mabasa 14:22) Ndinozofara zvikuru kuti nhasi munzvimbo iyi mune ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinopfuura 50!

Muedzo Wakanga Usingatarisirwi

Imwe nguva gare gare, ndakatanga kuziva Eleni, mukadzi wechiKristu munaku, aishingaira muguta rePatras. Pakupera kwa1952, takavimbisana kuroorana. Zvisinei, papera mwedzi mishomanana, Eleni akarwara zvikuru. Vanachiremba vakaona kuti akanga ane bundu muuropi, uye utano hwake hwakanga hwave pakaipisisa. Aifanira kuvhiyiwa nokukurumidza. Tatsvakisisa, takakwanisa kuwana chiremba muAthens uyo—pasinei nezvokurapisa zvishoma kare ikako—aida kuita maererano nezvitendero zvedu uye kuvhiya pasina kuisira ropa. (Revhitiko 17:10-14; Mabasa 15:28, 29) Avhiyiwa, vanachiremba vakafunga kuti musikana wangu achapora hake, asi havana kuti haaizorwara zvekare.

Ndaifanira kuitei pazvakanga zvadai? Nokuchinja kwakanga kwaita zvinhu zvino, ndaifanira kumuramba ndobva ndazvisunungura here? Kwete! Nokuvimbisana kuroorana naye, ndakanga ndaita mhiko, uye ndaida kuti hungu wangu ave hungu. (Mateu 5:37) Hapana nguva yandakambofunga kuti aiwa handichadi. Achichengetwa nomukoma wake, Eleni akapora zvishoma, uye takaroorana muna December 1954.

Papera makore matatu, chirwere chaEleni chakadzokazve, uye chiremba wakare uya aifanira kuvhiya zvekare. Pari zvino akavhiya kupinda mukati mouropi kuti abvise bundu racho rose. Zvakazoguma zvoita kuti mudzimai wangu asare aoma mimwe mitezo, uye nzvimbo yomuuropi inoshanda pakutaura yakakanganiswa zvikuru. Apa tose takaomerwa zvikuru nemamwe matambudziko matsva. Kunyange basa riri nyore rakava chipinganidzo chikuru kune mudzimai wangu wandaida. Utano hwake hwaidzikira hwaida kuti tichinje zvinhu zvakawanda zvoupenyu hwedu hwezuva nezuva. Kupfuura zvose, zvaida kutsungirira nokushingirira kukuru.

Apa zvino ndipo pakatanga kushanda kurovedzwa kwandakaitwa naamai vangu. Magwanani-ngwanani oga oga, ndaigadzira zvose zvokubikisa, uye Eleni aibika. Kakawanda taikoka vaenzi, kusanganisira vashumiri venguva yakazara, vanhu vataidzidza navo Bhaibheri, uye vamwe vaKristu vaishayiwa vaiva muungano. Vose vaibvuma kuti zvokudya izvi aive machikichori chaiwo! Ini naEleni taibatsiranawo mamwe mabasa omumba kuti musha wedu urambe wakachena uye wakashambidzika. Aya mamiriro ezvinhu akaoma zvikuru aizopfuurira kwemakore 30.

Kushingaira Pasinei Nokurwara

Zvaikurudzira zvikuru kwandiri nokune vamwe kuona kuti hapana chaigona kuderedza kuda Jehovha kwomudzimai wangu uye kushingairira basa rake. Nokufamba kwenguva, uye nokuramba achiedza, Eleni akakwanisa kutaura zvaaida nemashoko mashoma zvikuru. Aifarira kutaura nevanhu mumugwagwa mashoko akanaka kubva muBhaibheri. Pandaifambira zvebhizimisi, ndaienda naye ndomisa motokari pedyo nepanofambira vanhu vakawanda. Aivhura hwindo remota achikumbira vapfuuri kuti vatore magazini eNharireyomurindi neMukai! Pane imwe nguva, akagovera magazini 80 mumaawa maviri. Kakawanda aishandisa magazini ose ekare aiwanika muungano. Eleni aishandisawo dzimwe nzira dzokupupura nguva dzose.

Mumakore ose ayo mudzimai wangu akanga ari chirema, nguva dzose aiva neni pamisangano. Haana kumbopotsa kokorodzano kana gungano, kunyange pataifanira kuenda kunze kwenyika nemhaka yokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha muGreece. Pasinei nokusagona kuita zvimwe zvinhu kwake, akafara kupinda kokorodzano muAustria, Germany, Cyprus, nedzimwe nyika. Eleni haana kumbogunun’una kana kuda kunyanyotarisirwa, kunyange apo basa rangu rakawedzerwa kuna Jehovha dzimwe nguva raiita kuti zvinhu zvisamufambira zvakanaka.

Kwandiri, mamiriro ezvinhu aya akandipa chidzidzo chenguva refu chokutsungirira nokushingirira. Ndaibatsirwa naJehovha kakawanda. Hama nehanzvadzi dzaizvipira kuitira kuti dzitibatsire chero nezvadzaigona, uye vanachiremba vaitibatsira nomutsa. Mumakore ose iwayo akaoma, hatina kumboshaya zvinodiwa mukurarama, kunyange zvazvo mamiriro edu ezvinhu akaoma aiita kuti zvisaita kuti ndiite basa renguva dzose. Zvinodiwa naJehovha uye basa rake ndozvaiva pamberi chete.—Mateu 6:33.

Vakawanda vakabvunza kuti chii chakatisimbisa mumakore ose iwayo akaoma. Kana ndikatarira shure zvino, ndinoona kuti kudzidza Bhaibheri tiri toga, kunyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha, kupinda misangano yechiKristu nguva dzose, uye kushingairira kuita basa rokuparidza zvakasimbisa kutsungirira nokushingirira kwedu. Taigara tichiyeuchidzwa nezvemashoko anokurudzira ePisarema 37:3-5 okuti: “Vimba naJehovha, uite zvakanaka; . . . Farikanya kwazvo kuna Jehovha . . . Isa nzira yako kuna Jehovha, vimbawo naye, iye uchazviita.” Rumwe rugwaro rwaikosha chaizvo kwatiri rwakanga ruri Pisarema 55:22 runoti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.” Somwana anovimba zvizere nababa vake, hatina kungokandira mitoro yedu pana Jehovha chete asi takaisiya kwaari.—Jakobho 1:6.

Musi waApril 12, 1987, mudzimai wangu paaiparidza ari pamberi pemba yedu, dhoo resimbi rinorema rakavharika kushure kwake, richimudonhedzera mukanzira, nokumukuvadza zvikuru. Zvakaguma nokuita kuti arambe asina chaanoziva kwemakore matatu akatevera. Akafa mukutanga kwa1990.

Kushumira Jehovha Kusvika Pandinogona

Kare muna 1960, ndakagadzwa kuti ndishande somuranda weungano muNikaia, Piraiévs. Kubvira ipapo, ndakava neropafadzo yokushanda mune dzimwe ungano dzakawanda muPiraiévs. Kunyange zvazvo ndisina kumbova nevana vangu pachangu, ndakava nomufaro wokubatsira vana vokumudzimu vakawanda kuti vave vakatsiga muchokwadi. Vamwe vavo nhasi vanoshanda sevakuru muungano, vashumiri vanoshumira, mapiyona, uye nhengo dzemhuri yeBheteri.

Utongi hworuzhinji hwadzorerwa muGreece muna 1975, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava kugona kuita makokorodzano azvo zvakasununguka, pasina chikonzero chokuvanda mumasango zvekare. Ruzivo urwo isu vamwe takava narwo pakuronga makokorodzano kunze kwenyika zvino rwakanga rwava kushanda. Nokudaro, ndaiva nomufaro uye ropafadzo yokushanda mumatare ekokorodzano akasiyana-siyana kwemakore akawanda.

Ipapo, muna 1979, pakaitwa urongwa hwokuvaka Imba Yemagungano yokutanga muGreece, nechokunze kweAthens. Ndakapiwa basa rokubatsira kuronga nokuita basa iri rokuvaka rakakura. Basa iri raidawo kutsungirira nokushingirira kukuru. Kushanda kwemakore matatu nemazana ehama nehanzvadzi dzinozvipira kwakaita kuti pave nechisungo chorudo chakasimba nokubatana pakati pedu. Zvaiitika pabasa iri zvakanyorwa pamwoyo wangu zvisingadzimiki.

Kugutsa Zvinodiwa Zvokunamata Zvevasungwa

Makore mashomanana gare gare, mumwe mukana wakazaruka. Pedyo nendima yeungano yangu, muKorydallos, pane rimwe remajeri makuru zvikuru muGreece. Kubvira muna April 1991, ndakagadzwa kuti ndishanyire jeri iri vhiki yoga yoga somushumiri weZvapupu zvaJehovha. Ikoko ndinobvumirwa kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri nemisangano yechiKristu nevasungwa vanofarira. Vakawanda vavo vakachinja zvikuru, vachiratidza simba guru reShoko raMwari. (VaHebheru 4:12) Izvi zvakaorora vanoshanda mujeri pamwe nevamwe vasungwa. Vamwe vevasungwa vandakadzidza navo Bhaibheri vakasunungurwa uye iye zvino vave vaparidzi vemashoko akanaka.

Kwenguva yakati ndakadzidza nevamwe vatengesi vezvinodhaka vaiva nomukurumbira wakashata vatatu. Sezvavaifambira mberi mune zvokunamata, vaiuya kuzodzidza Bhaibheri vakagera ndebvu, vakakama bvudzi zvakanaka, uye vakasunga tai pakati pomwedzi waAugust—mumwe wemwedzi inopisa zvikuru muGreece! Mukuru wejeri, gadhijeri mukuru, nevamwe vashandi vakamhanya kubva kumahofisi avo kuti vaone chiitiko ichi. Havana kugona kubvuma zvavakaona!

Zvimwe zvinokurudzira zvakaitika muchikamu chejeri revakadzi. Chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa nomumwe mukadzi aipika jeri kwoupenyu hwose nemhosva yokuponda. Aizivikanwa nenzira dzake dzokupandukira. Zvisinei, munguva pfupi chokwadi cheBhaibheri chaaidzidza chakamuchinja zvainyatsooneka zvokuti vakawanda vakataura kuti akanga akaita seshumba yaichinja kuva gwai! (Isaya 11:6, 7) Akabva angotanga kuremekedzwa nokuvimbwa naye nomukuru wejeri. Ndakafara kumuona achifambira mberi zvakanaka mukunamata uye kusvika pakuzvitsaurira kuna Jehovha.

Kubatsira Vane Utano Husina Kutsarukana Nevakura

Kuona kwandakaita mudzimai wangu achitambura nokurwara kwenguva yakareba kwakandiita kuti ndinzwisise zvikuru zvinodiwa nevanorwara nevakura pakati pedu. Panguva yose apo mabhuku edu aibudisa nyaya dzaitikurudzira kubatsira norudo vanhu vakadaro, kufarira kwangu kwakamutswa. Ndaikoshesa nokuunganidza nyaya dzakadaro. Kwapera makore akati, ndakanga ndava nomupakwa unopfuura mapeji zana—kutanga nenyaya inoti “Consideration for Older Persons and Afflicted Ones,” (Kuva Nehanya Nevakura uye Vanotambura) iri muNharireyomurindi yechiRungu yaJuly 15, 1962. Dzakawanda dzenyaya idzi dzakaratidza kuti zvinobatsira kuti ungano imwe neimwe ibatsire zvakarongwa vanorwara nevakwegura.—1 Johani 3:17, 18.

Vakuru vakaronga boka rehama nehanzvadzi dzaizvipira kuti dzitarisire zvinodiwa nevanorwara nevakura muungano yedu. Takaronga vazvipiri vacho muzvikwata zvakasiyana-siyana—sevanobatsira masikati, vamwe vanogona kubatsira usiku, vanogona kupa zvokufambisa, nevaikwanisa kubatsira chero nguva. Vokupedzisira ava vakanga vakaita sevaya vanomhanyira nokukurumidza kwaitika njodzi.

Migumisiro yokuedza kwakadaro yave ichikurudzira. Somuenzaniso, hanzvadzi yairwara yaigara yoga yakawanikwa yafenda iri pauriri parimwe remazuva okushanyirwa kwayaiitwa zuva roga roga. Takazivisa imwe hanzvadzi yaigara pedyo nepo yaiva nemota. Yakakurumidza kuendesa hanzvadzi iyi yairwara kuchipatara chaiva pedyo munguva pfupi zvisati zvamboitika—maminitsi gumi chete! Vanachiremba vakati izvi zvakaponesa upenyu hwake.

Kuongwa kunoitwa nhengo dzeboka racho nevanorwara nevakwegura ava kunogutsa zvikuru. Kuva netariro yokurarama nehama nehanzvadzi idzi munyika itsva yaMwari mumamiriro ezvinhu akasiyana neano kunonyevenutsa mwoyo. Uye kuziva kuti vakabatsirwa kutsungirira nokuda kwokutsigirwa kwavaiitwa munguva yavo yokurwara unotova mumwewo mubayiro.

Kushingirira Kwakaunza Mibayiro

Pari zvino ndinoshanda somukuru muimwe yeungano dzePiraiévs. Pasinei nokukura muzera nezvinetso zvoutano, ndinofara kuti ndichiri kugona kuita mamwe mabasa omuungano.

Mumakore ose aya, mamiriro ezvinhu anoedza, zvinetso zvakaoma, uye zvinoitika usingafungiri zvaida kusimba nokushingirira zvikuru. Asi, Jehovha akagara achindipa simba rinodiwa kuti ndikurire zvinetso izvi. Nguva nenguva, ndakaona chokwadi chemashoko omunyori wepisarema chichiitika kuti: “Panguva yandakati: Rutsoka rwangu rwotedzemuka; ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira. Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.”—Pisarema 94:18, 19.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nomudzimai wangu, Eleni, avhiyiwa kechipiri, muna 1957

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pakokorodzano muNuremberg, Germany, muna 1969

[Mufananidzo uri papeji 28]

Boka rehama nehanzvadzi dzaibatsira vanorwara nevakura