Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mitemo yokurambidza kuroorana kwehama yakataurwa muMutemo waMosesi nhasi inoshanda kuvaKristu kusvika papi?

Mutemo wakapiwa naJehovha kurudzi rwaIsraeri hauna zvakawanda zvaunotaura nezvemhemberero dzomuchato nemaitirwo adzo. Zvisinei, unorambidza kuroorana kwevamwe vanhu. Somuenzaniso, pana Revhitiko 18:6-20, tinowana pakarongwa ‘hama dzomumba’ dzisingafaniri kurara dzose. Ndima iyoyo inoenderera mberi ichinyatsorondedzera kuti ihama dzipi dzomumba dzisingafaniri kurara dzose. Asika, vaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi kana kuti havasungwi nemirayiro yawo. (VaEfeso 2:15; VaKorose 2:14) Kunyange zvakadaro, izvi hazvirevi kuti vaKristu vanogona kusateerera nhau iyi pavanenge vachisarudza kuti voroora ani. Pane zvikonzero zvakawanda nei zvakadaro.

Kutanga, pane mitemo yenyika inodzora kuroorana kwehama dzepedyo, uye vaKristu vanotofanira kuteerera mitemo yenyika dzavanogara. (Mateu 22:21; VaRoma 13:1) Asi mitemo iyoyo inosiyana-siyana munzvimbo nenzvimbo. Mitemo yakawanda yakadaro yemazuva ano yakaiswa pachifungwa nezvezvinhu zvinopfuudzirwa pakuberekwa. Chinhu chinozivikanwa kuti kuroorana kwehama dzomumba kakawanda kunoita kuti vana vacho vaberekwe vakaremara uye vane zvirwere. Nokuda kwechikonzero ichi uye nokuda ‘kwokuzviisa kwavo pasi pemasimba makuru,’ vaKristu vanoroorana vanoita maererano nemitemo yokuroorana yemavanogara.

Zvino panozoita nyaya yezvinobvumwa nezvisingabvumwi munzanga iyo munhu anogara. Tsika dzose dzine mitemo nezvinoitwa zvinorambidza kuroorana kwevanhu vane ukama hweropa hwepedyo zvikuru, kakawanda kuroorana kwakadaro kuchionwa semakunakuna uye kunorambidzwa. Kunyange zvazvo kuroorana kwacho chaiko kunorambidzwa kungasiyana zvikuru mutsika dzakasiyana, “kazhinji kacho, kana vanhu vacho vari voukama hweropa hwepedyo mumhuri, kurambidzwa kwacho kunenge kwakasimba uye kuchishorwa zvikuru kana kuti vachirambidzwa kurara vose,” inodaro The Encyclopædia Britannica. Saka, kunyange kana panenge pasiri kuitwa makunakuna, vaKristu havafaniri kuita vachifuratira zvachose tsika dzakagara dziripo uye manzwiro evanhu vomunzanga macho, kuitira kuti varege kuzvidzisa Ungano yechiKristu kana zita raMwari.—2 VaKorinde 6:3.

Hana yedu yatakapiwa naMwari ndiyo isingafaniri kufuratirwa. Vanhu vose vanozvarwa vane pfungwa dzechakarurama nechisina kururama, chakanaka nechakaipa. (VaRoma 2:15) Hana yavo inovaudza zvinoitwa mutsika nezvakarurama uye zvisiri zvomuzvarirwo uye zvinosemesa, asi kutoti yatokanganiswa kana kutindivadzwa nemiitiro yakaipa. Jehovha akataura nezveizvi paakapa vaIsraeri murayiro wake wokurambidza kuroorana kwehama dzepedyo. Tinoverenga kuti: “Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika ye[Ijipiti] mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo.” (Revhitiko 18:3) VaKristu vanokoshesa hana yavo yakarovedzwa neBhaibheri uye havaibvumiri kuti ishatiswe nepfungwa yeNyika yakamonyaniswa yezvakarurama nezvakaipa.—VaEfeso 4:17-19.

Saka tingagumisa nokutiiko? Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi poMutemo waMosesi, hana yavo inovaudza zvakajeka kuti kuroorana kwevanhu voukama hwepedyo—zvakadai sababa nomwanasikana, amai nomwanakomana, hanzvadzikomana nehanzvadzisikana—hakumbogamuchiriki zvachose kuvaKristu. * Sezvo ukama hunotaramuka, vaKristu vanoziva kuti pane mitemo nemirau inodzora kuroorana kwepamutemo uye kuti pane zvakatarwa zvinogamuchirika munzanga uye mutsika. Iyoyi inofanira kunyatsofungwa nezvayo kuitira kuti tigone kuita maererano nomutemo wepaMagwaro wokuti: “Roorano ngaikudzwe pakati pavose.”—VaHebheru 13:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Kuti uwane mashoko akawanda ezvenhau yacho, tapota ona nyaya inoti “Incestuous Marriages—How Should Christians View Them?” muNharireyomurindi yechiRungu yaMarch 15, 1978, mapeji 25-6.