Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rucheno—Runombonyatsorevei?

Rucheno—Runombonyatsorevei?

Rucheno—Runombonyatsorevei?

PAMUSANA pouyanga hunoshamisa hwaiva muEurope nomuUnited States mumazana emakore echi18 ne19, mamishinari omunguva iyoyo akaparidza inganzi “dzidziso yorucheno.” Dzidziso yacho yaienzanisa uchapa nechivi, ukuwo rucheno ruchinzi runounza munhu pedyo naMwari. Zvichida izvi ndizvo zvakaita kuti chirevo chokuti “Rucheno ruri pedyo nokunamata” chive chakakurumbira.

Aya ndiwo maonerwo aiitwa rucheno neSalvation Army, yakavambwa naWilliam naCatherine Booth. Maererano nebhuku rinonzi Health and Medicine in the Evangelical Tradition, rimwe remashoko avo okukurudzirana okutangatanga raiva rokuti: “Sipo, Muto, uye Ruponeso.” Pakazoratidzwa naLouis Pasteur nevamwe pasina mubvunzo kuti kurwara kwakabatana noutachiona, zvakabatsira masayendisiti kuwedzera zvirongwa zvoutano hwakanaka.

Mamwe ematanho akatorwa pakarepo aisanganisira kuregedzesa zvapupu zvomumatare edzimhosva kutsvoda Bhaibheri uye kurega kushandisa kapu imwe chete pazvikoro nepazviteshi zvechitima. Kwakatoedzwa kutsiva komichi yaishandiswa mune zvokunamata nekapu yomumwe nomumwe. Hungu, zvinoita sokuti ava vavambi vokutanga vakabudirira kuchinja mafungiro evanhu nezvorucheno. Zvokuti mumwe munyori akatonyora nezvomugumisiro wacho kuti “kudanana norucheno.”

Zvisinei, uku “kudanana norucheno,” zvinoita sokuti kwakanga kuri chipameso chete. Hapana kumbotora nguva vashambadzi vasati vachinja sipowo zvadzo kuti dzive sipo dzorunako. Mashoko okushambadza ounyanzvi akaita kuti vatengi vafunge kuti kushandisa zvimwe zvigadzirwa zvoutsanana kwaizopa anozvishandisa chinhanho chinochiviwa nevamwe munzanga. Terevhizheni inokurudzira mafungiro aya. Vanhu vakabudirira vane mukurumbira vanobuda mumashoko okushambadza nomumitambo havawanzobudiswa vachichenesa mumba, vachitsvaira pachivanze, vachinhonga marara, kana kuti vachibvisa tsvina yekatsi nembwa dzavo.

Kunewo vaya vanofunga kuti kuenda kubasa ndiko kunovapa mari inovararamisa, nepo mabasa epamba nemamwe okuchenesa zvisingapi mari. Uye sezvo pasina mari inowanikwa, nei vachifanira kuzvinetsa nokuchengeta mhoteredzo? Mumwe wemigumisiro yacho wave uri wokuti vamwe vanhu nhasi vanofunga kuti rucheno runoreva utsanana hwavo pachavo chete.

Maonero Anoitwa Rucheno naMwari

Hapana mubvunzo kuti zvakaedza kuitwa pakuvamba izvozvo zvokudzidzisa nezvorucheno zvakabatsira kuvandudza magariro evanhu. Uye hazvishamisi kuti zvakadaro nokuti rucheno nderwaMwari mutsvene uye akachena, Jehovha, uye ndiye akaruvamba. Anotidzidzisa kuzvibatsira nokuva vatsvene uye vakachena munzira dzedu dzose.—Isaya 48:17; 1 Petro 1:15.

Jehovha Mwari muenzaniso wakanaka munhau iyi. Rucheno pamwe chete nezvimwe zvaari zvisingaoneki, zvinonyatsooneka muzvakasikwa naMwari. (VaRoma 1:20) Tinoona kuti zvakasikwa pachazvo hazvisvibisi mhoteredzo zvachose. Pasi negadziriro dzaro dzose rinozvichenesa zvinoshamisa, uye rakagadzirirwa kurarama kwakachena kune utano. Basa rakachena zvakadaro rinogona kungobva kuMurongi ane pfungwa dzakachena chete. Saka, kubva mune izvi tinogona kuona kuti vanamati vaMwari vanofanira kuva vakachena muzvavanoita zvose zvoupenyu hwavo.

Zvinhu Zvina Zvinoda Rucheno

Bhaibheri rinozivisa zvinhu zvina izvo vanamati vanofanira kuedza kuratidza rucheno mazviri. Ngatikurukurei chimwe nechimwe chazvo.

Mumudzimu. Uku kunganzi ndiko kuchena kunokosha pane zvose, nokuti kune chokuita netariro yomunhu youpenyu husingaperi. Zvisinei, kazhinji kacho ndirwo runoregeredzwa. Zvichitaurwa zviri nyore, kuva akachena mumudzimu kunoreva kusadarika mutsetse wakaiswa naMwari pakati pokunamata kwechokwadi nokwenhema, nokuti Mwari anoona kunamata kwose zvakwo kwenhema sokusina kuchena. Muapostora Pauro akanyora kuti: “‘Ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’” (2 VaKorinde 6:17) Mudzidzi Jakobho anotaurawo zvakananga nyaya iyi achiti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: . . . kuzvichengeta usina ruvara rwenyika.”—Jakobho 1:27.

Mwari akanyatsoratidzira kusatendera kwake kusanganiswa kwokunamata kwenhema nokwake kwechokwadi. Kunamata kwenhema kunowanzosanganisira miitiro isina kuchena nezvidhori navamwari vanonyangadza. (Jeremia 32:35) Nokudaro, vaKristu vechokwadi vanokurudzirwa kusiyana zvachose nokunamata kwenhema.—1 VaKorinde 10:20, 21; Zvakazarurwa 18:4.

Mutsika. Pano, zvekare, Mwari anoisa mutsetse wakajeka pakati pechakachena nechisina. Yose zvayo, nyika yasvika pakuva sezvakarondedzerwa pana VaEfeso 4:17-19 kuti: “Vari murima mupfungwa, uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari . . . Vasisina kana nepfungwa yose zvayo yokuzvibata, vakazviregerera vachiva nzenza kuti vaite kusachena kworudzi rwose nokukara.” Mafungiro ounzenza akadaro anozviratidza nenzira dzakawanda, dzakajeka nedzisinganyatsooneki, saka vaKristu vanofanira kungwaririra.

Vanoda Mwari vanoziva kuti chipfambi, ungochani, kurara mose musati maroorana, nokuona kana kuverenga zvinonyadzisira kuputswa kwomwero waJehovha worucheno. Zvisinei, mashoko pamusoro pezvinhu izvi akazara mune zvevaraidzo nezvefashoni. Saka vaKristu vanofanira kuzvichenjerera pamashoko akadaro. Kupfeka hembe dzinosiya nhengo dzomuviri dzinonyadzisa pachena pakuenda kumisangano yechiKristu kana kuti pakaungana vanhu kunoita kuti munhu anyanyocherechedzwa muviri wake zvisina zvazvinobatsira uye zvinoratidza kushayikwa kworucheno. Mupfekero wakadaro haungounza mafungiro enyika muungano chete, asiwo unokwanisa kuita kuti vamwe vave nepfungwa dzisina kuchena. Apa ndipo panoda kuti vaKristu vashande nesimba kuti varatidze “uchenjeri hunobva kumusoro.”—Jakobho 3:17.

Mupfungwa. Pfungwa dzomunhu dzomukati-kati hadzifaniri kuva dzisina kuchena. Jesu akanyevera nezvokufunga zvisina kuchena paakati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28; Mako 7:20-23) Mashoko aya anoshandawo pakuona mapikicha nemabhaisikopo anonyadzisira, kuverenga nyaya dzinotaura nezvokusangana pabonde, nokuteerera mashoko enziyo anotaura zvinonyadzisira. Nokudaro vaKristu vanofanira kurega kuzvisvibisa nepfungwa dzisina kuchena dzingapedzisira dzaita kuti vataure nokuita zvisina kuchena, zvisiri zvitsvene.—Mateu 12:34; 15:18.

Mumuviri. Utsvene norucheno rwomuviri zviri pedyo nepedyo muBhaibheri. Somuenzaniso, Pauro akanyora kuti: “Vanodiwa, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Saka vaKristu vechokwadi vanofanira kuedza kuchengeta miviri yavo, misha, nezvakavapoteredza zvakachena uye zvakarongedzwa, sezvinobvumirwa nemamiriro avo ezvinhu. Kunyange kunzvimbo ine mvura yokuwacha nokugeza shoma, vaKristu vanofanira kuedza kuita nepavanogona napo kugara vakachena vakashambidzika.

Rucheno rwomuviri runosanganisirawo kusashandisa fodya yose zvayo, kusanwisa doro, nokusashandisa zvinodhaka, zvinosvibisa nokukuvadza muviri. Mufudzi anorondedzerwa muRwiyo rwaSoromoni akafadzwa nokunhuwirira kwezvipfeko zvomusikana weShuramiti. (Rwiyo rwaSoromoni 4:11) Kuita utsanana pamiviri yedu kunoratidza rudo, sezvo tisingadi kubudisira vari pedyo nesu kahwema. Mapefiyumu angava anofadza, asi haatsivi kugeza nguva dzose nokupfeka mbatya dzakachena.

Kuva Pakati Nepakati

Kana tava pane zvokuchena kwomuviri, vanhu vanogona kupfuura mwero. Kune rumwe rutivi kunyanyisa pane zvorucheno kunogona kutitorera mufaro wedu muupenyu. Kunogonawo kutipedzera nguva inokosha zvikuru. Ukuwo, misha ine tsvina isina kurongedzwa zvinhu inogona kudya mari yakawanda pakugadzirisa zvinenge zvafa. Pakati pemiitiro miviri yokunyanyisa iyi pane nzira inotevedzereka yokuchengeta musha wedu wakachena uye wakashambidzika.

Ngaugare usina kuwandisa zvinhu. Misha kana kuti makamuri ane zvinhu zvakawandisa anonetsa kuchenesa, uye tsvina ingasaoneka nyore muungwandangwanda hwakadaro. Misha ine mwero isina kuwandisa zvinhu haitori nguva kuchenesa. Mararamiro ari nyore anokurudzirwa muBhaibheri zvikuru richiti: “Kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:8.

Ngaugare wakarongedzwa zvinhu. Kuti musha ugare wakachena mutoro womunhu wose anogara mauri. Misha isina kurongedzwa zvinhu inowanzotanga ari makamuri asina kurongedzwa zvinhu. Kurongedzwa zvinoreva kuti chinhu chose chinogara panzvimbo yacho. Somuenzaniso, pokuisa hembe dzine tsvina hapafaniri kuva pauriri muimba yokurara. Uye zvinotokosha, zvinhu zvinotambiswa nevana nemidziyo zvikasiyiwa zviri ukatakata zvinogona kuva nengozi. Tsaona zhinji dzomumusha dzinokonzerwa netsika yokusarongedza zvinhu.

Zviri pachena kuti rucheno nemararamiro echiKristu zvakabatana. Nezvemararamiro okunamata, muprofita Isaya anotaura nezve“Nzira youtsvene.” Uye anowedzera pfungwa inoita kuti tifungisise yokuti “une tsvina haangafambi nayo.” (Isaya 35:8) Hungu, kukudziridza tsika dzorucheno iye zvino kunopa uchapupu hwakasimba hwokutenda kwedu muchipikirwa chaMwari chokuti munguva pfupi achaunza paradhiso yakachena pasi pano. Ipapo munzvimbo dzose dzepasi rino rakazonaka, vanhu vose vachapa mbiri kuna Jehovha Mwari kuburikidza nokunyatsotevedzera zvakazara mwero wake worucheno.—Zvakazarurwa 7:9.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kuti musha ugare wakachena mutoro womunhu wose anogara mauri

[Mufananidzo uri papeji 7]

Pasi rinozvichenesa roga zvinoshamisa