Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Pakati Peavo Vanodiwa naMwari Here?

Uri Pakati Peavo Vanodiwa naMwari Here?

Uri Pakati Peavo Vanodiwa naMwari Here?

“Ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida. Uyewo anondida achadiwa naBaba vangu.” —JOHANI 14:21.

1, 2. (a) Jehovha akaratidza sei kuda kwake vanhu? (b) Jesu akavamba chii usiku hwaNisani 14, 33 C.E.?

JEHOVHA anoda zvisikwa zvake, vanhu. Akatoda vanhu “zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Sezvo nguva yokuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu inoswedera, vaKristu vechokwadi vanofanira kugara vachiyeuka kuti Jehovha “akatida akatumira Mwanakomana wake sechibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu.”—1 Johani 4:10.

2 Pausiku hwaNisani 14, 33 C.E., Jesu nevaapostora vake 12 vakaungana mune rimwe kamuri raiva pauriri hwepamusoro muJerusarema kuti vachengete Paseka, yokurangarira kununurwa kwevaIsraeri kubva muIjipiti. (Mateu 26:17-20) Pashure pokuchengeta mutambo wechiJudha uyu, Jesu akabudisa Judhasi Isikariyoti ndokutanga kudya kwemanheru kwaiyeuchidza uko kwakazova Chirangaridzo chechiKristu chorufu rwaJesu. * Achishandisa chingwa chisina mbiriso newaini tsvuku sezviratidzo zvomuviri wake neropa, Jesu akaita kuti vaapostora 11 vakanga vasara vagoverane mukudya kunogoveranwa uku. Mashoko ose pamusoro pemaitiro aakazviita anopiwa neEvhangeri dzinotsinhirana dzaMateu, Mako, uye Ruka uye nomuapostora Pauro, uyo akakudana kuti “kudya kwaShe kwemanheru.”—1 VaKorinde 11:20; Mateu 26:26-28; Mako 14:22-25; Ruka 22:19, 20.

3. Nhoroondo yaJohani yemaawa aJesu okupedzisira nevadzidzi vake mukamuri raiva pauriri hwepamusoro yakasiyana nedzimwe munzira dzipi dzinokosha?

3 Sezvineiwo muapostora Johani haana kutaura nezvokufambiswa kwechingwa newaini, zvichida nokuti panguva yaakazonyora nhoroondo yake yeEvhangeri (munenge muna 98 C.E.), maitirwo acho akanga ava kunyatsozivikanwa muungano yechiKristu. (1 VaKorinde 11:23-26) Zvisinei, achifuridzirwa, Johani chete ndiye akatipa mashoko anokosha pamusoro pezvakataurwa naJesu nezvaakaita asati atanga Chirangaridzo chorufu Rwake uye pashure pacho. Mashoko aya anozadza zvitsauko zvisiri pasi pezvishanu zveEvhangeri yaJohani. Zvinosiya pasina mubvunzo kuti Mwari anoda vanhu vorudzii. Ngationgororei Johani zvitsauko 13 kusvika ku17.

Dzidza Mumuenzaniso waJesu Worudo

4. (a) Johani akasimbisa sei musoro wenyaya wakanyanya kutaurwa nezvawo pamusangano wakaitwa naJesu nevadzidzi vake paakatangisa Chirangaridzo? (b) Ndechipi chimwe chikonzero chinokosha nei Jehovha achida Jesu?

4 Rudo ndiwo musoro mukuru muzvitsauko izvi zvose zvine zano raJesu romuonekedzo kuvateveri vake. Shoko rokuti “rudo” rinotowanika ka31 munzira dzokuritaura nadzo dzakasiyana-siyana. Kuda kwaJesu zvakadzama Baba vake, Jehovha, uye vadzidzi vake hapana pamwe pakunoratidzwa pachena kupfuura muzvitsauko izvi. Kuda Jehovha kwaJesu kunogona kuonekwa munhoroondo dzose dzeEvhangeri dzoupenyu hwake, asi Johani chete ndiye akanyora kuti Jesu akanyatsotaura zvakajeka kuti: “Ndinoda Baba.” (Johani 14:31) Jesu akataurawo kuti Jehovha anomuda uye akatsanangura kuti nei. Akati: “Sezvo Baba vakandida neni ndakakudai, rambai muri murudo rwangu. Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, sezvandakachengeta mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.” (Johani 15:9, 10) Hungu Jehovha anoda Mwanakomana wake nokuda kwokuteerera kwake kwakakwana. Ichi chidzidzo chakanaka kuvateveri vose vaJesu Kristu!

5. Jesu akaratidza sei madiro aanoita vadzidzi vake?

5 Kuda kwaJesu vateveri vake zvakadzama kunosimbiswa pamavambo chaipo penhoroondo yaJohani yomusangano waJesu wokupedzisira nevaapostora vake. Johani akarondedzera kuti: “Zvino, nokuti akaziva mutambo wepaseka usati waitika kuti awa yake yakanga yasvika yokuti abve munyika ino aende kuna Baba, Jesu, zvaakanga ada vake vakanga vari munyika, akavada kusvika kumugumo.” (Johani 13:1) Usiku ihwohwo hunoramba huri mundangariro, akavapa chidzidzo chisingakanganwiki mukushumira vamwe norudo. Akageza tsoka dzavo. Ichi chimwe chinhu icho mumwe nomumwe wavo aifanira kunge akagadzirira kuitira Jesu uye kuitira hama dzake, asi havana kuchiita. Jesu akaita basa rakaderera iri ndokuzoti kuvadzidzi vake: “Kana ini, kunyange ndiri Ishe noMudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kugezana tsoka. Nokuti ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, munofanirawo kudaro.” (Johani 13:14, 15) VaKristu vechokwadi vanofanira kuva vakagadzirira uye vachifara kushumira hama dzavo.—Mateu 20:26, 27; Johani 13:17.

Teverai Murayiro Mutsva

6, 7. (a) Mashoko api anokosha anopiwa naJohani pamusoro pokutangwa kweChirangaridzo? (b) Murayiro upi mutsva wakapiwa naJesu kuvadzidzi vake, uye chii chaiva chitsva pauri?

6 Nhoroondo yaJohani yezvakaitika mukamuri racho raiva pauriri hwepamusoro usiku hwaNisani 14 ndiyo chete inonyatsotaura nezvokuenda kwaJudhasi Isikariyoti. (Johani 13:21-30) Kutsinhiranisa nhoroondo dzeEvhangeri kunoratidza kuti Jesu akatanga Chirangaridzo chorufu Rwake mutengesi uyu aenda. Akazotaura kwenguva refu nevaapostora vake vakatendeka, achivapa zano nemirayiridzo yomuonekedzo. Sezvatinozvigadzirira kuti tipinde Chirangaridzo, tinofanira kuva tichida zvikuru kuziva zvakataurwa naJesu pachiitiko ichocho, uye zvikurukuru nokuti tinoda zvechokwadi kuva pakati pevaya vanodiwa naMwari.

7 Murayiridzo wokutanga-tanga wakapiwa naJesu kuvadzidzi vake pashure pokutanga Chirangaridzo chorufu rwake waiva chimwe chinhu chitsva. Akazivisa kuti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:34, 35) Chii chaiva chitsva pamurayiro uyu? Angoti gare garei manheru iwayo, Jesu akajekesa nhau yacho achiti: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sokuda kwandakakuitai. Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johani 15:12, 13) Mutemo waMosesi wairayira vaIsraeri ‘kuda vokwavo sezvavaizvida ivo.’ (Revhitiko 19:18) Asi murayiro waJesu wakapfuura ipapo. VaKristu vaifanira kudanana sezvo Kristu akavada, vakagadzirira kurasikirwa noupenyu hwavo nokuda kwehama dzavo.

8. (a) Rudo rwokuzvipira runosanganisira chii? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza rudo rwokuzvipira sei?

8 Mwaka weChirangaridzo inguva yakanaka yokuzviongorora, isu pachedu uye seungano, kuti tione kana zvechokwadi tine chiratidzo ichi chinotisiyanisa nevamwe sevaKristu vechokwadi—rudo rwakafanana norwaKristu. Rudo rwakadaro rwokuzvipira runogona kureva, uye pane imwe nguva rwakatoreva, kuti muKristu aise upenyu hwake mungozi panzvimbo pokutengesa hama dzake. Zvisinei, kazhinji kacho, zvinosanganisira kuva kwedu vakagadzirira kurega zvinhu zvakatinakira kuti tibatsire uye tishumire hama dzedu uye vamwe. Muapostora Pauro aiva muenzaniso wakanaka mukudaro. (2 VaKorinde 12:15; VaFiripi 2:17) Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa munyika yose nokuzvipira kwazvo, zvichibatsira hama dzazvo nevavakidzani zvichizvishandisa kuti zviudze vamwe vanhu chokwadi cheBhaibheri. *VaGaratiya 6:10.

Ukama Hunofanira Kuchengetedzwa

9. Kuti tirambe tine ukama hwedu hunokosha naMwari noMwanakomana wake, tinofara kuitei?

9 Hapana chinhu chinogona kukosha kwatiri kupfuura kudiwa naJehovha noMwanakomana wake, Kristu Jesu. Zvisinei, kuti tidiwe navo, tinofanira kuita chimwe chinhu. Usiku ihwohwo hwokupedzisira nevadzidzi vake, Jesu akati: “Ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida. Uyewo anondida achadiwa naBaba vangu, uye ndichamuda uye ndichazviratidza pachena kwaari.” (Johani 14:21) Sezvo tichikoshesa ukama hwedu naMwari noMwanakomana wake, tinoteerera mirayiro yake nomufaro. Izvi zvinosanganisira murayiro mutsva wokuratidza rudo rwokuzvipira uyewo murayiro wakaitwa naJesu amuka wo“kuparidzira vanhu nokupupurira kwazvo,” tichiedza ‘kuita vadzidzi’ vaya vanogamuchira mashoko akanaka.—Mabasa 10:42; Mateu 28:19, 20.

10. Ukama hupi hunokosha hwakasununguka kuwanikwa nevakazodzwa uye “mamwe makwai”?

10 Pava paya usiku ihwohwo, achipindura zvaakanga abvunzwa nomuapostora akatendeka Judhasi (Tadhiyosi), Jesu akati: “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, uye Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari togara naye.” (Johani 14:22, 23) Kunyanya pavanenge vachiri pasi pano, vaKristu vakazodzwa, avo vakadanwa kuti vatonge pamwe naKristu kudenga, vane ukama hwepedyo naJehovha noMwanakomana wake. (Johani 15:15; 16:27; 17:22; VaHebheru 3:1; 1 Johani 3:2, 24) Asi vamwe vavo ve“mamwe makwai,” avo vane tariro yokurarama pasi pano nokusingaperi, vanewo ukama hunokosha no“mufudzi [wavo] mumwe,” Jesu Kristu, uye naMwari wavo, Jehovha, chero bedzi vachiratidza kuti vanoteerera.—Johani 10:16; Pisarema 15:1-5; 25:14.

“Hamusi Rutivi Rwenyika”

11. Inyevero ipi inoda kufungisiswa yakapiwa naJesu kuvadzidzi vake?

11 Mumusangano uyu wokupedzisira nevadzidzi vake vakatendeka asati afa, Jesu akanyevera zvinoda kufungisiswa achiti: Kana munhu achidiwa naMwari, achavengwa nenyika. Akazivisa kuti: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai. Kudai maiva rutivi rwenyika, nyika yaizoda zvikuru zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi rutivi rwenyika, asi ndakakusarudzai munyika, nemhaka yeizvi nyika inokuvengai. Rangarirai shoko randakataura kwamuri kuti, Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu.”—Johani 15:18-20.

12. (a) Nei Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti nyika yaizovavenga? (b) Chii chaizova chakanaka kuti tose tifunge nezvacho sezvo Chirangaridzo chinoswedera?

12 Jesu akapa nyevero iyi kuitira kuti vadzidzi 11 ava nevamwe vaKristu vechokwadi vose vaizovatevera vasazoora mwoyo vorega nokuda kworuvengo rwenyika. Akawedzera kuti: “Ndataura zvinhu izvi kwamuri kuti murege kugumburwa. Vanhu vachakudzingai musinagogi. Chaizvoizvo, awa iri kuuya apo munhu wose anokuurayai achafunga kuti aitira Mwari basa dzvene. Asi vachaita zvinhu izvi nokuti havana kusvika pakuziva Baba kana zvimwe ini.” (Johani 16:1-3) Rimwe duramashoko reBhaibheri rinotsanangura kuti shoko rechiito rakashandurwa kuti “kugumburwa” rinoreva “kuita kuti munhu atange kusavimba osiya waanofanira kuvimba naye nokuteerera; kuita kuti asiye.” Sezvo nguva yokuchengeta Chirangaridzo iri kuswedera, tose tingaita zvakanaka kufungisisa nezvemararamiro evakatendeka, vekare nevazvino, totevedzera muenzaniso wavo woruvimbiko mumiedzo. Usarega kupikiswa kana kuti kutambudzwa kuchikuita kuti usiye Jehovha naJesu, asi tsunga kuvimba navo nokuvateerera.

13. Jesu akakumbirira vateveri vake chii mumunyengetero kuna Baba vake?

13 Mumunyengetero wake wokupfiga asati abva mukamuri iroro raiva pauriri hwepamusoro muJerusarema, Jesu akati kuna Baba vake: “Ndakavapa shoko renyu, asi nyika yakavavenga, nokuti havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika. Ndinokukumbirai, kwete kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nemhaka yowakaipa. Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:14-16) Tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha anotarisira vaya vaanoda, kuti avasimbise sezvavanoramba vakaparadzana nenyika.—Isaya 40:29-31.

Rambai Muri Murudo rwaBaba Nomurudo rwoMwanakomana

14, 15. (a) Kusiyana ‘nomuzambiringa wakaipa,’ Jesu akazvifananidza nechii? (b) ‘Mapazi omuzambiringa wechokwadi’ ndivanaani?

14 Muhurukuro yepedyo nepedyo yaakava nayo nevadzidzi vake vakatendeka usiku hwaNisani 14, Jesu akazvifananidza no“muzambiringa wechokwadi,” kusiyana ‘nomuzambiringa wakaipa’ wevaIsraeri vasina kutendeka. Akati: “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu ndivo murimi.” (Johani 15:1) Mazana emakore izvi zvisati zvaitika, muprofita Jeremia akanyora mashoko aJehovha aya kuvanhu vake vakapanduka: “Ndakanga ndakusima uri muzambiringa wakaisvonaka . . . zvino wandishandukira sei ukava matavi akaipa omuzambiringa worumwe rudzi?” (Jeremia 2:21) Uye muprofita Hosea akanyora kuti: “VaIsraeri muzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo . . . Mwoyo yavo inonyengera.”—Hosea 10:1, 2.

15 Panzvimbo pokuva nezvibereko zvokunamata kwechokwadi, vaIsraeri vakatsauka pakutenda ndokuva nezvibereko zvavo pachavo. Mazuva matatu asati aita musangano wake wokupedzisira nevadzidzi vake vakatendeka, Jesu akaudza vatungamiriri vechiJudha vanonyengera kuti: ‘Ndinoti kwamuri, Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.’ (Mateu 21:43) Rudzi rutsva irworwo ndi“Israeri waMwari,” anoumbwa nevaKristu vakazodzwa 144 000, avo vanofananidzwa ne“mapazi” o“muzambiringa wechokwadi,” Kristu Jesu.—VaGaratiya 6:16; Johani 15:5; Zvakazarurwa 14:1, 3.

16. Jesu akakurudzira vaapostora 11 vakatendeka kuitei, uye chii chinogona kutaurwa nezvevasara vakatendeka munguva ino yomugumo?

16 Jesu akaudza vaapostora 11 vaiva naye mukamuri raiva pauriri hwepamusoro kuti: “Bazi rose riri mandiri risingabereki zvibereko vanoribvisa, uye rose rinobereka zvibereko vanorichenesa, kuti ribereke zvibereko zvakawanda. Rambai muri pamwe neni, uye ini ndiri pamwe nemi. Sezvo bazi risingagoni kubereka zvibereko riri roga kunze kwokuti rikaramba riri pamuzambiringa, nenzira yakafanana nemiwo hamugoni, kunze kwokuti mukaramba muri pamwe neni.” (Johani 15:2, 4) Nhoroondo yemazuva ano yevanhu vaJehovha inoratidza kuti vasara vevaKristu vakazodzwa vakatendeka varamba vakabatana noMusoro, Kristu Jesu. (VaEfeso 5:23) Vakabvuma kucheneswa nokukwanhurirwa. (Maraki 3:2, 3) Kubva muna 1919, vave vachiita zvibereko zvoUmambo zvakawanda, kutanga vamwe vaKristu vakazodzwa uye, kubva muna 1935, “boka guru revanhu” riri kuramba richiwedzera revamwe vavo.—Zvakazarurwa 7:9; Isaya 60:4, 8-11.

17, 18. (a) Mashoko api aJesu anobatsira vakazodzwa nemamwe makwai kuti varambe vari murudo rwaJehovha? (b) Kupinda Chirangaridzo kuchatibatsira sei?

17 KuvaKristu vakazodzwa vose nevamwe vavo, mashoko aJesu aanopfuurira kutaura anoshanda anoti: “Baba vangu vanopiwa mbiri mune izvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda uye munozviratidza kuva vadzidzi vangu. Sezvo Baba vakandida neni ndakakudai, rambai muri murudo rwangu. Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, sezvandakachengeta mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.”—Johani 15:8-10.

18 Tose tinoda kuramba tiri murudo rwaMwari, uye izvi zvinotiita kuti tive vaKristu vane zvibereko. Tinoita izvi nokushandisa mukana wose kuparidza “mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Tinoitawo nepatinogona kuratidzira “zvibereko zvomudzimu” muupenyu hwedu. (VaGaratiya 5:22, 23) Kupinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu kuchatisimbisa mukutsunga kwedu kuita kudaro, nokuti tichayeuchidzwa nezvorudo rwaMwari norwaKristu kwatiri.—2 VaKorinde 5:14, 15.

19. Kumwe kubatsira kupi kuchakurukurwa munyaya inotevera?

19 Pashure pokutanga Chirangaridzo, Jesu akavimbisa kuti Baba vake vaizotumira vateveri vake vakatendeka “mubetseri, mudzimu mutsvene.” (Johani 14:26) Mabatsiriro anoita mudzimu vakazodzwa nemamwe makwai kuti varambe vari murudo rwaJehovha achaongororwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Muna 2002, semaverengerwo akaitwa pachishandiswa Bhaibheri, Nisani 14 inotanga pakuvira kwezuva, musi weChina, March 28. Manheru iwayo, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvichasangana kuti zvichengete rufu rwaIshe, Jesu Kristu.

^ ndima 8 Ona bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, zvitsauko 19 ne32.

Mibvunzo Yokudzokorora

• Chidzidzo chipi chinoshanda mukushumira vamwe norudo chakapiwa naJesu kuvadzidzi vake?

• Mwaka weChirangaridzo inguva yokuzviongorora pamusoro pechii?

• Nei tisingafaniri kugumburwa nenyevero yaJesu nezvokuvengwa uye kutambudzwa nenyika?

• “Muzambiringa wechokwadi” ndiani? “Mapazi” ndivanaani, uye chii chinotarisirwa kwavari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jesu akapa vaapostora vake chidzidzo chisingakanganwiki mukushumira vamwe norudo

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Vadzidzi vaKristu vanoteerera murayiro wake wokuratidza rudo rwokuzvipira