Vane Kuchenjera Kwavowo
Vane Kuchenjera Kwavowo
“VAKURU vane uchenjeri, asi vana vane kuchenjera kwavowo,” chinodaro chirevo chokuNigeria. Edwin, mukuru wechiKristu muNigeria akawana kuti izvi ndezvechokwadi.
Rimwe zuva, Edwin akawana chigaba cherata pasi pedhesiki rake mumba.
“Chigaba chaani ichi?” Edwin akabvunza vana vake vatatu.
“Ndechangu,” akapindura Emmanuel ane makore masere. Akakurumidza kuwedzera kuti chibhokisi ichi cherata chave nengura uye chine buri pamusoro chakanga chiri chemipiro yebasa renyika yose reZvapupu zvaJehovha. “Sezvo ndisingaendi kuImba yoUmambo zuva roga roga,” akatsanangura kudaro, “ndakasarudza kugadzira bhokisi kuitira kuti pose pandisingashandisi mari yangu yokutenga masiwiti, ndinoiisa mubhokisi.”
Baba vaEmmanuel vakanga vane bhokisi pamba rokuchengetera mari yokuzopinda kokorodzano yoruwa yegore negore. Asi nedzimwe nyaya dzemhuri dzakazongomukawo, vakashandisa mari yakanga iri mariri. Kuti ave nechokwadi chokuti mari yake hayaizoshandiswa kuita chimwe chinhu, Emmanuel akaenda nechigaba chasakara kune anonama simbi kuti chinamwe. Anonama simbi wacho paakaziva zvaida kushandiswa chigaba chacho, akagadzirira Emmanuel bhokisi nezvidimbu zvemarata. Michael, munun’una waEmmanuel ane makore mashanu akakumbirawo bhokisi.
Ashamiswa nezvakanga zvaitwa nevana, Edwin akavabvunza kuti nei vakanga vagadzirisa mabhokisi. Michael akapindura kuti: “Ndinoda kupa mupiro!”
Vabereki vavo vasingazvizivi, Emmanuel, Michael, naUchei, hanzvadzi yavo ine makore mapfumbamwe, vakanga vachiunganidza imwe yemari yavo yokutenga zvokudya masikati vachiiisa mumabhokisi. Pfungwa yacho vakaiwana kupi? Vana vacho pavakanga vangokura zvokugona kubata mari mumaoko, vabereki vavo vakavadzidzisa kudonhedzera mari mubhokisi remipiro paImba yoUmambo. Zviri pachena kuti, vana vacho vakagona kushandisa zvavakadzidza.
Mabhokisi acho paakanga azara, akavhurwa. Mari yakanga yachengetwa yakasvika US$3,13 [Z$172,15]—mari yakawanda zvikuru munyika iyo mari inotambirwa nomunhu pagore rose inongova mazana mashoma emadhora. Mipiro yokuzvidira yakadaro inotsigira basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha zvino riri kuitwa munyika 235 pasi pose.