Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vakafira Kutenda Vemazuva Ano Vanopa Uchapupu muSweden

Vanhu Vakafira Kutenda Vemazuva Ano Vanopa Uchapupu muSweden

Mushumo Wevazivisi Voumambo

Vanhu Vakafira Kutenda Vemazuva Ano Vanopa Uchapupu muSweden

SHOKO rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chapupu ndimartyr, panobva shoko rechiRungu rokuti “martyr,” rinoreva “munhu anopa uchapupu kuburikidza norufu rwake.” VaKristu vomuzana rokutanga vakawanda vakapa uchapupu nezvaJehovha kuburikidza nokufira kutenda kwavo.

Saizvozvowo, muzana remakore rechi20, zviuru zveZvapupu zvakafira mumaoko evatsigiri vaHitler nokuda kwokuramba zvisina kwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika. Vanhu ava vakafira kutenda vemazuva ano vanopawo uchapupu hwakasimba. Izvi ndizvo zvakaitika muSweden nguva ichangopfuura.

Mukuchengeta kechi50 kuguma kweHondo Yenyika II, hurumende yokuSweden yakatanga kudzidzisa vanhu vose vemo nezvokuurayiwa kwevanhu vakawanda neNazi. Chirongwa chacho chakatumidzwa kuti Zvakaitika Kare Zvechokwadi. Zvapupu zvaJehovha zvakakumbirwa kuvapowo uye kutaura zvakaitika kwazviri.

Zvapupu zvakabvuma nokuronga kuratidza vanhu zvaive zvaitika zvichishandisa musoro wokuti Vakarwadziswa neNazi Vakakanganwika. Kwakatangira paImba yeMagungano yeZvapupu zvaJehovha muSträngnäs. Zvapupu zvakapukunyuka kuurayiwa neNazi zvaivepo kuti zvitaure zvakaitika kwazviri kuvashanyi vanopfuura 8 400 vakauya pazuva rokutanga! Pakazopera 1999, kuratidza kwacho kwakanga kwaiswa mumamiziyamu anopfuura 100 nemaraibhurari evoruzhinji muSweden yose, uye vanhu vanenge 150 000 vakanga vakuona. Vakashanya vaisanganisira vakuru vehurumende, avo vakataura zvakanaka nezvezvavakaona.

Hapana chimwe chiitiko chine chokuita neZvapupu zvaJehovha muSweden chati chamboparadzirwa kuruzhinji chikafarirwa zvakadaro. Vashanyi vakawanda vakabvunza kuti: “Nei nguva yose iyi manga musingatiudzi nezvezvamakasangana nazvo mumaoko eNazi?”

Mushure mokunge kuratidza kwacho kwaitwa munharaunda mavo, veimwe ungano vakashuma kuti zvidzidzo zveBhaibheri zvakawedzera ne30 muzana! Chimwe Chapupu chakakoka mumwe wachaishanda naye kuzoona kuratidza kwacho. Shamwari yacho yakabvuma nomufaro ndokuuya neimwe shamwari. Pashure pacho, shamwari yacho yakati yakazviona zvakaoma kudavira kuti sei vanhu vaigona kuva nokutenda kwakasimba zvakadaro zvokuti vaisva vaurayiwa pane kuti vasaine chipepa chokusiya kutenda kwavo. Izvi zvakaita kuti varambe vachikurukura uye chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa.

Kufanana nevamwe vavo vomuzana remakore rokutanga, ava vakafira kutenda vomuzana remakore rechi20 vakapa uchapupu noushingi kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi chete, ane kodzero yokuti titende maari uye tivimbe naye.—Zvakazarurwa 4:11.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 13]

Musungwa womumusasa: Państwowe Muzeum Oświęcim-Brzezinka, courtesy of the USHMM Photo Archives