Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakagamuchira “Mudzimu Wechokwadi” Here?

Wakagamuchira “Mudzimu Wechokwadi” Here?

Wakagamuchira “Mudzimu Wechokwadi” Here?

“Baba . . . vachakupai mumwe mubetseri kuti ave nemi nokusingaperi, mudzimu wechokwadi.”—JOHANI 14:16, 17.

1. Jesu akaudza vadzidzi vake mashoko api anokosha mumaawa ake okupedzisira anavo mukamuri raiva pauriri hwepamusoro?

“ISHE, muri kuenda kupi?” Ndiwo mumwe wemibvunzo yakabvunzwa Jesu nevaapostora vake mumaawa okupedzisira aakapedza navo mune rimwe kamuri raiva pauriri hwepamusoro muJerusarema. (Johani 13:36) Sezvo musangano wacho waipfuurira, Jesu akavaudza kuti iye zvino akanga ava pedyo kuvasiya odzokera kuna Baba vake. (Johani 14:28; 16:28) Aisazova navo zvekare mumuviri kuti avarayiridze nokuvapindura mibvunzo yavo. Zvisinei, akavavimbisa achiti: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubetseri [kana kuti munyaradzi] kuti ave nemi nokusingaperi.”—Johani 14:16, Ref., mashoko omuzasi.

2. Jesu akavimbisa kutumira chii kuvadzidzi vake kana aenda?

2 Jesu akataura kuti mubatsiri iyeye ndiani, akatsanangura mabatsiriro aaizoita vadzidzi vake. Akavaudza kuti: “Zvisinei, handina kukuudzai zvinhu izvi pakutanga, nokuti ndakanga ndinemi. Asi zvino ndiri kuenda kuna iye akandituma . . . Zvakakunakirai kuti ndiri kuenda. Nokuti kana ndikasaenda, mubetseri haangambouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. . . . Panosvika iyeye, mudzimu wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose.”—Johani 16:4, 5, 7, 13.

3. (a) “Mudzimu wechokwadi” wakatumwa rini kuvaKristu vokutanga? (b) Muimwe nzira ipi inokosha umo mudzimu waizova “mubetseri” kwavari?

3 Chipikirwa ichi chakazadzika paPendekosti ya33 C.E., sezvakasimbiswa nomuapostora Petro achiti: “Uyu Jesu akamutswa naMwari, uye isu tose tiri zvapupu zvechinhu ichi. Naizvozvo nokuti akakwidziridzwa kuruoko rworudyi rwaMwari akagamuchira mudzimu mutsvene wakapikirwa kubva kuna Baba, adurura izvi zvamunoona nokunzwa.” (Mabasa 2:32, 33) Sezvatichaona gare gare, mudzimu mutsvene wakadururwa paPendekosti wakaitira vaKristu vokutanga zvakawanda. Asi Jesu akavimbisa kuti “mudzimu wechokwadi” ‘waizovarangaridza zvinhu zvose zvaakanga avaudza.’ (Johani 14:26) Waizovaita kuti vayeuke ushumiri hwaJesu nedzidziso dzake, kunyange mashoko chaiwo aakataura, vozvinyora. Iwoyu waizobatsira zvikurukuru muapostora Johani pakupera kwezana remakore rokutanga C.E. paakatanga kunyora Evhangeri yake. Nhoroondo iyoyo inosanganisira zano rinokosha rakapiwa naJesu paakatanga Chirangaridzo chorufu rwake.—Johani, zvitsauko 13-17.

4. “Mudzimu wechokwadi” waibatsira sei vaKristu vakazodzwa vokutanga?

4 Jesu akavimbisawo vadzidzi ivavo vokutanga kuti mudzimu ‘waizovadzidzisa zvinhu zvose’ uye ‘waizovatungamirira muchokwadi chose.’ Mudzimu waizovabatsira kunzwisisa zvinhu zvakadzama zvomuMagwaro uye kuramba vakabatana mukufunga, kunzwisisa, uye chinangwa. (1 VaKorinde 2:10; VaEfeso 4:3) Saka mudzimu mutsvene wakapa simba vaKristu vokutanga ivavo kuti vashande vakabatana so“muranda akatendeka, akangwara” vachipa muKristu akazodzwa mumwe nomumwe “zvokudya panguva yakafanira.”—Mateu 24:45.

Mudzimu Unopupura

5. (a) Itariro ipi itsva yakazarurwa naJesu kuvadzidzi vake usiku hwaNisani 14, 33 C.E.? (b) Mudzimu mutsvene waizoita basa rei mukuzadzika kwezvakavimbiswa naJesu?

5 Usiku hwaNisani 14, 33 C.E., Jesu akanyeurira vadzidzi vake kuti aizovagamuchira gare gare vogara naye naBaba vake kudenga. Akavaudza kuti: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo dzokugara dzakawanda. Dai zvisina kudaro, ndingadai ndakuudzai, nokuti ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo. Uyewo, kana ndikaenda ndikakugadzirirai nzvimbo yenyu, ndiri kudzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandiri, kuti pandiri imi muvepowo.” (Johani 13:36; 14:2, 3) Vaizotonga pamwe naye muUmambo hwake. (Ruka 22:28-30) Kuti ivo vave netariro iyi yokuenda kudenga, vaifanira ‘kuberekwa nomudzimu’ sevanakomana vomudzimu vaMwari vozodzwa kuti vashande semadzimambo nevapristi pamwe naKristu kudenga.—Johani 3:5-8; 2 VaKorinde 1:21, 22; Tito 3:5-7; 1 Petro 1:3, 4; Zvakazarurwa 20:6.

6. (a) Kudanwa kwokudenga kwakatanga rini, uye vangani vanogamuchira kudanwa uku? (b) Avo vakadanwa vakabhabhatidzwa kuti vave chii uye kuti vaite sei?

6 Uku “kudanwa kwokudenga” kwakatanga paPendekosti ya33 C.E. uye, kuzhinji kwacho, kunoratidza kuti kwakapera pakati pema1930. (VaHebheru 3:1) Nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene kuti vave rutivi rwaIsraeri womudzimu i144 000, “vakatengwa pakati pevanhu.” (Zvakazarurwa 7:4; 14:1-4) Ivava vakabhabhatidzwa kuti vave muviri womudzimu waKristu, vave ungano yake, uye kuti vafe naye. (VaRoma 6:3; 1 VaKorinde 12:12, 13, 27; VaEfeso 1:22, 23) Mushure morubhabhatidzo rwavo rwomumvura nokuzodzwa nomudzimu mutsvene, vakapinda mukurarama kwokuzvipira, kurarama kwokutendeka kusvika pakufa kwavo.—VaRoma 6:4, 5.

7. Nei vaKristu vakazodzwa varivo chete vanodya nokunwa zviratidzo paChirangaridzo?

7 Sezvo vari vaIsraeri vomudzimu, vaKristu vakazodzwa ava vaiva musungano itsva yakaitwa pakati paJehovha na“Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; Jeremia 31:31-34) Sungano yacho itsva yakaitwa kuti ishande neropa raKristu rakadeurwa. Jesu akataura izvi paakatanga Chirangaridzo chorufu rwake. Ruka anonyora kuti: “Akatora chingwa, akaonga, akachimedura, akachipa kwavari, achiti: ‘Ichi chinoreva muviri wangu uchapiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.’ Uyewo, akatora kapu sezvaakanga amboita vapedza kudya kwemanheru, achiti: ‘Kapu iyi inoreva sungano itsva muropa rangu, richadururwa nokuda kwenyu.’” (Ruka 22:19, 20) Vasara venhengo dze144 000 vachiri pasi pano, ndivo vane kodzero yokudya zviratidzo zvechingwa nokunwa waini paChirangaridzo chorufu rwaKristu.

8. Vakazodzwa vanoziva sei kuti vakagamuchira kudanwa kwokudenga?

8 Vakazodzwa vanoziva sei kuti vakagamuchira kudanwa kwokudenga? Vanogamuchira kupupura kwomudzimu pasina kukanganisa. Muapostora Pauro akanyorera vakadaro kuti: “Vose vanotungamirirwa nomudzimu waMwari, ivava vanakomana vaMwari. . . . Iwo mudzimu unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino, kana tiri vana, tiriwo vagari venhaka: vagari venhaka zvechokwadi vaMwari, asi vagari venhaka pamwe naKristu, chero bedzi tichitambura pamwe kuti tipiwe mbiri pamwe.” (VaRoma 8:14-17) Kupupura kwomudzimu uku kwakasimba kwazvo zvokuti zvine musoro kuti vaya vasinganyatsogutsikani kuti vakagamuchira kudanwa kwokudenga vaone kuti havana, naizvozvo havazodyi kana kunwa zviratidzo paChirangaridzo.

Mudzimu Nemamwe Makwai

9. Mapoka api maviri akasiyana anotaurwa muEvhangeri uye mubhuku raZvakazarurwa?

9 Achiziva kuti vaKristu vakadanwa kuti vaumbe Israeri womudzimu vashoma, Jesu akataura nezvavo se“boka duku.” Vanogamuchirwa mu“danga” resungano itsva, kusiyana ne“mamwe makwai” asingataurwi nhamba, ayo Jesu akati aifanira kuaunganidzawo. (Ruka 12:32; Johani 10:16) Vaya vemamwe makwai vakaunganidzwa munguva yomugumo vachaumba “boka guru revanhu” rakarongerwa kupukunyuka “dambudziko guru,” netarisiro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Zvinocherechedzeka kuti zvakaratidzwa Johani pakupera kwezana remakore rokutanga C.E. zvinosiyanisa boka guru iri nenhengo 144 000 dzaIsraeri womudzimu. (Zvakazarurwa 7:4, 9, 14) Ko mamwe makwai anogamuchirawo mudzimu mutsvene here, uye kana achidaro, ndezvipi zvaunoita muupenyu hwavo?

10. Mamwe makwai anobhabhatidzwa sei “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene”?

10 Zvechokwadi mudzimu mutsvene unoshanda basa rakakosha muupenyu hwemamwe makwai. Vanoratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nokubhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateu 28:19) Vanoziva uchangamire hwaJehovha, vozviisa pasi paKristu saMambo wavo uye Mudzikinuri, uye vanobvuma zvinoitwa nomudzimu mutsvene, kana kuti simba rinoshanda, muupenyu hwavo. Zuva nezuva, vanoedza kukudziridza muupenyu hwavo “zvibereko zvomudzimu,” zvinoti “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.

11, 12. (a) Vakazodzwa vanotsaurwa munzira ipi inokosha? (b) Vemamwe makwai vanotsaurwa uye vanoitwa vatsvene munzira ipi?

11 Mamwe makwai anofanirawo kurega Shoko raMwari nomudzimu wake zvichivachenesa, nokuvatsvenesa. Vakazodzwa vakacheneswa nechekare muimwe nzira inokosha, kunzi vakarurama uye vatsvene somwenga waKristu. (Johani 17:17; 1 VaKorinde 6:11; VaEfeso 5:23-27) Muprofita Dhanieri anotaura nezvavo se“vatsvene voWokumusorosoro,” vanogamuchira Umambo pasi po“mwanakomana womunhu,” Kristu Jesu. (Dhanieri 7:13, 14, 18, 27) Jehovha akambenge azivisa rudzi rwaIsraeri kuburikidza naMosesi naAroni kuti: “Ndini Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”—Revhitiko 11:44.

12 Shoko rokuti “kuzvitsaura” rinonyanyoreva “chiito kana kuti muitiro wokuva vatsvene, kuzviparadzanisa, kana kuzviisa penyu moga nokuda kwebasa kana kuti kushandiswa naJehovha Mwari; kuva vatsvene, vakatsaurwa, kana kuti vakacheneswa.” Kare somuna 1938, Nharireyomurindi yakanga yatotaura kuti vokwaJonadhabhi, kana kuti mamwe makwai, “vanofanira kudzidza kuti kuzvitsaurira nokuzviita vatsvene kunodiwa kumumwe nomumwe achava mumwe weboka guru revanhu ndokurarama pasi pano.” Pakuratidzwa kweboka guru revanhu, kwakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa, vanotaurwa nezvavo sevaka“geza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana” uye sevari kuitira Jehovha “basa dzvene masikati nousiku mutemberi yake.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, 15) Vachibatsirwa nomudzimu mutsvene, vemamwe makwai vanoita nepavanogona napo kuva vatsvene sezvinodiwa naJehovha.—2 VaKorinde 7:1.

Kuitira Hama dzaKristu Zvakanaka

13, 14. (a) Maererano nomufananidzo waJesu wemakwai nembudzi, ruponeso rwemamwe makwai runoenderana nechii? (b) Munguva ino yomugumo, mamwe makwai ave achiitira zvakanaka hama dzaKristu sei?

13 Jesu akasimbisa kubatana kuripo pakati pemamwe makwai neboka duku mumufananidzo wake wemakwai nembudzi, zvaitaurwawo muuprofita hwake pamusoro po“mugumo wegadziriro ino yezvinhu.” Mumufananidzo iwoyo, Kristu akaratidza zvakajeka kuti ruponeso rwemamwe makwai rune chokuita zvikuru nenzira yavanobata nayo vakazodzwa, avo vaakati “hama dzangu.” Akati: “Mambo achati kune vari kurudyi rwake, ‘Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka youmambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuvamba kwenyika. . . . Zvechokwadi ndinoti kwamuri, Kusvikira kumwero wamakazviitira mumwe wevaduku pane vose vehama dzangu idzi, makazviitira ini.’”—Mateu 24:3; 25:31-34, 40.

14 Mashoko okuti “kusvika kumwero wamakazviitira” anoreva zviito zvorudo zvokutsigira hama dzaKristu dzakaberekwa nomudzimu, idzo nyika yaSatani yakabata sevatorwa, kunyange kukanda vamwe vavo mujeri. Vave vachida zvokudya, zvokupfeka zvakakwana, uye kutarisirwa utano hwavo. (Mateu 25:35, 36, Ref., mashoko omuzasi) Munguva ino yomugumo, kubvira muna 1914, vakawanda vevakazodzwa vakazviwana vari mumamiriro akadaro ezvinhu. Nhau yemazuva ano yeZvapupu zvaJehovha inopupurira kuti vave vakatsigirwa neshamwari dzavo dzakavimbika, mamwe makwai, sezvo ivavo vaiitwa kuti vadaro nomudzimu.

15, 16. (a) Mamwe makwai ave achibatsira hama dzaKristu dzakazodzwa dziri pasi pano zvikurukuru mubasa ripi? (b) Vakazodzwa vakaratidza sei kuonga kwavo mamwe makwai?

15 Hama dzaKristu dzakazodzwa pasi pano munguva ino yomugumo dzakatsigirwa nemamwe makwai zvikurukuru mukuita basa radzakapiwa naMwari ‘rokuparidza aya mashoko akanaka oumambo mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.’ (Mateu 24:14; Johani 14:12) Nepo nhamba yevakazodzwa pasi pano yave ichienda ichidzikira mumakore ose aya, yemamwe makwai yave ichiwedzera ichitosvika mamiriyoni chaiwo. Zviuru zvaivava zvave zvichishanda sevaparidzi veevhangeri venguva yakazara—mapiyona nemamishinari—vachiparadzira mashoko akanaka oUmambo “kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Vamwe vanoita basa rokupupura nepavanogona napo uye vanofara kutsigira basa iri rinokosha nemari.

16 Hama dzaKristu dzakazodzwa dziri kuonga kwazvo kutsigirwa kwadzinoitwa neshamwari dzavo dzemamwe makwai! Manzwiro avanoita akanyatsotaurwa mubhuku rinonzi Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda Worugare,” rakabudiswa neboka romuranda muna 1986. Rinoti: “Chifo cheHondo Yenyika II, kuzadzika kwechiporofita chaJesu che‘mhedziso yetsika yezvinhu’ kuri zvikurukuru nokuda kwebasa iro ‘boka guru’ ra‘mamwe makwai’ rinoita. . . . Tinoonga zvikurusa ‘boka guru’ ramarudzi ose, rine mitauro mizhinji nokuda kworutivi rukurusa rwarakaita mukuzadzika chiporofita cha[Jesu] pana Mateu 24:14!”

‘Varege Kukwaniswa Isu Tisipo’

17. Vakatendeka vekare vachamutswa pasi pano ‘vacharega kuitwa vakakwana vakazodzwa vasipo’ munzira ipi?

17 Achitaura somumwe wevakazodzwa uye achitaura nezvevarume nevakadzi vakatendeka vakararama Kristu asati auya, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ivava vose, kunyange vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, havana kuwana kuzadzika kwechipikirwa, nokuti Mwari akafanoona chimwe chinhu chiri nani nokuda kwedu [vakazodzwa], kuti varege kukwaniswa isu tisipo.” (VaHebheru 11:35, 39, 40) MuMireniyamu, Kristu nehama dzake 144 000 kudenga vachashanda semadzimambo nevapristi vachiparadzira zvikomborero zvechibayiro chorudzikinuro pasi pano. Saka mamwe makwai “achaitwa akakwana” mumuviri nomupfungwa.—Zvakazarurwa 22:1, 2.

18. (a) Chokwadi chiri muBhaibheri chinofanira kubatsira mamwe makwai kunzwisisa chii? (b) Mamwe makwai anomirira “kuratidzwa kwevanakomana vaMwari” aine tariro yechii?

18 Zvose izvi zvinofanira kuita kuti vemamwe makwai vaone kuti nei Magwaro echiKristu echiGiriki achinyanyotaura nezvaKristu nehama dzake dzakazodzwa nebasa ravo rinokosha mukuzadzika kwechinangwa chaJehovha. Saka mamwe makwai anoitora seropafadzo kutsigira munzira dzose dzinobvira boka revakazodzwa vachimirira “kuratidzwa kwevanakomana vaMwari” paAmagedhoni uye muMireniyamu. Vanogona kutarisira mberi kuti vacha“sunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:19-21.

Vakabatana Mumudzimu paChirangaridzo

19. “Mudzimu wechokwadi” wakaitira vakazodzwa nevamwe vavo chii, uye vachanyatsobatana sei manheru omusi waMarch 28?

19 Mumunyengetero wake wokugumisa usiku hwaNisani 14, 33 C.E., Jesu akati: “Ndinokumbirira . . . kuti vose vave vamwe, semi, Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi, kuti ivowo vave pamwe nesu, kuti nyika itende kuti makandituma.” (Johani 17:20, 21) Norudo, Mwari akatuma Mwanakomana wake kuti ape upenyu hwake kuti vakazodzwa uye nyika yevanhu vanoteerera vapone. (1 Johani 2:2) “Mudzimu wechokwadi” wabatanidza hama dzaKristu nevamwe vavo. Manheru omusi waMarch 28, zuva ravira, mapoka ose ari maviri achasangana kuti achengete rufu rwaKristu nokurangarira zvose zvavakaitirwa naJehovha kuburikidza nechibayiro choMwanakomana wake anodiwa, Kristu Jesu. Dai kuvapo kwavo pachiitiko ichi kukasimbisa kubatana nokumutsiridza kutsunga kwavo kuramba vachiita kuda kwaMwari, nokudaro vachipa uchapupu hwokuti vanofarira kuva pakati peavo Jehovha anoda.

Kudzokorora

• “Mudzimu wechokwadi” wakatumirwa rini kuvaKristu vokutanga, uye wakaratidza sei kuva “mubetseri”?

• Vakazodzwa vanoziva sei kuti vakagamuchira kudanwa kwokudenga?

• Mudzimu mutsvene unoshanda mumamwe makwai munzira dzipi?

• Mamwe makwai akaitira hama dzaKristu zvakanaka sei, uye nei ‘vasingagoni kuitwa vakakwana pasina’ vakazodzwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

“Mudzimu wechokwadi” wakadururwa pavadzidzi paPendekosti ya33 C.E.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Mamwe makwai akaitira hama dzaKristu zvakanaka nokudzitsigira mukuzadzika basa radzakapiwa naMwari rokuparidza