Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinodiwa Kuchengetedza Hana Yakachena?

Chii Chinodiwa Kuchengetedza Hana Yakachena?

Chii Chinodiwa Kuchengetedza Hana Yakachena?

“HURUMENDE Inotongerwa Kugamuchira R$20 000.” Musoro mukuru uyu unoshamisa wakaoneka munguva ichangopfuura iyi mupepanhau rokuBrazil rinonzi Correio do Povo. Musoro wacho wakarondedzera nyaya yaLuiz Alvo de Araújo, positimeni womunzvimbo iyoyo, akanga atengesera hurumende yenyika yacho nzvimbo yake. Apedza kusaina mapepa okutengesa nzvimbo yake, Luiz akashamiswa kuona kuti akanga abhadharwa mari inenge U.S.$8 000  [Z$440 000] kupfuura mari yainge yabvumiranwa!

Kudzorera mari yomuraudzo iyi kwaive kusiri nyore kuita. Ashanyira kakawanda madhipatimendi ehurumende pasina chimuko, Luiz akakumbirwa kuhaya gweta uye kuti chinetso chacho chigadziriswe mudare. “Zvinoita sokuti mumwe munhu akakanganisa, uye nemhaka yokuti akazviita haachazivikanwi, hapana anoziva kuti chinetso chacho chinogadziriswa sei,” akadaro mutongi uyo akatongera hurumende kugamuchira mari yacho uye kubhadhara mari dzedare. “Iyi imhosva yokutanga yorudzi rwakadai yandati ndaona.”

Luiz, mumwe weZvapupu zvaJehovha, anotsanangura achiti: “Hana yangu yakadzidziswa Bhaibheri hayaizonditendera kuchengeta zvisiri zvangu. Ndaitofanira kuedza kudzorera mari yacho.”

Vakawanda vangawana mafungiro akadaro achishamisa kana kuti asinganzwisisiki. Asi Shoko raMwari rinoratidza kuti vaKristu vechokwadi vanokoshesa chaizvo kuchengeta hana yakanaka mukubata kwavo nezviremera zvehurumende. (VaRoma 13:5) Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kuchengeta ‘hana yakatendeseka, sezvazvinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.’—VaHebheru 13:18.