Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngwarira Kuzvikudza

Ngwarira Kuzvikudza

Ngwarira Kuzvikudza

ANOZVIKUDZA anozviona sewepamusoro, seakakwidziridzwa pane vamwe vake. Somugumisiro, munhu akadaro anowanzoti anoda kukudzwa uye kucherechedzwa kupfuura zvakafanira uye haabati vamwe noruremekedzo uye anovazvidza.

Kuzvikudza kunopesana nokuzvininipisa. Mashoko echiGiriki neechiHebheru akashandurwa kuti “kuzvikudza” anonyanyoreva kuzviita kuti uratidzike seari “pamusoro,” “akakwidziridzwa,” “ari pakakwirira,” “akatanhamara.”

Kuri Mumwoyo

Kuzvikudza unhu hwakashata hunopfuura kungofunga nepfungwa chete. Jesu Kristu akakutaura pamwe chete noumhondi, umbavha, kumhura, uye zvimwe zvinhu zvakaipa uye akati “mukati, mumwoyo mavanhu,” ndimo munobuda zvinhu zvakadaro. (Mako 7:21, 22) Amai vaJesu, Mariya vakati nezvaJehovha: “Akaparadzira kwose kwose vanozvikudza pakuvavarira kwemwoyo yavo.” (Ruka 1:51) Dhavhidhi akateterera kuna Jehovha achiti: “Mwoyo wangu hauzvikudzi.”—Pisarema 131:1.

Kunyange munhu ane mwoyo wave uchizvininipisa mubasa raMwari anogona kuzozvikudza nemhaka yokuwana pfuma kana kuti simba kana kuti nechikonzero chorunako rwake, kubudirira, uchenjeri, kana kuti kurumbidzwa nevamwe. Mambo Uzia weJudha aiva munhu akadaro. Akatonga zvakanaka akakomborerwa naJehovha kwemakore akawanda.—2 Makoronike 26:3-5.

Asi nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Asi wakati asimba, mwoyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti wakapinda patembere yaJehovha kunopisa zvinonhuwira paatari yezvinonhuwira.” (2 Makoronike 26:16) Uzia akazvikwidziridza kuti aite mabasa omupristi, ropafadzo yakanga yanyatsotaurwa naMwari kuti haisi yemadzimambo aIsraeri, achiita kuti umambo noupristi zviparadzane.

Kwenguva pfupi, Mambo akanaka Hezekia akambovawo nomwoyo unozvikudza, uye kuzvikudza kwake kunoratidzika kuti kwakabva kwavawo nevanhu vaaitonga. Aive asimudzirwa muutongi nokuda kwechikomborero chaJehovha, asi akakundikana kuonga uye kuziva kuti Mwari ndiye aifanira kurumbidzwa. Munyori wenhoroondo akanyora nezvake achiti: “Asi chinhu icho chakanaka chakaitirwa, Hezekia haana kuchiripira zvakanaka, nokuti mwoyo wake wakazvikudza, Jehovha akamutsamwira iye, naJudha neJerusarema.”

Zvinofadza kuti akazochinja mafungiro ake ane ngozi. Nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti: “Asi Hezekia wakazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza kwomwoyo wake, iye navakanga vagere Jerusarema, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga pamazuva aHezekia.”—2 Makoronike 32:25, 26.

Mwari Anovenga Kuzvikudza

Vanozvikudza havangovengwi nevanhu vakavimbika chete asi, zvakatoipisisa, vanovengwawo naJehovha Mwari. (Jakobho 4:6) Kuzvikudza upenzi uye chivi, uye Jehovha anoderedza vanozvikudza.—Zvirevo 14:3; 2 Samueri 22:28; Jobho 40:11.

Kukasaregwa, kuzvikudza kunototi kukonzere kuparadzwa. Rudzi rwekare rwevaMoabhi, urwo rwakazvikwidziridza pana Mwari nevanhu vake, rwakaparadzwa. (Isaya 16:6; 25:10, 11) Kunyange umambo hwendudzi gumi dzaIsraeri hahuna kuregererwa pahwakava hunozvikudza nohunozvidza mumwoyo.—Isaya 9:8-12.

Kungwarira Kuti Usazvikudza

Saka munhu anofanira kunyatsoona kuti mwoyo wake hauzvikudzi. Anofanira kungwarira zvikurukuru paanobudirira pachimwe chinhu chaanga achiedza kuita kana kuti paanopiwa chinzvimbo chepamusoro kana kuti chomutoro. Anofanira kuziva kuti “kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.”—Zvirevo 16:18.

Akarega kuzvikudza kuchikura, kunogona kupedzisira kwava kumudzora zvokuti Jehovha achamuisa muboka revaya vaanosiya achiti vane pfungwa dzisingatenderwi naye, uye vanokodzera rufu. (VaRoma 1:28, 30, 32) Nyevero yakadaro yakakodzera zvikurukuru mu“mazuva okupedzisira,” apo, sokuyambira kwakaita muapostora, kuzvikudza kwaizova chimwe chezvinhu zvinosiyanisa nguva idzodzo dzakaoma nedzimwe dzose.—2 Timoti 3:1, 2.

Uyezve, munhu anoda kudiwa naMwari haafaniri kurumbidza zvokubata kumeso, zvinova zvinowanzoita kuti vamwe vazozvikudza. Chirevo chinoti: “Munhu unobata wokwake kumeso, unodzikira tsoka dzake mumbure.”—Zvirevo 29:5.

Nyakubata mumwe kumeso haangoparadzisi mumwe wake chete asi anozviitawo kuti asadiwa naMwari. (Zvirevo 26:28) Muapostora Pauro akanga akangwarira kuti asarumbidza zvokubata kumeso uye kuti asazvikudza. (1 VaTesaronika 2:5, 6) Isuwo tinofanira kuramba tichizvingwarira kuti tisava nounhu uhu husina kunaka.