Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Utiziro Pamhepo

Utiziro Pamhepo

Utiziro Pamhepo

PAMUSORO-SORO pemakomo eAlps okuEurope, unogona kuwana chimwe chikwenzi chakasimba chinoita maruva. Izvi zvikwenzi zvipfupi-pfupi zvinowanzomera zvakabatana zvakawanda kuti zvizvidzivirire kumhepo yakasimba inokwira nemakomo. Mhepo yacho isingaperi inoita seichaparadza zvachose zvikwenzi izvi nokuderedza kwainoita tembiricha yazvo, kuomesa mhepo nevhu, uye kudhonza midzi yazvo.

Zvikwenzi izvi zvinowanzopona kuparadzwa nemhepo nokumera muhwangwadza dzematombo. Kunyange zvazvo panzvimbo idzi pangasava nevhu rakawanda, hwangwadza dzematombo dzinodzivirira pamhepo uye dzinoita kuti zvikwenzi zvichengetedze mvura. Zvichiita sezvisingaoneki mwaka yakawanda yegore, muzhizha zvikwenzi izvi zvinoshongedza gomo razvinenge zvakavanda nemaruva matsvuku akajeka.

Muprofita Isaya akatsanangura kuti “machinda” aizogadzwa naMwari, mumwe nomumwe aizoshanda so“utiziro pamhepo.” (Isaya 32:1, 2) Pasi penhungamiro yaMambo, Jesu Kristu, machinda anogadzwa nomudzimu aya, kana kuti vatariri, vaizova semabwe asingazununguki, akasimba panguva dzenhamo nematambudziko. Vaizova pokuvanda pakavimbika munguva dzezvinetso uye vaizobatsira vanoshayiwa kuti vachengetedze zvavanochengetera mvura yomudzimu inobva muShoko raMwari.

Kutambudzwa, kuora mwoyo, kana kuti undonda zvinoita semhepo zvinogona kuramba zvichivhiringa muKristu, zvichiita kuti kutenda kwake kusvave kana asina kudzivirirwa. Vakuru vechiKristu vanogona kudzivirira kuburikidza nokunyatsoteerera nhamo yake, vachimupa zano rinobva muBhaibheri, nokumukurudzira kana kumupa rubatsiro. Kufanana naMambo wavo akagadzwa, Kristu Jesu, vanoda kubatsira vaya ‘vakapararira.’ (Mateu 9:36) Uye vane chido chokubatsira vaya vakakuvadzwa nemhepo dzedzidziso yenhema. (VaEfeso 4:14) Kubatsira kwakadaro panguva yakafanira kunokosha zvikuru.

“Ndakava nenguva yakaoma muupenyu hwangu apo shamwari dzepedyo dzakasiya chokwadi uye panguva imwe cheteyo, baba vangu vachibva vabatwa nechirwere chokubuda ropa muuropi,” akatsanangura kudaro Miriam. “Ndichida kuedza kukurira kuora mwoyo kwangu, ndakatanga kufambidzana nomumwe mukomana wokunyika. Pasina nguva refu, ndakanzwa ndisina maturo, ndakaudza vakuru veungano kuti ndakanga ndasarudza kusiya chokwadi, sezvo ndainyatsoziva kuti Jehovha aisagona kundida.

“Panguva iyi yakaoma, mumwe mukuru ane tsiye nyoro akandiyeuchidza nezvemakore andakanga ndashanda somushumiri piyona wenguva dzose. Akandiudza kuti aigaroyemura kutendeka kwangu, uye akanyatsondikumbira zvakanaka kuti ndibvumire vakuru kuti vandibatsire, vandipe chivimbo chokuti Jehovha aindida. Kuva nehanya kwavo kworudo panguva chaiyo kwakanga kwakaita so“utiziro” kwandiri mudutu romudzimu raindivhuvhuta. Mumwedzi mumwe chete, ndakasiyana nomukomana wangu, uye ndave ndichiramba ndichifamba munzira yechokwadi kubvira ipapo.”

Vakuru vanonzwa vawana mubayiro pavanoona vamwe vaKristu vachiita zvakanaka mukunamata, nokuda kwedziviriro yavanopiwa panguva chaiyo. Uye ava vanoshanda so“utiziro” vanofanotiravidza kubatsirwa kwakakura kwatichaitwa mumudzimu muKutonga kwaKristu kweMakore ane chiuru.