Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakatsungirira Minzwa Munyama Yavo

Vakatsungirira Minzwa Munyama Yavo

Vakatsungirira Minzwa Munyama Yavo

“Ndakapiwa munzwa munyama, ngirozi yaSatani, kuti irambe ichindirova.”—2 VAKORINDE 12:7.

1. Ndezvipi zvimwe zvinetso zviri kutarisana nevanhu nhasi?

URI kurwisana nomuedzo usingadi kupera here? Kana zvirizvo, hausiwe woga. Mune dzino “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” vaKristu vakatendeka vari kutsungirira kushorwa zvakaipa, zvinetso zvomumhuri, urwere, kunetseka pamusoro pemari, shungu dzomwoyo, kufirwa nomudikani, nezvimwewo zvinetso. (2 Timoti 3:1-5) Mune dzimwe nyika, vakawanda vangangofa pamusana pokuperevedza kwezvokudya uye hondo.

2, 3. Mafungiroi anoodza mwoyo angakonzerwa nezvinetso zvinenge minzwa zvatinotarisana nazvo, uye izvozvo zvingava sei nengozi?

2 Zvinetso zvakadaro zvinogona kuita kuti munhu apererwe nezano, kunyanya kana nhamo dzinoverengeka dzikaita zvokumumomotera. Ona zvinotaura Zvirevo 24:10: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” Hungu, kuora mwoyo nemiedzo kungatitorera simba ratinoda zvikuru uye kunogona kuita kuti tisave neshungu dzokutsungirira kusvikira kumugumo. Zvingadaro sei?

3 Zvinoitika ndezvokuti kuora mwoyo kungaita kuti tisaone zvinhu sezvazviri chaizvo. Somuenzaniso, zviri nyore kuti tione nhamo dzedu kunge gomo chairo totanga kuzvinzwira urombo. Vamwe vangatochema kuna Mwari vachiti, “Nei muri kundiregerera?” Kana mafungiro okushaya tariro akadaro akadzika midzi mumwoyo womunhu, anogona kumutadzisa kufara nokumushayisa chivimbo. Mushumiri waMwari anogona kuora mwoyo zviya zvokuti angabva atorega kurwa “kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda.”—1 Timoti 6:12.

4, 5. Dzimwe nguva, Satani anova sei nechokuita nezvinetso zvedu, asi tinogona kuva nechivimbo chei?

4 Chokwadi ndechokuti Jehovha Mwari haasiriye honzeri yemiedzo yedu. (Jakobho 1:13) Mimwe miedzo inotiwira nemhosva chete yokuti tiri kuedza kuva vakatendeka kwaari. Kutaura zvazviri, vose vanoshumira Jehovha vanozviita vanhu vanovhimwa nomuvengi wake mukuru, Satani Dhiyabhorosi. Munguva shoma yaasara nayo, “mwari wegadziriro ino yezvinhu” akaipa iyeye ari kuedza kuita kuti chero ani zvake anoda Jehovha arege kuita kuda Kwake. (2 VaKorinde 4:4) Satani anotambudza nepaanogona napo sangano rose rehama dzedu pasi pose. (1 Petro 5:9) Ichokwadi kuti Satani haakonzeri zvakananga zvinetso zvedu zvose, asi anogona kushandisa zvinetso zvatinotarisana nazvo, achida kutiita kuti tinyanye kuneta.

5 Zvisinei, pasinei nokuti Satani kana kuti zvombo zvake zvingatyisa zvakadini, tinogona kumukunda! Tingava sei nechokwadi nazvo? Nokuti Jehovha anotirwira. Akaita kuti vashumiri vake vazive nzira dzinoshandiswa naSatani. (2 VaKorinde 2:11) Zviripo ndezvokuti, Shoko raMwari rinotiudza zvakawanda nezvemiedzo inotambudza vaKristu vechokwadi. Nezvezvaiitika kumuapostora Pauro, Bhaibheri rinoshandisa kutaura kwokuti “munzwa munyama.” Nei? Ngatione matsananguriro anoita Shoko raMwari mashoko iwayo. Ndipo patichaona kuti hatisi toga pakuda kubatsirwa naJehovha kukunda miedzo.

Nei Miedzo Ichiita Seminzwa

6. Pauro airevei paakataura nezvo“munzwa munyama,” uye munzwa iwoyo ungadaro waiva chii?

6 Pauro, aedzwa zvisingatauriki, akafuridzirwa kunyora kuti: “Ndakapiwa munzwa munyama, ngirozi yaSatani, kuti irambe ichindirova, kuti ndirege kunyanyokudzwa.” (2 VaKorinde 12:7) Munzwa uyu waiva munyama yaPauro chii? Kana munzwa wakanyatsoti pfe muganda unorwadza zvechokwadi. Saka fananidzo yacho inoratidza chimwe chinhu chairwadza Pauro—mungava mumuviri, mupfungwa, kana kuti zvose. Kungava kuti Pauro aitambura nechirwere chemaziso kana humwewo urwere. Kana kuti munzwa wacho ungave wakava nechokuita nevanhu vaya vaipikisa kuti Pauro akanga asingakodzeri kuva muapostora uye vakanga vasingagutsikani nebasa raPauro rokuparidza nokudzidzisa. (2 VaKorinde 10:10-12; 11:5, 6, 13) Chero chawaiva, munzwa iwoyo wakaramba uripo uye waisagona kubviswa.

7, 8. (a) Kutaura kwokuti “kuti irambe ichindirova” kunoratidzei? (b) Nei zvichikosha kuti titsungirire minzwa ingave iri kutirwadza iye zvino?

7 Cherechedza kuti munzwa wacho wakaramba uchirova Pauro. Sezvineiwo, shoko rechiito rechiGiriki rakashandiswa naPauro pano rinobva mushoko rinoreva “zvipfundo zvomunwe.” Shoko iroro rinoshandiswa sezvariri pana Mateu 26:67 uye nenzira yokufananidzira pana 1 VaKorinde 4:11. Mundima idzodzo, rinopa pfungwa yokurohwa nezvibhakera. Tichitarisa mavengero akaipa ayo Satani anoita Jehovha nevashumiri Vake, tinogona kuva nechokwadi chokuti Dhiyabhorosi aifara kuti munzwa wairamba uchirova Pauro. Nhasi, Satani anongofara saizvozvo patinotambudzwa zvakadaro nomunzwa munyama.

8 Saka, kufanana naPauro, tinoda kuziva matsungiriro atingaita minzwa yakadaro. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti tiwane upenyu! Rangarira kuti Jehovha anoda kurebesa upenyu hwedu nokusingaperi munyika itsva yake, umo tisingazonetswi zvakare nezvinetso zvinenge minzwa. Kutibatsira kuwana mubayiro uyu unoshamisa, Mwari akatipa mienzaniso yakawanda muShoko rake dzvene, Bhaibheri, achiratidza kuti vashumiri vake vakatendeka vakabudirira kutsungirira minzwa yaiva munyama yavo. Vaiva vanhu vasina kukwana, vakangoitawo sesu. Kufunga nezvevamwe vari ‘mugore guru reZvapupu’ iri kungatibatsira ‘kumhanya nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.’ (VaHebheru 12:1) Kufungisisa zvavakatsungirira kunogona kutiita kuti tivimbe kuti tinogona kutsungirira minzwa yakawanda iyo Satani angatibaya nayo.

Minzwa Yaitambudza Mefibosheti

9, 10. (a) Mefibhosheti akava sei nomunzwa munyama yake? (b) Mambo Dhavhidhi akaratidza mutsa rudzii kuna Mefibhosheti, uye tingatevedzera sei Dhavhidhi?

9 Funga nezvaMefibosheti, mwanakomana weshamwari yaDhavhidhi, Jonatani. Mefibosheti paaiva nemakore mashanu, shoko rakasvika rokuti baba vake Jonatani nasekuru vake Mambo Sauro, vakanga vaurayiwa. Mureri womukomana uyu akarohwa nehana. “Akamusimudza . . . ; zvino wakati achikurumidza kutiza, mwana akawa, akaremara.” (2 Samueri 4:4) Kuremara uku kunofanira kuva kwakava munzwa wakaoma kutsungirira kuna Mefibhosheti sezvaaikura.

10 Makore anoverengeka gare gare, Mambo Dhavhidhi akaitira Mefibhosheti tsitsi, pamusana pokuda kwaaiita Jonatani zvikuru. Dhavhidhi akapa zvinhu zvose zvaSauro kwaari akati aimbova mutariri waSauro, Zibha, atarisire nyika iyi. Dhavhidhi akaudzawo Mefibhosheti kuti: “Uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.” (2 Samueri 9:6-10) Hapana mubvunzo kuti tsitsi dzaDhavhidhi dzakanyaradza Mefibhosheti uye kuti dzakabatsira kupomhodza kurwadza kwourema hwake. Ichi chidzidzo chakanaka kwazvo! Isuwo tinofanira kuratidza mutsa kune vaya vari kurwisana nomunzwa uri munyama yavo.

11. Zibha akati chii nezvaMefibhosheti, asi tinoziva sei kuti dzaiva nhema? (Ona mashoko omuzasi.)

11 Gare gare, Mefibhosheti aifanira kurwisana nomumwezve munzwa munyama yake. Muranda wake Zibha akamuchera kuna Mambo Dhavhidhi, uyo panguva iyoyo akanga atiza muJerusarema pamusana pokupanduka kwaAbhisaromi, mwanakomana waDhavhidhi. Zibha akati Mefibhosheti akanga asara muJerusarema nenzira yokusavimbika achida kuzviwanira umambo. * Dhavhidhi akatenda zvaitaurwa naZibha akabva ati zvinhu zvose zvaMefibhosheti zvitorwe nomunyepi iyeye!—2 Samueri 16:1-4.

12. Mefibhosheti akaita sei pane zvaiitika kwaari uye iye muenzaniso wakanaka kwazvo kwatiri sei?

12 Zvisinei, apo Mefibhosheti akazosangana naDhavhidhi, akaudza mambo zvakanga zvanyatsoitika zvacho. Akanga achigadzirira kuenda kuna Dhavhidhi apo Zibha akamunyengedza akataura kuti iye aida kuenda panzvimbo yake. Dhavhidhi akaruramisa chikanganiso ichi here? Zvishoma. Akagovanisa varume vaviri ava zvinhu zviya. Uyu waigona kuva mumwe munzwa munyama yaMefibhosheti. Akaora mwoyo zvikuru here? Akapikisana nechisarudzo chaDhavhidhi here, achipopota kuti pakanga pasina ruramisiro? Aiwa, nokuzvininipisa akabvumirana nezvaidiwa namambo. Iye akangotarisa pazvinhu zvakanga zvakanaka, achifara kuti mambo akakodzera waIsraeri akanga adzoka pasina chamuwana. Mefibhosheti akaratidza zvechokwadi muenzaniso wakanaka kwazvo nokutsungirira urema, kucherwa, nokuodzwa mwoyo.—2 Samueri 19:24-30.

Nehemia Akatsungirira Miedzo Yake

13, 14. Nehemia aifanira kutsungirira minzwai paakadzoka kuzovakazve masvingo eJerusarema?

13 Funga nezveminzwa yokufananidzira yakatsungirirwa naNehemia paakadzokera kuguta rakanga risina masvingo reJerusarema muzana remakore rechishanu B.C.E. Akaona kuti guta racho rakanga risina kana kumbodzivirirwa zvaro, uye vaJudha vakanga vadzoka ikoko vakanga vasina kurongeka, vakaora mwoyo, uye vasina kuchena mumaziso aJehovha. Kunyange zvazvo akanga apiwa mvumo naMambo Atashasta kuti avakezve masvingo eJerusarema, Nehemia akaziva nokukurumidza kuti basa rake rakanga richivengwa kwazvo nemagavhuna enyika dzaiva pedyo. “Kwavari zvakava chinhu chakaipa kwazvo kuti mumwe munhu akanga auya kuzotsvakira vanakomana vaIsraeri chinhu chakanaka.”—Nehemia 2:10, NW.

14 Vapikisi ivavo vokune dzimwe nyika vakaita zvose zvavaigona kuti vamise basa raNehemia. Kuvhundutsira kwavo, nhema dzavo, uye kutyisidzira kwavo—kusanganisira kushandisa vasori vaitumwa kuzomuodza mwoyo—kunofanira kunge kwakava seminzwa isingaperi munyama yake. Akakundwa nemitoo yaishandiswa nevavengi ivavo here? Kwete! Akavimba zvizere naMwari, asingaperi simba. Saka, apo masvingo eJerusarema akazopera kuvakwazve, akapa uchapupu hwenguva refu hwokuti Jehovha aitsigira Nehemia nenzira yorudo.—Nehemia 4:1-12; 6:1-19.

15. Zvinetso zvipi zvaiva pakati pevaJudha zvakatambudza Nehemia zvikuru?

15 Sagavhuna, Nehemia aifanirawo kurwisana nezvinetso zvakawanda zvaiva pakati pevanhu vaMwari. Zvinetso izvi zvakanga zvakaita seminzwa yaimunetsa zvikuru nokuti zvaikanganisa ukama hwevanhu naJehovha. Vapfumi vakanga vachiita chimbadzo, uye hama dzavo dzaiva varombo, kuti dzibhadhare zvikwereti uyewo mutero wehurumende yePersia, dzaifanira kuvapa minda uye kutotengesa vana vadzo kuti vave varanda. (Nehemia 5:1-10) VaJudha vakawanda vakanga vachiputsa Sabata uye vaitadza kutsigira vaRevhi uye temberi. Uyewo, vamwe vakanga varoora “vakadzi veAshdhodhi, naAmoni, naMoabhi.” Izvi zvakarwadza Nehemia zvokuti! Asi hapana kana nomumwe weminzwa iyi wakamuita kuti arege. Airamba achikunda somutsigiri anoshingaira wemitemo yaMwari. Kufanana naNehemia, ngatirambe kubvumira mufambiro wokusatendeka wevamwe kutibvisa pabasa rokutendeseka kuna Jehovha.—Nehemia 13:10-13, 23-27.

Vamwe Vakawanda Vakatendeka Vakaitsungirira

16-18. Zvinetso zvomumhuri zvakanetsa sei Isaka naRebheka, Hana, Dhavhidhi, naHosea?

16 Bhaibheri rine mimwe mienzaniso yakawanda yevanhu vakatsungirira mamiriro ezvinhu akanga akaita seminzwa. Minzwa iyoyo yaiwanzokonzerwa nezvinetso zvomumhuri. Vadzimai vaviri vaEsau “vakarwadza mwoyo waIsaka naRebheka,” vabereki vaEsau. Rebheka akatoti wani akanga ava kusema upenyu hwake pamusana pevakadzi ivavo. (Genesi 26:34, 35; 27:46) Fungaiwo nezvaHana nenzira iyo mumwe mudzimai womurume wake, Penina, akanga ‘achimunetsa kwazvo’ nayo pamusana pokuti Hana akanga ashaya mbereko. Zvichida Hana aigara achishungurudzwa saizvozvi mumba mavo. Penina aimunetsawo pane vanhu—pamberi chaipo pehama neshamwari—mhuri yacho payaipinda mutambo paShiro. Uku kwaiita sokudzvanyidzira munzwa mukati-kati menyama yaHana.—1 Samueri 1:4-7.

17 Funga zvakatsungirirwa naDhavhidhi pamusana peshanje dzisina musoro dzavatezvara vake, Mambo Sauro. Kuti aponese upenyu hwake, Dhavhidhi aitofanira kugara mumapako murenje reEnigedhi, maaifanira kukwira nomunzira dzaiva nemawere uye dzakaipa kwazvo dzaipfuura nepakati pematombo. Kusaruramisira kwacho kunofanira kuva kwairwadza, nokuti hapana chaakanga akanganisira Sauro. Kunyange zvakadaro, kwemakore Dhavhidhi aifanira kugara achingotiza—zvose izvi pamusana peshanje dzaSauro.—1 Samueri 24:14, 15; Zvirevo 27:4.

18 Fungidzira zvinetso zvomumhuri zvakashungurudza muprofita Hosea. Mudzimai wake akava mhombwe. Unzenza hwake hunofanira kunge hwakava seminzwa yakabayirira mumwoyo maHosea. Uye anofanira kuva akatonyanya kurwadziwa kwazvo mudzimai wacho paakabereka vana vaviri vasiri vake kubva muupombwe hwake!—Hosea 1:2-9.

19. Kutambudzwa kupi kwakanetsa muprofita Mikaya?

19 Kutambudzwa ndomumwewo munzwa munyama. Funga nezvechiitiko chaMikaya muprofita. Kuona kuti Mambo akaipa Ahabhi akazvikomberedza nevaprofita venhema uye kuti Ahabhi akadavira nhema dzavo dzakakura kunofanira kunge kwakatambudza Mikaya akanga akarurama. Ipapo, Mikaya paakaudza Ahabhi kuti vaprofita vose ivavo vakanga vachitaura vachishandisa “mweya wenhema,” mutungamiriri wevanyepi ivavo akaita sei? “Akarova Mikaya padama”! Chakanga chakatonyanya kuipa ndezvakaitwa naAhabhi paakanyeverwa naJehovha kuti hondo yokunotora Ramoti-giriyedhi yakanga ichizokundikana. Ahabhi akarayira kuti Mikaya akandwe mujeri achipiwa zvokudya zvishoma. (1 Madzimambo 22:6, 9, 15-17, 23-28) Yeukaiwo Jeremiya nemabatirwo aakaitwa nemhondi dzaimutambudza.—Jeremia 20:1-9.

20. Naomi aifanira kutsungirira minzwai, uye akapiwa mubayiro wei?

20 Kufirwa nevaunoda chimwezve chinhu chinorwadza chinogona kuva somunzwa munyama. Naomi aifanira kutsungirira kufirwa nomurume wake nevanakomana vake vaviri. Achiri kurwadziwa kudaro, akadzoka kuBheterehema. Akaudza shamwari dzake kuti dzisamudane kuti Naomi, asi kuti Mara, zita rairatidza kushungurudza kwezvaakasangana nazvo. Kunyange zvakadaro, pakupedzisira, Jehovha akamupa mubayiro wokutsungirira kwake achimupa muzukurukomana akazova tateguru vaMesiya.—Rute 1:3-5, 19-21; 4:13-17; Mateu 1:1, 5.

21, 22. Jobho akashungurudzwa sei nokurasikirwa nezvinhu kwaakaita, uye akaita sei?

21 Funga kuti Jobho anofanira kunge akarohwa nehana sei paakanzwa nezvokufa kwevana vake gumi vaaida, tisingatauri nezvokuparara kwezvipfuyo zvake nevaranda vake. Akangoerekana nyika yaita seyaguma kwaari! Ipapo, Jobho achiri kushushikana neizvi, Satani akamurova nourwere. Jobho angave akafunga kuti chirwere chakaipa ichi chaizomuuraya. Akarwadziwa zvisingatsungiririki zvokuti akafunga kuti kufa kwaitomuzorodza.—Jobho 1:13-20; 2:7, 8.

22 Kunge zvose izvi zvakanga zvisina kukwana, mudzimai wake, neshungu uye nokutambudzika, akauya kwaari akati: “Shoora Mwari, ufe hako.” Uyu wakava munzwa wakakura sei munyama yake yairwadza! Zvadaro, shamwari nhatu dzaJobho, pane kumunyaradza, dzakati naye kutaura zvisina nomusoro wose, dzichimupomera kuti ane zvivi zvaakaita pachivande uye dzichiti ndizvo zvaiita kuti ave nedambudziko rake iri. Kukanganisa kuona kwavo uku kwakaita sokuti kwaiwedzera kupinza minzwa yacho munyama yake. Rangarirawo kuti Jobho akanga asingazivi kuti nei zvinhu zvakaipa kudai zvaiitika kwaari; akanga asingazivizve kuti achasara ari mupenyu. Asi, “pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.” (Jobho 1:22; 2:9, 10; 3:3; 14:13; 30:17) Kunyange zvazvo akashungurudzika neminzwa yakawanda panguva imwe chete, haana kumbosiya upenyu hwake hwokutendeseka. Zvinokurudzira sei!

23. Nei vakatendeka vatakurukura vakakwanisa kutsungirira minzwa yakasiyana-siyana munyama?

23 Mienzaniso yapfuura iyi mishoma chaizvo. MuBhaibheri mune mimwe yakawanda. Vashumiri vose ava vakanga vakatendeka vaifanira kurwisana neminzwa yavo yokufananidzira. Uye vakatarisana nezvinetso zvakasiyana-siyana kwazvo! Asi pane chinhu chavakaita vose. Vose vakangoramba vachishumira Jehovha. Pasinei nemiedzo yavo inopedza simba, vakakunda Satani nesimba ravakapiwa naJehovha. Sei? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo uyu yotiratidza kuti isuwo tinogona sei kutsungirira chinhu chipi nechipi chakaita somunzwa munyama yedu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Hazvingamboiti kuti titi Mefibhosheti, murume aionga uye aizvininipisa zvakadaro, akaronga zano rakadaro rokuda chinzvimbo. Pasina mubvunzo ainyatsoziva mukurumbira wokutendeka wakanga wasiyiwa nababa vake, Jonatani. Kunyange aiva mwanakomana waMambo Sauro, Jonatani nokuzvininipisa akabvuma kuti Dhavhidhi ndiye akanga asarudzwa naJehovha kuti ave mambo waIsraeri. (1 Samueri 20:12-17) Somubereki aitya Mwari waMefibhosheti uye shamwari yakavimbika yaDhavhidhi, Jonatani aisazodzidzisa mwanakomana wake muduku kuti ave neshungu dzokuda kuva mambo.

Ungapindura Sei?

• Nei zvinetso zvatinotarisana nazvo zvichigona kufananidzwa neminzwa munyama?

• Ndeipi yaiva mimwe yemiedzo yaifanira kutsungirirwa naMefibhosheti naNehemia?

• Pamienzaniso yomuMagwaro yevarume nevakadzi vakatsungirira minzwa yakasiyana-siyana munyama, ndoupi wawawana uchinyanya kubaya mwoyo, uye nei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

Mefibhosheti aifanira kutsungirira kuremara, kucherwa, nokuodzwa mwoyo

[Mufananidzo uri papeji 16]

Nehemia akapfuurira pasinei nokushorwa