Chokwadi Chinokosha Sei Kwauri?
Chokwadi Chinokosha Sei Kwauri?
“Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—JOHANI 8:32.
1. Mashandisiro akaita Pirato shoko rokuti “chokwadi” sezviri pachena anosiyana sei nemashandisiro ayo Jesu akariita?
“CHOKWADI chii?” Pirato paakabvunza mubvunzo uyu, shungu dzake dzinoita sokuti dzakanga dziri dzokuziva chinongonzi chokwadi. Ukuwo, Jesu akanga achangobva kuti: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37, 38) Jesu akanga akasiyana naPirato mukuti aitaura nezvechokwadi chaMwari.
Maonero Anoita Nyika Chokwadi
2. Mashokoi aJesu anoratidza kukosha kwechokwadi?
2 Pauro akati “Kutenda hakusi kwevanhu vose.” (2 VaTesaronika 3:2) Izvozvo zvinogona kutaurwawo nezvechokwadi. Kunyange pavanova nomukana wokuwana chokwadi chinobva muBhaibheri, vanhu vakawanda vanochiramba maune. Asi, chokwadi ichi chinozokosha! Jesu akati: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusungurai.”—Johani 8:32.
3. Tinofanira kuteerera nyeveroi ine chokuita nedzidziso dzinonyengera?
VaKorose 2:8) Chokwadi, dzidziso dzakadaro dzinonyengera. Pauro akanyevera vaKristu veEfeso kuti kana vaizodzitenda, vaizoita sevacheche vomudzimu vano“kandirwa kwose kwose sezvinoita mafungu . . . nemhepo yose yokudzidzisa nounyengeri hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa.” (VaEfeso 4:14) Nhasi, “unyengeri hwevanhu” hunosimudzirwa nemashoko anoparadzirwa nevaya vanoshora chokwadi chaMwari. Kuparadzira mashoko kwakadaro nenzira younyengeri kunomonyanisa chokwadi kuti chive nhema uye kunoita kuti nhema dziratidzike sechokwadi. Kuti tiwane chokwadi nepo takatarisana nezvinhu zvinotimanikidza zvinonyengera zvakadaro, tinofanira kushingairira kuongorora Magwaro.
3 Muapostora Pauro akati chokwadi chakanga chisingazowanikwi muuzivi nomutsika dzevanhu. (VaKristu Nenyika
4. Chokwadi chinoitwa kuti chiwanikwe kune vanaani, uye vaya vanochigamuchira vanosungirwa kuitei?
4 Achitaura nezvevaya vakanga vava vadzidzi vake, Jesu Kristu akanyengetera kuna Jehovha kuti: “Vatsvenesei nechokwadi; shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Vakadaro vaizotsveneswa, kana kuti kutsaurwa, nechinangwa chokushumira Jehovha nokuzivisa zita rake noUmambo. (Mateu 6:9, 10; 24:14) Kunyange chisiri muvanhu vose, chokwadi chaJehovha chiripo sechipo chepachena kune vose vanochitsvaka, pasinei norudzi rwavo, dzinza, kana kuti tsika dzavo. Muapostora Petro akati: “Ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.
5. Nei vaKristu vachiwanzotambudzwa?
5 VaKristu vanotaurira vamwe chokwadi cheBhaibheri asi havagamuchirwi kwose kwose. Jesu akanyevera kuti: “Vanhu vachakutambudzai uye vachakuurayai, uye muchavengwa nemarudzi ose nemhaka yezita rangu.” (Mateu 24:9) Achitaura pamusoro pendima iyi, mufundisi John R. Cotter wokuIreland akanyora muna 1817 kuti: “Kuedza kwavo [vaKristu] kuchinja upenyu hwevanhu nokuparidza kwavo, pane kuita kuti vanhu vaonge, chaizvoizvo kwaizoita kuti vavenge nokutambudza vadzidzi pamusana pokuti vakafumura uipi hwavo.” Vatambudzi vakadaro havana “kugamuchira kuda chokwadi kuti vaponeswe.” Ndokusaka, “Mwari achirega kushanda kwokukanganisa kuchienda kwavari, kuti vatende nhema, kuitira kuti vose vatongwe nokuti havana kutenda chokwadi asi vakafadzwa nokusarurama.”—2 VaTesaronika 2:10-12.
6. MuKristu haafaniri kuva nechishuvo chei?
6 Muapostora Johani anorayira vaKristu vari kurarama munyika ino ine utsinye kuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. . . . Zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.” (1 Johani 2:15, 16) Paanoti “zvinhu zvose,” Johani hapana chaanosiya. Nokuda kwechikonzero ichi hatifaniri kumboshuva chinhu chipi nechipi chinopiwa nenyika ino chingatitsausa pachokwadi. Kuteerera zano raJohani kuchaita kuti upenyu hwedu huchinjwe kwazvo. Sei?
7. Kuziva chokwadi kwakaita kuti vane mwoyo wakarurama vaite sei?
7 Mugore ra2001, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvakaita zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinopfuura mamiriyoni mana nechidimbu mwedzi mumwe nomumwe, zvichidzidzisa vanhu nemapoka nezvezvinodiwa naMwari nokuda kwoupenyu. Izvi zvakaita kuti vanhu 263 431 vabhabhatidzwe. Chiedza chechokwadi chakava chinokosha kune vadzidzi vatsva ava, uye vakaramba ushamwari hwakaipa nenzira dzounzenza dzinozvidzisa Mwari dzakatekeshera munyika ino. Kubva zvavakabhabhatidzwa, vakaramba vachirarama maererano nemitemo inoitwa naMwari nokuda kwevaKristu vose. (VaEfeso 5:5) Chokwadi chinokosha zvakadaro kwauri here?
Jehovha Ane Hanya Nesu
8. Jehovha anoita sei nokuzvitsaurira kwedu, uye nei kuri kuchenjera ‘kutanga kutsvaka umambo’?
8 Pasinei nokusakwana kwedu, Jehovha nengoni anogamuchira kuzvitsaurira kwedu, achiita seanokotama kuti atikwevere kwaari. Nokuita kudaro anotidzidzisa kuti tikoshese vavariro dzedu nezvishuvo. (Pisarema 113:6-8) Panguva imwe cheteyo, Jehovha anotibvumira kuva noukama naye, uye anovimbisa kutitarisira kana ‘tikaramba tichitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.’ Kana tikaita kudaro todzivirira kunamata kwedu, anovimbisa kuti: “Izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:33.
9. “Muranda akatendeka, akangwara” ndiani, uye achishandisa “muranda” uyu Jehovha anotitarisira sei?
9 Jesu Kristu akasarudza vaapostora vake 12 ndokuvaka nheyo yeungano yevaKristu vakazodzwa yakazodanwa kuti “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; Zvakazarurwa 21:9, 14) Iyoyi yakazorondedzerwa se“ungano yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiso chechokwadi.” (1 Timoti 3:15) Jesu akaratidza kuti nhengo dzeungano iyoyo “muranda akatendeka, akangwara” uye “mutariri akatendeka, akangwara.” Jesu akati muranda akatendeka iyeye aizova nebasa rokupa vaKristu “mugove wavo wezvokudya panguva yakafanira.” (Mateu 24:3, 45-47; Ruka 12:42) Pasina zvokudya tinoziya nenzara kusvikira tafa. Kana tisingadyiwo zvokudya zvomudzimu, tinoneta tofa mumudzimu. Naizvozvo, kuvapo kwo“muranda akatendeka, akangwara” chimwe chiratidzo chokuti Jehovha anotitarisira. Ngatigare tichionga zvinhu zvomudzimu zvinokosha zvatinopiwa kuburikidza no“muranda” iyeye.—Mateu 5:3.
10. Nei zvichikosha kwatiri kuti tigarova pamisangano?
10 Kudya zvokudya zvomudzimu kunoda kudzidza uri woga. Kunosanganisirawo kusangana nevamwe vaKristu uye kupinda misangano yeungano. Unonyatsoyeuka here zvawakadya mwedzi mitanhatu kana kuti kunyange vhiki nhanhatu dzapfuura? Pamwe haucharangariri. Kunyange zvakadaro, zvawakadya zvakakupa simba rawaida kuti urambe uchirarama. Uye
zvichida wakadya zvokudya zvakadaro kubva panguva iyoyo. Ndizvo zvazvakaitawo nezvokudya zvomudzimu zvinopiwa pamisangano yedu yechiKristu. Zvichida hatiyeuki zvose zvatakanzwa kumisangano. Uye mashoko akadaro angadaro akapiwa kanopfuura kamwe. Kunyange zvakadaro, zvokudya izvozvo ndezvomudzimu, zvinokosha kuti tigare tine utano. Misangano yedu inogara ichitipa zvokudya zvomudzimu zvinotitsigira, zvinopiwa panguva yakafanira.11. Tine mutoro wei patinopinda misangano yechiKristu?
11 Kupinda misangano yechiKristu kunotipawo mutoro. VaKristu vanorayirwa ‘kukurudzirana,’ vachinyandurira vamwe vavo vomuungano ku“rudo nemabasa akanaka kwazvo.” Kugadzirira kwedu, kupinda, uye kuita chimwe chinhu mumisangano yose yechiKristu kunosimbisa mumwe nomumwe wedu mukutenda, uye kunokurudzira vamwe. (VaHebheru 10:23-25) Kufanana nevana vaduku vangadadira zvokudya, vamwe vangada kugara vachikurudzirwa kudya zvokudya zvomudzimu. (VaEfeso 4:13) Kana tikakurudzira zvakadaro pazvinenge zvichidiwa tinenge tichiratidza rudo zvokuti vakadaro vanogona kukura kuva vaKristu vakasimba, avo muapostora Pauro akanyora nezvavo kuti: “Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zveavo vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.”—VaHebheru 5:14.
Kuzvitarisira Mumudzimu
12. Ndiani ane mutoro mukuru wokurambira kwedu muchokwadi? Tsanangura.
12 Murume wedu, mudzimai wedu kana kuti vabereki vedu vangatikurudzira kufamba muchokwadi. Saizvozvowo, vakuru vomuungano vangatifudza sevamwe veboka ravanotarisira. (Mabasa 20:28) Asi mutoro mukuru uri pana ani kuti titsungirire muupenyu hwedu hwakavakirwa pachokwadi? Chaizvoizvo, mutoro uri pane mumwe nomumwe wedu. Uye ndizvo zvazvinofanira kuva kana zvinhu zvakanaka kana zvakashata. Funga nezvechakaitika chinotevera.
13, 14. Sezvinofananidzirwa nechiitiko chegwayana, tingabatsirwa sei mumudzimu zvatinoda?
13 MuScotland mamwe makwayana akanga ari mumafuro apo rimwe rawo rakatsauka richienda kumucheto wekachikomo rikakungurukira kumawere. Harina kukuvara, asi rakanga rava kutya uye risingachakwanisi kukwira richidzoka. Saka rakatanga kuchema zvinopisa tsitsi. Amai varo vakarinzwa, uye naivowo vakatanga kuchema kusvikira vafudzi vauya kuzobudisa gwayana racho.
14 Cherechedza kutevedzana kwezviitiko zvacho. Gwayana rakachemera kubatsirwa, amai varo vakachemawo, uye vafudzi vakazvinzwa vakabva vaita chiito chokurinunura. Kana mhuka duku kwazvo naamai vayo zvichigona kuona ngozi zvokurumidza kuchema kuti zvibatsirwe, handizvo zvatinofanira kuitawo here patinogumburwa mumudzimu kana kutarisana nengozi dzisingatarisirwi dzinokonzerwa nenyika yaSatani? (Jakobho 5:14, 15; 1 Petro 5:8) Tinofanira kudaro, zvikuru kana tisina ruzivo rwakakura zvichida pamusana pokuti tiri vaduku kana kuti nokuti tichiri vatsva chaizvo muchokwadi.
Kutevera Nhungamiro yaMwari Kunounza Mufaro
15. Mumwe mukadzi akanzwa sei paakatanga kusangana neungano yechiKristu?
15 Funga kukosha kwokunzwisisa Bhaibheri norugare rwepfungwa rwakunounza kune vaya vanoshumira Mwari wechokwadi. Mumwe mukadzi ane makore 70 akanga apinda Chechi yeAnglican upenyu hwake hwose akabvuma kudzidziswa Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Akakurumidza kuziva kuti zita raMwari ndiJehovha akabatanawo nevamwe mukuti “Ameni” kuminyengetero yomwoyo wose yaiitwa pachena paImba yoUmambo. Nomufaro mukuru akati: “Panzvimbo pokutora Mwari seari kure nesu isu vanhu zvavo vanofa, munoita semunomuunza pakati pedu chaipo seshamwari inodiwa. Handisati ndamboona zvakadaro.” Zvichida mufariri anodiwa iyeye haazofi akakanganwa kuororwa kwaakatanga kuitwa
nechokwadi. Nesuwo ngatisambokanganwa makoshero akanga akaita chokwadi patakatanga kuchigamuchira.16. (a) Chii chingaitika kana tikaita chinangwa chikuru chokuwana mari muupenyu hwedu? (b) Tingawana sei mufaro wechokwadi?
16 Vakawanda vanodavira kuti kudai vaiva nemari yakawanda, vaizofara kupfuura zvavari kuita. Zvisinei, tikaita chinangwa chikuru chokuwana mari yakawanda muupenyu hwedu, tingatambura ne“nhamo dzisingatauriki dzomupfungwa.” (1 Timoti 6:10, Phillips) Funga kuti vangani vanotenga matikiti okubheja, vanopedzera mari mumakasi, kana kugara vachiongorora stock market, vachizvifungidzira vava nemazimari asingatauriki. Vashoma chaizvo vanozowana mazimari aya avanorota. Uye kakawanda kunyange vaya vanoawana vanoona kuti pfuma yavo yavanowana nenguva pfupi haiunzi mufaro. Asi mufaro unogara unobva pakuita kuda kwaJehovha, kushanda neungano yechiKristu mukutungamirira kwomudzimu mutsvene waJehovha nokubatsira kwengirozi dzake. (Pisarema 1:1-3; 84:4, 5; 89:15) Patinoita izvi, zvikomborero zvisingatarisirwi zvinogona kuuya kwatiri. Chokwadi chinokosha kwauri zvokuti chinokuunzira zvikomborero zvakadaro muupenyu hwako here?
17. Kugara kwaPetro naSimoni, musukuti wematehwe, kunoratidzei nezvepfungwa dzomuapostora wacho?
17 Funga zvakaitika kune muapostora Petro. Mugore ra36 C.E., akaita rwendo rwoumishinari kuNyika yeSharoni. Akamira paRidha, paakaporesa Eniyasi akanga akaoma rutivi rwomuviri achibva ananga kuchiteshi chengarava cheJopa. Ikoko akamutsa Dhokasi. Mabasa 9:43 inotiudza kuti:“Akaramba ari muJopa kwemazuva akawanda nomumwe Simoni, musukuti wematehwe.” Kungodudzwa kwezvinhu izvi muchidimbu kunoratidza pfungwa dzaPetro dzakanga dzisina rusaruro sezvaaishumira vanhu muguta iroro. Sei? Frederic W. Farrar, imwe nyanzvi yeBhaibheri, anonyora kuti: “Hapana muteveri woMutemo Wakaita Zvokutaurwa [waMosesi] akaomerera uye asingadi kuchinja aizoda kugara pamba pomusukuti wematehwe. Kugara uchibata matehwe nezvitunha zvemhuka dzakasiyana-siyana kwaidiwa nebasa iri, uye zvinhu zvaraida, kwairiita kuti rinzi harina kuchena uye rinosemesa nevose vaiomerera kumutemo.” Kunyange kudai “imba [yaSimoni yaiva] pedyo negungwa” yakanga isina kubatana nepaaisukutira matehwe, Simoni aiita ‘basa rinosemwa uye nokudaro raiita kuti vose vanoriita vasanyanya kuremekedzwa,’ anodaro Farrar.—Mabasa 10:6.
18, 19. (a) Nei Petro akavhiringidzwa kwazvo nechiratidzo chaakagamuchira? (b) Chikomboreroi chakawanikwa naPetro chaakanga asingatarisiri?
18 Petro akanga asina rusaruro akabvuma mutsa waSimoni, uye ipapo Petro akagamuchira nhungamiro yaibva kuna Mwari yaakanga asingatarisiri. Akaratidzwa chiratidzo umo akarayirwa kudya zvisikwa zvisina kuchena maererano nomutemo wechiJudha. Petro akaita nharo kuti akanga asina “kumbodya chinhu chakasviba nechisina kuchena.” Asi katatu akaudzwa kuti: “Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” Zvinonzwisisika kuti “Petro [akanga] achiri kuvhiringidzika kwazvo mumwoyo make pamusoro pokuti chiono chaakanga aona chingarevei.”—Mabasa 10:5-17; 11:7-10.
19 Petro akanga asiri kuziva kuti zuva rakanga rapfuura racho muKesariya, makiromita 50 kubva ipapo, mumwe Wemamwe Marudzi ainzi Koneriyasi akanga aonawo chiratidzo. Ngirozi yaJehovha yakanga yarayiridza Koneriyasi kutumira varanda kunotsvaka Petro Mabasa 10:1-48; 11:18) Yakanga iri ropafadzo yakasiyana nedzimwe yakadini kuna Petro—pamusana chete pokuti chokwadi chakanga chakakosha kwaari chikamuita kuti ateerere nhungamiro inobva kuna Jehovha oita chiito mukutenda!
mumba maSimoni musukuti wematehwe. Koneriyasi akatuma varanda vake kumba kwaSimoni, uye Petro akadzoka navo kuKesariya. Ikoko akaparidzira Koneriyasi nehama dzake neshamwari. Somugumisiro vakava vokutanga Vemamwe Marudzi kugamuchira mudzimu mutsvene sevagari venhaka yoUmambo. Kunyange varume vacho vakanga vasina kudzingiswa, vose vakanzwa shoko raPetro vakabhabhatidzwa. Izvi zvakavhurira vanhu vemarudzi, avo vaionekwa sevasina kuchena nevaJudha, mukana wokuva nhengo dzeungano yechiKristu. (20. Mwari anotibatsira sei kana tikaisa chokwadi pokutanga muupenyu hwedu?
20 Pauro anokurudzira kuti: “Tichitaura chokwadi, ngatikurei norudo muzvinhu zvose muna Kristu, uyo ari musoro.” (VaEfeso 4:15) Hungu, chokwadi chichatiunzira mufaro usina mumwe wakaenzana nawo iye zvino kana tikachiisa pokutanga muupenyu hwedu ndokubvumira Jehovha kutungamirira tsoka dzedu nomudzimu mutsvene. Uyezve ngatirambe tichiyeuka kutsigira kwengirozi tsvene mubasa redu rokuparidza evhangeri. (Zvakazarurwa 14:6, 7; 22:6) Takaropafadzwa sei kutsigirwa zvakadaro mubasa ratakanzi naJehovha tiite! Kuramba takatendeseka kuchatiita kuti tirumbidze Jehovha, Mwari wechokwadi, nokusingaperi. Pane chingakosha kupfuura izvi here?—Johani 17:3.
Tadzidzei?
• Nei vakawanda vasingagamuchiri chokwadi?
• VaKristu vanofanira kuona sei zvinhu zvenyika yaSatani?
• Tinofanira kunzwa sei pamusoro pemisangano, uye nei?
• Tine mutoro wei wokuzvitarisira mumudzimu?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 18]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
GUNGWA GURU
Kesariya
NYIKA YESHARONI
Jopa
Ridha
Jerusarema
[Mufananidzo]
Petro akatevera nhungamiro yaMwari akakohwa zvikomborero zvaakanga asingatarisiri
[Kwazvakatorwa]
Map: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Jesu akapupurira chokwadi
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kufanana nezvokudya chaizvo, zvokudya zvomudzimu zvinokosha kuti tive noutano hwakanaka