Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakarurama here kutaura kuti ngoni dzaJehovha dzinopfavisa kururamisira kwake?

Kunyange zvazvo mashoko aya ave achishandiswa, zvakanaka kusaashandisa sezvo achiita seanopa pfungwa yokuti ngoni dzaJehovha dzinopomhodza kana kuti dzinodzora kururamisira kwake, sokunge kuti ngoni dzake dzinodarika kururamisira kwake kwokurwadzisa. Izvi handizvo.

Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kururamisira” muShanduro yeNyika Itsva rinogona kurevawo “mutongo.” Shoko rokuti kururamisira rakada kuti fananei nerokuti kururama. Zvisinei, kururamisira kunowanzosanganisira zvokutongwa kwemhosva. Kururama hakuwanzosanganisiri izvi. Ichokwadi kuti kururamisira kwaJehovha kunosanganisira kuranga zvakafanira, asi kunogonawo kusanganisira kuponesa vaya vakafanira. (Genesi 18:20-32; Isaya 56:1; Maraki 4:2) Saka, kururamisira kwaJehovha hakufaniri kuonekwa sokwokurwadzisa kana kuti kunoda kupomhodzwa.

Shoko rechiHebheru rokuti “ngoni” ringareva kushandisa kuzvidzora pakutonga. Ringarevawo chiito chaicho chokunzwira tsitsi, kubatsira vanotambura.—Dheuteronomio 10:18; Ruka 10:29-37.

Jehovha ndiMwari ane zvose ruramisiro nengoni. (Eksodho 34:6, 7; Dheuteronomio 32:4; Pisarema 145:9) Kururamisira kwake nengoni dzake zvose zvakakwana, uye zvinoshanda pamwe zvichipindirana. (Pisarema 116:5; Hosea 2:19) Zvinhu zvacho zvose zvinonyatsopindirana kana kuti zvinoshanda pamwe chete. Nokudaro, dai taizoti ngoni dzaJehovha dzinopfavisa kururamisira kwake, taizofanirawo kuti kururamisira kwake kunopfavisa ngoni dzake.

Isaya akaprofita kuti: “Jehovha uchambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo uchakudzwa, kuti ave ne[“ngoni,” NW] nemi, nokuti ndiMwari wokururamisira.” (Isaya 30:18) Isaya pano anoonesa kuti Jehovha anoratidza ngoni panzvimbo pokuti ngoni dzake dzinopomhodza kana kuti dzinodzora kururamisira kwake. Jehovha anoratidza ngoni nokuti anoruramisira uyewo ane rudo.

Ichokwadi kuti munyori weBhaibheri Jakobho akati: “Ngoni dzinofara zvikuru nokukunda pakutongwa.” (Jakobho 2:13b) Zvisinei, pano Jakobho haasi kutaura nezvaJehovha asi ari kutaura nezvevaKristu vanoratidza ngoni—somuenzaniso, kune vanotambura uye kuvarombo. (Jakobho 1:27; 2:1-9) Vanonzwira ngoni kudaro, pavanenge vava kutongwa, Jehovha anoyeuka mabasa avo uye anovakanganwira nengoni kuburikidza nechibayiro choMwanakomana wake. Saka, mabasa avo engoni anovaita kuti vakunde chero mutongo upi usina kunaka wavaizowana.—Zvirevo 14:21; Mateu 5:7; 6:12; 7:2.

Naizvozvo, hazvina kururama kutaura kuti kutonga kwaJehovha kunopfaviswa nengoni dzake mupfungwa yokuti kururamisira kunofanira kupomhodzwa nengoni. Muna Jehovha zvinhu zviviri izvi zvakanyatsoenzana. Zvinodzikamisana—uye zvinodzikamiswa—nohumwe unhu huna Jehovha, hwakadai sorudo uye uchenjeri.