Nyika Yose Yakaparadzwa!
Nyika Yose Yakaparadzwa!
Tarira nyika yakakupoteredza, nemaguta ayo, tsika dzayo, zvayakaita mune zvesayenzi, nevagari vayo vanosvika mabhiriyoni. Hazvisi nyore here kuororwa nokuita kwayo seichagara iripo? Unofunga here kuti rimwe zuva nyika ino ingagona kutsakatika zvachose? Izvozvo zvingava zvakaoma kufungidzira. Zvisinei, waiziva here kuti maererano nemamwe mashoko akavimbika, pane imwe nyika yaivapo ino isati yavapo uye yakaparadzwa zvachose?
HATISI kutaura nezvenyika yemadzinza akasarira shure. Nyika yacho yakaparadzwa yaiva yakabudirira, iine maguta, nezvigadzirwa zvounyanzvi, noruzivo rwesayenzi. Asi nhoroondo yeBhaibheri inoti kamwe kamwe, musi wechi17 womwedzi wechipiri, makore 352 tateguru wechiHebheru Abrahamu asati aberekwa, mafashamo akatanga akaparadza nyika yose. *
Nhoroondo iyoyo yakarurama here? Zvinhu zvakadaro zvakamboitika here? Zvechokwadi nyika iripo iyi isati yavapo pakambova neimwe yakabudirira ndokubva yazoparadzwa here? Kana zvakadaro, nei yakaguma? Chii chakakanganisika? Uye pane chidzidzo chatingawana mukuparadzwa kwayo here?
Nyika Yekare Yakaparadzwa Zvechokwadi Here?
Njodzi inoshamisa zvakadaro, kana yakaitika zvechokwadi, yaisazokanganwika zvachose. Ndokusaka munyika dzakawanda mune zviyeuchidzo zvokuparadzwa ikoko. Somuenzaniso, funga nezvemisi chaiyo yakanyorwa muMagwaro. Mwedzi wechipiri wekarenda yekare waitangira patava kuti pakati paOctober kusvikira pakati paNovember. Saka zuva rechi17 rinonangana nepanenge pazuva rokutanga raNovember. Saka angasava masangawo zvawo kuti munyika dzakawanda mitambo yevakafa inopembererwa panguva iyoyo yegore.
Humwe umboo hweMafashamo huchiri mungano dzevanhu. Rinenge dzinza rose revanhu rine ngano yaro yokuti madzitateguru aro akapona mumafashamo. Vanamandionerepi vomuAfrica, vaCelt vokuEurope, vaInca vokuSouth America—vose vane ngano dzakafanana, sezvinoitawo vanhu vokuAlaska, Australia, China, India, Lithuania, Mexico, Micronesia, New Zealand, nedzimwe nzvimbo dzeNorth America, kungodudza shomanana chete.
Ichokwadi kuti nokufamba kwenguva ngano dzacho dzakakatutsirwa, asi dzose dzinosanganisira mashoko akati kuti akafanana anoratidza kuti akabva pachokwadi chimwe chete: Mwari akashatiriswa nouipi hwevanhu. Akaunza mafashamo makuru. Vanhu vose vakaparadzwa. Zvisinei vakarurama vashomanana vakasara. Ivava vakavaka ngarava hombe makaponera vanhu nemhuka. Nokufamba kwenguva, shiri dzakabudiswa kuti dzinotsvaka nyika yakaoma. Pakupedzisira, ngarava hombe yacho yakagara pagomo. Pavakabuda, vakapona vacho vakapa chibayiro.
Izvi zvinoratidzei? Hazvingaiti kuti kufanana kwacho kuve kwemasanga. Umboo hwengano idzi hukasanganiswa hunotsigira uchapupu hwekare hweBhaibheri hwokuti vanhu vose vakabva kuvanhu vakapona mumafashamo akaparadza nyika yevanhu vose. Asi hatifaniri kuvimba nengano kuti tizive zvakaitika. Tine chinyorwa chakanyatsochengetwa muMagwaro echiHebheru.—Genesi, zvitsauko 6-8.
Bhaibheri rine nhoroondo yakafuridzirwa yezvakaitika kubvira pamavambo chaiwo oupenyu. Zvisinei umboo hunoratidza kuti iro harisi
nhau yekarewo zvayo. Uprofita hwaro husingakundikani nouchenjeri hwaro hwakadzama zvinoratidza kuti riri sezvarinotaura—kutaura kwaMwari nevanhu. Bhaibheri rakasiyana nengano pakuti rinosanganisa mazita nemisi zvose nemashoko akakwana nezvemadzinza nenzvimbo munhoroondo dzaro dzezvakaitika kare. Rinotipa mufananidzo wezvakanga zvakaita upenyu Mafashamo asati aitika uye rinozivisa kuti nei nyika yose yakaerekana yaguma.Chii chakakanganisika muvanhu ivavo mafashamo asati aitika? Nyaya inotevera ichakurukura mubvunzo iwoyo. Mubvunzo unokosha kuvaya vanonetseka kuti remangwana renyika yedu yakabudirira yanhasi rakachengeteka zvakadini.
[Mashoko Omuzasi]
[Chati iri papeji 4]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Ngano dzeMafashamo Munyika Yose
Nyika Zvinotaurwa mairi 1 2 3 4 5 6 7 8 9 10
Greece 7 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Rome 6 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Lithuania 6 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Assyria 9 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Tanzania 7 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
India - Hindu 6 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
New Zealand - Maori 5 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Micronesia 7 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Washington U.S.A. - Yakima 7 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Mississippi U.S.A. - Choctaw 7 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Mexico - Michoacan 5 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
South America - Quechua 4 ◆ ◆ ◆ ◆
Bolivia - Chiriguano 5 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
Guyana - Arawak 6 ◆ ◆ ◆ ◆ ◆ ◆
1: Mwari akatsamwiswa nouipi
2: Kuparadzwa neMafashamo
3: Vakarayirwa naMwari
4: Mwari akanyevera
5: Vanhu vashomanana vakapona
6: Vakaponera mungarava
7: Mhuka dzakaponeswa
8: Shiri kana kuti chimwe chisikwa chakatumwa
9: Yakapedzisira yagara pagomo
10: Chibayiro chakapiwa pashure pokubuda mungarava