Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chiitiko Chinokosha Kupfuura Zvose Munhoroondo Yevanhu

Chiitiko Chinokosha Kupfuura Zvose Munhoroondo Yevanhu

Chiitiko Chinokosha Kupfuura Zvose Munhoroondo Yevanhu

CHAIVA rufu rwaJesu Kristu. Nei chaikosha zvakadaro? Nokuda kwezvikonzero zvakawanda.

Kutendeka kwaJesu kusvikira parufu kwakaratidza kuti munhu anogona kuramba akatendeka kuna Mwari.

Rufu rwaKristu rwakapa mukana wokuti vamwe vave madzimambo naye kudenga. Rwakavhurawo nzira yokuti vakawanda vawane upenyu husingaperi muparadhiso yepasi pano.

Pausiku hwaakafa, Jesu akashandisa chingwa chisina mbiriso uye waini tsvuku sezviratidzo zvokuda kwake kuzvibayira somunhu. Uye akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Uchayeuka chiitiko ichi chinokosha here?

Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuti ubatane nazvo pakuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Gore rino chichachengetwa musi weChina, March 28, zuva ranyura. Ungapindira kuImba yoUmambo iri pedyo nomusha wako. Tapota onana neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kuti zvikuudze nguva yacho chaiyo nenzvimbo.