Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kristu Anotungamirira Ungano Yake

Kristu Anotungamirira Ungano Yake

Kristu Anotungamirira Ungano Yake

“Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.”—MATEU 28:20.

1, 2. (a) Paaipa murayiro wokuita vadzidzi, Jesu uyo akanga amutswa akapikira vadzidzi vake chii? (b) Jesu akatungamirira sei chaizvoizvo ungano yechiKristu yokutanga?

ASATI akwira kudenga, Jesu Kristu, Mutungamiriri wedu akamutswa, akaonekwa nevadzidzi vake akati: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepasi pano. Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Uye, tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.”—Mateu 23:10; 28:18-20.

2 Jesu haana kungopa vadzidzi vake basa rinoponesa upenyu rokuita vamwe vadzidzi asi akavimbisawo kuva navo. Nhoroondo yechiKristu chokutanga, iyo yakanyorwa mubhuku reBhaibheri raMabasa, inonyatsoratidza kuti Kristu akashandisa simba raakapiwa kutungamirira ungano yakanga ichangobva kutangwa. Akatumira “mubetseri” waakanga avimbisa—mudzimu mutsvene—kuti usimbise vateveri vake uye kuti utungamirire zvavaiita. (Johani 16:7; Mabasa 2:4, 33; 13:2-4; 16:6-10) Jesu akanga amutswa akashandisa ngirozi dziri pasi pake kuti dzitsigire vadzidzi vake. (Mabasa 5:19; 8:26; 10:3-8, 22; 12:7-11; 27:23, 24; 1 Petro 3:22) Uyezve, Mutungamiriri wedu akatungamirira ungano nokuronga kuti varume vanokwanisa vashande sedare rinodzora.—Mabasa 1:20, 24-26; 6:1-6; 8:5, 14-17.

3. Mibvunzo ipi ichakurukurwa munyaya ino?

3 Zvisinei, zvakadini nenguva yedu, “kuguma kwegadziriro yezvinhu”? Jesu Kristu ari kutungamirira sei ungano yechiKristu nhasi? Uye tingaratidza sei kuti tinobvuma utungamiriri hwake?

Tenzi Ane Muranda Akatendeka

4. (a) Ndivanaani vanoumba “muranda akatendeka, akangwara”? (b) Chii chakanzi naTenzi chitarisirwe nomuranda?

4 Paaipa uprofita hwechiratidzo chokuvapo kwake, Jesu akati: “Ndiani chaizvoizvo muranda akatendeka, akangwara akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakafanira? Anofara muranda iyeye kana tenzi wake pakusvika akamuwana achidaro. Zvechokwadi ndinoti kwamuri, Achamugadza pazvinhu zvake zvose.” (Mateu 24:45-47) “Tenzi” ndiye Mutungamiriri wedu, Jesu Kristu, uye akagadza “muranda akatendeka, akangwara”—boka revaKristu vakazodzwa vari pasi pano—pazvinhu zvake zvose zviri pasi pano.

5, 6. (a) Muchiratidzo chakagamuchirwa nomuapostora Johani, “zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama” ne“nyeredzi nomwe” zvinomirirei? (b) Chii chinoratidzwa nokuti “nyeredzi nomwe” dziri muruoko rworudyi rwaJesu?

5 Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoratidza kuti muranda akatendeka anotungamirirwa chaizvoizvo naJesu Kristu. Muchiratidzo che“zuva raShe,” muapostora Johani akaona “zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama, uye pakati pezvigadziko zvemarambi pakanga pane mumwe munhu akafanana nemwanakomana womunhu” uyo “muruoko rwake rworudyi akanga ane nyeredzi nomwe.” Achitsanangurira Johani chiratidzo chacho Jesu akati: “Kana chiri chakavanzika chitsvene chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rworudyi, nechezvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama: Nyeredzi nomwe dzinoreva ngirozi dzeungano nomwe, uye zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvinoreva ungano nomwe.”—Zvakazarurwa 1:1, 10-20.

6 “Zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama” zvinofananidzira ungano dzose dzechokwadi dzechiKristu dziripo mu“zuva raShe,” rakatanga muna 1914. Asi zvakadini ne“nyeredzi nomwe”? Pakutanga, dzaifananidzira vatariri vose vakaberekwa nomudzimu, vakazodzwa vaitarisira ungano dzomuzana remakore rokutanga. * Vatariri vaiva muruoko rworudyi rwaJesu—vachidzorwa nokutungamirirwa naye. Hungu, Kristu Jesu akatungamirira muranda wacho aiumbwa nevazhinji. Zvisinei, iye zvino vatariri vakazodzwa vava vashoma. Utungamiriri hwaKristu hunosvika sei kuungano dzinopfuura 93 000 dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose?

7. (a) Jesu anoshandisa sei Dare Rinodzora kutungamirira ungano pasi pose? (b) Nei zvinganzi vatariri vechiKristu vanogadzwa nomudzimu mutsvene?

7 Kufanana nomuzana remakore rokutanga, boka duku revarume vanogona basa vanobva pakati pevatariri vakazodzwa iye zvino rinoshanda seDare Rinodzora, rinomiririra muranda akatendeka, akangwara anoumbwa nevazhinji. Mutungamiriri wedu anoshandisa Dare Rinodzora iri kugadza varume vanogona basa—vangava vakazodzwa nomudzimu kana vasina—kuva vakuru muungano dzomunharaunda. Pakugadzwa kwevakuru, mudzimu mutsvene, uyo Jehovha akapa Jesu simba rokushandisa, unoita basa rinokosha kwazvo. (Mabasa 2:32, 33) Chokutanga, vatariri ava vanofanira kuva nezvinhu zvinotarisirwa zviri muShoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu mutsvene. (1 Timoti 3:1-7; Tito 1:5-9; 2 Petro 1:20, 21) Kurumbidza nokugadza kwacho kunoitwa pambonyengeterwa uye mukutungamirira kwomudzimu mutsvene. Uyezve, vanhu vanogadzwa vacho vanopa uchapupu hwokuti vanobereka zvibereko zvomudzimu iwoyo. (VaGaratiya 5:22, 23) Saka, zano raPauro rinoshanda zvakafanana kuvakuru vose, vangava vakazodzwa kana vasina, rinoti: “Zvichenjererei imi neboka rose, iro mudzimu mutsvene wakakugadzai kuva vatariri pariri.” (Mabasa 20:28) Varume vakagadzwa ava vanotungamirirwa neDare Rinodzora uye vanofudza ungano vachida. Munzira iyi, Kristu anesu iye zvino uye ari kutungamirira chaizvo ungano.

8. Kristu anoshandisa sei ngirozi kutungamirira vateveri vake?

8 Jesu anoshandisawo ngirozi chaidzo kutungamirira vateveri vake nhasi. Maererano nomufananidzo wegorosi nemasora, nguva yokukohwa yaizosvika “pamugumo wegadziriro yezvinhu.” Tenzi aizoshandisa ani kukohwa? “Vakohwi ingirozi,” akadaro Kristu. Akawedzera kuti: “Mwanakomana womunhu achatuma ngirozi dzake, uye dzichaunganidza dzichibudisa muumambo hwake zvinhu zvose zvinogumbura uye vanhu vasiri kuteerera mutemo.” (Mateu 13:37-41) Uyezve, sezvo ngirozi yakatungamirira Firipi kuti awane mukuru mukuru weEtiopiya, naizvozvo pane uchapupu hwakakura hwokuti Kristu anoshandisa ngirozi dzake kutungamirira basa revaKristu vechokwadi mukuwana vane mwoyo yakatendeseka.—Mabasa 8:26, 27; Zvakazarurwa 14:6.

9. (a) Kristu anotungamirira sei ungano yechiKristu nhasi? (b) Mubvunzoi watinofanira kufunga nezvawo kana tichida kubatsirwa noutungamiriri hwaKristu?

9 Zvinopa chivimbo sei kuziva kuti Jesu Kristu anotungamirira vadzidzi vake nhasi achishandisa Dare Rinodzora, mudzimu mutsvene, nengirozi! Kunyange kana vamwe veZvapupu zvaJehovha vaizoparadzaniswa neDare Rinodzora kwenguva duku pamusana pokutambudzwa kana zvimwe zvakadai, Kristu aizongovatungamirira achishandisa mudzimu mutsvene uye ngirozi. Zvisinei, tinobatsirwa noutungamiriri hwake kana chete tichihubvuma. Tinoratidza sei kuti tinobvuma utungamiriri hwaKristu?

“Teererai . . . Muzviise Pasi”

10. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vakuru vakagadzwa muungano?

10 Mutungamiriri wedu akapa ungano “zvipo zviri varume”—“vamwe sevaevhangeri, vamwe sevafudzi nevadzidzisi.” (VaEfeso 4:8, 11, 12) Maonero atinovaita uye zvatinoita kwavari zvinonyatsoratidza kana tichigamuchira utungamiriri hwaKristu. Chakakodzera apa ‘kuzviratidza kuti tinoonga’ varume vane zvinodiwa mumudzimu vatakapiwa naKristu. (VaKorose 3:15) Vakafanirwawo nokuremekedzwa nesu. “Varume vakuru vanotungamirira nenzira yakanaka kwazvo ngavarangarirwe kuva vakafanirwa nokukudzwa nekaviri.” (1 Timoti 5:17) Tingaratidza sei kuonga kwedu uye kukudza kwatinoita varume vakuru—vakuru, kana kuti vatariri—vari muungano? Pauro anopindura achiti: “Teererai avo vari kukutungamirirai, muzviise pasi.” (VaHebheru 13:17) Hungu, tinofanira kuvateerera nokuzviisa pasi, kubvuma kutungamirirwa navo.

11. Nei kuremekedza urongwa hwokuti pave nevakuru kuri kurarama maererano nokubhabhatidzwa kwedu?

11 Mutungamiriri wedu akakwana. Varume vaakapa sezvipo havana. Saka dzimwe nguva vangakanganisa. Asi zvinokosha kuti tirambe takavimbika kuurongwa hwaKristu. Kutaura zvazviri, kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu norubhabhatidzo kunoreva kuti tinobvuma kukodzera kwevane simba vakagadzwa nomudzimu muungano tozviisa pasi pavo tichida. Kubhabhatidzwa kwedu ‘muzita romudzimu mutsvene’ chiratidzo chepachena chokuti tinoziva mudzimu mutsvene uye tinobvuma basa raunoita muzvinangwa zvaJehovha. (Mateu 28:19) Rubhabhatidzo rwakadaro runoratidza kuti tinoshandira pamwe nomudzimu uye hapana chatinoita kuvhiringidza kushanda kwawo pavateveri vaKristu. Sezvo mudzimu mutsvene uchiita basa rinokosha mukurumbidzwa nokugadzwa kwevakuru, tingave takatendeka zvechokwadi here kukuzvitsaurira kwedu kana tikakundikana kushandira pamwe nourongwa hwomuungano hwokuti pave nevakuru?

12. Mienzanisoi yokusaremekedza vane simba inotaurwa naJudha, uye inotidzidzisei?

12 Magwaro ane mienzaniso inotidzidzisa kukosha kwokuteerera nokuzviisa pasi. Achitaura nezvevaya vakanga vazvidza varume vakagadzwa muungano, mudzidzi Judha akataura nezvemienzaniso mitatu inonyevera, achiti: “Tine urombo navo, nokuti vakapinda munzira yaKaini, uye vakamhanyira mugwara rokutadza raBharami nokuda kwomubayiro, uye vakaparara mukutaura kwokupanduka kwaKora!” (Judha 11) Kaini akafuratira zano rorudo raJehovha uye akatevera noune nzira yoruvengo runokonzera kuuraya. (Genesi 4:4-8) Pasinei nokuramba achinyeverwa naMwari, Bharami akaedza kutuka vanhu vaMwari kuti apiwe mubayiro wemari. (Numeri 22:5-28, 32-34; Dheuteronomio 23:5) Kora aiva nebasa rake rakanga rakanaka chaizvo muna Israeri, asi akanga asingagutsikani naro. Akaronga kupandukira mushumiri waMwari Mosesi, murume aiva munyoro kupinda vanhu vose panyika. (Numeri 12:3; 16:1-3, 32, 33) Kaini, Bharami, uye Kora vakawirwa nenjodzi. Mienzaniso iyi inotidzidzisa zvakajeka zvikuru kuteerera zano revaya vanoshandiswa naJehovha munzvimbo dzomutoro uye kuvaremekedza!

13. Isaya akafanotaura nezvezvikomboreroi kuvaya vanozviisa pasi pourongwa hwokuti pave nevakuru?

13 Ndiani angasada kubatsirwa nourongwa hwakaisvonaka hwokutarisira hwakatangwa noMutungamiriri wedu muungano yechiKristu? Muprofita Isaya akafanotaura zvikomborero zvourongwa uhwu, achiti: “Tarirai, mambo uchabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira. Munhu mumwe nomumwe uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:1, 2) Mukuru mumwe nomumwe anofanira kuva nzvimbo yakadaro yokudzivirira nokuchengetedza. Kunyange zvazvo kuzviisa pasi pevane simba kwakatiomera, ngatinyengeterei tozvishandisa kuti titeerere nokuzviisa pasi pevane simba vari muungano vakagadzwa naMwari.

Kuzviisa Pasi Poutungamiriri hwaKristu Kunoita Vakuru

14, 15. Vaya vanotungamirira muungano vangaratidza sei kuti vanozviisa pasi poutungamiriri hwaKristu?

14 VaKristu vose—kunyanya vakuru—vanofanira kutevera utungamiriri kwaKristu. Vatariri, kana kuti vakuru, vane mwero wakati wesimba muungano. Asi havatsvaki kuva ‘vanatenzi vokutenda kwevavanonamata navo’ nokuedza kudzora upenyu hwavo. (2 VaKorinde 1:24) Vakuru vanofungisisa mashoko aJesu okuti: “Imi munoziva kuti vatongi vemamwe marudzi vanoaremedza uye vanhu vakuru vanoshandisa simba paari. Izvi hazvina kudaro pakati penyu.” (Mateu 20:25-27) Sezvo vakuru vanoita basa ravo, vanoedza nomwoyo wose kushumira vamwe.

15 VaKristu vanokurudzirwa kuti: “Yeukai vari kukutungamirirai, . . . uye sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavo unoguma sei tevedzerai kutenda kwavo.” (VaHebheru 13:7) Izvi hazvisi pamusana pokuti vakuru vatungamiriri. Jesu akati, “Mutungamiriri wenyu mumwe chete, Kristu.” (Mateu 23:10) Kutenda kwevakuru kunofanira kutevedzerwa nokuti vatevedzeri voMutungamiriri wedu chaiye, Kristu. (1 VaKorinde 11:1) Funga dzimwe nzira idzo vakuru vanoedza nadzo kuva vakafanana naKristu muukama hwavo nevamwe muungano.

16. Pasinei nesimba raaiva naro, Jesu akabata sei vateveri vake?

16 Kunyange zvazvo Jesu munzira dzose aiva mukuru kuvanhu vasina kukwana uye aiva nesimba risingaenzani neraani zvake raakapiwa naBaba vake, aiva nomwero mumabatiro aaiita vadzidzi vake. Haana kututira vateereri vake ruzivo runoshamisira. Jesu airatidza kurwadziwa uye kunzwira tsitsi vateveri vake, achifunga nezvezvavaida sevanhu. (Mateu 15:32; 26:40, 41; Mako 6:31) Haana kumborayira kuti vadzidzi vake vaite zvavakanga vasingakwanisi kuita, uye haana kumbovaudza zvakawanda kupfuura zvavaikwanisa kunzwisisa. (Johani 16:12) Jesu aiva “munyoro uye anozvininipisa mumwoyo.” Naizvozvo hazvishamisi kuti vakawanda vakamuona achizorodza.—Mateu 11:28-30.

17. Vakuru vanofanira kuratidza sei mwero wakafanana nowaKristu muukama hwavo nevamwe muungano?

17 Kana Kristu Mutungamiriri akaratidza mwero, ko kuzoti vaya vanotungamirira muungano! Hungu, vane chokwadi chokuti havashandisi zvisina kufanira simba ripi neripi ravanaro. Uye ‘havauyi nokutaura kwokunyanyisa,’ vachiedza kushamisa vamwe. (1 VaKorinde 2:1, 2) Pane kudaro, vanoedza kutaura mashoko echokwadi cheMagwaro zviri nyore uye zvepachokwadi. Uyezve, vakuru vanoedza kuva vanonzwisisa pane zvavanotarisira vamwe kuita uye kufunga zvinodiwa nevanhu ava. (VaFiripi 4:5) Vachiziva kuti munhu wose ane zvaasingakwanisi, vanobata nehama dzavo norudo vachiratidza kuziva izvozvo. (1 Petro 4:8) Uye vakuru vanozvininipisa uye vanyoro vanozorodza, handizvo here? Chokwadi vanozorodza.

18. Vakuru vangadzidzei munzira iyo Jesu akabata nayo vana?

18 Jesu aiva munhu ari nyore kutaura naye, kunyange kune vakaderera. Funga zvaakapindura apo vadzidzi vake vakatsiura vanhu kuti “[vasamuunzira] vana vaduku.” “Regai vana vaduku vauye kwandiri,” Jesu akadaro, “musaedza kuvadzivisa.” Ipapo “akafungatira vana mumaoko ake akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” (Mako 10:13-16) Jesu aiva noushamwari nomutsa, uye vamwe vainzwa vachida kuuya kwaari. Vanhu vakanga vasingatyi Jesu. Kunyange vana vainzwa vakasununguka kana aripo. Vakuruwo vanhu vari nyore kutaura navo, uye sezvavanoratidza ushamwari nomutsa, vamwe—kunyange vana—vanonzwa vakasununguka vainavo.

19. Kuva ne“pfungwa dzaKristu” kunosanganisirei, uye izvi zvinoda kuti tiitei?

19 Mwero uyo vakuru vangatevedzera Kristu Jesu unotsamira pakuti vanonyatsomuziva zvakadini. “Ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kuti amudzidzise?” akabvunza Pauro. Ipapo akawedzera kuti “Asi isu tine pfungwa dzaKristu.” (1 VaKorinde 2:16) Kuva nepfungwa dzaKristu kunosanganisira kuziva mafungiro ake uye unhu hwake hwose zvokuti tinoziva zvaangaita mumamiriro ezvinhu akati. Fungidzira tichisvika pakunyatsoziva Mutungamiriri wedu zvakadaro! Hungu, izvi zvinoda kuti tinyatsoongorora nhoroondo dzeEvhangeri nokugara tichipinza mupfungwa dzedu nzwisiso youpenyu nomuenzaniso zvaJesu. Vakuru pavanoedza kutevera utungamiriri hwaKristu kusvika pamwero iwoyo, vaya vari muungano vanonyanyonzwa vachida kutevedzera kutenda kwavo. Uye vakuru vanofara nokuona vamwe vachitevera tsoka dzoMutungamiriri wavo nomufaro.

Rambai Muchitungamirirwa naKristu

20, 21. Sezvatinotarira mberi kunyika itsva yakapikirwa, tinofanira kutsunga kuitei?

20 Zvinokosha kuti tose tirambe tichitungamirirwa naKristu. Sezvatinosvika pamugumo wenyika ino, mamiriro edu ezvinhu akafanana neevaIsraeri pavaiva paMapani eMoabhi muna 1473 B.C.E. Vakanga vava kuda kutopinda muNyika Yakapikirwa, uye achishandisa muprofita Mosesi, Mwari akazivisa kuti: “Iwe [Joshua] uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo.” (Dheuteronomio 31:7, 8) Joshua ndiye aiva mutungamiriri akagadzwa. Kuti vapinde muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vaifanira kuzviisa pasi poutungamiriri hwaJoshua.

21 Kwatiri Bhaibheri rinoti: “Mutungamiriri wenyu mumwe chete, Kristu.” Kristu chete ndiye achatitungamirira munyika itsva yakapikirwa muchagara kururama. (2 Petro 3:13) Naizvozvo, ngatitsungei kuzviisa pasi poutungamiriri hwake muupenyu hwedu hwose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 “Nyeredzi” pano hadzifananidziri ngirozi chaidzo. Jesu aisazomboshandisa munhu kunyora mashoko nokuda kwezvisikwa zvomudzimu zvisingaonekwi. Naizvozvo, “nyeredzi” dzinofanira kumirira vatariri vari vanhu, kana kuti vakuru, vari muungano, vanoonekwa senhume dzaJesu. Nhamba yavo zvairi nomwe inoratidza kukwana kunoenderana nezvinodiwa naMwari.

Unoyeuka Here?

• Kristu akatungamirira sei ungano yokutanga?

• Kristu anotungamirira sei ungano yake nhasi?

• Nei tichifanira kuzviisa pasi pevanotungamirira muungano?

• Vakuru vangaratidza munzira dzipi kuti Kristu Mutungamiriri wavo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kristu anotungamirira ungano yake uye vatariri vari muruoko rwake rworudyi

[Mifananidzo iri papeji 16]

“Teererai avo vari kukutungamirirai, muzviise pasi”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Jesu aiva noushamwari uye aiva nyore kutaura naye. Vakuru vechiKristu vanoedza kuva saiye