Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kusakwana kwomusikana mhandara Mariya kungava kwakavhiringidza kunambwa kwaJesu seakakwana here?

Nezvo“kuberekwa kwaJesu,” nhoroondo yakafuridzirwa inoti: “Mukati menguva iyo amai vake Mariya vakanga vavimbiswa kuroorwa naJosefa, vakawanwa kuti vane pamuviri nomudzimu mutsvene vasati vabatanidzwa.” (Mateu 1:18) Zvechokwadi, mudzimu mutsvene waMwari wakaita basa rinokosha pakuti Mariya ave nemimba.

Zvisinei, zvakadini naMariya? Zai rake, rakaitawo here rutivi pakunamba kwake mimba? Tichifunga nezvezvipikirwa zvaMwari kuna Abrahamu, Isaka, Jakobho, Judha, uye Mambo Dhavhidhi—madzitateguru aMariya—mwana aizoberekwa aifanira kunge ari muzukuru wavo chaiye. (Genesi 22:18; 26:24; 28:10-14; 49:10; 2 Samueri 7:16) Zvaizobvira sei kuti mwana aizoberekwa naMariya ave iye akakodzera zvipikirwa izvozvo zvaMwari? Aifanira kunge ari mwanakomana wake chaiye.—Ruka 3:23-34.

Ngirozi yaJehovha yakanga yaoneka kune musikana mhandara Mariya ikati: “Usatya, Mariya, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari; uye, tarira! uchanamba mudumbu mako wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Jesu.” (Ruka 1:30, 31) Kuti pave nokunamba zai rinofanira kunge rokwanisa kubereka. Zviri pachena kuti Jehovha Mwari akaita kuti muchibereko chaMariya muve nezai rokwanisa kubereka, achiita izvi nokutamisa upenyu hweMwanakomana akaberekwa ari mumwe oga kubva kunyika yomudzimu kuuya pasi.—VaGaratiya 4:4.

Mwana aizonambwa munzira iyi nomukadzi asina kukwana aizova akakwana uye asina chivi mumuviri wake here? Ko mitemo yokugara nhaka mune zvokuzvarwa nazvo inoshanda sei kana pava nokubatana kwokukwana nokusakwana? Yeuka kuti mudzimu mutsvene wakashandiswa kutamisa upenyu hwakakwana hweMwanakomana waMwari ndokukonzera kunamba kwacho. Izvi zvakabvisa kusakwana kwose kwaiva mudumbu raMariya ndokuita kuti pave nemwana akakwana kubvira pakutanga.

Chero kuti zvakaitika sei, tinogona kuva nechokwadi chokuti kushanda kwomudzimu mutsvene waMwari panguva iyoyo kwakagonesa kubudirira kwechinangwa chaMwari. Ngirozi Gabrieri yakanga yatsanangura kuna Mariya kuti: “Mudzimu mutsvene uchaburukira pauri, uye simba roWokumusorosoro richakufukidza. Saka ichochowo chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:35) Hungu, mudzimu mutsvene wakaumba, sokunge zvakadaro, chinodzivirira kuti pasazova nokusakwana kana simba rinokuvadza raizokanganisa svava yaikura kubvira pakunambwa.

Zviri pachena kuti Jesu akawana upenyu hwake hwakakwana somunhu kuna Baba vake vokudenga, kwete kumunhu upi noupi. Jehovha ‘akamugadzirira muviri,’ uye Jesu—kubvira pakunambwa zvichienda mberi chokwadi akanga “asina kusvibiswa akaparadzaniswa nevanhu vanoita zvivi.”—VaHebheru 7:26; 10:5.

[Mufananidzo uri papeji 19]

“Uchanamba mudumbu mako wobereka mwanakomana”