Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Misangano Inokurudzira Rudo Nemabasa Akanaka Kwazvo

Misangano Inokurudzira Rudo Nemabasa Akanaka Kwazvo

“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ndichakuzorodzai”

Misangano Inokurudzira Rudo Nemabasa Akanaka Kwazvo

KUBVA muToronto kusvika kuTokyo, kubva kuMoscow kusvika kuMontevideo—nguva yakawanda vhiki yoga yoga, mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha neshamwari dzavo vanoenda kunzvimbo dzavo dzokunamatira. Vanhu ava vanosanganisira varume vane mhuri vanoshanda nesimba, vanenge vaneta vaswera kubasa; vakadzi vanoshanda zvakaoma uye vanaamai vanenge vaine vana vadiki; vechiduku vachine simba vanenge vaswera kuchikoro; vakwegura vasina simba vanofamba zvishoma nezvishoma nokuda kwokurwadziwa; chirikadzi dzakashinga nenherera; uye mweya yakaora mwoyo inoda kunyaradzwa.

Zvapupu zvaJehovha izvi zvinoshandisa zvifambiso zvakasiyana-siyana—kubvira pazvitima zvinomhanya zvikuru kusvikira kumadhongi; kubvirawo pamotokari dzinofamba mumigwagwa yepasi pevhu kusvikira kumotokari dzinotakura zvinhu. Vamwe vanofanira kuyambuka nzizi dzizere ngwena, nepo vamwe vachitofanira kutsungirira kufamba mumigwagwa ine zvifambiso zvakawanda mumaguta makuru. Nei vanhu vose ava vachiedza nepavanogona napo kuti vapinde?

Chikonzero chikuru ndechokuti kupinda misangano uye kuvawo nezvokuita mumisangano yechiKristu inzira inokosha yokunamata Jehovha Mwari. (VaHebheru 13:15) Muapostora Pauro akapa chimwe chikonzero paakanyora kuti: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, . . . asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Pauro pano akataura manzwiro omunyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akaimba kuti: “Ndakafara panguva yavakati kwandiri: ‘Hendei kumba kwaJehovha.’”—Pisarema 122:1.

Nei vaKristu vachifara nokuva pamisangano yavo? Nokuti vanenge vapinda havasi vacherechedzi chete. Asi, misangano inoita kuti vave nemikana yokuzivana. Zvikurukuru, kuungana uku kunopa mikana yokupa, kwete kungogamuchira chete, uye kukurudzirana kuva norudo nokuita mabasa akanaka kwazvo. Izvi zvinobatsira kuti nguva yemisangano ikurudzire. Uyezve, misangano yechiKristu ndeimwe yenzira iyo Jesu anozadzika chipikirwa chake chinoti: “Uyai kwandiri, . . . uye ndichakuzorodzai.”—Mateu 11:28.

Nzvimbo Inowanikwa Nyaradzo Nokutarisirwa

Zvapupu zvaJehovha zvine zvikonzero zvakanaka zvokuona misangano yazvo seinozorodza. Kutanga, pamisangano ndipo panopiwa zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Misangano inoitawo basa rinokosha mukuita kuti vashumiri vaJehovha vave nyanzvi uye vave vadzidzisi vanoshingaira veShoko raMwari. Uyezve, paImba yoUmambo, munhu anogona kuwana boka rine rudo, rine hanya, uye shamwari dzakatogadzirira uye dzinoda kubatsira nokunyaradza munguva dzokuora mwoyo.—2 VaKorinde 7:5-7.

Izvi zvakanyatsonzwikwa naPhillis, chirikadzi yakafirwa nomurume wayo apo vana vayo vaiva nemakore mashanu uye mumwe masere. Achirondedzera kuzorodzwa kwaakaitwa iye nevana vake kumisangano yeungano akati: “Zvainyaradza kuenda kuImba yoUmambo nokuti vatinonamata navo vaitiratidza rudo nguva dzose uye vaiva nehanya nesu vachitimbundira, nokutipa Rugwaro rwokufunga, kana kuti kutikwazisa zvakasimba nemaoko. Ndaingoda kuva panzvimbo iyi.”—1 VaTesaronika 5:14.

Mushure mokunge Marie aitwa oparesheni huru, chiremba wake akamuudza kuti zvaizotora mavhiki anenge matanhatu kuti apore. Mumavhiki ake okutanga kuva nani zvekare, Marie aisakwanisa kupinda misangano. Chiremba wake akaona kuti akanga asiri kufara sezvaaisiita. Paakaziva kuti akanga asiri kupinda misangano, akamukurudzira kupinda. Marie akati murume wake, uyo aisava wechitendero chake, haaizomubvumira kuenda kumisangano nokutyira utano hwake. Saka chiremba wacho akabva anyora tsamba yepamutemo “ichirayira” Marie kuenda kuImba yoUmambo kuti akurudzirwe uye awane wadzano inovaka nevamwe. Marie anoti: “Ndangopinda musangano mumwe chete, ndakanzwa zviri nani. Ndakatanga kudya, ndakarara usiku hwose, ndakanga ndisingachashandisi mushonga wokunyaradza kurwadziwa pose pose, uye ndakanga ndonyemwererazve!”—Zvirevo 16:24.

Rudo runenge ruri pamisangano yechiKristu runoonekwa nevokunze. Mumwe mudzidzi wepakoreji akasarudza kunyatsotarisisa Zvapupu zvaJehovha kuti azvirondedzere papepa kukirasi yake inodzidza zvetsika. Achitaura zvinooneka pamisangano yazvo, akanyora papepa rake kuti: “Kutambirwa noushamwari kwandakaitwa . . . [kwaifadza] kwazvo. . . . Ushamwari hune Zvapupu zvaJehovha hwaiva chinhu chikuru kwazvo uye chiri chinhu chandinotoona sechikuru kwazvo kwavari.”—1 VaKorinde 14:25.

Munyika ino yatambudzika, ungano yechiKristu inzvimbo yokunamatira yakanaka. Inzvimbo ine rugare uye rudo. Nokuvapo pamisangano, unogona kuzvionera chokwadi chemashoko omunyori wepisarema anoti: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare!”—Pisarema 133:1.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

KUGUTSA VANODA KUBATSIRWA ZVIKURU

Ko vaya vasinganzwi vangabatsirwa sei nemisangano yechiKristu? Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zviri kuumba ungano dzemitauro yemasaini. Mumakore 13 apfuura, ungano 27 dzemitauro yemasaini uye mapoka 43 zvakaumbwa muUnited States. Munyika dzinoda kusvika 40, mava neungano dzemitauro yemasaini 140. Mabhuku echiKristu akagadzirwa pavhidhiyo mumitauro 13 yemasaini.

Ungano yechiKristu inopa matsi mukana wokurumbidza Jehovha. Odile, aichimbova muKaturike muFrance uyo akatambura nokuora mwoyo kukuru uye akambofunga kuzviuraya, anoonga kwazvo dzidzo yeBhaibheri yaakawana pamisangano yechiKristu. Anoti: “Ndakavazve noutano hwakanaka uye mufaro muupenyu. Asi kupfuura zvose, ndakawana chokwadi. Kwandiri upenyu hwava nechinangwa.”