Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kukunda Kusurukirwa

Unogona Kukunda Kusurukirwa

Unogona Kukunda Kusurukirwa

NDIANI angataura kuti haana kumbonzwawo marwadzo anokonzerwa nokusurukirwa? Pane zvinhu zvakawanda zvingaita kuti tisurukirwe. Zvisinei, chikuru chazvo kungava kusurukirwa kwevakadzi vasina kumboroorwa kana vaya vakafirwa nevarume kana kuti vakarambwa nevarume.

Somuenzaniso, mumwe mukadzi muduku wechiKristu anonzi Frances anoti: “Pandakazosvitsa makore 23, zvaiita sokunge shamwari dzangu dzose dzakanga dzaroorwa, uye ndakanga ndasara ndoga.” * Kunzwa uri woga kungawedzera nokufamba kwemakore uye apo tarisiro dzokuroorwa dzinoita shoma. “Handina kumbobvira ndada kugara ndisina kuroorwa, uye ndichiri kungoda kuroorwa kana mukana ukamuka,” anobvuma kudaro Sandra, iye zvino ava kuda kupfuura makore 40. Angela, uyo ane makore okuma 50, anoti: “Handina kuzvisarudzira kugara ndisina kuroorwa, asi zvakangozodaro. Hama dzisina kuroora dzaiva shoma munzvimbo yandakapiwa kushanda sapiyona chaiye.”

Zvinotorumbidzwa ndezvokuti vakadzi vakawanda vechiKristu vanosarudza kuramba vasina kuroorwa nokuti vanoteerera nokuvimbika zano raJehovha rokuroorwa “munaShe bedzi.” (1 VaKorinde 7:39) Vamwe vanokurumidza kujaira kusaroorwa kwavo, asi vamwe vanowana kuda kuroorwa uye kuva nevana zvichiwedzera nokufamba kwemakore. “Kupererwa nepfungwa, kunokonzerwa nokushayiwa wokuroorana naye, kunongoramba kuripo,” anobvuma kudaro Sandra.

Zvimwewo zvinowedzera kunzwa kusurikirwa zvinhu zvakadai sokutarisira vabereki vakwegura. “Sezvo ndisina kuroorwa, mhuri inotarisira ini kuti nditarisire vabereki vedu vakwegura,” anodaro Sandra. “Kwemakore 20 ndakatakura mutoro uyu unorema, kunyange zvazvo tiri vana vatanhatu. Upenyu hwaizova nyore dai paine murume aizonditsigirawo.”

Frances anotaura chimwe chikonzero chinowedzera kusurukirwa kwake. Anoti: “Dzimwe nguva vanhu vanondibvunza zvakananga kuti, ‘Nei usina kuroorwa?’ Mubvunzo wakadai unoita kuti ndinzwe sokunge kusaroorwa kwangu imhosva yangu. Pamuchato unenge wose wandinopinda, mumwe munhu anotondibvunza mubvunzo uyu wandisingadi, ‘Saka ucharoorwa rini?’ Uye ndinobva ndatanga kufunga kuti, ‘Kana hama dzakakura mumudzimu dzisingandidi, zvichida handina unhu hunodiwa hwechiKristu kana kuti zvichida handiyevedzi.’”

Kunzwa uri woga uye wakasurukirwa kungakundwa sei? Ko vamwe vangaitei kuti vabatsire pazvinobvira?

Tsamira Pana Jehovha

Munyori wepisarema akaimba kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa. Haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Shoko rokuti “mutoro” mumagwaro echiHebheru rinoreva “mugove,” uye rinoreva mitoro uye kutambura kwatingaita nefunganyo nemhaka yemitoro yedu muupenyu. Jehovha anoziva mitoro iyi kupfuura munhu upi noupi uye anogona kutipa simba rokuibata nayo. Kutsamira pana Jehovha Mwari ndiko kwakabatsira Angela kutsungirira kusurukirwa. Achitaura nezvoushumiri hwake hwenguva yakazara, anoyeuka kuti: “Pandakatanga kupayona, ini nomumwe wangu taigara kure neungano yaiva pedyo. Takadzidza kutsamira zvakakwana pana Jehovha, uye kutsamira paari kwandibatsira muupenyu hwangu hwose. Pandinenge ndakaora mwoyo, ndinotaura naJehovha uye anondibatsira. Pisarema 23 rave richindinyaradza nguva dzose, uye ndinogaroriverenga.”

Muapostora Pauro aiva nomutoro waaifanira kutsungirira wakakosha kufunga nezvawo. Kanenge katatu, ‘akateterera Ishe kuti munzwa munyama yake ubve.’ Pauro haana kubatsirwa nechishamiso, asi akawana chipikirwa chokuti mutsa usina kufanirwa waMwari waizomutsigira. (2 VaKorinde 12:7-9) Pauro akazivawo panonyatsobva kugutsikana. Akazonyora kuti: “Muzvinhu zvose uye mumamiriro ezvinhu ose ndakadzidza nzira yokuva akaguta nokuva ane nzara, zvose zviri zviviri kuva nezvakawanda uye kushayiwa. Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:12, 13.

Munhu angawana sei simba raMwari kana achinzwa kuora mwoyo kana kuti kusurukirwa? Pauro akanyora kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Sandra anoshandisa zano iri. Anotsanangura kuti: “Sezvo ndisina kuroorwa, ndinopedza nguva yakawanda ndiri ndoga. Zvinondipa mukana wakakwana wokunyengetera kuna Jehovha. Ndinonzwa ndiri pedyo chaizvo naye uye ndinogona kumuudza ndakasununguka zvinetso zvangu nezvinondifadza.” Uye Frances anoti: “Kurwisa kuora mwoyo ndoga idambudziko rinoramba riripo. Asi kutaura zvakajeka manzwiro angu kuna Jehovha kunondibatsira zvikuru. Ndinobvuma zvachose kuti Jehovha anoda kuziva chinhu chose chine zvachingandiita mupfungwa uye mune zvokunamata.”—1 Timoti 5:5.

“Rambai Muchitakurirana Zvinorema”

Muukama hwedu hwechiKristu, zvinorema hazvidi kutakura woga. “Rambai muchitakurirana zvinorema, nokudaro muchizadzika mutemo waKristu,” akakurudzira kudaro muapostora Pauro. (VaGaratiya 6:2) Nokusongana nevamwe vedu vechiKristu, tinosvika pakuwana “shoko nyoro” rinokurudzira rinogona kurerutsa mutoro wedu wokusurukirwa.—Zvirevo 12:25.

Uyezve, chimbofunga nezvezvinotaura Magwaro pamusoro pomwanasikana woMutongi weIsraeri Jefta. Asati akunda mauto evavengi vake vaAmoni, Jefta akanga aita mhiko yokupa Jehovha mumwe weveimba yake aizotanga kumuchingura achimukorokotedza. Mwanasikana wake ndiye akaita kudaro. (Vatongi 11:30, 31, 34-36) Kunyange zvazvo zvaireva kuti aizoramba asina kuroorwa uye osiya chido chake chomuzvarirwo chokuva nemhuri, mwanasikana waJefta akazviisa pasi pemhiko iyi nokuda uye akashumira panzvimbo tsvene muShiro kwoupenyu hwake hwose. Kuzvipira kwake hakuna kucherechedzwa here? Mukusiyana neizvi zvinonzi: ‘Vakunda vaIsraeri vaienda makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefta muGiriyedhi.’ (Vatongi 11:40) Hungu, kurumbidza kungakurudzira vaya vanokuitirwa. Nokudaro tisarega kurumbidza vaya vakafanira.

Tingaitawo zvakanaka kumbofunga muenzaniso waJesu. Kunyange zvazvo yakanga isiri tsika yevaJudha kuti varume vataure nevakadzi, Jesu akapedza nguva aina Mariya naMarita. Zvichida vaiva chirikadzi kana kuti vakadzi vakanga vasina kuroorwa. Jesu aida kuti vose vabatsirike mumudzimu paaishamwaridzana navo. (Ruka 10:38-42) Tinogona kutevedzera muenzaniso waJesu nokuvawo nehanzvadzi dzatinonamata nadzo dzisina kuroorwa munguva dzokutandara nokuronga kubuda nadzo mubasa rokuparidza. (VaRoma 12:13) Vanoonga kukosheswawo kwakadaro here? Imwe hanzvadzi yakati: “Ndinoziva kuti hama dzinondida uye dzinondikoshesa, asi ndinoonga padzinonyanya kundifarira somunhu.”

“Sezvo tisina mumwe munhu watinoti ndowedu,” anotsanangura Sandra, “tinoda kudiwa kwazvo kuti tinzwe tiriwo nhengo dzemhuri yehama nehanzvadzi dzokumudzimu.” Zviri pachena kuti Jehovha anotarisira vakadaro, uye tinenge tichishanda naye kana tikaita kuti vanzwe vachidiwa. (1 Petro 5:6, 7) Kuva nehanya kwakadaro hakushayiwi mubayiro nokuti “unonzwira varombo tsitsi, unoposana naJehovha, [Iye Jehovha Mwari] uchamuripira basa rake rakanaka.”—Zvirevo 19:17.

“Mumwe Nomumwe Achatakura Mutoro Wake Oga”

Kunyange zvazvo vamwe vangabatsira, uye kutsigira kwavo kungakurudzira chaizvo, “mumwe nomumwe achatakura mutoro wake oga.” (VaGaratiya 6:5) Zvisinei, mukutakura mutoro wokusurukirwa, tinofanira kungwarira dzimwe njodzi dzakati. Somuenzaniso, kusurukirwa kungatikunda tikasakurukura nevamwe. Ukuwo, tinogona kukunda kusurukirwa norudo. (1 VaKorinde 13:7, 8) Kupa nokugovana nevamwe inzira yakanaka kwazvo yokuwana mufaro—pasinei nemamiriro api ezvinhu. (Mabasa 20:35) “Handiwanzowani nguva yokufunga nezvokusurukirwa,” inodaro imwe hanzvadzi piyona inoshanda nesimba. “Pandinoziva kuti ndiri kubatsira uye ndakabatikana, handinzwi kusurukirwa.”

Tinofanira kungwarirawo kuti kusurukirwa kusatimanikidze kutanga ukama hwokudanana zvisina ungwaru. Somuenzaniso, zvaizosuruvarisa sei kubvumira chido chokuroorwa kutivhara kumeso torega kuona zvinetso zvakawanda zvinobva pakuroorwa neasingatendi uye zvikurukuru kusaona zano reMagwaro rokudzivisa joko rakadaro! (2 VaKorinde 6:14) Mumwe mukadzi akarambwa akati: “Pane chinhu chakatoipisisa kupfuura kusaroorwa. Kuroorwa nomunhu asiri iye.”

Chinetso chisingagoni kugadziriswa chingada kutsungirirwa, zvichida panguva ino chete. Nokubatsira kwaMwari, kusurukirwa kunogona kutsungirirwa. Sezvatinopfuurira kushumira Jehovha, ngativimbei kuti rimwe zuva tichagutswa munzira yakanaka kwazvo pane zvose zvatinoda.—Pisarema 145:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mazita evakadzi vakatorwa mashoko akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 28]

Kusurukirwa kunogona kukundwa nokupa uye kugovana nevamwe