Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Utungamiriri Hwakanaka—Chinetso Chomunyika Yose

Utungamiriri Hwakanaka—Chinetso Chomunyika Yose

Utungamiriri Hwakanaka—Chinetso Chomunyika Yose

Murume uyu aiva munyori uye nyanduri. Mumwoyo make ainyatsotarisira kuti zvinhu zvichazonaka. Makore anenge 90 apfuura akafunga nezvenzvimbo “umo munhu anenge asingatyi uye aine chivimbo; umo zivo inenge isingatengwi; umo nyika isingakamurwi-kamurwi nemiganhu yenyika; munotaurwa chokwadi; [uye] umo vanhu vanoramba vachiedza kuvavarira kuita zvinhu zvakakwana.”

MUNYORI uyu akabva ataura kutarisira kwaaiita kuti rimwe zuva nyika yake uyewo pasi pose paizova pakadaro. Kudai nyanduri uyu, uyo akambohwina Mubayiro weNobel, aiva mupenyu nhasi, chokwadi aizodai akaodzwa mwoyo zvikuru. Pasinei nokufambira mberi kwayo uye kubudirira mune zvimwe zvinhu, nyika yakakamukana zvaisati yamboita. Uye maonero anoita vanhu vose zvavo nguva yemberi anoramba asina kujeka.

Paakabvunzwa chikonzero nei mhirizhonga yakangoerekana yamuka pakati pemamwe mapato munyika make, mumwe murimi akataura nezvechaaifunga kuti chaiva chimwe chikonzero. “Imhosva yevatungamiriri vasingagoni basa,” akadaro. Mubhuku rake rinonzi Humanity—A Moral History of the Twentieth Century, munyori wezvakaitika kare Jonathan Glover anotaura maonero akafanana naiwayo, achiti: “Kuparadzwa kwemamwe madzinza [munyika imwe] kwaisava kungomukawo kworuvengo rwedzinza, kwaiva kwakarongwa nevanhu vaida kuramba vaine simba.”

Pakamuka hondo pakati pemapoka ehurumende yeyaimbova Yugoslavia kumavambo kwema1990, mumwe mutori wenhau akanyora kuti: “Taigara pamwe chete tichifara kwemakore akawanda asi iye zvino tava kungourayirana vana vedu. Chii chiri kumboitika kwatiri?”

Nyanduri ataurwa kwokutanga akazvarirwa munyika yeIndia, zviuru zvemakiromita kubva kuEurope. Muhurukuro yaiva nomusoro unoti “India Ingapukunyuka Sorudzi Rumwe Chete Here?,” munyori Pranay Gupte akati: ‘Inenge 70 muzana yevagari vakawanda vomuIndia iri pasi pemakore 30, asi hapana vatungamiriri vanovaratidza muenzaniso wavangatevedzera.’

Mune dzimwe nyika, vatungamiriri vaifanira kusiya zvinzvimbo zvavo vachipomerwa mhosva youori. Saka, nokuda kwezvikonzero zvakatsaukana-tsaukana, zviri pachena kuti nyika iri kushaya vatungamiriri. Mamiriro akaita zvinhu anopupurira kururama kwemashoko omumwe muprofita akararama makore anenge 2 600 apfuura. Akati, “Nzira yomunhu haisi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.

Pane nzira yokubuda nayo munhamo yenyika iripo panguva ino here? Ndiani angatungamirira vanhu kupinda munyika umo vanhu vanenge vasingaparadzwi nokurwisana uye vasingatyi, umo zivo inenge isingatengwi uye yakawanda, uye umo vanhu vanenge vachivavarira kuita zvinhu zvakakwana?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Fatmir Boshnjaku