Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Utungamiriri Hwakanaka—Tingahuwana Kupi?

Utungamiriri Hwakanaka—Tingahuwana Kupi?

Utungamiriri Hwakanaka—Tingahuwana Kupi?

“IMBA imwe neimwe inovakwa nomunhu,” rinodaro Bhaibheri, “asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4; Zvakazarurwa 4:11) Sezvo Mwari wechokwadi, Jehovha, ari iye Musiki, “unoziva chatakaitwa nacho.” (Pisarema 103:14) Anonyatsoziva zvatisingakwanisi nezvatinoshayiwa. Uye nokuti ndiMwari ane rudo, anoda kutipa zvatinoshayiwa izvozvo. (Pisarema 145:16; 1 Johani 4:8) Chimwe chezvatinoshayiwa izvozvo utungamiriri hwakanaka.

Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akazivisa kuti: “Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.” (Isaya 55:4) Chichapedza chinetso chanhasi choutungamiriri kuziva Mutungamiriri uyu—akagadzwa neWemasimba Ose pachake—uye kubvuma utungamiriri hwake. Saka, Mutungamiriri noMubati uyu ndiani? Chii chaangaratidza nacho kuti anokwanisa kutungamirira? Angatitungamirira kupi? Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe noutungamiriri hwake?

Mutungamiriri Akavimbiswa Anosvika

Makore anenge 2 500 apfuura, ngirozi Gabrieri yakaonekwa nomuprofita Dhanieri ikamuudza kuti: “Chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusarema kusvikira [“kuna Mesiya Mutungamiriri,” NW], iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine nzvimbo mhamhi nemigero, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.”—Dhanieri 9:25.

Zviri pachena kuti ngirozi yacho yaiudza Dhanieri nezvenguva chaiyo yaizouya Mutungamiriri akasarudzwa waJehovha. “Mesiya Mutungamiriri” aizoonekwa pamagumo evhiki 69, kana kuti makore 483, kuverenga kubva muna 455 B.C.E., pakabuda shoko rokuvakazve Jerusarema. * (Nehemia 2:1-8) Chii chakaitika pamugumo wenguva iyoyo? Munyori weEvhangeri Ruka anorondedzera kuti: “Mugore regumi nerechishanu rokutonga kwaTibheriyo Kesari, apo Pondiyo Pirato akanga ari gavhuna weJudhiya, uye Herodhi ari mutongi weruwa rweGarireya [29 C.E.], . . . Shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekariya murenje. Nokudaro akaenda munyika yose yakapoteredza Jodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokuratidza kupfidza nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi.” Panguva iyoyo, ‘vanhu vakanga vachitarisira’ Mesiya Mutungamiriri. (Ruka 3:1-3, 15) Kunyange zvazvo mapoka akauya kuna Johani, akanga asiri Mutungamiriri iyeye.

Ipapo munenge muna October 29 C.E., Jesu weNazareta akauya kuna Johani kuzobhabhatidzwa. Uye Johani akapupurira achiti: “Ndakaona mudzimu uchiburuka senjiva uchibva kudenga, uye wakaramba uri pamusoro pake. Kunyange ini ndakanga ndisingamuzivi, asi Iye chaiye akandituma kuzobhabhatidza mumvura akati kwandiri, ‘Munhu waunoona mudzimu uchiburukira paari woramba uripo, iyeyu ndiye anobhabhatidza mumudzimu mutsvene.’ Uye ndakauona, uye ndakapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” (Johani 1:32-34) Paakabhabhatidzwa, Jesu akava Mutungamiriri akazodzwa—Mesiya, kana kuti Kristu.

Hungu, Jesu Kristu akaratidza kuti ndiye aiva “mutungamiriri nomubati wamarudzi” akavimbiswa. Uye patinoongorora zvaari somutungamiriri, tinobva tangonzwisisa kuti utungamiriri hwake hunopfuura kwazvo zvinodiwa mazuva ano pamutungamiriri akanaka.

Mesiya—Mutungamiriri Akanaka

Mutungamiriri anokwanisa anopa nhungamiro yakajeka uye anobatsira vanhu vaanotarisira kuwana simba nemano zvokuti vanogona kubudirira kugadzirisa zvinetso. ‘Ichi chinhu chinodiwa kune mutungamiriri anokwanisa basa muzana remakore rechi21,’ rinodaro bhuku rinonzi 21st Century Leadership: Dialogues With 100 Top Leaders. Jesu akanyatsoita kuti vateereri vake vakwanise kubata nemamiriro ezvinhu ezuva nezuva! Imbofunga hurukuro yake yakakurumbira kudarika dzose—Mharidzo Yepagomo. Mashoko akazara nemazano anoshanda ndeaya akanyorwa muna Mateu zvitsauko 5 kusvikira ku7.

Somuenzaniso, funga nezvezano raJesu pakugadzirisa kusawirirana. Akati: “Zvino, kana uri kuunza chipo chako kuatari wobva wayeuka ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, uende; tanga waita rugare rwako nehama yako, uye ipapo, paunenge wadzoka, ipa chipo chako.” (Mateu 5:23, 24) Kutanga iwe pachako kutsvaka rugare nevamwe ndicho chinhu chokutanga—kunyange kupfuura kuita basa rokunamata, rakadai sokupa zvipo paatari yetemberi muJerusarema sezvaidiwa noMutemo waMosesi. Zvikasadaro, zviito zvokunamata hazvigamuchirwi naMwari. Zano raJesu rinoshanda nhasi sezvaraiita zviuru zvemakore zvakapfuura.

Jesu akabatsirawo vateereri vake kudzivisa musungo wounzenza. Akavarayira kuti: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Haufaniri kuita upombwe.’ Asi ndinoti kwamuri munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:27, 28) Inyevero yakakodzera chaizvo! Tinodirei kuzvipinza mungozi yokuita upombwe nokufunga nezvahwo? Mumwoyo ndimo munobuda ufeve noupombwe, akadaro Jesu. (Mateu 15:18, 19) Tikadzivirira mwoyo wedu tinenge takachenjera.—Zvirevo 4:23.

Mharidzo Yepagomo inewo mazano akanakisisa pakuda vavengi vedu, pakuva vanoda kupa, pakuva nemaonero akanaka ezvinhu zvenyama nezvomudzimu, nezvimwe zvakadai. (Mateu 5:43-47; 6:1-4, 19-21, 24-34) Jesu akatoratidza vateereri vake matsvakiro avanoita kubatsirwa naMwari nokuvadzidzisa manyengeterero. (Mateu 6:9-13) Mesiya Mutungamiriri anopa simba nokugadzirira vateveri vake kuti vagadzirise zvinetso zvinowanzoitika kuvanhu.

Katanhatu muMharidzo Yepagomo, Jesu akashuma mashoko ake nokutaura kwokuti “makanzwa kuti zvakanzi” kana kuti “zvakare zvakanzi,” asi aibva ataura imwe pfungwa, achiti “zvisinei, ndinoti kwamuri.” (Mateu 5:21, 22, 27, 28, 31-34, 38, 39, 43, 44) Izvozvo zvinoratidza kuti vateereri vake vaiva vakajaira kuita neimwe nzira, maererano netsika dzaiita zvokutaurwa dzevaFarisi. Asi Jesu zvino akanga ava kuvaratidza imwe nzira—iya yairatidza pfungwa chaiyo yoMutemo waMosesi. Nokudaro Jesu akanga achichinja zvinhu, uye akazviita nenzira yakaita kuti zvive nyore kuti vateveri vake vagamuchire. Hungu, Jesu akaita kuti vanhu vachinje chaizvo muupenyu hwavo, mumanamatiro nomutsika. Izvi zvinoratidza mutungamiriri wechokwadi.

Rimwe bhuku rinotaura nezvoutungamiriri rinotaura maomero azvakaita kuchinja zvinhu kudaro. Rinoti: “Anochinja wacho [mutungamiriri] anoda kuva nemanzwiro omushandi, nzwisiso yomuongorori wokushanda kwepfungwa, simba seromunhu anomhanya chinhambwe chirefu, asingaregi chaavamba kuita sezvinoita imbwa, kuzvivimba kwomunhu anogara akazviparadzanisa nevamwe, uye kushivirira kwomusande. Uye kunyange aine zvose izvozvo, hazvivimbisi kuti achabudirira.”

“Vatungamiriri vanofanira kuzvibata nenzira yavanoda kuti vateveri vavo vazvibate nayo,” yakadaro imwe nyaya yaiva nomusoro unoti “Utungamiriri: Unhu Hune Basa Here?” Chokwadi, mutungamiriri akanaka anoita zvaanotaura. Ndizvo chaizvo zvakanga zvakaita Jesu Kristu! Hungu, akadzidzisa vaaiva navo kuzvininipisa, asi akavaratidzawo muenzaniso unoonekwa nokugeza tsoka dzavo. (Johani 13:5-15) Haana kungotuma vadzidzi vake kunoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, asi akashanda nesimba mubasa iroro. (Mateu 4:18-25; Ruka 8:1-3; 9:1-6; 10:1-24; Johani 10:40-42) Uye panyaya yokuteerera mutungamiriri Jesu akaratidza muenzaniso. “Mwanakomana haagoni kuita chinhu chimwe chake oga,” akadaro achireva iye, “asi bedzi chaanoona Baba vachiita.”—Johani 5:19.

Kukurukurwa kwapfuura kwezvakataurwa nokuitwa naJesu kunonyatsoratidza kuti ndiye Mutungamiriri watinoda. Chokwadi, anopfuura zvose zvinonzi nevanhu ndiko kutungamirira kwakanaka. Jesu akakwana. Zvaakaitwa kuti asafa pashure pokufa kwake nokumutswa, anorarama nokusingaperi. (1 Petro 3:18; Zvakazarurwa 1:13-18) Mutungamiriri upi wevanhu angakwanisa kuva nezvinodiwa izvi?

Tinofanira Kuitei?

SaMambo ari kutonga woUmambo hwaMwari, “Mesiya Mutungamiriri” achadurura zvikomborero pavanhu vanoteerera. Maererano neizvi, Magwaro anovimbisa kuti: “Nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” (Mika 4:4) “Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Nyika nhasi iri kushaya vatungamiriri. Zvisinei, Jesu Kristu ari kutungamirira vanyoro kupinda munyika itsva ine rugare, umo vanhu vanoteerera vachabatanidzwa mukunamata Jehovha Mwari uye vachaenderera mberi kusvikira pakukwana. Zvinokosha chaizvo kuti titore nguva yokuwana zivo yaMwari wechokwadi noMutungamiriri waakagadza toita maererano nezivo iyoyo!—Johani 17:3.

Kukudza kwakanakisisa kwatingaita munhu kumutevedzera. Hatifaniri here kuedza kutevedzera Mutungamiriri mukuru kupfuura vose munhoroondo yevanhu—Jesu Kristu? Tingaita sei kudaro? Kugamuchira utungamiriri hwake kuchabatsira sei upenyu hwedu? Mibvunzo iyi nemimwe ichakurukurwa munyaya mbiri dzinotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona mapeji 186-92 ebhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri!, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Dhanieri akafanotaura nezvokuuya kwoMutungamiriri akasarudzwa naMwari

[Mifananidzo iri papeji 7]

Dzidziso dzaJesu dzakagadzirira vanhu kugadzirisa zvinetso zvoupenyu

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu achatungamirira vanhu vanoteerera kupinda munyika itsva