Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Utungamiriri hwaKristu Ndohwechokwadi Kwauri Here?

Utungamiriri hwaKristu Ndohwechokwadi Kwauri Here?

Utungamiriri hwaKristu Ndohwechokwadi Kwauri Here?

“Uyewo musanzi ‘vatungamiriri,’ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, Kristu.”—MATEU 23:10.

1. Ndiani chete Mutungamiriri wevaKristu vechokwadi?

CHAIVA Chipiri, Nisani 11. Mushure memazuva matatu aitevera, Jesu Kristu aizourayiwa. Uku ndiko kwakanga kuri kushanya kwake kwokupedzisira kutemberi. Pazuva iri, Jesu akapa dzidziso inokosha kuvanhu vakanga vakaungana ipapo uye kuvadzidzi vake. Akati: “Imi, musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama. Zvakare, musadana munhu kuti baba venyu pasi pano, nokuti Baba venyu vamwe chete, Ivo vokudenga. Uyewo musanzi ‘vatungamiriri,’ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, Kristu.” (Mateu 23:8-10) Zviri pachena kuti Jesu Kristu ndiye Mutungamiriri wevaKristu vechokwadi.

2, 3. Kuteerera Jehovha nokubvuma Mutungamiriri waakagadza kunobatsira sei upenyu hwedu?

2 Patinobvuma utungamiriri hwaJesu muupenyu hwedu, tinobatsirwa kwazvo! Achifanotaura kuuya kwoMutungamiriri uyu, Jehovha Mwari akazivisa achishandisa Isaya kuti: “Nhai, imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji, nousina mari, uyai, mutenge mudye; zvirokwazvo, uyai mutenge waini nomukaka, musina mari, pasina mutengo. . . . Nditeererei zvakanaka, mudye izvo zvakanaka, mweya yenyu ifare nezvakakora. . . . Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.”—Isaya 55:1-4.

3 Isaya akashandisa zvinhu zvakajairwa—mvura, mukaka, uye waini—sezvokufananidzira nazvo kuratidza kubatsirwa kunoitwa upenyu hwedu pachedu patinoteerera Jehovha totevera Mutungamiriri uye Mubati waakatipa. Tinonzwa tazorodzwa. Zvakafanana nokunwa mvura inotonhorera pazuva rinopisa. Nyota yatinonzwa nokuda kwechokwadi nokururama inopedzwa. Sezvo mukaka uchisimbisa vana wovabatsira kukura, ‘mukaka weshoko’ unotisimbisa uye unoita kuti tikure mumudzimu muukama hwedu naMwari. (1 Petro 2:1-3) Uye ndiani angaramba kuti waini inoitawo kuti pamitambo pafarwe? Saizvozvowo, kunamata Mwari wechokwadi uye kutevera tsoka dzoMutungamiriri waakagadza kunoita kuti ‘tifare kwazvo’ muupenyu. (Dheuteronomio 16:15) Saka zvinokosha kuti isu tose—vakuru nevaduku, varume nevakadzi—tiratidze kuti utungamiriri hwaKristu ndohwechokwadi kwatiri. Zvisinei, tingaratidza sei muupenyu hwedu hwezuva nezuva kuti Mesiya ndiye Mutungamiriri wedu?

Vechiduku—Rambai Muchi“fambira Mberi Pakuchenjera”

4. (a) Chii chakaitika apo Jesu aiva nemakore 12 akashanyira Jerusarema panguva yePaseka? (b) Jesu aiziva zvakawanda sei paaiva nemakore 12?

4 Funga muenzaniso wakaratidzwa vechiduku noMutungamiriri wedu. Kunyange zvazvo pane zvishoma zvinozivikanwa nezvouduku hwaJesu, pane chimwe chiitiko chinoita kuti tizive zvimwe zvacho. Jesu paakanga ava nemakore 12, vabereki vake vakaenda naye sezvavaiita gore negore kuJerusarema kuPaseka. Pachiitiko ichi, akabatanidzwa mune imwe kurukurirano yeMagwaro, uye mhuri yake isingazivi yakaenda ichimusiya. Pashure pemazuva matatu vabereki vake vakanga vachinetseka, Josefa naMariya, vakamuwana mutemberi, “agere pakati pevadzidzisi achivateerera nokuvabvunza.” Uyezve, “avo vose vakanga vachimuteerera vakaramba vachishamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” Funga zvako, aine makore 12 chete, Jesu aisangogona kubvunza mibvunzo inotokonya pfungwa, ine chokuita nezvinhu zvokunamata Mwari chete, asi aipawo mhinduro dzoungwaru! Hapana mubvunzo kuti akanga abatsirwa nokurovedza kwevabereki.—Ruka 2:41-50.

5. Vechiduku vangaongorora sei maonero avanoita chidzidzo cheBhaibheri chemhuri?

5 Zvichida uri wechiduku. Kana vabereki vako vari vashumiri vaMwari vakazvitsaurira, zvichida mumusha menyu mune purogiramu yenguva dzose yokudzidza Bhaibheri semhuri. Unonzwa sei pamusoro pechidzidzo chemhuri? Wadii kufunga nezvemibvunzo yakadai seiyi: ‘Ndiri kutsigira nomwoyo wose urongwa hwokudzidza Bhaibheri mumhuri yedu here? Ndinoshandira pamwe nahwo here, ndisingaiti chinhu chipi nechipi chinohuvhiringidza?’ (VaFiripi 3:16) ‘Ndinoshingaira kutaurawo chimwe chinhu muchidzidzo chacho here? Pazvinenge zvakakodzera, ndinobvunza mibvunzo ine chokuita nezviri kudzidzwa uye kutaura mashandiro azvinoita here? Sezvandinofambira mberi mumudzimu, ndiri kukudziridza chido ‘chezvokudya zvikukutu zvevanhu vakuru’ here?’—VaHebheru 5:13, 14.

6, 7. Purogiramu yokuverenga Bhaibheri inokosha sei kune vechiduku?

6 Purogiramu yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva inokoshawo. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Wakakomborerwa munhu usingafambi panorangana vakaipa, . . . asi unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” (Pisarema 1:1, 2) Murume akazotsiva Mosesi, Joshua, ‘aiverenga mubhuku yomutemo nenzwi rinonzwika masikati nousiku.’ Izvi zvakaita kuti akwanise kuita nokuchenjera akabudirira pakuita basa rake raakapiwa naMwari. (Joshua 1:8) Mutungamiriri wedu, Jesu Kristu, akati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.’” (Mateu 4:4) Kana tichida zvokudya chaizvo mazuva ose, tinoda zvakadini zvokudya zvomudzimu nguva nenguva!

7 Achiziva zvaaifanira kuita pakunamata kwake Mwari, Nicole aiva nemakore 13 akatanga kuverenga Bhaibheri mazuva ose. * Iye zvino, ava nemakore 16, akaverenga Bhaibheri rose kamwe chete uye ava panenge pakati paro kechipiri. Nzira yaanoshandisa iri nyore. Anoti: “Ndinova nechokwadi kuti ndinoverenga chinenge chitsauko chimwe pazuva.” Kuverenga kwake Bhaibheri mazuva ose kwakamubatsira sei? Anopindura kuti: “Zvinofurira kuita zvakaipa mazuva ano zvakawanda. Mazuva ose kuchikoro nokumwewo ndinosangana nezvinoita kuti ndiomerwe izvo zvinorwisa kutenda kwangu. Kuverenga Bhaibheri mazuva ose kunondibatsira kukurumidza kuyeuka mirayiro nemitemo yeBhaibheri inondikurudzira kudzivisa zvinhu izvi zvinoita kuti ndiomerwe. Ndinoguma ndanzwa ndiri pedyo zvikuru naJehovha naJesu.”

8. Jesu aiva nomuitiro wei kusinagogi, uye vechiduku vangamutevedzera sei?

8 Jesu aiva nomuitiro wokuteerera nokuverengawo Magwaro musinagogi. (Ruka 4:16; Mabasa 15:21) Zvakanaka chaizvo kuti vechiduku vatevedzere muenzaniso iwoyo nokupinda misangano nguva dzose, uko Bhaibheri rinoverengwa nokudzidzwa! Achitaura kuonga kwaanoita misangano yakadaro, Richard ane makore 14 anoti: “Misangano inokosha kwandiri. Ikoko ndinogara ndichiyeuchidzwa zvakanaka nezvakaipa, zvine tsika nezvisina tsika, zvechiKristu nezvisiri. Handifaniri kuzodzidza izvi ndatopinda munjodzi.” Hungu, “Chipupuriro [“chiyeuchidzo,” NW] chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere.” (Pisarema 19:7) Nicole anovawo nechokwadi chokuti anopinda misangano yose mishanu mavhiki ose. Anopedzawo maawa maviri kusvikira kumatatu achiigadzirira.—VaEfeso 5:15, 16.

9. Vechiduku vangaramba sei vachi“fambira mberi pakuchenjera”?

9 Nguva youduku ndiyo yakanaka kuwana ‘zivo yaMwari wechokwadi bedzi, neyowaakatuma, Jesu Kristu.’ (Johani 17:3) Ungaziva nezvevechiduku vanopedza nguva yakawanda vachiverenga mabhuku ane nyaya dzinosetsa, vachitarira terevhizheni, vachitamba mitambo yevhidhiyo, kana kutsvaka mashoko nemifananidzo paindaneti. Ungadirei kutevedzera ivavo nepo une muenzaniso wakakwana woMutungamiriri wedu wokutevedzera? Ari kakomana, aifarira kudzidza nezvaJehovha. Uye zvakazomufambira sei? Pamusana pokuda kwake zvinhu zvomudzimu, “Jesu akaramba achifambira mberi pakuchenjera.” (Ruka 2:52) Newewo unogona kudaro.

“Zviisei Pasi Pomumwe Nomumwe”

10. Chii chichabatsira kuti muupenyu hwemhuri muve norugare nomufaro?

10 Pamusha panogona kuva norugare nomufaro kana kugara pachirwiwa nokupopotedzanwa. (Zvirevo 21:19; 26:21) Kubvuma kwedu utungamiriri hwaKristu kunobatsira kuti mumhuri muve norugare nomufaro. Tingatoti muenzaniso waJesu unoratidza zvinofanira kunge zvakaita ukama hwemhuri. Magwaro anotaura kuti: “Zviisei pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu. Vakadzi ngavazviise pasi pevarume vavo sokunaShe, nokuti murume musoro womukadzi wake sezvowo Kristu ari musoro weungano, iye achiva muponesi womuviri uyu. . . . Varume, rambai muchida vakadzi venyu, sezvo Kristu akadawo ungano akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:21-25) Kuungano yeKorose, Pauro akanyora kuti: “Imi vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza zvikuru munaShe.”—VaKorose 3:18-20.

11. Murume angaratidza sei kuti utungamiriri hwaKristu ndohwechokwadi kwaari?

11 Kutevera zano iri kunoreva kuti murume anotungamirira mumhuri, mudzimai wake anomutsigira nokuvimbika, uye vana vanoteerera vabereki vavo. Kunyange zvakadaro, kutungamirira kwomurume kunoguma nomufaro kana chete kuchiitwa zvakanaka. Murume akachenjera anofanira kudzidza matungamiriro aangaita nokutevedzera Musoro wake noMutungamiriri, Jesu Kristu. (1 VaKorinde 11:3) Kunyange zvazvo Jesu akazova “musoro wezvinhu zvose kuungano,” akauya pasi pano, “kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira.” (VaEfeso 1:22; Mateu 20:28) Saizvozvowo, murume wechiKristu anotungamirira, kwete kuti zvingonakira iye chete, asi kuti atarisire zvinofarirwa nomudzimai wake nevana—hungu, mhuri yose. (1 VaKorinde 13:4, 5) Anotsvaka kutevedzera unhu hunodiwa naMwari hwomusoro wake, Jesu Kristu. Kufanana naJesu, munyoro uye anozvininipisa mumwoyo. (Mateu 11:28-30) Mashoko akadai sokuti “ndine urombo” kana kuti “wakarurama” haamunetsi kutaura paanenge akanganisa. Muenzaniso wake wakanaka kwazvo unoita kuti mudzimai arerukirwe kuva “mubatsiri,” munhu “wakamukwanira,” uye “shamwari” kumurume akadaro, achidzidza kwaari uye kushanda pamwe chete naye.—Genesi 2:20; Maraki 2:14.

12. Chii chichabatsira mudzimai kuteerera nhau yomusoro?

12 Mudzimaiwo anofanira kuzviisa pasi pomurume wake. Zvisinei, kana aine mafungiro enyika, izvi zvingatanga kukanganisa maonero aanoita anofanira kuva musoro, uye pfungwa yokuzviisa pasi pomurume haizomufadzi. Magwaro haaratidzi kuti murume anofanira kuita zvoukono, asi anoda kuti vadzimai vazviise pasi pevarume vavo. (VaEfeso 5:24) Bhaibheri rinodawo kuti murume atakure mutoro, uye zano raro parinoshandiswa, izvi zvinoita kuti mumhuri macho muve norugare nokurongeka.—VaFiripi 2:5.

13. Jesu akaratidza vana muenzaniso wakadini wokuzviisa pasi?

13 Vana vanofanira kuteerera vabereki vavo. Panyaya iyi, Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo. Pashure pechiitiko chepatemberi apo Jesu aiva nemakore 12 akasiyiwa kwemazuva matatu, “akaburuka [nevabereki vake] vakasvika Nazareta, akaramba achizviisa pasi pavo.” (Ruka 2:51) Kuzviisa pasi pevabereki kwevana kunoitawo kuti mumhuri muve norugare nokupindirana. Apo munhu wose mumhuri anozviisa pasi poutungamiriri hwaKristu, zvinoguma nemhuri inofara.

14, 15. Chii chichatibatsira kubudirira patinenge tatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma pamusha? Ipa muenzaniso.

14 Kunyange zvinhu zvikaoma mumusha, kubudirira kunobva pakutevedzera Jesu nokubvuma nhungamiro yake. Somuenzaniso, muchato waJerry ane makore 35 naLana, amai vane mwanasikana wavo ari kuyaruka, wakaunza chinetso icho vose vakanga vasina kumbofungidzira. Jerry anotsanangura kuti: “Ndaiziva kuti, kuti ndive mutungamiriri akanaka, ndaifanira kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri zvinoitawo kuti dzimwe mhuri dzibudirire. Asi nokukurumidza ndakaona kuti ndaifanira kuzvishandisa nouchenjeri hwakakura nokunzwisisa.” Mwanasikana wake wokurera aimuona somumwe munhu akanga auya kuzovhiringidza ukama hwake naamai vake uye haana kana kumbomufarira. Jerry aida nzwisiso kuti aone kuti mafungiro aya airatidzwawo mune zvaitaurwa nokuitwa nomusikana uyu. Akaita sei pakadai? Jerry anopindura kuti: “Ini naLana takabvumirana kuti kwenguva ino, Lana ndiye aizoona nezvokuranga somubereki nepo ini ndichiona kuti ndavaka ukama hwakanaka nomwanasikana wangu wokurera. Nokufamba kwenguva, izvi zvakaguma zvakanaka.”

15 Patinotarisana nemamiriro ezvinhu akaoma pamusha, tinoda nzwisiso kuti tione kuti nei vomumhuri medu vachitaura nokuita sezvavanoita. Tinodawo uchenjeri kuti tishandise zvinodzidziswa naMwari zvakanaka. Somuenzaniso, Jesu akanyatsoziva chikonzero nei mudzimai aitambura nokuyerera kweropa akanga amubata, uye akabata naye nokuchenjera uye netsitsi. (Revhitiko 15:25-27; Mako 5:30-34) Mutungamiriri wedu anozivikanwa nouchenjeri nokunzwisisa. (Zvirevo 8:12) Tinofara kana tichiita nenzira yaaizoita nayo.

“Rambai Muchitanga Kutsvaka Umambo”

16. Chii chinofanira kuva chokutanga muupenyu hwedu, uye Jesu akaratidza sei izvi nomuenzaniso wake?

16 Jesu akanyatsojekesa chinofanira kuva chokutanga muupenyu hwevaya vanobvuma utungamiriri hwake. Akati: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwa[Mwari].” (Mateu 6:33) Uye nomuenzaniso wake, akatiratidza maitirwo azvo. Pamugumo wemazuva 40 okutsanya, kufungisisa, uye kunyengetera zvakatevera kubhabhatidzwa kwake, Jesu akatarisana nomuedzo. Satani Dhiyabhorosi akati aida kumupa utongi pa“umambo hwose hwenyika.” Fungidzira upenyu uhwo Jesu aidai akava nahwo kudai akanga abvuma zvaakaudzwa naDhiyabhorosi! Zvisinei, Kristu akanga achingofunga nezvokuita kuda kwaBaba vake. Akazivawo kuti upenyu hwakadaro munyika yaSatani hwaizova hupfupi. Akabva angoramba zvaakaudzwa naDhiyabhorosi, achitaura kuti: “Zvakanyorwa kuti, ‘NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’” Izvozvo zvangopfuura, Jesu “akatanga kuparidza achiti: ‘Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mateu 4:2, 8-10, 17) Kwoupenyu hwake hwose hwepasi pano, Kristu akanga ari muzivisi wenguva yakazara woUmambo hwaMwari.

17. Tingaratidza sei kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvine nzvimbo yokutanga muupenyu hwedu?

17 Tinoita zvakanaka kutevedzera Mutungamiriri wedu torega kubvumira nyika yaSatani kutikweva kuti tiite kuti kuva nebasa rinobhadhara zvikuru kuve chinangwa chedu chikuru muupenyu. (Mako 1:17-21) Hungava upenzi chaihwo kuti tipingirishwe nokutsvaka zvinhu zvenyika zvokuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvinova zvechipiri! Jesu akatipa basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Hungu, tingava nemhuri kana mamwe mabasa okuita, asi hatifari here kushandisa manheru nokupera kwevhiki kuti tiite basa redu rechiKristu rokuparidza nokudzidzisa? Uye zvinokurudzira zvikuru kuti mugore rebasa ra2001, vanhu vanenge 780 000 vakakwanisa kushanda sevashumiri venguva yakazara, kana kuti mapiyona!

18. Chii chinotibatsira kufara muushumiri?

18 Nhoroondo dzeEvhangeri dzinoratidza Jesu somurume aishingaira uyezve somunhu ainzwira tsitsi. Paakaona nzara yomudzimu yevanhu vakanga vakamupoteredza, akavanzwira tsitsi akafara kwazvo kuvabatsira. (Mako 6:31-34) Ushumiri hwedu hunofadza patinoshanda mahuri nokuti tinoda vamwe uye tine chido chechokwadi chokuvabatsira. Asi tingawana sei chido chakadaro? “Pandaiyaruka,” rinodaro rimwe jaya rinonzi Jayson, “ndakanga ndisinganyatsonakidzwi noushumiri.” Chii chakamubatsira kuda basa iri? Jayson anopindura kuti: “Mumhuri yedu, Migovera mangwanani yakanga yakasarudzwa kuti ive yebasa romumunda. Izvi zvakanga zvakandinakira nokuti pandaibuda kakawanda muushumiri hwacho, ndipo pandainyanya kuonawo zvakanaka zvahunoita uye ndipo pandainakidzwawo nahwo zvakanyanya.” Isuwo tinofanira kugara tichiita ushumiri uye tichishingaira.

19. Tinofanira kutsunga kuitei maererano noutungamiriri hwaKristu?

19 Zvechokwadi, zvinozorodza uye zvinobatsira kubvuma utungamiriri hwaKristu. Patinoita kudaro, nguva youduku inova yokufambira mberi muzivo nouchenjeri. Upenyu hwemhuri hunoratidza kuti hunounza rugare nomufaro, uye ushumiri ibasa rinounza mufaro nokugutsikana. Saka, ngatitsungei kuratidza nepatinogona napo muupenyu hwedu hwezuva nezuva uye nezvisarudzo zvatinoita kuti utungamiriri hwaKristu ndohwechokwadi kwatiri. (VaKorose 3:23, 24) Zvisinei, Jesu Kristu ave achititungamirira neimwezve nzira—ungano yechiKristu. Nyaya inotevera ichakurukura kuti tingabatsirwa sei nourongwa uhwu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Mamwe mazita akachinjwa.

Unoyeuka Here?

• Kutevera Mutungamiriri wedu akagadzwa naMwari kunotibatsira sei?

• Vechiduku vangaratidza sei kuti vanoda kutevedzera utungamiriri hwaJesu?

• Utungamiriri hwaKristu hunobatsira sei upenyu hwemhuri hwevaya vanozviisa pasi pahwo?

• Ushumiri hwedu hungaratidza sei kuti utungamiriri hwaKristu ndohwechokwadi kwatiri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 9]

Upwere inguva yakanaka yokuwana zivo yaMwari neyoMutungamiriri wedu akagadzwa

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kuzviisa pasi poutungamiriri hwaKristu kunoita kuti mhuri ifare

[Mifananidzo iri papeji 12]

Jesu akatanga kutsvaka Umambo. Unodaro here?