Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenda Kunofanira Kuvakirwa Pakunzwisisa Here?

Kutenda Kunofanira Kuvakirwa Pakunzwisisa Here?

Kutenda Kunofanira Kuvakirwa Pakunzwisisa Here?

“Mumwe mutungamiriri wechikoro chechitendero kuUnited States akanyora kuti: “Vanhu vakawanda vanongonamata kuitira kuti varege kunetseka havo nokushandisa pfungwa.” Anowedzera kuti: “Vanongoda kubvuma zvose zvose pasina kumbofunga zvinobatanidzwa.”

ZVAAIREVA ndezvokuti vanhu vakawanda vanoti vanonamata havaswerofunga chikonzero chokudavira zvavanodavira kana kuti pangava here nezvikonzero zvinonzwisisika zvokutenda kwavo. Ndokusaka zvisingashamisi kuti vanhu havadi kutaura nezvechitendero.

Zvinosiririsa kuti miitiro yakadai sokushandisa mifananidzo yechitendero nokudzokorora minyengetero nomusoro inotadzisawo vanhu kushandisa pfungwa. Miitiro iyi, pamwe chete nezvivako zvinoshamisira, mafafitera ane magirazi oruvara runoshamisira, nenziyo dzinotora mwoyo, zvingangova ndizvo chete zvinofungwa nemamiriyoni evanhu vanonamata. Kunyange mamwe machechi achiti kutenda kwawo kwakavakirwa muBhaibheri, shoko ravo rokuti ‘tenda muna Jesu uye uchaponeswa’ rinorerutsa kudzidzwa kweBhaibheri nomwoyo wose. Vamwe vanopedzisira vava kuparidza vhangeri rinotaura nezvezvinetso zvevanhu kana kuti rezvematongerwe enyika. Zvose izvi zvinozoguma nei?

Nezvemamiriro ezvinhu ari kuNorth America, mumwe munyori wezvechitendero akati: “ChiKristu . . . chinoita sechisina kudzika, [uye] vateveri vacho havana ruzivo nezvokutenda kwavo.” Mumwe muongorori akatosvika pakurondedzera United States se“nyika yevanhu vasingazivi Bhaibheri.” Kutaura zvazviri, zvakawanikwa pakuongorora izvi zvingavawo zvirizvo zvakaita dzimwe nyika dzakazara chiKristu chezita. Saizvozvowo zvitendero zvakawanda zvisiri zvechiKristu hazvikurudziri kufunga asi zvinosimbisa kudetemba, minyengetero yetsika, uye marudzi akasiyana-siyana okufungisisa anosanganisira kufungidzira kusina hwaro, panzvimbo pokufunga zvine musoro, zvinovaka.

Asi, muupenyu hwavo hwezuva nezuva, vanhu ivavo vasingafungisisi kururama kana uchokwadi hwezvavanodavira muzvitendero zvavo vanowanzofungisisa dzimwe nhau nokungwarira. Hauoni zvichishamisa here kuti munhu anotsvakurudza zvakawanda kuti angotenga motokari—iyo rimwe zuva ichapedzisira yaraswa kumarara—aizoti nezvechitendero chake, ‘Kana chakanga chakanakira vabereki vangu, chakandinakirawo’?

Kana tichinyatsoda kufadza Mwari, hatifaniri kufungisisa here kururama kwezvatinodavira pamusoro pake? Muapostora Pauro akataura nezvevamwe vanhu vomuzuva rake vainamata, vakanga vachi“shingairira Mwari; asi kwete maererano nezivo yakarurama.” (VaRoma 10:2) Vakadaro vangafananidzwa nomunhu anopiwa basa rokupenda imba uyo anoshanda nesimba pabasa iri asi anoshandisa pendi isiriyo nokuti anokundikana kuteerera mirayiridzo yomuridzi weimba. Munhu uyu angafadzwa nebasa rake, asi muridzi achafadzwa naro here?

Zvinodiwa naMwari pakunamata kwechokwadi ndezvipi? Bhaibheri rinopindura kuti: “Izvi zvakanaka kwazvo uye zvinofadza pamberi poMuponesi wedu, Mwari, uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:3, 4) Vamwe vangafunga kuti hazviiti kuwana zivo yakadaro muzvitendero zvakawanda zvanhasi. Asi funga—kana kuri kuda kwaMwari kuti vanhu vanofanira kuwana zivo yakarurama yechokwadi, angaita utsinye hwokuvavanzira zivo yacho here? Kwete maererano neBhaibheri, iro rinoti: ‘Kana ukatsvaka Mwari, iye achawanikwa newe.’—1 Makoronike 28:9.

Mwari anoita sei kuti vaya vanomutsvaka nomwoyo wose vamuzive? Nyaya inotevera ichapa mhinduro yacho.