Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndaida Kushumira Mwari”

“Ndaida Kushumira Mwari”

Mushumo Wevazivisi Voumambo

“Ndaida Kushumira Mwari”

“BUDAI mariri, vanhu vangu.” Ikoko kudanidzira kwengirozi kwakanzwiwa nomuapostora Johani muzana remakore rokutanga C.E. Muzuva redu mamiriyoni evanhu vane mwoyo yakatendeseka akanzwa kudanidzira ikoko uye akatiza mu“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 18:1-4) Mumwe wevakaita izvi ndiWilner wokuHaiti, uyo anorondedzera nyaya yake.

“Ndakaberekwa muna 1956 mumhuri yechiKaturike yaishingaira, muguta duku reSt. Marc, kuHaiti. Fungidzira kufara kwakaita mhuri yangu pandakasarudzwa pamwe nevamwe vaviri vomuguta redu, kuti ndipinde chikoro chokudzidzira upristi muSt. Michel de l’Atalaye, kuHaiti. Muna 1980, takazoendeswa kuStavelot, Belgium kunorovedzwa zvimwezve. Ikoko takapindawo yunivhesiti yeKaturike.

“Pakutanga ndaida chaizvo kuita zvoupristi. Rimwe zuva ndiri muimba yokudyira, mupristi aitarisira boka redu akandikumbira kumbosara kwemaminitsi mashomanana nokuti ane zvaaida kundiudza. Fungidzira mavhundukiro andakaita paakandiudza pachena kuti ainzwa achida kurara neni! Ndakaramba zvose zvaakaedza kuita, asi ndakabva ndaora mwoyo zvikuru. Ndakanyorera vemhuri yangu tsamba ndichivaudza nezvenyaya yacho uye ndakabva pachikoro chacho mwedzi mishomanana gare gare, pasinei nokusazvifarira kwavo. Ndakawana imba yokurenda mune mumwe musha ndokutanga kudzidzira rimwewo basa.

“Pandakadzokera kuSt. Marc, ndakanga ndisingachavimbi zvachose neChechi yeKaturike. Kunyange zvakadaro, ndaida kushumira Mwari, asi ndakanga ndisingazivi chandaifanira kuita. Ndakaenda kuchechi yeAdventist, yeEbenezer, uye kuchechi yeMormon. Ndakanga ndisina chinonditungamirira mukunamata.

“Ndakazoyeuka kuti pandaipinda chikoro chokudzidzira upristi muBelgium, ndaiwanzoverenga Bhaibheri rechiCrampon. Imomo ndakanga ndawana kuti Mwari ane zita. Saka ndichishandisa zita rake ndakanyengetera nomwoyo wose kuna Mwari kuti andibatsire kuwana chitendero chechokwadi.

“Nguva shomanana ndadaro, vamwe vaviri veZvapupu zvaJehovha vakatamira kwandaigara. Vaiva vanhu vakanyarara, vanoremekedzeka uye vane unhu. Ndakafara kwazvo nemararamiro avo. Rimwe zuva, mumwe weZvapupu zviviri izvi akandikoka kuti ndipinde Chirangaridzo Chorufu rwaKristu chegore negore. Ndakanyatsonakidzwa nomusangano wacho uye ndakabvuma kudzidza Bhaibheri nguva dzose neZvapupu zvacho. Mumwedzi inenge mitanhatu, ndakabvuma kuti ndakanga ndawana nzira chaiyo yokushumira Mwari. Ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa musi waNovember 20, 1988.”

Nokufamba kwenguva Wilner akapinda mubasa renguva yakazara. Nhasi, anoshumira somukuru muungano. Iye nomudzimai wake, kusanganisira vana vake vaviri, vanoshumira nomufaro muungano.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Nokuverenga Bhaibheri, Wilner akaziva kuti zita raMwari ndiJehovha