Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kubhabhatidzwa?

Nei Tichifanira Kubhabhatidzwa?

Nei Tichifanira Kubhabhatidzwa?

“Endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza.”—MATEU 28:19.

1, 2. (a) Kumwe kubhabhatidza kwakaitwa mumamiriroi ezvinhu? (b) Mibvunzo ipi inomutswa maererano norubhabhatidzo?

MAMBO wevaFrank, Charlemagne akamanikidza vaSaxon vaakanga akunda kuti vabhabhatidzwe vose pamwe chete muna 775 kusvikira muna 777 C.E. Akavamanikidza kuti vatendeukire kuchiKristu chezita chete,” akanyora kudaro munyori wezvakaitika kare John Lord. Saizvozvowo, aroora mumwe mwanasikana womuimba yamambo wechechi yeGreek Orthodox muna 987 C.E., mutongi weRussia Vladimir I akasarudza kuti vanhu vaaitonga vaifanira kuva “vaKristu.” Akarayira kuti vanhu vake vabhabhatidzwe vakawanda—kana vaida kuramba vaityisidzirwa norufu!

2 Kubhabhatidza kwakadaro kwakafanira here? Kune zvakunoreva chaizvo here? Munhu wose wose anofanira kubhabhatidzwa here?

Kubhabhatidza—Sei?

3, 4. Nei kumwaya kana kudurura mvura mumusoro kusiri kubhabhatidza kwechiKristu kwakarurama?

3 Charlemagne naVladimir I pavaimanikidza vanhu kubhabhatidzwa, vatongi ivavo vakanga vachiita zvinopesana neShoko raMwari. Tingatoti, hazvina zvazvinobatsira kana kubhabhatidza kuchiitwa nenzira yokumwaya mvura, kudururira mvura mumusoro, uye kunyange kunyudza vanhu vasina kudzidziswa chokwadi cheMagwaro.

4 Funga zvakaitika pakaenda Jesu weNazareta kuna Johani Mubhabhatidzi muna 29 C.E. Johani aibhabhatidza vanhu muRwizi rweJodhani. Vakanga vazviuyira pachavo kwaari kuzobhabhatidzwa. Akavaita kuti vangomira muJodhani iye achidira mvura shomanana yomurwizi pamisoro yavo kana kuvamwaya here? Chii chakaitika Johani paakabhabhatidza Jesu? Mateu anoshuma kuti achangobhabhatidzwa “Jesu akabuda mumvura.” (Mateu 3:16) Zvaakanga anyudzwa muRwizi rweJodhani, akanga ari mumvura chaimo. Saizvozvowo, mukuru mukuru akanga akazvipira weEtiyopiya akabhabhatidzwa mu“mvura zhinji.” Mvura zhinji yakadaro yaidiwa nokuti kubhabhatidza kwaJesu nevadzidzi vake kwaiva kwokuita zvokunyudza.—Mabasa 8:36.

5. VaKristu vokutanga vaibhabhatidza sei vanhu?

5 Mashoko echiGiriki anoshandurwa kuti “bhabhatidza,” “rubhabhatidzo,” zvichingodaro, anoreva kunyudza, kutiva, kana kuti chubvu pasi pemvura. Smith’s Bible Dictionary rinoti: “Rubhabhatidzo runonyatsoreva chaizvoizvo kunyudza.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinotaura nezva“Johani Munyudzi.” (Mateu 3:1, Rotherham; Diaglott interlinear) Bhuku raAugustus Neander rinonzi History of the Christian Religion and Church, During the Three First Centuries rinoti: “Rubhabhatidzo pakutanga rwakatanga nokunyudza.” Rimwe bhuku rinozivikanwa zvikuru rechiFrench Larousse du XXe Siècle (Paris, 1928) rinoti: “VaKristu vokutanga vaibhabhatidzwa vachiita zvokunyudzwa, kwose kwaiwanikwa mvura.” Uye New Catholic Encyclopedia inoti: “Zviri pachena kuti kubhabhatidza kwaiitwa muChechi yokutanga kwaiva kwokunyudza.” (1967, Volume II, peji 56) Saka nhasi, kubhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha idanho rokuzvidira rokuita zvokunyudzwa mumvura.

Chikonzero Chitsva Chorubhabhatidzo

6, 7. (a) Johani aibhabhatidzirei? (b) Chii chaiva chitsva parubhabhatidzo rwevateveri vaJesu?

6 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwaiva nechinangwa chakasiyana nokubhabhatidza kwaiitwa nevateveri vaJesu. (Johani 4:1, 2) Johani aibhabhatidza vanhu sechiratidzo chepachena chokupfidza kwavo zvivi zvavaiita zvairambidzwa muMutemo. * (Ruka 3:3) Asi chimwe chinhu chitsva chaibatanidzwa murubhabhatidzo rwevateveri vaJesu. PaPendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akakurudzira vateereri vake kuti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi zvenyu.” (Mabasa 2:37-41) Kunyange aitaura nevaJudha nevakatendeukira kuchiJudha, Petro akanga asingatauri nezvorubhabhatidzo kufananidzira kupfidza zvivi zvaiitwa zvairambidzwa muMutemo; akanga asingarevizve kuti rubhabhatidzo muzita raJesu runofananidzira kugezwa kwezvivi.—Mabasa 2:10.

7 Panguva iyoyo, Petro akashandisa yokutanga ye“kiyi dzoUmambo.” Nechinangwa chei? Kuti azarurire vateereri vake zivo ine chokuita nomukana wavaiva nawo wokupinda muUmambo hwokudenga. (Mateu 16:19) Sezvo vaJudha vakanga varamba Jesu saMesiya, kupfidza uye kutenda maari chaiva chinhu chitsva uye chinokosha pakutsvaka nokugamuchira kanganwiro yaMwari. Vaigona kupa uchapupu hwepachena hwokutenda kwakadaro nokunyudzwa mumvura muzita raJesu Kristu. Nenzira iyoyo vaizoratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari kuburikidza naKristu. Vose vanoda kutenderwa naMwari nhasi vanofanira kuratidza kutenda kwakadaro, vozvitsaurira kuna Jehovha Mwari, vobhabhatidzwa sevaKristu kuratidza kuzvitsaurira zvakakwana kuna Mwari Wokumusoro-soro.

Zivo Yakarurama Inokosha

8. Nei rubhabhatidzo rwechiKristu rusiri rwomunhu wose wose?

8 Rubhabhatidzo rwechiKristu harusi rwomunhu wose wose. Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Vasati vabhabhatidzwa, vanhu vanofanira ‘kudzidziswa kuchengeta zvinhu zvose izvo Jesu akarayira vadzidzi vake.’ Saka rubhabhatidzo rwokumanikidzira rwevaya vasina kutenda kunobva pazivo yakarurama yeShoko raMwari harukoshi uye runopesana nomurayiro uyo Jesu akapa vateveri vake vechokwadi.—VaHebheru 11:6.

9. Zvinorevei kubhabhatidzwa “muzita raBaba”?

9 Zvinorevei kubhabhatidza “muzita rababa”? Zvinoreva kuti vanobhabhatidzwa vanobvuma chinzvimbo nechiremera zvaBaba vedu vokudenga. Naizvozvo Jehovha Mwari anobvumwa kuti ndiye Musiki wedu, “Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose,” uye Changamire Wezvose.—Pisarema 83:18; Isaya 40:28; Mabasa 4:24.

10. Kubhabhatidzwa ‘muzita roMwanakomana’ kunorevei?

10 Kubhabhatidzwa ‘muzita roMwanakomana’ kunoreva kubvuma chinzvimbo nechiremera zvaJesu soMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi. (1 Johani 4:9) Vaya vanokodzera kubhabhatidzwa vanobvuma kuti Jesu ndiye akashandiswa naMwari kupa “rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28; 1 Timoti 2:5, 6) Vanobhabhatidzwa vanofanirawo kubvuma “nzvimbo yepamusoro” iyo Mwari akasimudzira Mwanakomana wake.—VaFiripi 2:8-11; Zvakazarurwa 19:16.

11. Chii chinorehwa nokubhabhatidzwa ‘muzita romudzimu mutsvene’?

11 ‘Kubhabhatidza muzita romudzimu mutsvene’ kunorevei? Izvi zvinoratidza kuti vanobhabhatidzwa vanobvuma kuti mudzimu mutsvene isimba rinoshanda raJehovha, rinoshandiswa munzira dzakatsaukana-tsaukana maererano nechinangwa chake. (Genesi 1:2; 2 Samueri 23:1, 2; 2 Petro 1:21) Vaya vanokodzera rubhabhatidzo vanobvuma kuti mudzimu mutsvene unovabatsira kunzwisisa “zvinhu zvakadzika zvaMwari,” kuti vaite basa rokuparidza Umambo, kuti varatidze zvibereko zvomudzimu zvo“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—1 VaKorinde 2:10; VaGaratiya 5:22, 23; Joere 2:28, 29.

Kukosha Kwokupfidza Nokutendeuka

12. Kubhabhatidzwa kwechiKristu kunei chokuita nokupfidza?

12 Kunze kwokubhabhatidzwa kwomurume asina chivi, Jesu, rubhabhatidzo chiratidzo chinotenderwa naMwari chinoratidza kupfidza. Patinopfidza, tinonzwa kuzvidemba kwazvo, kana kuti kurwadziwa nechimwe chinhu chataita kana kukundikana kuita. VaJudha vomuzana remakore rokutanga vaida kufadza Mwari vaifanira kupfidza zvivi zvavo zvavakaitira Kristu. (Mabasa 3:11-19) Vamwe vatendi Vemamwe Marudzi vaiva muKorinde vakapfidza ufeve, kunamata zvidhori, kuba, nezvimwe zvivi zvakakomba. Pamusana pokupfidza kwavo, ‘vakagezwa vakachena’ muropa raJesu; ‘vakatsveneswa,’ kana kuti kutsaurwa, nokuda kwebasa raMwari; uye ‘vakanzi vakarurama’ muzita raKristu uye nomudzimu waMwari. (1 VaKorinde 6:9-11) Kupfidza idanho rinokosha rokuwana hana yakanaka nokununurwa naMwari kuti usanzwa uine mhosva yechivi.—1 Petro 3:21.

13. Tichitaura nezvorubhabhatidzo, kutendeuka kunosanganisirei?

13 Tinofanira kutanga tatendeuka tisati tabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha. Kutendeuka chiito chokuzvidira chinoitwa nomunhu anenge asarudza nomwoyo wose kutevera Jesu Kristu pasina amumanikidza. Vanhu vakadaro vanoramba upenyu hwavo hwekare hwakanga husina kururama votsunga kuita zvakarurama mukuona kwaMwari. MuMagwaro, mashoko echiito echiHebheru nechiGiriki anoreva kutendeuka ane pfungwa yokutarisa kwawanga wakapira gotsi, kutenderera. Chiito ichi chinoreva kutendeukira kuna Mwari kubva panzira isina kururama. (1 Madzimambo 8:33, 34) Kutendeuka kunoda “mabasa anokodzera rupfidzo.” (Mabasa 26:20) Kunoda kuti tirege kunamata kwenhema, toita maererano nemirayiro yaMwari, uye tozvipira zvakakwana kuna Jehovha. (Dheuteronomio 30:2, 8-10; 1 Samueri 7:3) Kutendeuka kunoguma nokuchinja mafungiro edu, zvinangwa, uye unhu hwedu. (Ezekieri 18:31) ‘Tinotendeuka’ apo miitiro isingadiwi naMwari inotsiviwa nounhu hutsva.—Mabasa 3:19; VaEfeso 4:20-24; VaKorose 3:5-14.

Kuzvitsaurira Nomwoyo Wose Kunokosha

14. Kuzvitsaurira kwevateveri vaJesu kunoratidzei?

14 Rubhabhatidzo rwevateveri vaJesu runofanira kuitwa pashure pokuzvitsaurira nomwoyo wose kuna Mwari. Kuzvitsaurira kunoratidza kutsaurwa nokuda kwechinangwa chitsvene. Danho iri rinokosha zvokuti tinofanira kutaurira Jehovha mumunyengetero chisarudzo chedu chokuzvipira kwaari oga nokusingaperi. (Dheuteronomio 5:9) Zviri pachena kuti hatina kuzvitsaurira kubasa kana kumunhu asi kuna Mwari pachake.

15. Nei vanobhabhatidzwa vachinyudzwa mumvura?

15 Patinozvitsaurira kuna Mwari nokuna Kristu, tinoratidza kusarudza kwataita kushandisa upenyu hwedu mukuita kuda kwaMwari sokwakarongwa muMagwaro. Mukuratidza kuzvitsaurira ikoko, vanobhabhatidzwa vanonyudzwa mumvura, sokubhabhatidzwa kwakangoitwawo Jesu muRwizi rweJodhani kuti aratidze kuzvipa kwake kuna Mwari. (Mateu 3:13) Chinhu chinofadza kuti Jesu akanga achinyengetera pachiitiko chinokosha kwazvo ichocho.—Ruka 3:21, 22.

16. Mufaro wedu ungaratidzwa sei zvakakodzera patinoona vanhu vachibhabhatidzwa?

16 Rubhabhatidzo rwaJesu chaiva chiitiko chakakosha asi chinofadza. Ndizvo zvakaitawo rubhabhatidzo rwechiKristu rwanhasi. Patinoona vanhu vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari, mufaro wedu ungaratidzwa nokuombera maoko noruremekedzo uye kutaura mashoko akanaka. Asi kushevedzera, kuridza miridzo, nezvimwe zvakadai kunodziviswa tichifunga nezvoutsvene hwokuratidzwa kwokutenda uku. Mufaro wedu unoratidzwa zvakatsiga.

17, 18. Chii chinobatsira kuziva kana vanhu vachikodzera kubhabhatidzwa?

17 Kusiyana nevaya vanomwaya vana mvura kana kumanikidza vanhu vakawanda vasingazivi Magwaro kuti vabhabhatidzwe, Zvapupu zvaJehovha hazvimbomanikidzi chero ani zvake kuti abhabhatidzwe. Tingatoti hazvibhabhatidzi vaya vasina kukodzera sezvinodiwa nemagwaro. Munhu asati atombova muparidzi asina kubhabhatidzwa wemashoko akanaka, vakuru vechiKristu vanova nechokwadi chokuti anonzwisisa dzidziso huru dzeBhaibheri, anorarama maererano nadzo, uye anopa mhinduro yakajeka kumubvunzo uyu, “Unonyatsoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha here?”

18 Kakawanda kacho, apo vanhu vanenge vachiita basa rokuparidza Umambo zvinonyatsooneka uye voratidza chido chokubhabhatidzwa, vakuru vechiKristu vanokurukura navo kuti vave nechokwadi chokuti vatendi vakazvitsaurira kuna Jehovha uye vane zvinodiwa naMwari zvokuti vabhabhatidzwe. (Mabasa 4:4; 18:8) Mhinduro dzinopiwa nomunhu pachake kumibvunzo inopfuura 100 padzidziso dzeBhaibheri dzinobatsira vakuru kuziva kana vari kupindura vacho vaine zvinodiwa neMagwaro zvokuti vabhabhatidzwe. Vamwe havakodzeri, naizvozvo havagamuchirwi kuti vabhabhatidzwe sevaKristu.

Pane Chiri Kukumisa Here?

19. Tichifunga zviri pana Johani 6:44, ndivanaani vachava vadyi venhaka pamwe chete naJesu?

19 Vazhinji vevakaita zvokumanikidzwa kubhabhatidzwa vakawanda vakaudzwa kuti vaizoenda kudenga kana vafa. Asi achitaura nezvevateveri vetsoka dzake, Jesu akati: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.” (Johani 6:44) Jehovha akakwevera kuna Kristu vane 144 000 vachava vadyi venhaka pamwe chete naJesu muUmambo hwokudenga Kubhabhatidza kwokumanikidzira hakuna kumbotsvenesa munhu upi noupi kuti ave munzvimbo iyoyo ine mbiri muurongwa hwaMwari.—VaRoma 8:14-17; 2 VaTesaronika 2:13; Zvakazarurwa 14:1.

20. Chii chingabatsira vamwe vasati vabhabhatidzwa?

20 Kubvira pakati pema1930 zvikurukuru, vazhinji vaitarisira kupukunyuka “kutambudzika kukuru” vorarama pasi pano nokusingaperi vakapinda muboka re“mamwe makwai” aJesu. (Zvakazarurwa 7:9, 14; Johani 10:16) Vanokodzera kubhabhatidzwa nokuti vakaita kuti upenyu hwavo huenderane nezviri muShoko raMwari uye vanomuda ‘nomwoyo wavo wose, mweya, simba, uye pfungwa.’ (Ruka 10:25-28) Kunyange vamwe vanhu vachiona kuti Zvapupu zvaJehovha ‘zvinonamata Mwari nomudzimu nechokwadi,’ havasati vatevera muenzaniso waJesu vopa uchapupu hwepachena hwokuda zvechokwadi uye kuzvipira zvakakwana kuna Jehovha nokubhabhatidzwa. (Johani 4:23, 24; Dheuteronomio 4:24; Mako 1:9-11) Munyengetero womwoyo wose uye wakananga maererano nedanho iri rinokosha ndiwo ungavapa simba noushingi hwokuti vawirirane zvizere nezviri muShoko raMwari, vazvitsaurire zvakakwana kuna Jehovha Mwari, uye vabhabhatidzwe.

21, 22. Vamwe vanomira kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa nezvikonzero zvei?

21 Vamwe vanomira kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa nokuti vanenge vakabatanidzwa zvakanyanya muzvinhu zvenyika kana kuti mukutsvaka pfuma zvokuti vane nguva shoma yokuita zvinhu zvaMwari. (Mateu 13:22; 1 Johani 2:15-17) Vaizofara sei kudai vaichinja maonero avo nezvinangwa zvavo! Kuswedera pedyo naJehovha kwaizoita kuti vave nezvakawanda mumudzimu, kwaizovabatsira kuti vasanyanye kuzvidya mwoyo, uye kwaizovaunzira rugare nokugutsikana zvinobva pakuita kuda kwaMwari.—Pisarema 16:11; 40:8; Zvirevo 10:22; VaFiripi 4:6, 7.

22 Vamwe vanoti vanoda Jehovha asi havazvitsauriri vobhabhatidzwa nokuti vanofunga kuti izvozvo zvinoita kuti vazova nomutoro pamberi paMwari. Asi mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvidavirira pana Mwari. Mutoro wakauya patiri patakanzwa shoko raJehovha. (Ezekieri 33:7-9; VaRoma 14:12) Zvavaiva ‘vanhu vakasarudzwa,’ vaIsraeri vekare vakazvarirwa murudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha, uye pamusana peizvi vaiva nomutoro wokumushumira vakatendeka maererano nemitemo yake. (Dheuteronomio 7:6, 11) Nhasi hapana anozvarwa akatotsaurirwa kudaro, asi kana tagamuchira murayiridzo wakarurama womuMagwaro, tinofanira kuita maererano nawo mukutenda.

23, 24. Kutya kupi kusingafaniri kumisa vanhu kubhabhatidzwa?

23 Kutya kuti havana zivo yakakwana kungaita kuti vamwe vazeze kubhabhatidzwa. Asi tose tine zvakawanda zvokudzidza nokuti ‘munhu haazogoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.’ (Muparidzi 3:11) Funga nezvomukuru mukuru weEtiyopiya. Somunhu akanga atendeukira kuchiJudha, aiva nekaruzivo keMagwaro, asi aisagona kupindura mibvunzo yose pamusoro pezvinangwa zvaMwari. Zvisinei, adzidza nezvourongwa hwaJehovha hworuponeso kuburikidza nechibayiro chaJesu, mukuru mukuru wacho akakurumidza kubhabhatidzwa mumvura.—Mabasa 8:26-38.

24 Vamwe vanozeza kuzvitsaurira kuna Mwari nokuti vanotya kuti vanozokundikana. Monique ane makore 17 anoti: “Ndave ndichizeza kubhabhatidzwa ndichitya kukundikana kurarama maererano norubhabhatidzo rwangu.” Zvisinei, kana tikavimba naJehovha nomwoyo wedu wose ‘acharuramisa makwara edu.’ Achatibatsira ku“pfuurira kufamba muchokwadi” sevashumiri vake vakatendeka vakazvitsaurira.—Zvirevo 3:5, 6; 3 Johani 4.

25. Mubvunzo upi zvino unofanira kukurukurwa?

25 Pamusana pokuvimba zvakakwana naJehovha uye kumuda nomwoyo wose, gore rimwe nerimwe zviuru zvinonzwa zvichida kuzvitsaurira zvobhabhatidzwa. Uye chokwadi vashumiri vaMwari vose vakazvitsaurira vanoda kuva vakatendeka kwaari. Asi, tiri kurarama munguva dzinonetsa, uye takatarisana nemiedzo yakasiyana-siyana yokutenda. (2 Timoti 3:1-5) Tingaitei kuti tirarame maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha? Izvi tichazvikurukura munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Sezvo Jesu akanga asina zvivi, haana kubhabhatidzwa kuti aratidze kupfidza. Kubhabhatidzwa kwake kwairatidza kuzvipa kwake kuna Mwari kuti aite kuda kwaBaba vake.—VaHebheru 7:26; 10:5-10.

Unoyeuka Here?

• Rubhabhatidzo rwechiKristu runoitwa sei?

• Izivoi inodiwa kuti munhu abhabhatidzwe?

• Matanho api anotungamirira kurubhabhatidzo rwevaKristu vechokwadi?

• Nei vamwe vachizeza kubhabhatidzwa, asi vangabatsirwa sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 14]

Unoziva here zvazvinoreva kubhabhatidzwa ‘muzita raBaba, roMwanakomana, uye romudzimu mutsvene’?