Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchishumira Jehovha Nomwoyo Wakasimba

Ramba Uchishumira Jehovha Nomwoyo Wakasimba

Ramba Uchishumira Jehovha Nomwoyo Wakasimba

“Mwoyo wangu wakasimba, Mwari, mwoyo wangu wakasimba.”—PISAREMA 57:7.

1. Nei tichigona kuva nechivimbo chakafanana nechaDhavhidhi?

JEHOVHA anogona kutiita kuti tisimbe mukutenda kwechiKristu, kuitira kuti tigone kubatisisa chiKristu chechokwadi sevashumiri vake vakazvitsaurira. (VaRoma 14:4) Naizvozvo, tinogona kuva nechivimbo chakafanana nechomunyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akanzwa achida kuimba kuti: “Mwoyo wangu wakasimba, Mwari.” (Pisarema 108:1) Kana mwoyo wedu wakasimba, tichanzwa tichifanira kuita maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Mwari. Uye nokutarisira kuti atitungamirire uye atipe simba, tinogona kuratidza kuti hatitsuduguki, takasimba muchisarudzo nokutenda sevanhu vakatendeseka, tichi“garova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe.”—1 VaKorinde 15:58.

2, 3. Zvairayirwa naPauro zvakanyorwa pana 1 VaKorinde 16:13 zvinorevei?

2 Achirayira vateveri vaJesu vaiva muKorinde yekare asi zvichishandawo chaizvo kuvaKristu vemazuva ano, muapostora Pauro akati: “Rambai makamuka, mirai makasimba mukutenda, pfuurirai sevarume, ivai nesimba.” (1 VaKorinde 16:13) MuchiGiriki mumwe nomumwe wemirayiro iyi uri muchimiro chezvinhu zviri kuitika panguva ino, nokudaro uchikurudzira chiito chinoramba chichiitwa. Murayiro uyu unorevei?

3 Tinogona ‘kuramba takamuka’ mumudzimu nokushora Dhiyabhorosi uye kuramba tiri pedyo naMwari. (Jakobho 4:7, 8) Kuvimba naJehovha kunoita kuti tikwanise kuramba takabatana uye ‘timire takasimba mukutenda kwechiKristu.’ Isu—kusanganisira vakadzi vakawanda vari pakati pedu—‘tinopfuurira sevarume’ nokushumira Jehovha noushingi sevazivisi voUmambo. (Pisarema 68:11) ‘Tinova nesimba’ nokuramba tichitarisira kuti Baba vedu vokudenga vatipe simba rokuita kuda kwavo.—VaFiripi 4:13.

4. Chii chakaita kuti tizobhabhatidzwa sevaKristu?

4 Takaratidza kuti takanga tagamuchira kutenda kwechokwadi patakazvitsaurira zvakakwana kuna Jehovha tikazviratidza nokubhabhatidzwa mumvura. Asi chii chakaita kuti tizobhabhatidzwa? Chokutanga takadzidza zivo yakarurama yeShoko raMwari. (Johani 17:3) Iyoyi yakaita kuti tive nokutenda ikatiita kuti tipfidze, tichiratidza kuzvidemba kwechokwadi nokuda kwezvikanganiso zvenguva yakapfuura. (Mabasa 3:19; VaHebheru 11:6) Takabva tatendeuka, nokuti takasiya miitiro yedu yakanga isina kururama kuti tirarame upenyu hunoenderana nezvinodiwa naMwari. (VaRoma 12:2; VaEfeso 4:23, 24) Izvi zvakateverwa nokuzvitsaurira nomwoyo wose kuna Jehovha mumunyengetero. (Mateu 16:24; 1 Petro 2:21) Takakumbira hana yakanaka kuna Mwari uye takabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwedu kwaari. (1 Petro 3:21) Kufunga nezvematanho aya kuchatibatsira kuramba tichifunga nezvokudiwa kwokuramba tichiedza kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu toramba tichishumira Jehovha nomwoyo wakasimba.

Ramba Uchitsvaka Zivo Yakarurama

5. Nei tichifanira kuramba tichidzidza zivo yeMagwaro?

5 Kuti tirarame maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Mwari, tinofanira kuramba tichiwana zivo yeMagwaro inovaka kutenda. Zvainakidza kwazvo kudya zvokudya zvomudzimu patakatanga kuziva chokwadi chaMwari! (Mateu 24:45-47) “Zvokudya” izvozvo zvainaka—uye zvakativaka mumudzimu zvakanaka. Iye zvino zvinokosha kuti tirambe tichidya zvokudya zvakawanda zvomudzimu kuti tichengete mwoyo wakasimba sevashumiri vaJehovha vakazvitsaurira.

6. Ungave wakabatsirwa sei kukoshesa chokwadi cheBhaibheri zvinobva pamwoyo?

6 Tinofanira kushanda nesimba kuti tiwedzere kuwana zivo yeMagwaro. Zvakafanana nokutsvaka pfuma yakavanzwa—chimwe chinhu chinoda kuti tishande nesimba. Asi kuwana “zivo yaMwari” kunopa mubayiro chaizvo! (Zvirevo 2:1-6) Apo mumwe muparidzi woUmambo akatanga kudzidza Bhaibheri newe, angava akashandisa bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Mungava maipedza nguva yakati rebei kudzidza chitsauko chimwe nechimwe, zvichida muzvidzidzo zviviri kana kupfuura. Waibatsirwa paiverengwa nokukurukurwa magwaro akanyorwa. Kana paiva nechimwe chinhu chakanga chisinganzwisisiki, chaitsanangurwa. Aikudzidzisa Bhaibheri wacho aigadzirira zvakanaka, ainyengeterera mudzimu waMwari, uye aikubatsira kuti unzwe uchikoshesa chokwadi zvinobva pamwoyo.

7. Chii chinoita kuti munhu akodzere kudzidzisa vamwe chokwadi chaMwari?

7 Izvi zvakanga zvakakodzera, nokuti Pauro akanyora kuti: “Munhu wose ari kudzidziswa shoko nomuromo ngaagoverane muzvinhu zvose zvakanaka neanodzidzisa kudaro nomuromo.” (VaGaratiya 6:6) Pano mashoko echiGiriki anoratidza kuti dzidziso dzeShoko raMwari dzakanyatsopinzwa mupfungwa nomwoyo zvomunhu ‘aidzidziswa nomuromo.’ Kudzidziswa kwako nenzira iyoyo kunoita kuti ukodzere kuva mudzidzisi wevamwewo zvakare. (Mabasa 18:25) Kuti uve akatendeka pakuzvitsaurira kwako unofanira kuramba uine utano hwako hwomudzimu uye wakasimba nokuramba uchidzidza Shoko raMwari.—1 Timoti 4:13; Tito 1:13; 2:2.

Rangarira Kupfidza uye Kutendeuka Kwako

8. Zvinobvira sei kuti urambe uine mufambiro unodiwa naMwari?

8 Unorangarira here kusununguka kwawakanzwa pawakadzidza chokwadi, ukapfidza, uchibva wanzwa kuti Mwari akukanganwira zvichitsamira pakutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu? (Pisarema 32:1-5; VaRoma 5:8; 1 Petro 3:18) Chokwadi haudi kudzokera kuupenyu hwezvivi. (2 Petro 2:20-22) Munyengetero wenguva dzose kuna Jehovha chimwe chezvinhu zvichakubatsira kuramba uine mufambiro unodiwa naMwari kurarama maererano nokuzvitsaurira kwako, uye kuramba uchishumira Jehovha wakatendeka.—2 Petro 3:11, 12.

9. Zvatakasiya miitiro yechivi, tinofanira kufamba munzira ipi?

9 Zvawakatendeuka nokusiya miitiro yechivi, ramba uchitsvaka kubatsirwa naMwari pakuchengeta mwoyo wako wakasimba. Tingatoti wakanga uri kufamba mumugwagwa usiriwo asi wakazotarisa mepu kwayo ukatanga kufamba mumugwagwa chaiwo. Usarasika kubva munzira yako iye zvino. Ramba uchivimba nokutungamirira kwaMwari, uye tsunga kuramba uri mumugwagwa unoenda kuupenyu.—Isaya 30:20, 21; Mateu 7:13, 14.

Usambokanganwa Kuzvitsaurira Kwako Nokubhabhatidzwa

10. Zvii zvatinofanira kuramba tichifunga maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Mwari?

10 Rangarira kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha mumunyengetero uchifunga nezvebasa rokutendeka rawaizoita nokusingaperi. (Judha 20, 21) Kuzvitsaurira kunoratidza kutsaurwa, kana kuti kuparadzaniswa, nokuda kwebasa dzvene. (Revhitiko 15:31; 22:2) Kuzvitsaurira kwako kwaisambova chibvumirano chenguva pfupi kana kuti kuzvipa kuvanhu. Kwaiva kuzvitsaurira kwoupenyu hwose kuna Changamire Wezvose, uye kurarama maererano nakwo kunoda kuvimbika kuna Mwari kwoupenyu hwose. Hungu, ‘kurarama kana kufa, tiri vaJehovha.’ (VaRoma 14:7, 8) Mufaro wedu unoenderana nokuita kuda kwake uye kuramba kwedu tichimushumira nomwoyo wakasimba.

11. Nei uchifanira kuyeuka kubhabhatidzwa kwawakaitwa uye zvakunoreva?

11 Ramba uchiyeuka kuti kubhabhatidzwa kwawakaitwa kunoratidza kuzvitsaurira kwako nomwoyo wose kuna Mwari. Kwakanga kusiri kubhabhatidzwa kwokumanikidzwa, nokuti wakazvisarudzira pachako. Zvino watsunga kuita zvaunoda maererano nokuda kwaMwari kwoupenyu hwako hwose here? Wakakumbira Mwari hana yakanaka uye wakabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwako kwaari. Chengetedza hana yakanaka iyoyo nokuzadzikisa kuzvitsaurira kwako, uye chikomborero chikuru chaJehovha chichava pauri.—Zvirevo 10:22.

Zvaunoda Zvine Zvazvinoshanda

12, 13. Kuda kwedu kunopindirana papi nokuzvitsaurira nokubhabhatidzwa?

12 Zvechokwadi, kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa kwakaunza zvikomborero zvakakura kumamiriyoni evanhu pasi pose. Patinoratidza kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura, tinofa mumararamiro edu ekare asi kwete pane zvatinoda. Sevatendi vakanga varayiridzwa zvakarurama, takatoratidza zvatinoda patakazvitsaurira kuna Mwari mumunyengetero tikabhabhatidzwa. Kuzvitsaurira nokubhabhatidzwa kunoda kuti tizive zvinodiwa naMwari tobva tazvisarudzira kuzviita. (VaEfeso 5:17) Nokudaro tinotevedzera Jesu, uyo akaratidza kuda kwake paakasiya zvokuveza, akabhabhatidzwa, uye akazvipa zvizere kuti aite kuda kwaBaba vake vokudenga.—Pisarema 40:7, 8; Johani 6:38-40.

13 Jehovha Mwari akaita chinangwa chokuti Mwanakomana wake aizoitwa kuti “ave akakwana nokutambura kuzhinji.” Naizvozvo Jesu aifanira kuratidza kuda kwake kuitira kuti atsungirire kutambura kwakadaro akatendeka. Kuti zvidaro, “aiteterera uyewo aikumbira . . . nokuchema zvikuru nemisodzi, uye akanzwiwa nemhaka yokutya kwake Mwari.” (VaHebheru 2:10, 18; 5:7, 8) Kana tikaratidza kutya Mwari zvine ruremekedzo zvakadaro, isuwo tichava nechokwadi choku“nzwiwa,” uye tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatisimbisa seZvapupu zvake zvakazvitsaurira.—Isaya 43:10.

Unogona Kuramba Uine Mwoyo Wakasimba

14. Nei tichifanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva?

14 Chii chichakubatsira kuramba uine mwoyo wakasimba uye worarama maererano nokuzvitsaurira kwako kuna Mwari? Nechinangwa chokudzidza zivo yeShoko raMwari inoramba ichiwedzera, verenga Bhaibheri mazuva ose. Ichi chimwe chinhu chatinoramba tichikurudzirwa kuita no“muranda akatendeka, akangwara.” Zano rakadaro rinopiwa nokuti kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu kunoda kuti tirambe tichifamba muchokwadi chaMwari. Kudai sangano raJehovha raitendera dzidziso dzenhema richiziva zvaro, Zvapupu zvaJehovha nevaya vazvinoparidzira vaisazombopiwa mazano okuverenga Bhaibheri.

15. (a) Chii chinofanira kufungwa nezvacho pakuita zvisarudzo? (b) Nei zvinganzi basa rokunyika ibasa rinotora nzvimbo yechipiri kumuKristu?

15 Pakuita zvisarudzo, nguva dzose funga kuti zvingabatsira kana kukanganisa sei kuzadzikisa kuzvitsaurira kwako kuna Jehovha. Izvi zvingava nechokuita nebasa rako rokunyika. Unoedza kuriita kuti rikubatsire kufambisira mberi kunamata kwechokwadi here? Kunyange vashandirwi vakawanda vachiwana kuti vaKristu vakazvitsaurira vanhu vanovimbika uye vanogona basa, vanocherechedzawo kuti Zvapupu zvaJehovha hazvinyanyi kuda kuonekera munyika uye hazvikwikwidzani nevamwe nokuda kwezvinzvimbo zvinopa mari zvikuru. Izvi chikonzero chokuti vavariro yeZvapupu haisi yokuwana pfuma, mukurumbira, kana kuti simba. Kune vaya vanorarama maererano nokuzvitsaurira kwavo kuna Mwari, chinhu chinonyanya kukosha kuita kuda kwaMwari. Basa rokunyika rinovaita kuti vakwanise kuwana zvinodiwa muupenyu rinotoenda panzvimbo yechipiri. Kufanana nomuapostora Pauro, basa ravo guru ushumiri hwechiKristu. (Mabasa 18:3, 4; 2 VaTesaronika 3:7, 8; 1 Timoti 5:8) Unoita kuti zvine chokuita noUmambo zvirambe zviri pokutanga muupenyu hwako here?—Mateu 6:25-33.

16. Tingaitei kana kunetseka zvisina kufanira kuri kuita kuti zviome kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Mwari?

16 Vamwe vangava vakapotsa vakundwa nokuzvidya mwoyo kwakasiyana-siyana vasati vadzidza chokwadi. Asi mwoyo yavo yakazara kwazvo nomufaro, kuonga, uye kuda Mwari pavakagamuchira tariro yoUmambo! Kufungisisa zvikomborero zvavakava nazvo kubvira ipapo kungavabatsira chaizvo kurarama maererano nokuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Ukuwo, zvakadini kana kuzvidya mwoyo zvisina kufanira nokuda kwezvinetso zvakazara muupenyu munyika ino kwava kuda kuvhunga “shoko raMwari,” kungofanana nokutadzisa kungaita minzwa mbesa kuti dzikure zvakanaka? (Ruka 8:7, 11, 14; Mateu 13:22; Mako 4:18, 19) Kana ukaona kuti izvi zvava kutanga kuitika kwauri kana kumhuri yako, kandira zviri kukunetsa kuna Jehovha uye nyengetera kuti akubatsire kukura murudo nokuonga. Kana ukakandira mutoro wako paari, achakutsigira okupa simba rokuti urambe uchimushumira nomufaro nomwoyo wakasimba.—Pisarema 55:22; VaFiripi 4:6, 7; Zvakazarurwa 2:4.

17. Zvinobvira sei kutsungirira miedzo yakakomba?

17 Ramba uchinyengetera kuna Jehovha Mwari nguva dzose, sokunyengetera kwawakaita pawaizvitsaurira kwaari. (Pisarema 65:2) Paunoedzwa kuti uite zvakaipa kana kuti paunotarisana nomuedzo wakakomba, tsvaka kutungamirira kwaMwari uye kuti akubatsire kukutevera. Ziva kudiwa kwokutenda, nokuti mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kana upi noupi wenyu achishayiwa uchenjeri [hwokutsungirira muedzo], ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti anopa zvikuru vose asingazvidzi; uye achapiwa. Asi ngaarambe achikumbira nokutenda, asingambovi asina chokwadi, nokuti asina chokwadi akafanana nemafungu egungwa anofambiswa nemhepo achisairirwa kwose kwose nemhepo. Chaizvoizvo, munhu iyeye ngaarege kufunga kuti achagamuchira chimwe chinhu kuna Jehovha; iye munhu ane mwoyo miviri, asina kutsiga munzira dzake dzose.” (Jakobho 1:5-8) Kana muedzo ukaita sounoda kutikurira, tinogona kuva nechokwadi cheizvi: “Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu. Asi Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13.

18. Tingaitei kana chivi chakakomba chatakavanza chiri kutipedza simba rokurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha?

18 Zvakadini kana chivi chakakomba chawakavanza chiri kutambudza hana yako uye chichikupedza simba rokurarama maererano nokuzvitsaurira kwako kuna Mwari? Kana uchipfidza, unogona kunyaradzwa nokuziva kuti Jehovha ‘haashori mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.’ (Pisarema 51:17) Tsvaka kubatsirwa nevakuru vechiKristu, uchiziva kuti ivo—vachitevedzera Jehovha—havazorerutsi chido chako chokuti uone ukama hwako hwakanaka naBaba vako vokudenga huchidzorerwa. (Pisarema 103:10-14; Jakobho 5:13-15) Ipapo nokumutsidzirwa kwesimba romudzimu uye mwoyo wakasimba, uchakwanisa kururamisa nzira dzetsoka dzako wozviwana zvichiita kurarama maererano nokuzvitsaurira kwako.—VaHebheru 12:12, 13.

Ramba Uchishumira Nomwoyo Wakasimba

19, 20. Nei zvichikosha kuti tirambe tichirarama maererano nokuzvitsaurira kwedu?

19 Munguva dzino dzinonetsa, tinofanira kushanda nesimba kuti tirarame maererano nokuzvitsaurira kwedu toramba tichitsvaka Mwari nomwoyo wakasimba. Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 24:13) Sezvo tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira,” mugumo unogona kuuya chero nguva. (2 Timoti 3:1) Uyezve, hapana nomumwe wedu anogona kuva nechokwadi chokuti tichava tiri vapenyu mangwana. (Jakobho 4:13, 14) Saka zvinokosha kuti tirambe tichirarama maererano nokuzvitsaurira kwedu nhasi!

20 Muapostora Petro akasimbisa izvi mutsamba yake yechipiri. Akaratidza kuti kunyange sokuparara kwakaita vaya vakanga vasingadi Mwari muMafashamo, naizvozvo nyika yokufananidzira, kana kuti vanhu vakaipa, ichaparadzwa mu“zuva raJehovha.” Naizvozvo Petro akati: “Munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari”! Akavakurudzirazve kuti: “Vanodiwa, zvamunofanoziva izvi, zvichenjererei kuti murege kutsauswa [nevadzidzisi venhema nevanhu vasingadi Mwari] mowa pakusimba kwenyu.” (2 Petro 3:5-17) Zvingasuwisa kwazvo kana munhu akabhabhatidzwa aizotsauswa ofa ava munhu akundikana kuramba aine mwoyo wakasimba!

21, 22. Mashoko ePisarema 57:7 akaratidza sei kuva echokwadi kuna Dhavhidhi uye kuvaKristu vechokwadi?

21 Kutsunga kwako kurarama maererano nokuzvitsaurira kwako kuna Mwari kungasimbiswa kana ukaramba uchifunga nezvezuva rinofadza rawakabhabhatidzwa wotsvaka kubatsirwa naMwari zvokuti mashoko ako nezviito zvichaita kuti mwoyo wake ufare. (Zvirevo 27:11) Jehovha haambotadziri vanhu vake, uye zvechokwadi tinofanira kuva vakatendeka kwaari. (Pisarema 94:14) Akaratidza ngoni nokunzwira urombo mukuvhiringidza mazano evavengi uye kununura Dhavhidhi. Achionga izvi, Dhavhidhi akataura kusimba, uye kusatsuduguka kworudo rwake nokuda kwoMununuri wake. Nomwoyo wose, akaimba kuti: “Mwoyo wangu wakasimba, Mwari, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.”—Pisarema 57:7.

22 Kufanana naDhavhidhi, vaKristu vechokwadi havana kutsuduguka pakuzvipira kwavo kuna Mwari. Nemwoyo yakasimba, vanoti mununuri wavo nomuchengetedzi wavo ndiJehovha, uyo wavanoimbira rumbidzo nomufaro. Kana mwoyo wako wakasimba, uchavimba naMwari, uye nokubatsira kwake uchakwanisa kuzadzikisa kuzvitsaurira kwako. Hungu, unogona kuva so“wakarurama” akaimbwa nezvake nomunyori wepisarema kuti: “Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; mwoyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.” (Pisarema 112:6, 7) Nokutenda muna Mwari uye kuvimba naye zvizere, unogona kurarama maererano nokuzvitsaurira kwako woramba uchishumira Jehovha nomwoyo wakasimba.

Unoyeuka Here?

• Nei tichifanira kuramba tichidzidza zivo yakarurama yeBhaibheri?

• Nei tichifanira kugara tichifunga nezvokupfidza kwedu nokutendeuka?

• Tinobatsirwa sei nokuyeuka kuzvitsaurira kwedu uye kubhabhatidzwa?

• Chii chichatibatsira kuramba tichishumira Jehovha nomwoyo wakasimba?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kuita ushumiri hwechiKristu basa redu guru kunotibatsira kuramba tichishumira Jehovha nomwoyo wakasimba

[Mufananidzo uri papeji 18]

Uri kuchengeta utano hwako hwomudzimu nokuverenga Shoko raMwari zuva nezuva here?