Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rambai Makamuka, Fambirai Mberi

Rambai Makamuka, Fambirai Mberi

Rambai Makamuka, Fambirai Mberi

Makashinga! Mushumo Wemisangano Inokosha

NDIANI angaramba kuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo”? Kunyange tiri Zvapupu zvaJehovha, tinongosanganawo nezvinokangaidza muupenyu hwe“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Asi tinoziva kuti vanhu vanoda kubatsirwa. Havanzwisisi kuti zviri kuitika munyika zvinorevei. Vanoda kunyaradzwa uye tariro. Chaizvoizvo, basa redu guru nderei pakubatsira vavakidzani vedu?

Tine basa ratakapiwa naMwari rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa. (Mateu 24:14) Vanhu vanofanira kuziva kuti Umambo hwokudenga uhwu ndihwo chete tariro yevanhu. Zvisinei, shoko redu harigamuchirwi zvakanaka nguva dzose. Mune dzimwe nzvimbo basa redu rakarambidzwa uye hama dzedu dzakatambudzwa. Kunyange zvakadaro, hatiregi. Tichivimba naJehovha zvizere, takasarudza kuramba takamuka uye kuramba tichifambira mberi takashinga, tichizivisa mashoko akanaka pasina kurega.—Mabasa 5:42.

Kutsunga ikoko kwakasimba kwakaoneka pamisangano inokosha yakaitwa muna October 2001. Musi woMugovera, October 6, musangano wegore negore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania wakaitwa muJersey City, New Jersey, muImba yeMagungano yeZvapupu zvaJehovha muUnited States. * Mangwana acho, mimwe misangano yokuwedzera yakaitwa munzvimbo ina, mitatu yakaitirwa kuUnited States uye mumwe chete kuCanada. *

Mumashoko ake okuzarura musangano uyu wegore negore, sachigaro, Samuel F. Herd, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akaverenga Pisarema 92:1, 4 ndokubva ati: “Tinoda kuratidza kuonga.” Zvechokwadi, zvikonzero zvokuonga zvakapiwa mumishumo mishanu yakabva munyika yose.

Mishumo Yaibva Munyika Yose

Hama Alfred Kwakye vakataura nezvokufambira mberi kwebasa rokuparidza muGhana, yaichimbozivikanwa seGold Coast. Basa redu rakarambidzwa munyika iyoyo kwemakore anoverengeka. Vanhu vaibvunza kuti: “Makarambidzirwei? Makaiteiko?” Izvi zvaipa mikana yokupupura, vakatsanangura kudaro Hama Kwakye. Muna 1991 pavakazobvumirwa, muGhana makanga mava neZvapupu zvaJehovha 34 421. Muna August wa2001, nhamba yacho yose yaiva 68 152—kuwedzera ne98 muzana. Pane urongwa huri kuitwa hwokuvaka Imba yeMagungano inokwana vanhu 10 000. Zviri pachena kuti hama dzedu dzokumudzimu muGhana dziri kuita nepadzinogona napo kushandisa rusununguko rwadzo rwokunamata.

Pasinei nokusagadzikana mune zvematongerwe enyika, hama dzedu kuIreland dziri kuita ushumiri nokushingaira, uye dzinoremekedzwa nokusava nekwadzakarerekera. Ireland ine ungano 115 dziri mumatunhu 6, akadaro Peter Andrews mutariri weDare reBazi. Hama Andrews vakataura nezvaLiam, mukomana ane makore gumi asingatyi kupupura kuchikoro. Liam akagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, kuvamwe vake 25 vaanodzidza navo nokune mudzidzisi wakewo. Liam aida kubhabhatidzwa, asi mumwe munhu akamubvunza kana akanga asiri muduku zvakanyanya. Liam akapindura kuti: “Harisi zera rangu rinotema asi kuda kwangu Jehovha. Kubhabhatidzwa kwangu kucharatidza kuti ndinomuda zvikuru sei.” Liam anoda kuzova mumishinari.

Muna 1968 muVenezuela maiva nevaparidzi vemashoko akanaka 5 400. Asi iye zvino vava kupfuura 88 000, akadaro Stefan Johansson, mutariri weDare reBazi. Uye pangangowedzera vamwe nokuti vanodarika 296 000 vakapinda Chirangaridzo muna 2001. Muna December 1999, dzvotsvotsvo remvura rakakonzera kuondomoka kwematope ayo anofungidzirwa kuti akauraya vanhu 50 000, kusanganisira Zvapupu zvinoverengeka. Imwe Imba yoUmambo yakazara nematope zvokusiya hafu yemamita kuti asvike pasirin’i. Pakanzi nomumwe munhu zviri nani kusiya chivako chacho, hama dzakapindura kuti: “Hazviiti! Imba yoUmambo iyi ndeyedu, uye hatingadi kuisiya zvino.” Vakatanga kushanda ipapo, vachibvisa matope, matombo, uye ungwandangwanda. Chivako chacho chakavandudzwa, uye hama dzinoti iko zvino chanaka chaizvo kupfuura zvachanga chakaita njodzi yacho isati yaitika!

MuPhilippines mune mitauro 87, vakadaro Hama Denton Hopkinson, mutariri weDare reBazi. Mugore rebasa rapfuura, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yose zvayo yakabudiswa mumitauro mitatu mikuru yomunyika iyoyi—chiCebuano, chiIloko, uye chiTagalog. Hama Hopkinson vakarondedzera chiitiko chomukomana ane makore mapfumbamwe uyo akaverenga bhuku rinonzi Good News—To Make You Happy, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Akawana mamwe mabhuku kubazi, aakaverengawo, asi mhuri yake yakamushora. Makore akati pava paya ari kuchikoro chezvokurapa, akataura nebazi ndokukumbira chidzidzo cheBhaibheri. Akabhabhatidzwa muna 1996 uye haana kunonoka kupinda muushumiri hwenguva yakazara. Iye zvino anoshanda pahofisi yebazi nomudzimai wake.

‘Puerto Rico iri mubhizimisi “rokutumira Zvapupu kune dzimwe nyika,”’ akatsanangura kudaro mutariri weDare reBazi Ronald Parkin. Pachitsuwa chacho pane vaparidzi vanenge 25 000, uye nhamba yacho yagara yakadaro kwemakore. Nei? Kunenge kuti Puerto Rico ‘inotumira’ vaparidzi vanenge 1 000 gore roga roga kuUnited States, vakawanda vavo vachienda ikoko nokuda kwezvikonzero zvemari. Hama Parkin vakataura nezvomutongo usingakanganwiki wakaitwa nedare panyaya yaLuis ane makore 17, Chapupu chaiva nehosha yeleukemia. Nokuti Luis akaramba ropa, nyaya yake yakaendeswa kudare. Mutongi wacho aida kutaura naye zvakananga, saka akamushanyira kuchipatara. Luis akamubvunza kuti: “Nei kuri kuti kana ndapara mhosva huru munonditonga somunhu mukuru, asi kana ndichida kuteerera Mwari, munondibata somwana?” Mutongi wacho akagutsikana kuti akanga ari muduku ane pfungwa dzakura uye aikwanisa kuzvisarudzira.

Mishumo yaibva kunyika dziri kure yapera, Harold Corkern, weDare reBazi reUnited States, akabvunzurudza vashumiri vana vaJehovha venguva refu. Arthur Bonno ava nemakore 51 muushumiri hwenguva yakazara uye iye zvino ari kushanda ari nhengo yeDare reBazi reEcuador. Angelo Catanzaro ava nemakore 59 muushumiri hwenguva yakazara, akawanda acho somutariri anofambira. Richard Abrahamson akapedza kudzidza Chikoro cheGiriyedhi muna 1953, uye akawana ropafadzo yokutarisira basa muDenmark kwemakore 26 asati adzokera kuBheteri yokuBrooklyn. Pakupedzisira vanhu vose vakafara kunzwa kuna Carey W. Barber, ava nemakore 96. Vakabhabhatidzwa muna 1921, Hama Barber vave nemakore 78 muushumiri hwenguva yakazara uye vave vari nhengo yeDare Rinodzora kubvira muna 1978.

Hurukuro Dzinokurudzira

Musangano wegore negore waisanganisira hurukuro dzakatevedzana dzinoita kuti ufungisise. Hama Robert W. Wallen vakakurukura hurukuro yaiti “Vanhu Vezita Rake.” Tiri vanhu vezita raMwari, uye tinogona kuwanika munyika dzinodarika 230. Jehovha akatipa ‘nguva yemberi uye tariro.’ (Jeremia 29:11) Tinofanira kuramba tichizivisa Umambo hwaMwari kwose kwose, tichiudza vamwe shoko rinoshamisa renyaradzo. (Isaya 61:1) “Zuva nezuva,” vakagumisa kudaro Hama Wallen, “ngatirambei tichirarama maererano nezita ratinodanwa naro rokuti, Zvapupu zvaJehovha.”—Isaya 43:10.

Chikamu chokugumisa chepurogiramu yacho chaiva nehurukuro dzokusiyirana dzakakurukurwa nenhengo nhatu dzeDare Rinodzora. Chaiva nomusoro waiti “Iye Zvino Inguva Yokuramba Takamuka, Kumira Takasimba, uye Kuva Nesimba.”—1 VaKorinde 16:13.

Kutanga, Hama Stephen Lett vakakurukura nyaya yaiti, “Rambai Makamuka Paawa Ino Yokupedzisira.” Kurara chaiko chipo, vakatsanangura kudaro Hama Lett. Kunotipazve simba. Zvisinei, kurara mumudzimu hakubatsiri. (1 VaTesaronika 5:6) Saka, tingaramba sei takamuka mumudzimu? Hama Lett vakataura “mapiritsi” matatu okumudzimu: (1) Iva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe. (1 VaKorinde 15:58) (2) Ziva chinodiwa chako chomudzimu. (Mateu 5:3) (3) Teerera zano rakavakirwa muBhaibheri kuti uite zvinhu nokuchenjera.—Zvirevo 13:20.

Hama Theodore Jaracz vakapa hurukuro yaikurudzira yaiva nomusoro waiti “Mirai Makasimba Pakuedzwa.” Vachitaura nezvaZvakazarurwa 3:10, Hama Jaracz vakabvunza kuti: “‘Awa yokuedzwa’ chii?” Kuedzwa ikoko kunouya “muzuva raShe,” matiri zvino. (Zvakazarurwa 1:10) Kuedzwa kwacho kunotenderera panhau huru—tiri voUmambo hwaMwari hwakagadzwa here kana kuti venyika ino yakaipa yaSatani? Tichatosangana nemiedzo uye matambudziko kusvikira awa iyoyo yokuedzwa yapera. Ticharamba takavimbika kuna Jehovha nesangano rake here? ‘Tinofanira kuratidza kuvimbika ikoko somunhu mumwe nomumwe,’ vakadaro Hama Jaracz.

Pakupedzisira, Hama John E. Barr ndivo vakataura musoro mukuru waiti “Kura Kuva Munhu Womudzimu Akasimba.” Vachitaura nezvaRuka 13:23-25, vakati tinofanira kushanda nesimba kuti ‘tipinde nomusuo wakatetepa.’ Vakawanda vanokundikana nokuti havashingairi zvakakwana kuti vave nesimba. Kuti tive vaKristu vakakura zvizere, tinofanira kudzidza kushandisa zvinotaura Bhaibheri muzvose zvatinoita muupenyu. Hama Barr vakakurudzira vachiti: “Ndine chokwadi chokuti munobvuma kuti iye zvino inguva (1) yokuisa Jehovha pakutanga uye kumukoshesa; (2) yokuva nesimba; uye (3) yokushanda nesimba mukuita kuda kwaJehovha. Nenzira iyi tichagona kupinda nomusuo wakatetepa unoenda kuupenyu hunofadza husina mugumo.”

Musangano wegore negore zvawakasvika kumugumo, paiva nomubvunzo mumwe chete wakanga usina kupindurwa: Rugwaro rwegore rebasa ra2002 ruchange ruri rupi? Mubvunzo iwoyo wakapindurwa mangwana acho.

Musangano Wokuwedzera

Kuda kuziva kwaivapo chaizvo musi weSvondo mangwanani pakatanga purogiramu yomusangano wokuwedzera. Yakatanga nokupfupiswa kwechidzidzo chevhiki iyoyo cheNharireyomurindi, ndokuzoteverwa nemashoko mapfupi ezvimwe zvinhu zvikuru zvomusangano wegore negore. Zvadaro, vanhu vose vakafara kunzwa hurukuro yorugwaro rwegore negore rwa2002: “Uyai kwandiri, . . . uye ndichakuzorodzai.” (Mateu 11:28) Hurukuro yacho yaiva yakavakirwa munyaya dzezvidzidzo zvakazobudiswa mumagazini yeNharireyomurindi yaDecember 15, 2001.

Pedzezvo, vamwe vaiva nhume kuKokorodzano dzinokosha dze“Vadzidzisi Veshoko raMwari” muFrance neItaly muna August 2001 vakataurawo pfungwa dzavo. * Pakupedzisira, hurukuro mbiri dzokugumisa dzakapiwa nevakurukuri vanoshanyira vaibva kuBheteri yeBrooklyn ndidzo dzakava chinhu chikuru papurogiramu yezuva racho.

Yokutanga yaiva nomusoro waiti “Kuvimba naJehovha Noushingi Munguva Dzino Dzinonetsa.” Mukurukuri wacho akakurukura pfungwa huru dzinotevera: (1) Kuvimba naJehovha noushingi kwave kuchikosha nguva dzose kuvanhu vaMwari. Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yevaya vakaratidza ushingi uye kutenda mukutarisana nokushorwa. (VaHebheru 11:1–12:3) (2) Jehovha anotipa zvikonzero zvakasimba zvokuti tivimbe naye zvizere. Mabasa ake uye Shoko rake zvinovimbisa kuti ane hanya nevashumiri vake uye kuti haazombovakanganwi. (VaHebheru 6:10) (3) Ushingi uye chivimbo zvinokosha chaizvo mazuva ano. Tino“vengwa,” sezvakafanotaurwa naJesu. (Mateu 24:9) Kuti titsungirire, tinoda kuvimba neShoko raMwari, tichivimba kuti tine mudzimu wake, uye ushingi hwokuramba tichizivisa mashoko akanaka. (4) Mienzaniso inoratidza kuti tiri kushorwa iye zvino. Vose vakasvikwa pamwoyo pakarondedzera mukurukuri zvakatsungirirwa nehama dzedu kuArmenia, France, Georgia, Kazakhstan, Russia, uye kuTurkmenistan. Chokwadi, ino inguva yokuratidza ushingi uye yokuvimba naJehovha!

Mukurukuri wokupedzisira akakurukura musoro mukuru waiti “Kufambira Mberi Takabatana Nesangano raJehovha.” Hurukuro yacho yakabata pfungwa dzinoverengeka dzakakodzera nguva. (1) Kufambira mberi kwesangano revanhu vaJehovha kunonyatsoonekwa kwose kwose. Basa redu rokuparidza uye kokorodzano dzedu zvinoita kuti tionekwe nevoruzhinji. (2) Jehovha akatanga sangano rakabatana. Muna 29 C.E., Jesu akazodzwa nomudzimu mutsvene nechinangwa chokuti “zvinhu zvose”—zviya zvine tariro yokumatenga uyewo nezviya zvine tariro yepasi—zvive mumhuri yaMwari yakabatana. (VaEfeso 1:8-10) (3) Kokorodzano kuratidzwa kunoshamisa kwokubatana kwemarudzi ose. Izvi zvaiva pachena pakokorodzano dzinokosha dzakaitwa August apfuura muFrance neItaly. (4) Chisarudzo chinokurudzira chakabvumwa muFrance uye Italy. Mukurukuri akatora mamwe mashoko aibva muchisarudzo chacho chinokurudzira. Mashoko ose echisarudzo chacho ari pasi apa.

Pamugumo wehurukuro yokupedzisira, mukurukuri aishanyira akaverenga chiziviso chaisvika pamwoyo chakanyorwa neDare Rinodzora. Mamwe mashoko acho aiti: “Ino ndiyo nguva yokuramba takamuka uye kuramba takarinda, tichinzwisisa zviitiko zvenyika. . . . Tinoda kukuzivisai kuti Dare Rinodzora rine rudo uye rine hanya nemi uye nevanhu vose vaMwari. Ngaakukomborerei kwazvo mukuita kwenyu kuda kwake nomweya wose.” Vanhu vaJehovha kwose kwose vakatsunga kuramba vakamuka munguva dzino dzinonetsa uye kuramba vachifambira mberi noushingi nesangano raJehovha rakabatana.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Purogiramu yomusangano wegore negore yakasvitswa kunzvimbo dzinoverengeka pachishandiswa midziyo yemagetsi, zvichiita kuti vakapinda vasvike 13 757.

^ ndima 5 Misangano yokuwedzera iyi yakaitirwa muLong Beach, California; Pontiac, Michigan; Uniondale, New York; uye muHamilton, Ontario. Vakapinda vacho vose, kusanganisira vaya vakabatanidzwa nemidziyo yemagetsi kune dzimwe nzvimbo, vaiva 117 885.

^ ndima 23 Kokorodzano nhatu dzinokosha dzakaitwa muFrance—muParis, Bordeaux, neLyons. MuItaly nhume dzaibva kuUnited States dzakaendeswa kuRome uye Milan, kunyange zvazvo kokorodzano dzinokwana pfumbamwe dzakaitwa panguva yakafanana.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 29-31]

Chisarudzo

Muna August 2001, Kokorodzano dzinokosha dze“Vadzidzisi Veshoko raMwari” dzakaitwa muFrance neItaly. Pakokorodzano idzodzo, chisarudzo chinokurudzira chakaverengwa. Anotevera mashoko echisarudzo chacho.

“SEZVAPUPU ZVAJEHOVHA, tose zvedu takaungana paKokorodzano ino ye‘Vadzidzisi Veshoko raMwari’ tarayiridzwa nokudzidzisa kunobatsira kwazvo. Kunobva kudzidzisa uku tanyatsokuona. Kudzidzisa kwacho hakubvi kumunhu. Kunobva kune Uyo anorondedzerwa nomuprofita wekare Isaya kuti ‘Murayiridzi wedu Mukuru.’ (Isaya 30:20) Ona chiyeuchidzo chaJehovha chakataurwa pana Isaya 48:17 chinoti: ‘Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.’ Ari kuzviita sei izvozvi? Nzira yaari kunyanya kushandisa iri kuburikidza nebhuku rakashandurwa zvikuru kwose kwose uye rinowanika kwose kwose munyika, Bhaibheri, riri iro rinotiudza zvakajeka kuti: ‘Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera.’—2 Timoti 3:16.

“Nhasi, vanhu vari kuda kwazvo kudzidzisa kwakadaro kunobatsira. Nei zvichigona kutaurwa kudaro? Mukuona kuchinja, kuoma kwezvinhu kwenyika ino, vanhu vanofunga vanobvumei? Vanongobvuma kuti: Kunyange zvazvo mamiriyoni akadzidziswa nemasangano enyika, pane kushayikwa kukuru kwetsika dzakanaka uye kutadza kusiyanisa chakanaka nechakaipa. (Isaya 5:20, 21) Kusaziva zviri muBhaibheri kuri kuwedzera. Kunyange zvazvo unyanzvi hwokugadzira zvinhu huchigona kuwanisa mashoko akawanda kuburikidza nokushandisa makombiyuta, dziripi mhinduro dzemibvunzo inokosha yakadai seyokuti, Chinangwa choupenyu ndechei? Tinganzwisisa sei zviitiko zvenguva yedu? Pane tariro yakasimba here yenguva yemberi? Rugare nokuchengeteka zvichanyatsovapo here? Uyezve, mumasherufu emaraibhurari munowanika mapeji anosvika mamiriyoni emabhuku anotaura zvinenge zvose zvaedzwa nevanhu. Kunyange zvakadaro, vanhu vanongodzokorora zvikanganiso zvekare. Kuparwa kwemhosva kuri kuwedzera. Zvirwere zvaifungwa kunzi zvakapedzwa zvingoripo, nepo zvimwe zvakadai seAIDS, zviri kuwedzera zvinotyisa. Upenyu hwemhuri huri kuparara pamwero unoshamisa. Zvakatipoteredza zviri kuparadzwa nokusvibiswa. Ugandanga uye kugadzirwa kwezvombo zvinouraya vanhu vakawanda zviri kuita kuti pasave netariro yorugare uye kuchengeteka. Zvinetso zvisina chokuzvipedza nacho zviri kuramba zvichiwedzera. Basa redu chairo nderei mukubatsira vanhu munguva dzino dzinonetsa? Kuripo here kudzidzisa kunotsanangura chakakonzera tsekwende yevanhu uye kusingangoratidzi upenyu hwakanaka zvino asiwo kunoratidza tariro yechokwadi, yakajeka nokuda kwenguva yemberi?

“Basa redu repaMagwaro nderoku‘enda tonoita vanhu vamarudzi ose vadzidzi, tichivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvakarayirwa naKristu.’ (Mateu 28:19, 20) Murayiro uyu wakapiwa naJesu Kristu pashure porufu rwake amutswa, paakapiwa simba rose kudenga nepanyika. Rinodarika mabasa ose anoitwa nevanhu. Mukuona kwaMwari, basa redu iro rinonyanyoisa mberi zvinodiwa zvomudzimu zvevaya vane nzara yokururama, ndiro rinokosha kupfuura zvose. Tine zvikonzero zviri muMagwaro zvinonzwisisika zvinoita kuti tikoshese basa iri.

“Izvi zvinoreva kuti tirambe tichiisa basa iri panzvimbo yokutanga muupenyu hwedu. Nokubatsira kwaMwari uye kukomborera kwake, basa racho richaitwa, pasinei nezvinotsausa zvakawanda, zvipingamupinyi, uye kushora kunoitwa nezvitendero nemasangano ezvematongerwe enyika, kunoitirwa kukanganisa purogiramu iyi yokudzidzisa kuri kuitwa munyika yose. Tinovimba uye tinotenda kuti basa iri richaramba richibudirira uye richasvika parichapera. Nei tichigona kuva nechokwadi kudaro? Nokuti Ishe Jesu Kristu akapikira kuti achange anesu muushumiri hwedu hwatakapiwa naMwari kusvikira pamugumo wenyika ino.

“Kwangosara nguva pfupi yokuva nevanhu vakaora mwoyo. Basa redu pari zvino rinofanira kuzadzika mugumo usati wasvika. Saka, isu, seZvapupu zvaJehovha, tasarudza kuti:

“Chokutanga: Sevashumiri vakazvitsaurira, takatsunga kuramba tichiisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga muupenyu hwedu uye kuramba tichikura mumudzimu. Nechinangwa ichocho, munyengetero wedu unowirirana nemashoko ePisarema 143:10 anoti: ‘Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu.’ Izvi zvinoreva kuti tive vadzidzi vanoshingaira, vanoedza kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, vanoita chidzidzo chomunhu oga uye vanonzvera. Kuti kufambira mberi kwedu kuonekwe nevanhu vose, tichaedza nepatinogona napo kugadzirira uye kubatsirwa zvizere nedzidzo yaMwari inopiwa pamisangano yeungano, pamagungano edunhu, uye pakokorodzano dzoruwa, dzenyika yedu uye dzemarudzi akawanda.—1 Timoti 4:15; VaHebheru 10:23-25.

“Chechipiri: Kuti tidzidziswe naMwari, tichangodyira patafura yake chete uye tichanyatsoteerera nyevero yeBhaibheri inotaura zvedzidziso dzinotsausa dzemadhimoni. (1 VaKorinde 10:21; 1 Timoti 4:1) Tichanyatsongwaririra kudzivisa zvinhu zvinokuvadza, zvinosanganisira nhema dzezvitendero, kufunga kusina basa, kuita zvepabonde nenzira inonyadzisa, dambudziko rokuona zvinonyadzisira, varaidzo dzinosvibisa, uye zvose zvisinga‘enderani nokudzidzisa kunopa utano.’ (VaRoma 1:26, 27; 1 VaKorinde 3:20; 1 Timoti 6:3; 2 Timoti 1:13) Nemhaka yokuremekedza ‘zvipo zviri varume,’ vanokodzera kudzidzisa zvinovaka, ticharemekedza zvechokwadi zvavanoedza kuita uye tichashanda pamwe navo nomwoyo wose mukuchengeta tsika dzakachena uye zvinodiwa naMwari zviri muShoko Rake.—VaEfeso 4:7, 8, 11, 12; 1 VaTesaronika 5:12, 13; Tito 1:9.

“Chechitatu: Sevabereki vechiKristu, tichaedza nomwoyo wedu wose kurayiridza vana vedu kwete neshoko chete asiwo nomuenzaniso. Chatine hanya nacho zvikuru ndechokuvabatsira kubvira paucheche hwavo ‘kuziva zvinyorwa zvitsvene zvinokwanisa kuita kuti vave vakachenjera kuti vaponeswe.’ (2 Timoti 3:15) Ticharamba tichiziva kuti kuvarera nechirango uye mirayiro yaJehovha kuchavapa mukana wakaisvonaka wokuwana chipikirwa chaMwari chokuti ‘zvichavafambira zvakanaka uye vangagare pasi pano kwenguva refu.’—VaEfeso 6:1-4.

“Chechina: Kana tikasangana nematambudziko akakura kana kuti tikatanga kuzvidya mwoyo, kutanga ‘tichateterera kuna Mwari,’ tiine chivimbo chokuti ‘rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose’ ruchatirinda. (VaFiripi 4:6, 7) Zvatava pasi pejoko raKristu, tichazorodzwa. Tichiziva kuti Mwari anotitarisira, hatichazezi kukandira kwaari zvinotidya mwoyo.—Mateu 11:28-30; 1 Petro 5:6, 7.

“Chechishanu: Mukuratidza kuonga kwedu Jehovha nokuda kweropafadzo yatiinayo sevadzidzisi veShoko rake, tichagadzirisazve zvatiri kuita kuti ‘tibate shoko rechokwadi zvakarurama’ uye ‘kuita ushumiri hwedu kwazvo.’ (2 Timoti 2:15; 4:5) Nemhaka yokuti tinonyatsoziva zvinobatanidzwa, chido chedu chinobva pamwoyo ndechokutsvaka vakafanira uye kusakurira mbeu inenge yadyarwa. Uyezve, tichavandudza kudzidzisa kwedu nokuitisa zvidzidzo zvakawedzerwa zveBhaibheri zvinobudirira pamusha. Izvi zvichaita kuti tipinde mugwara rezvinodiwa naMwari zvokuti ‘vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.’—1 Timoti 2:3, 4.

“Chechitanhatu: Kubvira muzana remakore rapfuura uye kusvikira iro rino, Zvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda zvakasangana nokushorwa uye zvakatambudzwa nenzira dzakasiyana-siyana. Asi Jehovha akaratidza kuti anesu. (VaRoma 8:31) Shoko rake risinganyepi rinotivimbisa kuti ‘hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa nesu’ ingakanganisa, ingaderedza, kana kumisa kuparidza kwedu Umambo uye basa rokudzidzisa richabudirira. (Isaya 54:17) Mungava mumwaka wakafanira kana kuti unonetsa, hatingaregi kutaura chokwadi. Tatsunga kuzadzisa nokukurumidza basa redu rokuparidza nerokudzidzisa. (2 Timoti 4:1, 2) Vavariro yedu ndeyokuparidza zvizere mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuvanhu vemarudzi ose nepatinogona napo. Saka, vacharamba vaine mukana wokudzidza mawanirwo oupenyu husingaperi munyika itsva yakarurama. Seboka guru rakabatana revadzidzisi veShoko raMwari, chisarudzo chedu ndechokuramba tichitevera muenzaniso woMudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu, uye kuratidza unhu hwake huna Mwari. Izvi zvose tichazviita kuti Murayiridzi wedu Mukuru noMupi Woupenyu, Jehovha Mwari akudzwe nokurumbidzwa.

“Vose vari pakokorodzano ino vanobvumirana nechisarudzo ichi, tapota itii HUNGU!”

Chikumbiro chokupedzisira chechisarudzo chacho pachakaitwa kuvanhu 160 000 vaiva vakaungana pakokorodzano nhatu muFrance uye 289 000 mudzimwe nzvimbo pfumbamwe dzomuItaly, “Hungu” aiungira akaitwa mumitauro yakawanda yenhume.