Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaka Mwari Nomwoyo Wako Nepfungwa

Tsvaka Mwari Nomwoyo Wako Nepfungwa

Tsvaka Mwari Nomwoyo Wako Nepfungwa

ChiKristu chechokwadi chinokurudzira kushandiswa kwomwoyo nepfungwa pakuvaka kutenda kunofadza Mwari.

MUVAMBI wechiKristu, Jesu Kristu, akatodzidzisa kuti tinofanira kuda Mwari ‘nepfungwa dzedu dzose,’ kana kuti nenjere, kuwedzera pakumuda ‘nomwoyo wose’ uye ‘nomweya wose.’ (Mateu 22:37) Hungu, pfungwa dzedu dzinofanira kuva nechokuita zvikuru nokunamata kwedu.

Paaiudza vateereri vake kuti vafungisise zvaaidzidzisa, Jesu aiwanzoti: “Munofungei?” (Mateu 17:25; 18:12; 21:28; 22:42) Saizvozvowo, muapostora Petro akanyorera vaainamata navo kuitira kuti ‘amutse mano avo okufunga kwakanaka.’ (2 Petro 3:1) Mumishinari wokutanga akafamba nzvimbo dzakawanda kwazvo, muapostora Pauro, akakurudzira vaKristu kuti vashandise ‘simba ravo rokufunga’ uye kuti ‘vazviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.’ (VaRoma 12:1, 2) VaKristu vangavaka kutenda kunofadza Mwari uye kunovaita kuti vakwanise kukunda miedzo inomuka muupenyu kana vatofungisisa zvavanotenda nokungwarira kwakadaro.—VaHebheru 11:1, 6.

Kuti vabatsire vamwe kuvaka kutenda kwakadaro, vaparidzi veevhangeri vechiKristu vepakutanga ‘vaitaurirana navo vachishandisa Magwaro, vachitsanangura uye vachitendisa nezvakanyorwa’ zvinhu zvavaidzidzisa. (Mabasa 17:1-3) Kuita nenzira yokunzwisisa yakadaro kwakaita kuti vaiva nomwoyo yakatendeseka vabvume. Somuenzaniso, vanhu vanoverengeka vaibva muguta reBheriya rokuMakedhoniya “vakagamuchira shoko [raMwari] nepfungwa dzinoda zvikuru, vachinyatsonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi [zvaitsanangurwa naPauro nevamwe vake] zvakanga zvakadaro.” (Mabasa 17:11) Pane zvinhu zviviri zvatinofanira kucherechedza pano. Chokutanga, vaBheriya vaidisisa kuteerera Shoko; chechipiri, vakanga vasingagumiri pakufunga kuti zvavaiudzwa zvakanga zvakarurama, asi vaizoongorora zvakare Magwaro. Mumishinari wechiKristu Ruka nenzira yokuremekedza akarumbidza vaBheriya pamusana peizvi, achivadana kuti “vane pfungwa dzakanaka zvikuru.” Unoratidza pfungwa dzakanaka zvikuru kudaro here paunoongorora zvinhu zvomudzimu?

Pfungwa Nomwoyo Zvinoshandira Pamwe

Sezvambotaurwa, kunamata kwechokwadi kunosanganisira pfungwa nomwoyo. (Mako 12:30) Funga zvakare nezvomufananidzo uri munyaya yokutanga womunhu akapiwa basa rokupenda akashandisa pendi isiriyo pakupenda imba. Kudai akanga ateerera mirayiridzo yomunhu akanga amupa basa iri, aigona kudai akaita basa rake nomwoyo wose uye akava nechivimbo chokuti basa rake richafarirwa nomuridzi. Ndizvo zvazvakaita nokunamata kwedu.

“Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi,” Jesu akadaro. (Johani 4:23) Saka, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndokusaka isuwo . . . tisina kurega kukunyengetererai nokukumbira kuti muzadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu, kuti mufambe zvakafanira Jehovha muchimufadza kwazvo.” (VaKorose 1:9, 10) “Zivo yakarurama” yakadaro inoita kuti vanhu vomwoyo wose vakwanise kunamata nomwoyo wose nechivimbo chakazara nokuti ‘vanonamata chavanoziva.’—Johani 4:22.

Nezvikonzero izvi, Zvapupu zvaJehovha hazvibhabhatidzi vacheche kana kuti vachangobva kufarira vasina kunyatsodzidza Magwaro. Jesu akapa vateveri vake basa iri: “Muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Kana vadzidzi veBhaibheri vomwoyo wose vawana zivo yakarurama yokuda kwaMwari ndipo chete pavanozogona kuita chisarudzo panyaya yokunamata vachiziva zvinobatanidzwa. Uri kuedza kuti uwane zivo yakarurama yakadaro here?

Kunzwisisa Munyengetero waShe

Kuti tione musiyano wokuva nezivo yakarurama yeBhaibheri newokungozivawo zvarinotaura, ngatifungei nezvounowanzonzi Munyengetero waBaba Vedu, kana kuti Munyengetero waShe, wakanyorwa pana Mateu 6:9-13.

Mamiriyoni evanhu anogara achidzokorora nomusoro munyengetero waJesu wokuenzanisira pavanenge vari kuchechi. Asi vangani vakadzidziswa zvaunoreva, kunyanya chikamu chokutanga chomunyengetero chinotaura nezvezita raMwari uye Umambo? Zvinhu izvi zvinokosha kwazvo zvokuti Jesu akazviisa kwokutanga mumunyengetero wacho.

Unotanga uchiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe,” kureva kuti kuitwa dzvene. Cherechedza kuti Jesu akati tinyengeterere kuti zita raMwari ritsveneswe. Kune vanhu vakawanda, izvozvo zvinomutsa inenge mibvunzo miviri zvayo. Wokutanga, zita raMwari ndiani? Uye wechipiri, nei zita raMwari richifanira kutsveneswa?

Mhinduro yomubvunzo wokutanga inogona kuwanikwa munzvimbo dzinopfuura 7 000 muBhaibheri mumitauro yakatanga kushandiswa pakurinyora. Pamwe ndepana Pisarema 83:18, panoti: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.) Nezvezita raMwari, Jehovha, Eksodho 3:15 inoti: “Ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.” * Asi nei zita raMwari, iro rinotonzi ndiro rakachena uye dzvene, richida kutsveneswa? Nokuti rakazvidzwa nokusvibiswa kubvira pakatanga vanhu kuvapo panyika.

MuEdheni, Mwari akaudza Adhamu naEvha kuti vaizofa kana vakadya muchero wakarambidzwa. (Genesi 2:17) Satani akanyatsotsunga kupikisa Mwari, achiti kuna Evha: “Hamungafi zvirokwazvo.” Saka, Satani akapomera Mwari kuti anonyepa. Asi, haana kugumira ipapo. Akawedzerazve kuzvidza zita raMwari, achiudza Evha kuti Mwari nenzira yokusaruramisira akanga achimunyima zivo inokosha. “Nokuti Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Kuchera kwakadini!—Genesi 3:4, 5.

Nokudya muti wakarambidzwa, Adhamu naEvha vakatsigira Satani. Vanhu vakawanda kubvira ipapo, vachiziva kana kuti vasingazivi, vakaita kuti kuzvidza kwokutanga ikoko kuwedzere nokuramba zvinodiwa naMwari zvakarurama. (1 Johani 5:19) Vanhu vachiri kusvibisa Mwari nokumupomera mhosva yokutambura kwavo—kunyange kungakonzerwa nenzira dzavo pachavo dzakaipa. “Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira dzake; mwoyo wake unotsamwira Jehovha.” (Zvirevo 19:3) Unogona kuona here chikonzero nei Jesu, uyo ainyatsoda Baba vake, akanyengetera kuti zita ravo ritsveneswe?

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Anyengeterera kuti zita raMwari ritsveneswe, Jesu akati: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:10) Nezvendima iyoyo, tingabvunza kuti: ‘Umambo hwaMwari chii? Uye kuuya kwahwo kunei chokuita nokuitwa kwokuda kwaMwari pasi pano?’

MuBhaibheri, shoko rokuti “umambo” zvikurukuru rinoreva “utongi hwamambo.” Saka, zvine musoro kuti Umambo hwaMwari hwaizoreva utongi, kana kuti hurumende, yaMwari, ina mambo waanosarudza iye. Mambo uyu haasi mumwe kunze kwaJesu Kristu akamutswa—“Mambo wemadzimambo, naShe wemadzishe.” (Zvakazarurwa 19:16; Dhanieri 7:13, 14) NezvoUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya, Jesu Kristu, muprofita Dhanieri akanyora kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo [hurumende dzevanhu dziri kutonga iye zvino] Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

Hungu, Umambo hwaMwari huchadzora nyika yose zvayo, huchibvisapo vakaipa hwotonga “nokusingaperi.” Nenzira iyi, Jehovha achashandisa Umambo hwake kutsvenesa zita rake, achiribvisira kuzvidza kwose kwenhema kwaSatani nevanhu vake vakaipa.—Ezekieri 36:23.

Kufanana nehurumende dzose, Umambo hwaMwari hune vanhu vari pasi pahwo. Ivava ndivanaani? Bhaibheri rinopindura kuti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) Saizvozvowo, Jesu akati: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka yepasi.” Zviri pachena kuti ivava vane zivo yakarurama yaMwari, iyo inodiwa kuti vawane upenyu.—Mateu 5:5; Johani 17:3.

Ungafungidzira here pasi pose pakazadzwa nevanhu vanyoro, vanonyatsoda Mwari uye vanodanana? (1 Johani 4:7, 8) Ndizvo zvakanyengetererwa naJesu paakati: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” Unonzwisisa here chikonzero nei Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera nenzira iyoyo? Zvinotokosha zvikuru, unoona here kuti kuzadzika kwomunyengetero iwoyo kungakubatanidza sei?

Mamiriyoni Ava Kutaura Achishandisa Magwaro

Jesu akafanotaura nezvebasa romunyika yose redzidzo yomudzimu raizozivisa Umambo hwaMwari huri kuuya. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo [wenyika iripo zvino] uchasvika.”—Mateu 24:14.

Pasi pose Zvapupu zvaJehovha zvinenge mamiriyoni matanhatu zviri kutaurira vavakidzani vazvo mashoko akanaka iwayo. Zvinokukoka kudzidza zvakawanda nezvaMwari noUmambo hwake noku“nyatsonzvera Magwaro,” uchishandisa simba rako rokufunga. Kuita kudaro kuchasimbisa kutenda kwako kwoita kuti ufare netariro youpenyu mupasi rinenge riri paradhiso, iyo icha“zara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:6-9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Dzimwe nyanzvi dzinoda hadzo shanduro yokuti “Yahwe” pane kuti “Jehovha.” Zvisinei, vashanduri veBhaibheri vakawanda vemazuva ano vakadzima zita raMwari mushanduro dzavo munzira ipi neipi, vachiritsiva nemazita okuremekedza anongoshanda kune wose wose okuti “Ishe” kana kuti “Mwari.” Kuti uwane panokurukurwa zvakadzama nezvezita raMwari, tapota ona bhurocha rinonzi Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, rakabudiswa neJehovah’s Witnesses.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

TEVEDZERA MUDZIDZISI MUKURU

Jesu aiwanzodzidzisa nokutaura nyaya chaidzo dzomuBhaibheri. Somuenzaniso, pashure pokumutswa kwake akatsanangura basa rake muchinangwa chaMwari kuvadzidzi vaviri vakanga vachinetseka zvikuru norufu rwake. Ruka 24:27 inoti: “Achitangira pana Mosesi neVaprofita vose akavadudzira zvinhu zvaiva nechokuita naye muMagwaro ose.”

Cherechedza kuti Jesu akasarudza musoro chaiwo—‘iye pachake,’ Mesiya—uye kuti akataura zvaiva mu“Magwaro ose” mukurukurirano yake. Zvaitoitwa naJesu apa kwaiva kubatanidza ndima dzeBhaibheri dzakakodzera sezvidimbu zvakawanda-wanda zvinofanira kuiswa pamwe chete, izvo zvakaita kuti vadzidzi vake vakwanise kuona muenzaniso wakajeka wechokwadi chomudzimu. (2 Timoti 1:13) Saka, havana kungojekerwa chete asi vakakurudzirwa zvikuru. Nhoroondo yacho inotiudza kuti: “Vakati kune mumwe nomumwe: ‘Mwoyo yedu yanga isingatsvi here sezvaanga achitaura nesu mumugwagwa, sezvaanga achitizarurira kwazvo Magwaro?’”—Ruka 24:32.

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevedzera nzira dzaJesu muushumiri hwazvo. Mabhuku azvinonyanya kushandisa pakudzidzisa ibhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? nebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Iwaya anokurukura nyaya dzeBhaibheri dzakawanda-wanda, dzakadai seinoti: “Mwari Ndiani?,” “Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?,” “Unogona Sei Kuwana Rudzidziso Rwechokwadi?,” “Aya Mazuva Okupedzisira!,” uye “Kuvaka Mhuri Inokudza Mwari.” Chidzidzo chimwe nechimwe chine magwaro akawanda.

Wakasununguka kuonana neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako kana kunyorera pakero iri papeji 2 yemagazini ino kuti uwane chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena nezvenyaya idzi nedzimwe.

[Mufananidzo]

Svika pamwoyo pomudzidzi wako nokutaura nezvenyaya dzakananga dzomuBhaibheri

[Mifananidzo iri papeji 7]

Unonzwisisa zvinoreva munyengetero waJesu wokuenzanisira here?

“Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe . . . ”

“Umambo hwenyu [hunotongwa naMesiya] ngahuuye . . . ”

“Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”