Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Apo Kutiza Kunenge Kuri Kuchenjera

Apo Kutiza Kunenge Kuri Kuchenjera

Apo Kutiza Kunenge Kuri Kuchenjera

NYIKA yanhasi inowanzozivikanwa seizere vanhu vane chivindi uye utsinye kana kuti izere nemiedzo. Munhu anotiza chinhu anowanzoonekwa somunhu asina simba uye gwara. Angatonyombwa.

Zvisinei, Bhaibheri rinojekesa kuti pane dzimwe nguva apo kutiza kunenge kuri kuchenjera uye kushinga. Achisimbisa izvozvo, asati atuma vadzidzi vake muushumiri, Jesu Kristu akavaudza kuti: “Pavanokutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe.” (Mateu 10:23) Hungu, vadzidzi vaJesu vaifanira kuedza kutiza vatambudzi vavo. Vaisafanira kutanga hondo yechitendero, vachiedza kumanikidza vanhu kutendeuka. Vakanga vaine shoko rorugare. (Mateu 10:11-14; Mabasa 10:34-37) Saka pane kutendera kuti pagume pava nokutsamwisana, vaKristu vaifanira kutiza, kubva pane ari kuvadenha. Nenzira iyi, vairamba vane hana yakanaka uye ukama hunokosha naJehovha.—2 VaKorinde 4:1, 2.

Muenzaniso wakasiyana neizvi unowanikwa mubhuku reBhaibheri raZvirevo. Rinotaura nezverimwe jaya iro, pane kutiza miedzo, rakaenda kune pfambi “senzombe inoenda kwainondobayiwa.” Zvikaguma nei? Nedambudziko, nokuti akabvuma kuedzwa zvaizoguma nokufa kwake.—Zvirevo 7:5-8, 21-23.

Zvakadini ukatarisana nomuedzo wokuita unzenza kana kuti kusangana neimwe ngozi? Maererano neShoko raMwari, chiito chakakodzera kungava kutiza, kubva panzvimbo yacho pakarepo.—Zvirevo 4:14, 15; 1 VaKorinde 6:18; 2 Timoti 2:22.