Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunzwa Wakachengeteka Iye Zvino—Kuchengeteka Nokusingaperi

Kunzwa Wakachengeteka Iye Zvino—Kuchengeteka Nokusingaperi

Kunzwa Wakachengeteka Iye Zvino—Kuchengeteka Nokusingaperi

NEI kuchengeteka kusingawanzovi nyore kuwanika, uye kana kwawanika, nei kusingazogari nguva refu? Kungava here kuti pfungwa yedu yokuva vakachengeteka yakavakirwa pakufungidzira—pazvatinoti dai taita panzvimbo pezvinokwanisika? Kufungidzira kwakadaro kunganzi kurarama munyika yezviroto.

Kufungidzira kunoita kuti pfungwa dzisiye zviri kuitika chaizvo muupenyu nokusava kwahwo hunochengetedza dzopinda mumararamiro akanaka, akachengeteka dzichidzingira kure chinhu chipi zvacho chingaedza kushatisa chiroto chacho. Zvisinei, kazhinji kacho, zvinetso zvoupenyu chaihwo zvinongoerekana zvapindira muchiroto ichi zvoramba zvichidzikatidza manzwiro akanaka, zvichiita kuti nyakurota anyatsoona zvinhu sezvazviri.

Ngationgororei chimwe chezvinowanzoitwa nevanhu vachitsvaka kuchengeteka—kutama. Somuenzaniso, guta guru ringaita serine zvarichapa, roita kuti munhu afanofungidzira nezvenguva dzinofadza, kutambira mari yakawanda, uye dzimba dzomutambarakede. Hungu, izvozvo zvingaita sezvinopa kuchengetedzwa kwanga kuchitsvakwa kwenguva yakareba. Asi zvinenge zvichifungwa izvi ndezvechokwadi here?

Kuguta Guru Here Kana Kuti Kungofungidzira Chete?

Munyika dzichiri kubudirira, kukwezva kweguta guru kunowedzerwa nemashoko okushambadza ayo angaita kuti ufungidzire zvisipo. Hazvirevi kuti masangano anotsigira kushambadza kwakadaro ane basa nokuva kwako wakachengeteka, asi ane basa nokuti zvinhu zvawo zvitengwe. Anofukidza zvinetso zvoupenyu chaihwo nemifananidzo yezviitiko zvokubudirira kunoratidza kuchengeteka. Nokudaro kuti munhu ave akachengeteka anofanira kuva nezvigadzirwa zvawo uye kuva muguta guru.

Chimbofunga nezvomuenzaniso unotevera. Vakuru vakuru verimwe guta rokuWest Africa vakaisa zvikwangwani zvaienzanisira zvakajeka kuti kusvuta kwakanyatsofanana nokupisa mari yawawana watambura. Ichi chaiva chimwe chezvaiitwa kunyevera vagari vomunyika kuti vasasvuta. Vagadziri vemidzanga nevatengesi vakati kuzvigona kuisa zvikwangwani zvinoratidza vasvuti vari muzviitiko zvinoyevedza zvomufaro nokubudirira. Uyezve, imwe kambani inogadzira midzanga yakapfekedza vamwe vashandi vayo yunifomu dzemaoresa nezvikepisi zvebaseball kuti vaparadzire midzanga kune vechiduku mumigwagwa, vachivakurudzira “kumboiedza.” Vakawanda vevechiduku ava vaive vabva kumamisha uye vasingazivi mashoko okushambadza oungwaru, vakanyengerwa nawo. Vakava vasvuti vakapindwa muropa. Vechiduku vacho vaiva vauya kuguta guru kuzotsvaka kuchengetedzwa kuti vatsigire mhuri dzavo uye kuti vawane mari yakati wandei. Pane kudaro, vaipisa yakawanda yemari yacho yavaigona kushandisa rimwe basa riri nani.

Mashoko okushambadza anofananidzira budiriro muguta guru haangobva kuvanhu vanotengesa zvinhu nguva dzose. Anogona kubva mumiromo yevanhu vanotamira kuguta guru vonyara kudzokera kumusha. Vasingadi kuti vanzi vakakundikana, vanozvirumbidza vachiti vane pfuma uye vane zvavakaita kuguta. Zvisinei, kuzonyatsotarisisa mararamiro avo kunoratidza kuti upenyu hwavo iye zvino hauna kuvandudzika kubva kune hwavairarama vari kumusha; vane nhamo yemari sezviri kungoita vamwe vagari vose vomuguta.

Mumaguta makuru ndimo umo vanhu vachangosvika vachitsvaka chingavachengetedza vanosangana nemakoronyera. Nei? Kazhinji kacho havasati vawana nguva yokuva neshamwari uye vari kure nevamwe vomumhuri. Saka havana angavaruma nzeve kuti vatambire kure nemiitiro yokukara mari iri mumararamiro omumaguta.

Josué haana kuwira mumusungo wokusvuta. Uyezve akasvika pakunyatsoona kuti zvaidiwa muguta kuti munhu ararame aisatombozvikwanisa. Hapana chimwe chaakaitirwa neguta kunze kwokumuita kuti azvifungidzire aine zvinhu zvikuru, zvaasina kuzombowana. Akazoziva kuti akanga asina kuchengeteka zvechokwadi muguta; akazongoona kuti akanga asiri wemo. Akatanga kunzwa apererwa nezano, ava munhu wenhando, uye akundikana, uye akazopedzisira angorovera mwoyo kudombo ndokudzokera kumusha kwake.

Aitya kuti aizosekwa. Asi mhuri yake neshamwari chaidzo vakamutambira nemaoko maviri. Anototenda rudo rwevomumhuri make, musha waakajaira, uye rudo rweshamwari dzake muungano yechiKristu, zvakaita kuti anzwe akanyatsochengeteka kupfuura zvaaive akaita ari muguta guru, umo zvinowanzotarisirwa nevakawanda zvinopedzisira zvaenda nomusango. Zvakatozomushamisa ndezvokuti kushanda zvakaoma muminda nababa vake kwakamuwanisa mari yakatowanda kupfuura yaaizodai akawana muguta.

Mari—Chinetso Chaicho Ndechei?

Mari ichaita kuti unzwe wakachengeteka here? Liz anobva kuCanada anoti: “Pandaive muduku ndaifunga kuti mari inoita kuti usatya.” Akadanana nomurume aiva nemari yakawanda. Vakabva varoorana. Akanzwa akachengeteka here? Liz anoenderera mberi achiti: “Pandakaroorwa, takava nomusha wakazonaka nemotokari mbiri, uye mari yataiva nayo yaitibvumira kuita chero chipi zvacho chataida, kubvakacha, uye mitambo. Zvinoshamisa kuti ndakanga ndichiri kutya nezvemari.” Anotsanangura kuti: “Tairasikirwa nemari yakawanda. Zvinoita sokuti kuwanda kunoita mari yako, ndiko kuwedzera kwokusachengeteka kwako. Mari haina kutisunungura pakutya uye kuzvidya mwoyo.”

Kana uchinzwa sokuti hauna mari yakakwana zvokuti unzwe wakachengeteka, zvibvunze kuti ‘Chinetso chaicho ndechei? Kushaya mari here, kana kuti kushaya musoro nemari?’ Achifunga nezvenguva yake yakapfuura, Liz anoti: “Iye zvino ndava kuziva kuti paibva chinetso chedu mumhuri medu pandaiva muduku kwaiva kushaya musoro nemari. Taitenga nezvikwereti, saka taingogara takanyura muzvikwereti. Izvi zvaiita kuti tigare tichizvidya mwoyo.”

Zvisinei, nhasi uno Liz nomurume wake vanonzwa kuchengeteka zvikuru, kunyange zvazvo vasina mari yakawanda. Pavakadzidza chokwadi cheShoko raMwari, vakarega kuteerera mashoko anokwezva pamusoro pemari ndokutanga kuteerera kuuchenjeri hwaMwari, kusanganisira mashoko aya: “Asi ani naani unonditeerera uchagara zvakasimba, uchagadzikana, asingatyi zvakaipa.” (Zvirevo 1:33) Vaida kuti upenyu hwavo huve nechinangwa kupfuura chinogona kuwaniswa nebhuku rokubhengi. Iye zvino, zvavava mamishinari kunyika iri kure, Liz nomurume wake vari kudzidzisa vapfumi nevarombo kuti Jehovha Mwari munguva pfupi achaunza kuchengeteka kwechokwadi pasi pose. Basa iri rinopa kugutsikana uye kudekara kunobva pachinangwa chikuru nokuziva kuti vanokosha, kwete pakuwana mari.

Yeuka chokwadi ichi chinokosha: Kuva akapfuma kuna Mwari kunokosha nokure pane kuva ane upfumi chaihwo. Kubva kumucheto kusvika kumucheto, muMagwaro Matsvene munosimbiswa kuva noukama hwakanaka naJehovha kwete kuva nepfuma. Ukama hwacho tinogona kuhuchengetedza kuburikidza nokuramba tichiita kuda kwaMwari mukutenda. Kristu Jesu akatikurudzira “kupfuma kuna Mwari” uye kuchengeta ‘pfuma kumatenga.’—Ruka 12:21, 33.

Chinzvimbo—Uri Kuenda Kupi?

Kana ukava nomuedzo wokufunga kuti kutsvaka chinzvimbo chakakwirira ndiko kunoita kuti uve wakachengeteka, zvibvunze kuti: ‘Ndiani ari pachinzvimbo chakakwirira ari kunyatsonzwa kuti iye zvino akanyatsochengeteka? Ndichiri kufanira kukwira zvakadini kuti ndiwane chinzvimbo ichi?’ Basa rinobudirira rinogona kukupa pfungwa yokunyepera yokuva akachengeteka, zvichizoita kuti uore mwoyo kana kuti, zvakatoipisisa, uzodzikira zvinosuruvarisa.

Zvakaitika chaizvo zvinoratidza kuti kuva nezita rakanaka naMwari kunoita kuti uve akachengeteka kupinda kuzivikanwa nevanhu. Jehovha chete ndiye anogona kupa vanhu chipo choupenyu husingaperi. Izvozvo zvinosanganisira kunyora zita redu, kwete marinozivikanwa nevanhu vose asi mubhuku raMwari roupenyu.—Eksodho 32:32; Zvakazarurwa 3:5.

Pasina kufunga kwokukungura zvausiri, unoona sei zvauri iye zvino, uye ungatarisira kuva akadini munguva inotevera? Hapana munhu ane zvinhu zvose. Semataurirwo azvinoitwa nomumwe muKristu akachenjera kuti, “Ndaifanira kudzidza kuti muupenyu hamusi mokuwana zvinhu zvose asi kuti unowana zvimwe uchishaya zvimwe.” Imbotimirei uverenge bhokisi rine musoro unoti “Yakataurwa muBenin.”

Chipindura mibvunzo iyi: Chinangwa changu chikuru muupenyu ndechei? Nzira yakananga yokuti ndichiite ndeipi? Hakungavi kuti ndiri kushandisa nzira yakareba, ine ngozi uye kuti zvandiri kunyatsoda nezvandinokwanisa kuita zvinogona kuitwa neimwe nzira iri nyore here?

Pashure pokupa zano nezvokukosha kwepfuma kune mwero kana kuchienzaniswa nezvokunamata, Jesu akati ziso rirambe “rakanaka,” kana kuti rakatarisa pachinhu chimwe chete. (Mateu 6:22) Akataura zviri pachena kuti zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu ndezvokunamata zvine chokuita nezita raMwari uye Umambo hwake. (Mateu 6:9, 10) Zvimwe zvinhu hazvinyanyi kukosha kana kuti tingati handizvo zvinofanira kugara zvichifungwa.

Makamera mazhinji mazuva ano anotora zvinhu zviri pedyo zvose nezviri kure. Wakarerekera kuita saizvozvo here? Chinenge chinhu chose chaunoona “chinotoreka”—ndiko kuti, chinokosha, chinodiwa uye, uchiita zvokufungidzira, chinoita here? Kana zvichidaro kunyange zvishomanana, chinangwa chinokosha kumuKristu, Umambo, chinorasika nokuwandirwa nezvokutarisa, chimwe nechimwe chichida kuti uchicherechedze. Zano raJesu rakasimba raiva rokuti: “Rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:33.

Kuva Akachengeteka Iye Zvino uye Nokusingaperi

Tose zvedu nevadikanwi vedu tingava neshungu dzokuva nezvinhu zvakanaka. Zvisinei, kusakwana kwedu, kurarama kwatiri kuita munyika isina kukwana, uye kuva kwedu vane upenyu hupfupi kunotiita kuti tizvidzore pazvinhu zvatinotarisira kuita zvichizobudirira. Zviuru zvemakore zvapfuura mumwe munyori weBhaibheri akatsanangura kuti: “Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti unomhanya haazi iye unokunda, une simba haazi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haazi iye ane zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma, vanhu vane umhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.”—Muparidzi 9:11.

Dzimwe nguva tinobatikana nemabasa ezuva nezuva anonetesa zvokuti tinokanganwa zvinhu zvinonyanya kukosha zvakadai sokuti tiri vanaani uye chii chatinofanira kuita kuti tinzwe takachengeteka zvechokwadi. Chimbofunga nezvemashoko ekare aya oungwaru: “Kana uchidisa mari, haugutswi nemari yaunayo; kana uchidisa kuva mupfumi, hauwani zvinhu zvose zvaunoda. Hazvina maturo. Munhu anoshanda angave nezvokudya zvakakwana kana zvisina kukwana, asi anogona kurara zvakanaka, asi mupfumi ane zvinhu zvakawanda zvinomunetsa zvokuti haakotsiri.” (Muparidzi 5:10, 12, Bhaibheri Rinoera) Hungu kuchengeteka kwako kunobva pai?

Kana mamiriro ako ezvinhu akafanana nezvaifungwa naJosué zvisina kuzoitika, unogona kuchinja zvirongwa zvako here? Vaya vanonyatsokuda vachakutsigira, sezvakangoita vomumhuri yaJosué neshamwari dzomuungano yechiKristu. Ungatowana kuchengeteka kwakakura munzvimbo yawakajaira yakaderera uine vaya vanokuda kupinda kwaunowana muguta mune vaya vanoda kuedza kushandisa mukana wokusaziva kwako.

Kana uine zvakawanda sezvakanga zvakaita Liz nomurume wake, unogona here kugadzirisa mararamiro ako kuti uwane nguva yakawanda nesimba zvokubatsira vanhu, vangava vapfumi kana varombo, kuti vadzidze nezvoUmambo, hunova nzira yokuwana nayo kuchengeteka chaiko?

Kana wanga uri kuedza kuwana chinzvimbo chepamusoro muupenyu kana kuti kwaunoshanda, ungada kunyatsozvibvunza nokutendeseka kuti chii chiri kukutuma kudaro. Ichokwadi kuti zvimwe zvinhu zvikakunakira upenyu hwako hunowedzera kuva hunofadza. Asi, unozogona here kuramba wakatarisa kuUmambo—nzira yechokwadi yokuchengeteka zvachose? Yeuka mashoko aJesu okuti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kana ukabatikana mumabasa akasiyana-siyana muungano yechiKristu, uchava nomubayiro wokuva akachengeteka.

Vaya vanovimba naJehovha noUmambo hwake zvizere vakachengeteka zvinozorodza mwoyo iye zvino uye vanotarisira kuzochengeteka zvakakwana munguva inouya. Munyori wepisarema akati: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi; naizvozvo mwoyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; nyama yanguwo ichagara yakachengetwa.”—Pisarema 16:8, 9.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Yakataurwa kuBenin

Nyaya ino yakataurwa nenzira dzakasiyana-siyana kakawandisa. Nguva ichangopfuura, mumwe mugari womumusha muBenin, kuWest Africa, akarondedzera nyaya iyi kune vechiduku.

Mubati wehove anodzoka kumba ari muigwa rake uye anosangana neimwe nyanzvi yezvemabhizimisi inobva kunze kwenyika. Nyanzvi inobvunza mubati wehove kuti nei akurumidza kudzoka zvakadaro. Anopindura kuti angadai amboti garei asi haana nokuti abata dzinokwanira mhuri yake.

“Zvino unowanzoitei nenguva yose yaunayo iyi?” nyanzvi inobvunza kudaro.

Mubati wehove anopindura kuti: “Aa, ndinombonobata hove. Ndinotamba nevana vangu. Tinombozorora pamwe chete kana kwava kupisa. Manheru, tinodya pamwe chete. Ndinozosangana neshamwari dzangu tomboita zvemimhanzi, nezvimwewo.”

Nyanzvi yacho inobva yapindira ichiti: “Honaka, ini ndine dhigirii rokuyunivhesiti uye ndakadzidza nezvezvinhu izvi. Ndiri kuda kukubatsira. Unofanira kugara uchibata hove kwenguva yakareba. Waizowana mari yakati oo wopedzisira wava kukwanisa kutenga chikepe chakati kurei kupfuura igwa iri. Wava nechikepe chikuru, waizowanazve mari yakati wandei wokwanisa kuva nezvikepe zvakawanda zvokubatisa hove.”

“Ndozodini?” anobvunza kudaro mubati wehove.

“Panzvimbo pokutengesa hove uchishandisa mumwe munhu, unezenge wava kugona kutaurirana nevemafekitari kana kupedzisira wave nefekitari inoita nezvehove. Waizogona kubva mumusha mako woenda kuCotonou, kana kuParis, kana kuNew York woitira basa rako rose ikoko. Waigona kunyange kuzoronga zvokuisa bhizimisi rako pamusika wemari ugowana mazakwatira emari.”

“Zvinoda nguva yakadini zvose izvozvo?” anobvunza kudaro mubati wehove.

“Zvichida makore 15 kusvika ku20,” nyanzvi yacho inopindura.

“Ndozoita sei?” anoenderera mberi mubati wehove.

“Ndipo panotanga kunakidza upenyu ipapo,” inotsanangura kudaro nyanzvi yacho. “Zvino unogona kunozorora. Unogona kuzosiyana noupenyu hwokumhanya-mhanya woenda kune mumwe musha uri kwawo woga.”

“Kana ndadaro zvozodini?” anobvunza kudaro mubati wehove.

“Ipapo unenge wava nenguva yokumbonobata hove zvishomanana, kutamba nevana vako, uchimbozorora kana kuchipisa, uchidya manheru nemhuri yako, uye kusangana neshamwari dzako muchiita zvemimhanzi.”

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kukwidziridzwa kunounza kuchengeteka here?

[Mifananidzo iri papeji 8]

Vamwe vako vechiKristu vanofarira kuchengeteka kwako zvechokwadi