Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurumbidza Mwari muMakomo ePhilippine

Kurumbidza Mwari muMakomo ePhilippine

Kurumbidza Mwari muMakomo ePhilippine

Kana uchifunga nezvePhilippines senyika inoumbwa nezvitsuwa, zvauri kufunga ndizvo. Asi inyikawo ine makomo anoyevedza. KuZvapupu zvaJehovha, kuparidza mumaguta nomunzvimbo dzakadzikira kwave kuchitombova nyore uye kuchibudirira. Zvisinei, kuparidza mumakomo ibasa.

MAKOMO omunyika yacho anoyevedza anonyatsooneka musiyano wawo nemahombekombe ane jecha, mirwi yemakorari, misha inoitwa zvokubata hove, nemaguta ane bishi nemheremhere ari kusina makomo. Makomo anoita sechipingamupinyi chakaoma kukunda pakuparidza “mashoko akanaka” oUmambo hwaMwari.—Mateu 24:14.

Zvitsuwa zvePhilippine zviri panzvimbo inoputika madota nemabota achibva pasi. Izvi zvakakonzera kuti kuve nemichinjiziri yemakomo yakapinza pazvitsuwa zvikuru zvacho. Zvitsuwa zvinopfuura 7 100 zvinoumba Philippines zviri kwakaperera nyanza kunonzi Pacific Ring of Fire. Nokudaro zvine nzvimbo dzinoputika dzakawanda, idzo dzinowedzerawo kuti kuve nemakomo akawanda. Nzvimbo ine makomo zvakadaro yakaita kuti vanhu vanogara mairi vave kwavo voga. Kusvika kwavari kwakaoma nokuti migwagwa yakakodzera kufamba nemotokari mishoma.

Pasinei nezvipingamupinyi izvi, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kukosha kwokusvika kune “vanhu vose.” (1 Timoti 2:4) Nokudaro Zvapupu zviri muPhilippines zviri kushanda maererano nezvinoratidzwa pana Isaya 42:11, 12 kuti: “Vagere mumatombo ngavaimbe, ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo. Ngavakudze Jehovha, vaparidzire pazviwi kurumbidzwa kwake.”

Kuedza kwakasimba kupupurira vanhu vomumakomo aya kwakatanga makore anopfuura 50 adarika. Pashure peHondo Yenyika II, mamishinari akabatsira kuita kuti basa racho riwedzere. Vagari vemo vakawanda vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri, ndokuchiparadzirawo kumisha iri mukati-kati memakomo. Izvi zvakaita kuti pave nemigumisiro yakanaka. Somuenzaniso, mumakomo eCordillera Central ari kumaodzanyemba kweLuzon, mune vaparidzi vemashoko akanaka vanopfuura 6 000. Vazhinji vavo zvizvarwa zvemo, kusanganisira vaIbaloi, vaIfugao, vaIgorot, uye vaKalinga.

Zvisinei, pachine nzvimbo dzichiri kunetsa kusvika mumakomo acho. Vanhu vanogara ikoko havana kukanganwika. Vamwe vavo vakasvikwa kwavari sei, uye vakaita sei?

Kutenda Kwechokwadi Kunotsiva Tsika Dzechinyakare

Pachitsuwa chokumaodzanyemba cheLuzon, nzvimbo dzine makomo dzepurovhinzi yeAbra dzinogarwa nevaTinggians. Zita iri ringava rakabva pashoko rechiMalay rekare rokuti tinggi, rinoreva kuti “gomo.” Rakazokodzera! Vanhu vacho zvose nomutauro wavo vanozvitiwo vaItneg. Vanodavira muna mwari anonzi Kabunian, uye upenyu hwavo hwezuva nezuva hwakazara nokutenda mashura. Somuenzaniso, kana munhu aine kwaari kuronga kuenda akahotsira, zvinoreva kuti hakuna kunaka. Anofanira kumbomira kwemaawa akati kuti kuitira kuti zvakashata zvacho zvimbopera.

Muna 1572, vanhu vokuSpain vakauya nechiKaturike, asi vakakundikana kudzidzisa chiKristu chaicho kuvaTinggian. Vaya vakava vaKaturike vakaramba vachitenda muna Kabunian uye vachitevedzera tsika dzemo. Zivo yakarurama yeBhaibheri yakatanga kusvika kuvanhu ava muma 1930 apo Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuparadzira shoko roUmambo mumakomo iwayo. VaTinggian vakawanda vanoda zvavo chokwadi vakatotanga kurumbidza Jehovha “vari pamusoro pamakomo.”

Somuenzaniso, Lingbaoan aimbova sabhuku anoremekedzwa munharaunda yacho. Aiita zvetsika dzechiTinggian zvikuru. “Ndainyatsotevedzera tsika dzechinyakare dzechiTinggian. Kana munhu aurayiwa, taitamba pashure pokuvigwa kwake, tichiridza simbi. Taibayirawo mhuka. Taitenda muna Kabunian, uye ndaisaziva Mwari womuBhaibheri.” Izvi zvakanga zvakadaro pasinei nokuti aizviti muKaturike.

Vashumiri veZvapupu zvaJehovha vakauya kuzoparidza munharaunda iyoyo. Vakasangana naLingbaoan ndokumukurudzira kuverenga Bhaibheri. Anoyeuka kuti: “Bhaibheri ndiro rakaita kuti ndigutsikane kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.” Chimwe Chapupu chakazodzidza naye, uye Lingbaoan akasarudza kushumira Mwari wechokwadi. Akasiyana nenzira dzake dzekare, kusanganisira usabhuku, danho rinova rakashatirisa vapristi vemo nedzaimbova shamwari dzaLingbaoan. Zvisinei, Lingbaoan akanga akatsunga kutevera chokwadi chaaive awana muBhaibheri. Iye zvino ava kushumira somukuru weungano.

Mazuva Manomwe Nousiku Hutanhatu

Kunyange zvazvo dzimwe nzvimbo dzeAbra dzava kuwana mashoko akanaka nguva dzose, dzimwe dziri kwadzo dzoga uye dzinongowana uchapupu apo neapo. Nguva yapfuura kwakamboedzwa kusvika kuimwe yenzvimbo idzi. Boka reZvapupu 35 rakaenda kunoparidza mundima isina vanoishanda iri muTineg, Abra, nzvimbo yakanga isina kumbosvikwa kwemakore 27.

Rwendo urwu rwokunoparidza rwakaitwa netsoka, rukatora mazuva manomwe. Fungidzira kuyambuka mabhiriji etambo nenzizi dzakadzika uye kufamba kwemaawa uchipota michinjiziri yemakomo wakatakura mitundu yako—kuti ungonoparidza mashoko akanaka kuvaya vasingawanzoanzwa! Pausiku hutanhatu hwerwendo rwacho, huna hwacho hwakapedzwa vanhu vachirara pachena mugomo.

Kunyange zvazvo Zvapupu zvacho zvakashinga zvaiva parwendo zvakatakura zvokudya, zvaisakwanisa kutakura zvinokwana parwendo rwacho rwose. Zvisinei, iri rakanga risiri dambudziko nokuti vanhu vaifara zvikuru kuchinjanisa zvokudya nemabhuku anotaura zveBhaibheri. Zvapupu zvakagamuchira zvirimwa, hove uye nyama yemhuka. Kunyange zvazvo paine mamwe matambudziko, boka racho rakati: “Iwayo akatsiviwa nomufaro watakava nawo.”

Mumazuva acho manomwe, vashumiri ava vakapupurira mumisha gumi, vakagovera mabhuku 60, magazini 186, mabhurocha 50 nematurakiti akawanda. Vakaratidzira maitirwo anoitwa zvidzidzo zveBhaibheri kumapoka 74 evanhu. Muguta reTineg, vakumbirwa nevakuru vemo nevamwe vagari vemo vakakurumbira, musangano weungano wakaitwa ukapindwa nevanhu 78. Vazhinji vakapinda vaiva vadzidzisi nemapurisa. Tinovimba kuti vamwe vaTinggian vakawanda vachabatanawo nevaya ‘vari kudanidzira’ vachirumbidza Jehovha pamusoro pemakomo.

Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Goridhe

Kumberi mberi nechokuchamhembe muPhilippines kune zvitsuwa uko vanhu vokuSpain vakawana goridhe. Izvi ndizvo zvakaita kuti pave nezita rokuti Mindoro, rinoumbwa nemashoko echiSpanish anoti mina de oro, kana kuti “mugodhi wegoridhe.” Zvisinei, chimwe chinhu chiri nani kupfuura goridhe chiri kuwanikwa muzvitsuwa izvozvo—vanhu vanoda kushumira Mwari wechokwadi, Jehovha.

Vanhu vakazvarirwa imomo vanenge 125 000 vanonzi vaMangyan vanogara mukati chaimo meMindoro mune masango. Vanorarama upenyu huri nyore, kazhinji kacho vasingawanzosangani nevanhu vanobva kunze, uye vane mutauro wavo voga. Vazhinji vavo vanodavira kuti zvinhu zvose zvine mudzimu uye kuti kuna vanamwari vakawanda, uye vanodavira kuti kune midzimu yakasiyana-siyana.

Dzimwe nguva vamwe vaMangyan vanodzika kunzvimbo dziri pedyo nemahombekombe kuzotsvaka basa pavanenge vasina zvokudya zvakakwana nezvimwewo zvinhu. Izvi ndizvo zvakaitwa naPailing, werimwe boka duku revaMangyan rinonzi vaBatangan. Akakurira pakati pevanhu vake mumasango omumakomo, uye aitevedzera zvinodavirwa nezvinoitwa nevaBatangan. Vaiwanzopfeka kachira kanongovhara pamberi chete. Kuti vaite gohwo rakanaka, tsika dzevaBatangan dzaida kuti vauraye huku, vorega ropa racho richidonhera mumvura uku vachinyengetera.

Pailing haachatevedzeri tsika idzi. Akaregerereiko? Paakadzika kunzvimbo dziri nechezasi, akawana basa pamhuri dzeZvapupu zvaJehovha. Imwe yemhuri idzi yakashandisa mukana uyu ndokuudza Pailing nezvechokwadi cheBhaibheri. Akabvuma uye akaonga zvechokwadi kudzidza nezvechinangwa chaJehovha chezvaachaitira vanhu nepasi. Vakamurongera kuti aende kuchikoro chokudzidza kuverenga nokunyora, pamwe nokudzidza Bhaibheri. Pailing akabhabhatidzwa kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha pazera remakore 24. Ava nemakore 30, akanga ava mugore rake rechipiri kuchikoro chesekondari, uye akaita kuti chikoro chacho chive ndima yake. Iye zvino vanomuti Rolando (zita rokunzvimbo dziri nechezasi).

Ukasangana naRolando, uchaona mushumiri akapfeka zvakanaka ari kunyemwerera uyo ari kushumira somuparidzi wenguva yakazara uye somushumiri anoshumira muimwe yeungano dziri muMindoro. Rolando akambodzokera kumakomo nguva ichangopfuura iyi, kwete kunobatana nevaBatangan mutsika dzavo, asi kunovaudza chokwadi chinoponesa upenyu chinobva muBhaibheri.

Shungu Dzokuva neImba yoUmambo

Purovhinzi yeBukidnon—zvichireva kuti “Vanhu Vomumakomo” mumutauro unonzi Cebuano—iri pachitsuwa chiri nechokuchamhembe cheMindanao. Iyi inzvimbo yemakomo, nemipata, mapani ane nzizi, uye mikwidza. Ivhu rakaorera rinopa mbeu dzakadai sezvinanazi, chibage, kofi, mupunga, nemabhanana. Marudzi okumusoro evaTalaandig nevaHigaonon anogara ikoko. Vanhu avawo vanofanira kudzidza nezvaJehovha. Munguva ichangopfuura, mukana uyu wakazaruka nenzira inozonakidza pedyo neguta reTalakag.

Zvapupu zvakakwira makomo acho zvakawana kuchitonhora asi zvakatambirwa noushamwari. Vanhu vaikoko vaiti vanodavira muna Mwari wemasimba ose, Baba, asi vaisaziva zita rake. Sezvo vachipedza nguva yavo yakawanda vari musango, uku ndiko kwaiva kutanga kwavo kusangana neZvapupu zvaJehovha. Vakaziviswa zita raMwari, pamwe nechinangwa chake chinoshamisa chine chokuita noUmambo. Vanhu vakafadzwa, saka zvakasarudzwa kuti mumusha mavo muzoshanyirwazve.

Vakazoshanyirwazve kanoverengeka. Izvi zvakaita kuti vanhu vemo vape nzvimbo yokuti Zvapupu zvaJehovha zvivake “imba.” Zvapupu zvakagamuchira nzvimbo yacho nomufaro. Nzvimbo yacho yaive pamusoro pegomo refu kupfuura mamwe ose munzvimbo yacho, yakatarisana nomugwagwa. Chivako chacho chakavakwa nemiti, mishenjere, uye mashizha omuchindwe. Kuvakwa kwacho kwakapera mumwedzi mitatu nemazuva gumi. Chikwangwani chakanzi “Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha” chainyatsoonekera pamberi pechivako. Pafunge, Imba yoUmambo yakavakwa ungano isati yaumbwa!

Kubvira ipapo, mumwe mukuru weungano mushumiri wenguva yakazara akatamirako, nomumwe mushumiri anoshumirawo. Vachibatsirana neZvapupu zvinobva munharaunda dziri pedyo, vakashanda vaine chinangwa chokuumba ungano. Izvi zvakazobudirira muna August 1998. Ungano duku iye zvino yava kushandisa Imba yoUmambo iyi ichibatsira vanhu vomugomo kudzidza chokwadi cheBhaibheri.

Zvechokwadi, Jehovha ave achishandisa nesimba vashumiri vake vane chido muPhilippines kuparadzira chokwadi choUmambo kunyange mumakomo anonetsa kusvika. Tinoyeuchidzwa nezvaIsaya 52:7, inoti: “Dzakanaka sei pamusoro pemakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka.”

[Mepu dziri papeji 11]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

ABRA

MINDORO

BUKIDNON

[Kwazvakatorwa]

Globe: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.

[Mifananidzo iri papeji 10]

Kuparidza mumakomo kunoda kufamba kwemaawa akawanda nomunzvimbo dzine matombo

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kubhabhatidza murukova rwomugomo