Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvakanaka here kutaura naMwari mumunyengetero usingatauri mashoko akadai sokuti “muzita raJesu”?

Bhaibheri rinoratidza kuti vaKristu vanoda kutaura naJehovha mumunyengetero vanofanira kuzviita muzita raJesu. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” Akatizve: “Zvose zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Baba vapiwe mbiri nokuMwanakomana. Kana mukakumbira chimwe chinhu muzita rangu, ndichachiita.”—Johani 14:6, 13, 14.

Ichitaura nezvenzvimbo yaJesu inokosha, Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature inoti: “Mwari chete ndiye watinonyengetera kwaari, kuburikidza naJesu Kristu soMuyananisi. Naizvozvo, kuteterera kwose kunoitwa kuvasande kana ngirozi kunoti zvose kusabatsira uye kuzvidza. Kunamatwa kwose kunoitwa chisikwa, pasinei nokuti chisikwa ichocho chinokudzwa sei, kunamata zvidhori, uye kunorambidzwa zvachose mumutemo waMwari.”

Zvakadini kana mumwe munhu, pashure pechiitiko chinofadza, akati “Maita henyu Jehovha” asina kuwedzera kuti “muzita raJesu”? Izvi zvingava zvisina kunaka here? Kwete hazvo. Ngatiti muKristu angoerekana asangana nengozi obva adanidzira kuti: “Jehovha, ndibatsirei!” Mwari haangazorambi kubatsira nokuti mushumiri wake haana kutaura kuti “muzita raJesu.”

Zvisinei, zvinofanira kucherechedzwa kuti kungotaura zvinonzwika kunyange kuna Mwari handiko kunganzi kunyengetera. Somuenzaniso, atongwa naJehovha pamusana pokuuraya kwaakanga aita munun’una wake Abheri, Kaini akati: “Kurohwa kwangu kukuru, handingakutakuri. Tarirai, mandidzinga nhasi panyika ino; ndichavanda pamberi penyu; ndichava mutizi nomudzungairi panyika; ani naani unondiwana uchandiuraya.” (Genesi 4:13, 14) Kunyange Kaini akataura mashoko ake kuna Jehovha, kubudisa kwaakaita zvaiva mupfungwa dzake kwaiva kunyunyuta nezvezvibereko zvinorwadza zvechivi.

Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.” Kungotaurawo zvedu noWokumusoro-soro sezvinonzi munhuwo zvake kunganyatsoratidza kuti hatizvininipisi. (Jakobho 4:6; Pisarema 47:2; Zvakazarurwa 14:7) Kungavawo kusaremekedza kuziva zvinotaura Shoko raMwari nezvebasa raJesu asi nemaune tonyengetera tisingaremekedzi Jesu Kristu.—Ruka 1:32, 33.

Uku hakusi kuti Jehovha anotarisira maitiro akati kana kuti mutoo patinonyengetera. Chinhu chinokosha mamiriro akaita mwoyo womunhu. (1 Samueri 16:7) Muzana remakore rokutanga C.E. mumwe mukuru mukuru wemauto weRoma ainzi Koneriyasi “aiteterera kuna Mwari nguva dzose.” Koneriyasi, Wemamwe Marudzi akanga asina kudzingiswa, akanga asina kuzvitsaurira kuna Jehovha. Kunyange angangodaro asina kupa minyengetero yake muzita raJesu, yaka“kwira sechiyeuchidzo pamberi paMwari.” Nei? Nokuti ‘muidzi wemwoyo’ akaona kuti Koneriyasi akanga ari “murume aiva akazvipira uye aitya Mwari.” (Mabasa 10:2, 4; Zvirevo 17:3) Paakawana zivo ya“Jesu wekuNazareta,” Koneriyasi akagamuchira mudzimu mutsvene, akava mudzidzi waJesu akabhabhatidzwa.—Mabasa 10:30-48.

Pakupedzisira, vanhu havasivo vanosarudza kuti minyengetero ipi inonzwiwa naMwari. Kana muKristu pane imwe nguva akataura kuna Mwari orega kushandisa kutaura kwakadai sokuti “muzita raJesu,” pangasava nechikonzero chokuti anzwe aine mhosva. Jehovha anonyatsoziva zvatisingakwanisi uye anoda kutibatsira. (Pisarema 103:12-14) Tinogona kuva nechivimbo chokuti kana tikatenda mu“Mwanakomana waMwari . . . , zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nokuda kwake, anotinzwa.” (1 Johani 5:13, 14) Zvisinei, kunyanya pavanomiririra vamwe mumunyengetero vaKristu vechokwadi vanobvuma basa raJesu rinotaurwa muMagwaro muchinangwa chaJehovha. Uye nenzira yokuteerera vanoedza kukudza Jesu nokuendesa minyengetero kuna Mwari kuburikidza naye.