Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mitemo yaMwari Iripo Kutibatsira

Mitemo yaMwari Iripo Kutibatsira

Mitemo yaMwari Iripo Kutibatsira

“Haiwa, ndinoda [“mutemo,” NW] wenyu seiko!”—PISAREMA 119:97.

1. Mafungiro api ari kwose kwose pamusoro pokuteerera mitemo yaMwari?

KUTEERERA mitemo yaMwari hakufarirwi nevakawanda nhasi. Kuvakawanda kuzviisa pasi pomunhu ane simba asingaoneki kunoita sokusina basa. Tiri kurarama munguva yemazvake mazvake mutsika, isinganyatsoonekwi miganhu yechakarurama nechisina. (Zvirevo 17:15; Isaya 5:20) Kuchiratidza mafungiro azara kwose kwose munzanga dzisinganamati, kumwe kuongorora kuchangobva kuitwa kwakabudisa mashoko okuti “vanhu vakawanda vomuAmerica vanoda kuzvisarudzira voga chakarurama, chakanaka, uye chine chinangwa.” Vanosarudza “Mwari asina simba. Mitemo isina simba. Vatungamiriri vasina simba uye tsika kana chipi zvacho chisina simba.” Mumwe anoongorora kugarisana kwevanhu akati nhasi uno “vanhu vanotarisirwa kuzvionera voga chinorehwa nokurarama upenyu hwakati twasu uye hwakachena.” Akaenderera mberi achiti: “Ani naani ane simba pamusoro pevanhu anofanira kugadzira mitemo yake kuti ienderane nezvavanoda.”

2. Kutanga kutaurwa kwomutemo muBhaibheri kwakanyatsobatana sei nokukomborerwa naMwari nokudiwa naye?

2 Sezvo vakawanda kudaro vasina chokwadi nokukosha kwemitemo yaJehovha, tinofanira kusimbisa chivimbo chedu chokuti mitemo yaMwari iripo kutibatsira. Zvinokosha kumboongorora nhoroondo yakatanga kutaurwa nezvomutemo muBhaibheri. Pana Genesi 26:5, tinoverenga mashoko aMwari okuti: “Abrahamu . . . akachengeta zvandakamurayira, nemirayiro yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.” Mashoko iwayo akataurwa mazana emakore Jehovha asati apa bumbiro rakakwana romutemo kuvazukuru vaAbrahamu. Mwari akaitirei Abrahamu nokuteerera kwake, kusanganisira kuteerera mitemo Yake? Jehovha Mwari akamuvimbisa kuti: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako.” (Genesi 22:18) Saka kuteerera mutemo waMwari kwakanyatsobatana nokukomborerwa naMwari nokudiwa naye.

3. (a) Mumwe munyori wepisarema akataura manzwiro api nezvomutemo waJehovha? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kufunga nezvayo?

3 Mumwe wevanyori vemapisarema—zvichida mwanakomana wamambo weJudha uye mambo weramangwana—akataura manzwiro asingawanzovi nechokuita nomutemo. Akataura nomufaro kuna Mwari kuti: “Haiwa, ndinoda [“mutemo,” NW] wenyu seiko!” (Pisarema 119:97) Uku kwaisangova kutaura kwokungofungira ipapo. Aitaura madiro aaiita kuda kwaMwari kwakarongwa mumutemo wake. Jesu Kristu, Mwanakomana akakwana waMwari, ainzwawo saizvozvo. Jesu akatsanangurwa muuprofita seaiti: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu Mwari wangu; zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumwoyo mangu.” (Pisarema 40:8; VaHebheru 10:9) Ko isu? Tinofadzwa nokuita kuda kwaMwari here? Tinonyatsogutsikana here kuti mitemo yaJehovha inoshanda uye inobatsira? Kuteerera mitemo yaMwari kune nzvimbo ipi mukunamata kwedu, muupenyu hwedu hwezuva nezuva, mukusarudza kwatinoita zvokuita, uye mukugarisana kwedu nevamwe? Kuti tide mutemo waMwari, zvakanaka kuti tinzwisise kuti nei Mwari aine kodzero yokuita mitemo nokurayira kuti itevedzerwe.

Jehovha—Mupi Wemitemo Akakodzera

4. Nei Jehovha ari iye Mupi wemitemo mukuru, ane kodzero yokudaro?

4 Sezvo ari iye Musiki, Jehovha ndiye Mupi wemitemo mukuru, ane kodzero pazvinhu zvose zvakasikwa. (Zvakazarurwa 4:11) Muprofita Isaya akati: “Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu.” (Isaya 33:22) Ndiye akaisa mitemo inodzora zvisikwa zvipenyu nezvisiri zvipenyu. (Jobho 38:4-38; 39:1-12; Pisarema 104:5-19) Zvaari chisikwa chaMwari, munhu anodzorwa nemitemo yaJehovha yezvinhu zvipenyu nezvisiri zvipenyu. Uye kunyange zvazvo munhu achizvisarudzira zvokuita, achikwanisa kuzvifungira oga, anofara chete kana azviisa pasi pemitemo yaMwari yetsika nokunamata.—VaRoma 12:1; 1 VaKorinde 2:14-16.

5. Nheyo iri pana VaGaratiya 6:7 inoratidza kuva yechokwadi sei pamusoro pemitemo yaMwari?

5 Sezvatinoziva mitemo yaJehovha inodzora zvinhu zvipenyu nezvisiri zvipenyu haiputsiki. (Jeremia 33:20, 21) Kana munhu akapesana nemitemo inodzora zvinhu zvipenyu nezvisiri zvipenyu, yakadai somutemo wesimba rinoita kuti zvinhu zvidzike pasi kana zvikakandwa mudenga, anosangana nemigumisiro yacho. Saizvozvowo, mitemo yaMwari yetsika haichinjwi uye haigoni kunyenyeredzwa kana kuti kutyorwa pasina chirango. Ine simba rakangofanana neremitemo yake inodzora zvinhu zvipenyu nezvisiri zvipenyu, kunyange zvazvo migumisiro yokuiputsa ingasaoneka pakarepo. “Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyara munhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7; 1 Timoti 5:24.

Mitemo yaJehovha Inoshanda Muzvinhu Zvose

6. Mitemo yaMwari inosanganisira zvakawanda zvakadini?

6 Kumwe kuratidzirwa kuri pachena kwemitemo yaMwari kwaiva muMutemo waMosesi. (VaRoma 7:12) Nokufamba kwenguva Jehovha Mwari akatsiva Mutemo waMosesi no“Mutemo waKristu.” * (VaGaratiya 6:2; 1 VaKorinde 9:21) SevaKristu vari pasi po“mutemo wakakwana worusununguko,” tinonzwisisa kuti Mwari haangogadzi mitemo yake pazvimwe zvinhu zvoupenyu hwedu, zvakadai sezvatinodavira netsika dzemitambo, achisiya zvimwe. Zvaanoda zvinobata zvinhu zvose zvoupenyu, kusanganisira nyaya dzemhuri, dzemabhizimisi, dzokuzvibata nevausina kuroorana navo, mafungiro aunoita nezvevamwe vaKristu, uye zvaunoita kutsigira kunamata kwechokwadi.—Jakobho 1:25, 27.

7. Ipa mienzaniso yemitemo inokosha yaMwari.

7 Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa zvinhu zvisiri zvomuzvarirwo, kana varume vanorara nevarume, kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) Hungu, upombwe noufeve hakusi “kungodanana” zvako. Ungochani hakusi “kungochinja mararamiro” zvakowo. Uku kuputswa kwemitemo yaJehovha. Ndizvo zvakaitawo zvinhu zvakadai sokuba, kunyepa, uye makuhwa. (Pisarema 101:5; VaKorose 3:9; 1 Petro 4:15) Jakobho akashora kuzvikudza, ukuwo Pauro akatipa zano rokuti tisataura zvisina musoro nokuita majee anonyadzisa. (VaEfeso 5:4; Jakobho 4:16) KuvaKristu, mitemo yose iyi yokuzvibata inobatanidzwa mumutemo wakakwana waMwari.—Pisarema 19:7.

8. (a) Mutemo waJehovha wakaita sei? (b) Shoko rechiHebheru rokuti “mutemo” rinonyatsoreva chii?

8 Mitemo yakadaro inokosha iri muShoko raJehovha inoratidza kuti mutemo wake hausiwo zvawo bumbiro remitemo inenge yomumatare isingaratidzi kuva nehanya nevanhu. Ndiwo unoumba musimboti woupenyu hwakadzikama, hune zvibereko, uchinatsiridza mufambiro wose. Mutemo waMwari unovaka, unopa tsika, uye unorayiridza. (Pisarema 119:72) Shoko rokuti “mutemo” semashandisirwo arakaitwa nomunyori wepisarema riri kushandurwa kubva pashoko rechiHebheru rokuti toh rahʹ. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Shoko iri rinoumbwa neshoko rechiito rinoreva kurayira, kutungamirira, kunangisa, uye kuenda mberi. Saka . . . rinoreva kuti mutemo womufambiro.” Kumunyori wepisarema mutemo waiva chipo chakabva kuna Mwari. Isu hatifaniri kuutorawo saizvozvo here, tourega uchiumba mararamiro edu?

9, 10. (a) Nei tichida nhungamiro inovimbika? (b) Inzira ipi chete ingatipa upenyu hunofadza nohunobudirira?

9 Zvisikwa zvose zvinoda nhungamiro yakavimbika. Kunyange Jesu nedzimwe ngirozi dzakakwirira kupfuura vanhu zvinodawo nhungamiro yakadaro. (Pisarema 8:5; Johani 5:30; 6:38; VaHebheru 2:7; Zvakazarurwa 22:8, 9) Kana zvisikwa zvakakwana izvi zvichibatsirwa nokutungamirirwa naMwari, ko kuzoti vanhu vasina kukwana! Nhoroondo yevanhu nezvatakazvionera toga zvaratidza kururama kwemashoko omuprofita Jeremia anoti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhanho dzake.”—Jeremia 10:23.

10 Kana tichida kuva noupenyu hunofadza uye hunobudirira, tinofanira kutarisa kuna Mwari kuti atitungamirire. Mambo Soromoni aiziva ngozi yokuzviitira mitemo yokurarama upenyu husina nhungamiro yaMwari akati: “Munhu unoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu.”—Zvirevo 14:12.

Zvikonzero Zvokufarira Mutemo waJehovha

11. Nei tichifanira kuva nechido chokunzwisisa mutemo waMwari?

11 Tingaita zvakanaka tikakudziridza chido chakakura chokunzwisisa mutemo waJehovha. Munyori wepisarema akaratidza chido chakadaro paakati: “Ndisvinudzei meso angu, kuti ndione zvinhu zvinoshamisa zviri mumurau wenyu.” (Pisarema 119:18) Kuwedzera kwatinoita kuziva Mwari nenzira dzake, ndiko kudzama kunoita kunzwisisa kwedu chokwadi chemashoko aIsaya anoti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirayiro yangu!” (Isaya 48:17, 18) Chido chaJehovha kuti vanhu vake vasapinda munyatwa, vafadzwe noupenyu kuburikidza nokuteerera mitemo yake. Ngatimboongororai zvikonzero zvikuru nei tichifanira kufarira mutemo waMwari.

12. Kutiziva kunoita Jehovha kunomuita sei Mupi wemitemo akanakisisa?

12 Mutemo waMwari unobva kune Uyo anotiziva kupfuura vamwe vose. Sezvo Jehovha ari iye Musiki wedu, zvine musoro kuti ndiye anoziva vanhu zvakakwana. (Pisarema 139:1, 2; Mabasa 17:24-28) Hama neshamwari dzepedyo, kunyange vabereki havagoni kutiziva sezvinoita Jehovha. Pakutika Mwari anototiziva zviri nani kupfuura zvatinozviita! Musiki wedu anonzwisisa nenzira isingaenzanisirwi zvatinoda mumudzimu, mupfungwa, uye mumuviri. Sezvaanoticherechedza, anoratidza kunyatsonzwisisa zvatakaita, zvatinoshuva, uye zvatine shungu nazvo. Jehovha anonzwisisa zvatisingakwanisi, asi anozivawo zvakanaka zvatingagona kuita. Munyori wepisarema anoti: “Iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Nokudaro, tinogona kunzwa takachengeteka mumudzimu sezvatinotsvaka kufamba mumutemo wake, takagadzirira kuzviisa pasi penhungamiro yake.—Zvirevo 3:19-26.

13. Nei tichigona kuva nechivimbo kuti Jehovha anofarira zvinhu zvakatinakira?

13 Mutemo waMwari unobva kune Uyo anotida. Mwari ane hanya zvikuru nokugara kwedu zvakanaka nokusingaperi. Haana kurasikirwa zvikuru achipa Mwanakomana wake kuti ave “rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda” here? (Mateu 20:28) Jehovha haana kuvimbisa kuti ‘haangatiregi tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira’ here? (1 VaKorinde 10:13) Bhaibheri haritivimbisi kuti ‘ane hanya nesu’ here? (1 Petro 5:7) Hakuna ani zvake anofarira kupa vanhu nhungamiro inovabatsira kupfuura zvinoita Jehovha. Anoziva zvakatinakira uye pokuisa muganhu pakati pomufaro nokusuwa. Kunyange zvazvo tisina kukwana uye tichikanganisa, kana tikatsvaka kururama, anoratidza rudo rwake kwatiri nenzira dzinoguma noupenyu nezvikomborero.—Ezekieri 33:11.

14. Mutemo waMwari unosiyana nepfungwa dzevanhu munzira ipi inokosha?

14 Mutemo waMwari haumbochinji. Munguva dzenyonganyonga dzatiri kurarama, Jehovha idombo rakatsiga, ragara riripo uye richagara riripo. (Pisarema 90:2) Akati nezvake: “Ini Jehovha handishanduki.” (Maraki 3:6) Mitemo yaMwari, yakanyorwa muBhaibheri, yakavimbika zvakakwana—kusiyana nepfungwa dzevanhu dzinogara dzichichinja. (Jakobho 1:17) Somuenzaniso, kwemakore vanodzidza nezvemafungiro evanhu vaitsigira kurera vana vachiita madiro, asi pava paya vamwe vakazochinja pfungwa dzavo vakabvuma kuti zano ravo rakanga risina kururama. Mitemo yenyika nenhungamiro panyaya iyi zvinochinja chinja sokunge kuti zviri kupupurutswa nemhepo. Zvisinei, Shoko raJehovha harichinji. Kwemazana emakore Bhaibheri rave richipa zano nezvemarererwo evana orudo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Kupa chivimbo kwakadini kwazvinoita kuziva kuti tinogona kuvimba nezvinodiwa naJehovha; hazvichinji!

Zvikomborero Kuvaya Vanoteerera Mitemo yaMwari

15, 16. (a) Chii chichaitika kana tikashandisa zvinodiwa naJehovha? (b) Mitemo yaMwari inogona sei kuratidza kuti inotungamirira zvakanaka vanhu vakaroorana?

15 Kuburikidza nomuprofita wake Isaya, Mwari akati: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu . . . [“richabudirira,” NW].” (Isaya 55:11) Saizvozvowo, kana isu tikatevedzera zviri muShoko rake, tichabudirira, tichaita zvakanaka, uye tichafara.

16 Funga manakiro akaita mitemo yaMwari pakutungamirira vakaroorana. “Roorano ngaikudzwe pakati pavose,” akanyora kudaro Pauro, “mubhedha weroorano ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4) Vanhu vakaroorana vanofanira kuremekedzana nokudanana: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mukadzi wake sezvaanozviita; uyewo, mukadzi anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.” (VaEfeso 5:33) Rudzi rworudo runodiwa runotsanangurwa pana 1 VaKorinde 13:4-8: “Rudo rune mwoyo murefu rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runotsungirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.” Muchato unoratidzwa rudzi urwu rworudo hauzokundikani.

17. Zvinobatsirei kushandisa zvinodiwa naJehovha pakushandisa doro?

17 Chimwe chinoratidza kuti zvinodiwa naJehovha zvinobatsira, ndechokuti anoshora udhakwa. Anotoshora kunyange ‘kunyanyonwisa waini.’ (1 Timoti 3:3, 8; VaRoma 13:13) Vakawanda vanofuratira zvinodiwa naMwari panyaya iyi vanobatwa nezvirwere zvinokonzerwa kana kuti zvinowedzerwa nokunyanyonwa. Vachifuratira zano reBhaibheri pakuva nomwero, vamwe vakapinda mutsika yokunwisa vachiti “zvivabatsire kuzorodza pfungwa.” Zvinetso zvinobva mukunwisa zvakawanda, kusanganisira kurasikirwa noruremekedzo, kugaropopotedzana mumba kana kuparara kwemhuri, kutambiswa kwemari, nokubudiswa basa. (Zvirevo 23:19-21, 29-35) Zvinodiwa naJehovha maererano nokushandisa doro hazvisi dziviriro here?

18. Mitemo yaMwari inoshandisika here munyaya dzemari? Tsanangura.

18 Zvinodiwa naMwari zvave zvichiratidzawo kuti zvinoshanda panyaya dzemari. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuva vakavimbika nevanoshingaira. (Ruka 16:10; VaEfeso 4:28; VaKorose 3:23) VaKristu vakawanda vakakwidziridzwa pamabasa avo kana kuti vakaachengetedza vamwe pavaibudiswa, nokuti vanotevera zano iri. Mari inochengetedzekawo kana munhu akasiyana nemiitiro isiri yomumagwaro uye zvinhu zvinopinda muropa zvakadai sokubheja, kusvuta, uye kushandisa zvimwe zvinodhaka. Pasina mubvunzo unogona kufunga nezvezvimwe zvakanakira mitemo yaMwari pakuchengetedza mari.

19, 20. Nei iri nzira yokuchenjera kubvuma uye kuomerera kumitemo yaMwari?

19 Zviri nyore kuti vanhu vabve pamitemo yaMwari nezvaanoda. Funga nezvevaIsraeri paGomo reSinai. Mwari akati kwavari: “Kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose.” Vakadavira vachiti: “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.” Asi zvavakazoita zvakanga zvakasiyana sei nezvavakataura! (Eksodho 19:5, 8; Pisarema 106:12-43) Kusiyana naizvozvo ngatibvumei toramba takabatisisa zvinodiwa naMwari.

20 Nzira yokuchenjera neyomufaro ndeyokunyatsoomerera kumitemo yaJehovha isina inoenzana nayo yaakapa kuti atibatsire kutungamirira upenyu hwedu. (Pisarema 19:7-11) Kuti tibudirire kuita izvi, tinodawo kunzwisisa uye kuonga ukoshi hwenheyo dzemitemo yaMwari. Izvi ndizvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kuti uwane mashoko akakwana nezvo“mutemo waKristu,” ona Nharireyomurindi, yaSeptember 1, 1996, mapeji 14-24.

Uchiri Kuyeuka Here?

• Nei tichigona kuvimba kuti mitemo yaMwari iripo kutibatsira?

• Ndezvipi zvikonzero nei tichifanira kufarira mitemo yaJehovha?

• Mitemo yaMwari inobatsira munzira dzipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Abrahamu akakomborerwa zvikuru nokuteerera mutemo waJehovha

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kuzvidya mwoyo noupenyu hwemazuva ano hwakabatikana kunobvisa vakawanda pamutemo waMwari

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kufanana neimba ine mwenje unotungamirira iri pamusoro pedombo, mutemo waMwari wakatsiga uye hauchinji