Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsitsi—Musimboti Womutsa Netsiye Nyoro

Tsitsi—Musimboti Womutsa Netsiye Nyoro

Tsitsi—Musimboti Womutsa Netsiye Nyoro

“KANA uchigona kurerutsira mumwe matambudziko ake, uri kuraramira zviripo,” akanyora kudaro Helen Keller. Keller ainyatsoziva marwadzo omupfungwa. Paaiva nemwedzi 19, chirwere chakamusiya asisaoni kana kunzwa zvachose. Asi mumwe mudzidzisi aiva netsiye nyoro akadzidzisa Helen kuverenga nokunyora Braille uye, gare gare, kutaura.

Mudzidzisi waKeller, Ann Sullivan, ainyatsoziva kuodza mwoyo kwazvinoita kurwisana nechirwere. Iye pachake akanga asinganyatsooni. Asi Ann nenzira yokushivirira akagadzira nzira yokukurukura nayo naHelen noku“nyora” mabhii paruoko rwaHelen. Akurudzirwa netsitsi dzomudzidzisi wake, Helen akafunga kuzvipira kubatsira mapofu nematsi. Zvaakanga akunda urema hwake pashure pokushanda nesimba, akanzwira tsitsi vamwe vaivawo mumamiriro ezvinhu akadaro. Aida kuvabatsira.

Zvichida wakacherechedza kuti munyika ino ine udyire, zviri nyore ‘kuti munhu apfige musuo wetsitsi dzake huru’ asingadi kubatsira vamwe pane zvavanoda. (1 Johani 3:17) Zvisinei, vaKristu vanorayirwa kuda muvakidzani wavo nokudanana zvikuru. (Mateu 22:39; 1 Petro 4:8) Asi ungadaro uchiziva nezvechokwadi ichi: Kunyange tichinyatsoda kudanana, hatiwanzotsvaka mikana yokurerutsira vamwe marwadzo. Izvozvo zvingangova pamusana pokuti hatizivi zvavanoda. Tsitsi ndidzo dzinogona kuzarura musuo womutsa netsiye nyoro dzedu.

Tsitsi Chii?

Duramazwi Guru rechiShona rinoti tsitsi “kurwadzirwa mumwe zvakanyanya, pakunetseka kana kushayiwa kwake.” Tingati kukwanisa kuzviona setiri mumamiriro ezvinhu omumwe. Saka tsitsi dzinoda kuti titange tanzwisisa mamiriro ezvinhu omumwe munhu, chechipiri tonzwawo manzwiro aanoita pamusana pemamiriro ezvinhu iwayo. Hungu tsitsi dzine chokuita nokunzwa mumwoyo wedu kurwadziwa kuri kuita mumwe munhu.

Magwaro anotaura munzira dzakasiyana-siyana nezvetsitsi dzatiri kutaura nezvadzo pano. Muapostora Petro akapa vaKristu zano rokuti ‘vanzwirane ngoni, vadanane sehama nokunzwirana tsitsi.’ (1 Petro 3:8) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kunzwirana ngoni’ chaizvoizvo rinoreva “kutambura nomumwe” kana kuti “kuva netsiye nyoro.” Muapostora Pauro akataura nezvemanzwiro iwayo paakakurudzira vamwe vaKristu saiye kuti “farai nevanhu vanofara; chemai nevanhu vanochema.” Pauro akawedzera kuti: “Fungai vamwe sezvamunozviitawo.” (VaRoma 12:15, 16) Uye haubvumi here kuti hazvingamboiti kuda muvakidzani wedu sezvatinozviita kana tisingazvioni setiri mumamiriro ezvinhu aari?

Anenge munhu wose ane mwero wakati wetsitsi. Ndiani asina kurwadziwa paakaona mifananidzo inorwadzisa mwoyo yevana vari kuziya nenzara kana kuti vapoteri vakavhiringidzika? Ndiamai vapi vane rudo vangasanzwa kuchema kwomwana wavo? Asi hakusi kutambura kwose kunokurumidza kuonekwa. Zvakaoma sei kunzwisisa manzwiro omumwe munhu ari kuora mwoyo, akaremara zvisingaonekwi nyore, kunyange uya ane chinetso chokungoda kudya zvokudya zvishoma shoma—kana tisina kumbova nezvinetso zvakadaro pachedu! Kunyange zvakadaro, Magwaro anoratidza kuti tinogona uye tinofanira kunzwira ngoni vaya vari mumamiriro ezvinhu atisiri maari.

Mienzaniso yomuMagwaro Yokunzwira Tsitsi

Jehovha ndiye muenzaniso wedu mukuru wokunzwira tsitsi. Kunyange iye pachake akakwana, haatarisiri kuti isu tive vakakwana, “nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14; VaRoma 5:12) Uyezve, sezvo achiziva zvatisingakwanisi kuita, ‘haangatiregi tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira.’ (1 VaKorinde 10:13) Achishandisa vashumiri vake uye mudzimu wake, anotibatsira kuwana nzira yokuzvikunda nayo.—Jeremia 25:4, 5; Mabasa 5:32.

Jehovha pachake anonzwa kurwadziwa kunoita vanhu vake. Akaudza vaJudha vakanga vadzoka kubva kuBhabhironi kuti: “Unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso [rangu].” (Zekaria 2:8) Achinyatsoziva nezvetsitsi dzaMwari, munyori weBhaibheri Dhavhidhi akati kwaari: “Isai misodzi yangu mumudziyo wenyu; haizi murugwaro rwenyu here?” (Pisarema 56:8) Zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti Jehovha anorangarira misodzi inobudiswa nevashumiri vake vakatendeka sezvavanotamburira kuramba vakatendeseka—sokunge kuti yakanyorwa mubhuku!

Kufanana naBaba vake vokudenga, Jesu Kristu anokurumidza kunzwisisa manzwiro evamwe. Paakarapa mumwe murume aiva matsi, akaenda naye pavo voga, zvichida kuitira kuti asazonyara kana kuvhunduka nokuporeswa kwaaizoitwa nenzira inoshamisa. (Mako 7:32-35) Pachimwe chiitiko, Jesu akacherechedza imwe chirikadzi yakanga yava kuda kuviga mwanakomana wayo mumwe chete. Akakurumidza kuziva kurwadziwa kwayakanga ichiita, akaenda kwaiva nomudungwe wemariro acho, ndokumutsa jaya racho.—Ruka 7:11-16.

Pashure pokumuka kwake, Jesu paakaonekwa naSauro pamugwagwa waienda kuDhamasiko, akaita kuti Sauro azive kuti kutambudza noutsinye kwaaiita vadzidzi kwaimurwadza sei. “Ndini Jesu, wauri kutambudza,” akamuudza kudaro. (Mabasa 9:3-5) Jesu ainzwa pachake kurwadziwa kwaiita vadzidzi vake, kufanana naamai vanonzwawo kurwadziwa kunoita mwana wavo ari kurwara. Saizvozvowo, zvaari Mupristi Mukuru wedu, Jesu ‘anonzwira tsitsi kusava nesimba kwedu,’ kana kuti maererano neshanduro yaRotherham, ‘anozviisa panzvimbo yedu pakusava nesimba kwedu.’—VaHebheru 4:15.

Muapostora Pauro akadzidza kunzwisisa kurwadziwa kunoita vamwe uye manzwiro avo. “Ndiani asina simba, ini ndikasava asina simba? Ndiani anogumburwa, ini ndikasarwadziwa?” akabvunza kudaro. (2 VaKorinde 11:29) Apo ngirozi yakanunura Pauro naSirasi nenzira inoshamisa muusungwa mujeri rokuFiripi, Pauro akatanga kufunga nezvokuudza murindi wejeri kuti hapana akanga atiza. Nenzira yetsitsi akaziva kuti murindi wejeri wacho angangozviuraya. Pauro aiziva kuti maererano netsika yeRoma, murindi wejeri airangwa zvakaomarara kana musungwa akapukunyuka—kunyanya kana akanga arayirwa kunyatsomuchengetedza. (Mabasa 16:24-28) Chiito chaPauro chinoponesa upenyu chomutsa chakafadza murindi wejeri kwazvo, uye iye nemhuri yake vakatora matanho okuti vave vaKristu.—Mabasa 16:30-34.

Nzira Yokukudziridza Nayo Kuva Netsitsi

Magwaro anotikurudzira atikurudzirazve kutevedzera Baba vedu vokudenga noMwanakomana wavo, Jesu Kristu, saka tsitsi unhu hwatinogona kukudziridza. Tingaita sei izvi? Kune nzira nhatu huru dzatinogona kuita nadzo kuti tinyatsongwarira zvinodiwa nevamwe uye manzwiro avo: nokuteerera, nokucherechedza, uye kufungidzira.

Teerera. Nokunyatsoteerera tinodzidza zvinetso zvinotarisana nevamwe. Uye kana tikavateerera zvakanaka naivowo vangabva vanzwa vachida kuzarura mwoyo yavo votitaurira manzwiro avanoita. “Ndinogona kutaura nomurume mukuru kana ndine chivimbo chokuti achanditeerera,” anotsanangura kudaro Miriam. “Ndinoda kuziva kuti anonyatsonzwisisa chinetso changu. Chivimbo changu maari chinokura paanondibvunza mibvunzo yokuda kuziva zvimwe zvinhu iyo inoratidza kuti anyatsoteerera zvandamuudza.”

Cherechedza. Havasi vanhu vose vachatiudza pachena manzwiro avanoita kana kuti zviri kuitika kwavari. Zvisinei, munhu anonyatsocherechedza achazviona apo mumwe muKristu anoratidza kuva akaora mwoyo, apo ari kuyaruka anova munhu asingadi kukurukura nevamwe, kana kuti mushumiri anoshingaira anorasikirwa nechido chake. Mano aya okuona chinetso chichiri kutanga anokosha kuvabereki. “Amai vangu vane maziviro avanoita manzwiro andinoita ndisati ndataura navo,” anodaro Marie, “saka zviri nyore kuti nditaure navo ndakasununguka nezvezvinetso zvangu.”

Ita zvokufungidzira. Nzira inonyatsoshanda yokuti unzwire tsitsi ndeyokuzvibvunza kuti: ‘Dai ndaiva mumamiriro ezvinhu aya, ndaizonzwa sei? Ndaizoita sei? Ndaizodei?’ Vanyaradzi vatatu vaJobho vokunyepera vakaratidza kuti vakanga vasingakwanisi kuzviisa munzvimbo iyi. Saka, vakamutukira zvivi zvokufungidzira zvavaiti pamwe akanga apara.

Vanhu vasina kukwana vanowanzozviwana zviri nyore kutonga zvikanganiso zvevamwe pane kunzwisisa manzwiro avanoita. Zvisinei, kana tikaedza zvakasimba kufungidzira nhamo yomumwe munhu ari kutambudzika, zvichatibatsira kumunzwira urombo pane kumupa mhosva. “Ndinopa zano riri nani kwazvo pandinonyatsoteerera ndoedza kunzwisisa mamiriro ose ezvinhu ndisati ndatanga kupa mazano okushandisa,” akataura kudaro Juan, mumwe mukuru ane unyanzvi.

Mabhuku anoparadzirwa neZvapupu zvaJehovha akabatsira vakawanda panyaya iyi. Magazini eNharireyomurindi neMukai! akakurukura zvinetso zvakaoma zvakadai sokuora mwoyo nokushungurudzwa kwevana. Mashoko aya anofambirana nenguva anobatsira vaverengi kukurumidza kucherechedza manzwiro anoita vaya vanotambura nenzira dzakadaro. Saizvozvowo, bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rakabatsira vabereki vakawanda kunzwisisa zvinetso zvevana vavo.

Tsitsi Dzinobatsira Mumabasa echiKristu

Vakawanda vedu hatingasiyi kamwana kachifa nenzara kana tiine zvokudya zvokuti tikapewo. Kana tine tsitsi, tichanzwisisawo mamiriro ezvinhu omudzimu omumwe munhu. Bhaibheri rinorondedzera nezvaJesu kuti: “Achiona mapoka evanhu akasiririswa navo, nokuti aibatwa zvisina kufanira uye akanga akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Mamiriyoni evanhu nhasi ndizvo zvaari mumudzimu, uye anoda kubatsirwa.

Somuzuva raJesu, tingafanira kukurira kufungira vamwe zvakashata kana kuti tsika dzakadzika midzi kuti tisvike pamwoyo yevamwe vanhu. Mushumiri anonzwira urombo anoedza kuwana nyaya yaanobvumirana nevanhu kana kutaura nyaya dziri mupfungwa mevanhu kuitira kuti shoko rake rifadze zvikuru. (Mabasa 17:22, 23; 1 VaKorinde 9:20-23) Zviito zvomutsa zvinokonzerwa nokunzwira tsitsi zvinogonawo kuita kuti vateereri vedu vanyanye kuda kugamuchira shoko roUmambo, sezvakaitika kumurindi wejeri rokuFiripi.

Tsitsi dzinokosha pakutibatsira kurega kufunga nezvokukundikana kwevamwe vari muungano. Kana tikaedza kunzwisisa manzwiro eimwe hama yakatigumbura, pasina mubvunzo tichazviwana zviri nyore kuikanganwira. Zvichida taizoita nenzira iyoyo kudai taiva mumamiriro ezvinhu akafanana neake. Tsitsi dzaJehovha dzinomuita kuti ‘arangarire kuti tiri guruva,’ saka tsitsi dzedu hadzifaniri kutiita kuti tibvumire kusakwana kwevamwe uye kuti ‘tivakanganwire zvikuru’ here?—Pisarema 103:14; VaKorose 3:13.

Kana tichifanira kupa zano, zvichida tichadaro nenzira yomutsa zvikuru kana tichinzwisisa mafungiro nemanzwiro omunhu akanganisa wacho. Mukuru ane tsitsi anozviyeuchidza kuti: ‘Iniwo ndaigona kuita chikanganiso ichi. Ndingavawo mumamiriro ake ezvinhu.’ Saka Pauro anorumbidza kuti: “Edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro, muchizvichenjerera, muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.”—VaGaratiya 6:1.

Tsitsi dzinogonawo kutiita kuti tide kubatsira kana tine simba rokuita kudaro, kunyange kana mumwe muKristu angasanzwa achida kutikumbira kuti tidaro. Muapostora Johani anonyora kuti: “Munhu ane zvokutsigira upenyu zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa asi akaipfigira musuo wetsitsi dzake huru, kuda Mwari kunoramba kuri maari munzirai? . . . Ngatirege kuda, kana neshoko kana norurimi, asi nezviito nechokwadi.”—1 Johani 3:17, 18.

Kuti tide “nezviito nechokwadi,” chokutanga tinoda kuona zvinonyatsodiwa nehama yedu. Tinonyatsoongorora zvinodiwa nevamwe tichifunga nezvokuvabatsira here? Ndidzo dzinonzi tsitsi idzodzo.

Kudziridza Kunzwira Ngoni

Pamwe hatisi vanhu vagara vane tsitsi, asi tinogona kukudziridza kunzwira ngoni uku. Kana tikanyatsoteerera, tikanyatsocherechedza, uye tikazvifungidzira tiri mumamiriro ezvinhu omumwe kakawanda, tsitsi dzedu dzichawedzera. Izvi zvichaita kuti tinzwe tichida kuratidza rudo rwakakura, mutsa, netsiye nyoro kuvana vedu, kuvamwe vaKristu, uye kuvavakidzani vedu.

Usambobvumira udyire kukanganisa tsitsi dzako. “Mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake,” akanyora kudaro Pauro, “asi ngaatarire zvavamwewo.” (VaFiripi 2:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Nguva yedu yemberi isingagumi inoenderana netsitsi dzaJehovha nedzoMupristi Mukuru wake, Jesu Kristu. Saka tinosungirwa kukudziridza unhu uhwu. Tsitsi dzedu dzichatipa simba rokuva vashumiri vari nani uye vabereki vari nani. Kupfuura zvose, tsitsi dzedu dzichatibatsira kuziva kuti “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Tsitsi dzinosanganisira kunyatsocherechedza zvinodiwa nevamwe tichifunga nezvokuvabatsira

[Mufananidzo uri papeji 26]

Tichadzidza kuratidza tsitsi dzinonzwiwa naamai vane rudo kumwana wavo here?