Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tungamirira Nhanho Dzako Nenheyo Dzemitemo yaMwari

Tungamirira Nhanho Dzako Nenheyo Dzemitemo yaMwari

Tungamirira Nhanho Dzako Nenheyo Dzemitemo yaMwari

“[Jehovha] unokudzidzisa zvinokubatsira.”—ISAYA 48:17.

1. Musiki anotungamirira sei vanhu?

VASAYENDISITI zvavanoshanda zvakaoma kuti vaongorore zvakasikwa zvavasinganzwisisi, vanoshamiswa nouwandu hwesimba riri mumitumbi yomuchadenga yakatipoteredza. Zuva redu—riri nyeredzi yakakura zviri pakati nepakati—rinobudisa simba rinoenzana ne“mabhiriyoni 100 emabhomba ehydrogen ari kuputika sekondi yoga yoga.” Musiki anogona kudzora mitumbi yakakura zvakadaro achingoshandisa simba rake risina miganhu. (Jobho 38:32; Isaya 40:26) Zvakadini nesu vanhu, takapiwa chipo chokuzvisarudzira, chokukwanisa kusarudza tsika, kuzvifungira, uye kuziva kuti kunonamatwa? Musiki wedu akaona zvakakodzera kutitungamirira munzira ipi? Anotitungamirira norudo achishandisa mitemo yake yakakwana nenheyo dzayo dzakanakisisa, zvichibatana nehana dzedu dzakarovedzwa.—2 Samueri 22:31; VaRoma 2:14, 15.

2, 3. Jehovha anofarira kuteerera kworudzii?

2 Mwari anofarira zvisikwa zvakangwara zvinosarudza kumuteerera. (Zvirevo 27:11) Pane kugara akatirongera kuti timutevedzere semarobhoti, Jehovha akaita kuti tigone kuzvisarudzira zvokuti tinosarudza tichiziva, kuita chakarurama.—VaHebheru 5:14.

3 Jesu, uyo ainyatsoratidza zvakaita Baba vake, akati kuvadzidzi vake: “Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai. Handichakutiizve varanda.” (Johani 15:14, 15) Makarekare, muranda akanga asina zvokusarudza kunze kwokungoita zvinotaurwa natenzi wake. Ukuwo, ushamwari hunoumbwa nokuratidza unhu hunokwezva mwoyo. Tinogona kuva shamwari dzaJehovha. (Jakobho 2:23) Ushamwari uhwu hunosimbaradzwa nokuva norudo kwedu. Jesu akabatanidza kuteerera Mwari norudo paakati: “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, uye Baba vangu vachamuda.” (Johani 14:23) Kuti adaro—uye kuti atitungamirire zvisina ngozi—Jehovha anotikumbira kurarama maererano nenheyo dzemitemo yake.

Nheyo Dzemitemo yaMwari

4. Ungarondedzera sei nheyo dzemitemo?

4 Nheyo dzemitemo chii? Nheyo yomutemo inorondedzerwa se“chokwadi chinozivikanwa nevakawanda kana kuti chinokosha: mutemo unobatanidza zvakawanda kana kuti unovakirwa mimwe mitemo, dzidziso, kana kuti pfungwa yakavakirwa kana kuti inobviswa dzimwe pfungwa pairi.” (Webster’s Third New International Dictionary) Kunyatsodzidza Bhaibheri kunoratidza kuti Baba vedu vokudenga vanotipa nhungamiro dzinokosha dzinobatanidza mamiriro ezvinhu akatsaukana-tsaukana muupenyu. Vanoita izvi vaine pfungwa yokuti zvitifambire zvakanaka nokusingaperi. Izvozvo zvinoenderana nezvakanyorwa naMambo Soromoni kuti: “Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; makore oupenyu hwako agova mazhinji. Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; ndakakufambisa pamakwara akarurama.” (Zvirevo 4:10, 11) Nheyo dzinokosha dzemitemo dzinopiwa naJehovha dzine chokuita noukama hwedu naye uye nevamwe vanhu, kunamata kwedu, uye upenyu hwedu hwezuva nezuva. (Pisarema 1:1) Ngatimboongorora dzimwe dzenheyo dzemitemo idzodzo dzinokosha.

5. Ipa mienzaniso yedzimwe nheyo dzemitemo dzinokosha.

5 Nezvoukama hwedu naJehovha, Jesu akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Uyezve, Mwari anopa nheyo dzemitemo dzine chokuita nemabatiro atinoita vamwe vanhu, dzakadai senheyo yomutemo iyi: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” (Mateu 7:12; VaGaratiya 6:10; Tito 3:2) Maererano nokunamata, tinokurudzirwa kuti: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu.” (VaHebheru 10:24, 25) Nezvemararamiro edu ezuva nezuva, muapostora Pauro anoti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.” (1 VaKorinde 10:31) Pane dzimwe nheyo dzemitemo dzisingaverengeki dziri muShoko raMwari.

6. Nheyo dzemitemo dzinosiyana sei nemitemo pachayo?

6 Nheyo dzemitemo ichokwadi chinoshanda, chinokosha, uye vaKristu vakangwara vanodzidza kudzida. Jehovha akafuridzira Soromoni kunyora kuti: “Teerera mashoko angu; rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Urambe uchiatarira, uachengete mukati momwoyo mako. Nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana, noukukutu hwenyama yavo yose.” (Zvirevo 4:20-22) Ko nheyo dzemitemo dzinosiyana sei nemitemo pachayo? Panheyo dzemitemo ndipo panovakirwa mitemo. Mirau, iyo inowanzonanga pazvimwe zvinhu zvakati, inogona kushanda panguva kana kuti pamamiriro ezvinhu akati kuti, asi nheyo dzemitemo hadzina nguva. (Pisarema 119:111) Nheyo dzemitemo yaMwari hadziperi basa kana kupfuura nokufamba kwenguva. Mashoko akafuridzirwa omuprofita Isaya anoratidza kuva echokwadi anoti: “Uswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.”—Isaya 40:8.

Funga uye Ita Maererano neNheyo Dzemitemo

7. Shoko raMwari rinotikurudzira sei kufunga uye kuita maererano nenheyo dzemitemo?

7 Nguva nenguva, “shoko raMwari wedu” rinotikurudzira kufunga uye kuita maererano nenheyo dzemitemo. Apo Jesu akakumbirwa kutaura Mutemo muchidimbu, akataura zvinhu zviviri zvakanyatsobatana—chimwe chichisimbisa kuda Jehovha, chimwe chacho chichisimbisa kuda vamwe vanhu. (Mateu 22:37-40) Paaidaro, Jesu aitora chimwe chikamu chemashoko aiva muchidimbu edzidziso dzoMutemo waMosesi, ari pana Dheuteronomio 6:4, 5 anoti: “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete. Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” Zviri pachena kuti Jesu aifungawo nezvenhungamiro yaMwari inowanika pana Revhitiko 19:18. Mumashoko okupedzisira akajeka, akanyatsokwenenzverwa, uye ane simba ebhuku raMuparidzi, mashoko aMambo Soromoni anotaura mitemo yaMwari yakawanda muchidimbu achiti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwe chete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.”—Muparidzi 12:13, 14; Mika 6:8.

8. Nei iri dziviriro kunyatsonzwisisa zvakakwana nheyo dzemitemo dzinokosha dziri muBhaibheri?

8 Kunyatsonzwisisa zvakakwana nheyo dzemitemo dzinokosha dzakadaro kunotibatsira kushandisa uye kunzwisisa nhungamiro yakananga. Uyezve, kana tisinganyatsonzwisisi uye tisingabvumi nheyo dzemitemo dzokutanga, tingasakwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka uye kutenda kwedu kungava nyore kuzunungutswa. (VaEfeso 4:14) Tikaisa nheyo dzemitemo idzodzo mupfungwa dzedu nemwoyo, tichava tagadzirira kudzishandisa pakuita zvisarudzo. Tikadzishandisa nokunzwisisa, dzinoita kuti tibudirire.—Joshua 1:8; Zvirevo 4:1-9.

9. Nei zvisiri nyore nguva dzose kunzwisisa uye kushandisa nheyo dzemitemo dziri muBhaibheri?

9 Kunzwisisa uye kushandisa nheyo dzemitemo dziri muBhaibheri hakusi nyore sezvakaita kutevedzera mitemo yakagadzwa. Sevanhu vasina kukwana tingasada kuedza kufunga tichishandisa nheyo dzemitemo. Tingada murau unogara wakatoiswa kana tatarisana nechisarudzo kana kuti tapererwa nezano. Dzimwe nguva tingatsvaka kuudzwa zvokuita nomuKristu akakura mumudzimu—zvichida mukuru muungano—tichitarisira kuti achatipa murau wakananga unoshanda pamamiriro edu ezvinhu. Asi Bhaibheri kana kuti mabhuku anotsanangura zviri muBhaibheri angasapa murau wakananga, uye kunyange kana tikaupiwa, ungasava nhungamiro inoshanda nguva dzose uye mumamiriro ose ezvinhu. Ungayeuka kuti mumwe murume akakumbira Jesu kuti: “Mudzidzisi, udzai, mukoma wangu kuti agovane neni nhaka.” Panzvimbo pokungotonga nokukurumidza kuti agadzirise bopoto pakati pevana vomunhu mumwe, Jesu akamupa nheyo yemitemo isina kunyanya kunanga: “Rambai makasvinura muchenjerere kuchochora kworudzi rwose.” Saka Jesu akapa nhungamiro yaishanda panguva iyoyo uye ichiri kudaro iye zvino.—Ruka 12:13-15.

10. Kuzvibata kwatinoita maererano nenheyo dzemitemo kunoratidza sei zviri kutsi kwomwoyo wedu?

10 Zvichida wakamboona vanhu vanoteerera mutemo vasingadi, vachitya chirango. Kuremekedza nheyo dzemitemo kunobvisa mafungiro iwayo. Zvakaita nheyo dzemitemo chaizvo zvinoita kuti vaya vanodzorwa nadzo vadzitevedzere zvichibva pamwoyo. Chaizvoizvo, nheyo zhinji dzemitemo hadzisanganisiri chirango chepakarepo kune vaya vasingaiti maererano nadzo. Izvi zvinotipa mukana wokuratidza chikonzero nei tichiteerera Jehovha, zviri kutsi kwomwoyo wedu. Tinowana muenzaniso mukuramba kwaJosefa kuita unzenza sezvaidiwa nomudzimai waPotifari. Kunyange zvazvo Jehovha akanga asati apa mutemo wakanyorwa pamusoro poupombwe uye pasina chirango chaibva kuna Mwari chokurara nomukadzi womumwe murume chakanga chakaziviswa, Josefa aiziva nheyo dzemitemo dzokuva akavimbika kune wawakaroorana naye dzakaitwa naMwari. (Genesi 2:24; 12:18-20) Tinogona kuona pamadaviriro aakaita kuti nheyo dzemitemo dzakadaro dzaimudzora zvine simba: “Ndingaita sei chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?”—Genesi 39:9.

11. Muzvinhu zvipi munoda kuti vaKristu vatungamirirwe nenheyo dzemitemo yaJehovha?

11 Nhasi, vaKristu vanoda kutungamirirwa nenheyo dzemitemo yaJehovha munhau dzavo voga dzakadai sokusarudza vokutamba navo, varaidzo, mimhanzi, nezvokuverenga. (1 VaKorinde 15:33; VaFiripi 4:8) Sezvatinowedzera kuziva, kunzwisisa, uye kuda Jehovha nezvaanoda, hana dzedu, mafungiro atinoita nezvokuzvibata, achatibatsira kushandisa nheyo dzemitemo yaMwari mumamiriro ezvinhu api zvawo atinotarisana nawo, kunyange munyaya dzedu dzakavanzika zvikuru. Kana tichitungamirirwa nenheyo dzemitemo yeBhaibheri, hatizotsvaki pokunzvenga napo kutevera mitemo yaMwari; uyewo hatizotevedzeri vaya vanoda kuona kuti vanogona kusvika papi vachiita chakaipa vasati vanyatsoputsa mutemo. Tinoziva kuti mafungiro iwayo ndeokuzvikuvadza.—Jakobho 1:22-25.

12. Chii chinokosha pakutungamirirwa nenheyo dzemitemo yaMwari?

12 VaKristu vakakura mumudzimu vanoziva kuti chinokosha pakutevera nheyo dzemitemo yaMwari kuziva kuti Jehovha anonzwa sei pamusoro penhau yakati. “Vengai zvakaipa,” anokurudzira kudaro munyori wepisarema, “imi munoda Jehovha.” (Pisarema 97:10) Ichironga zvimwe zvezvinhu zvinganzi naMwari zvakaipa Zvirevo 6:16-19 inoti: “Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodurura ropa risina mhaka; mwoyo unofunga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; chapupu chinonyengera chinoreva nhema, uye unokusha kupesana pakati pehama.” Kana upenyu hwedu hukadzorwa nechido chokuratidza manzwiro anoita Jehovha pamusoro pezvinhu zvinokosha zvakadaro, kurarama maererano nenheyo dzemitemo kunobva kwava mararamiro enguva dzose.—Jeremia 22:16.

Vavariro Yakanaka Inodiwa

13. Mafungiro api akasimbiswa naJesu muMharidzo yake yepaGomo?

13 Kuziva uye kushandisa nheyo dzemitemo kunodzivirirawo kumusungo wokunamata zvokungoti zvitibve. Pane musiyano pakati pokutevedzera nheyo dzemitemo nokutevedzera mirau yakagadzwa. Jesu akaratidza izvi zvakajeka paMharidzo yepaGomo. (Mateu 5:17-48) Yeuka kuti vanhu vakanga vakateerera Jesu vaiva vaJudha, saka mufambiro wavo waifanira kudzorwa noMutemo waMosesi. Asi chokwadi ndechokuti maonero avaiita Mutemo wacho akanga akakanganisika. Vakanga vasvika pakusimbisa zvakanyorwa paMutemo panzvimbo pezvaunoreva. Uye vaisimbisa tsika dzavo, vachidzikwidziridza kupfuura dzidziso yaMwari. (Mateu 12:9-12; 15:1-9) Izvi zvakaguma zvoita kuti vanhu vakawanda vasadzidziswa kufunga zvinoenderana nenheyo dzemitemo.

14. Jesu akabatsira sei vateveri vake kufunga maererano nenheyo dzemitemo?

14 Kusiyana naizvozvo, Jesu muMharidzo yepaGomo akasanganisira nheyo dzemitemo munhau shanu dzokuzvibata: hasha, kuroorana nokurambana, kuvimbisa, kutsiva, uye rudo noruvengo. Muimwe neimwe yazvo, Jesu akaratidza kubatsira kwazvinoita kutevedzera nheyo yomutemo. Saka Jesu akaratidza vateveri vake muenzaniso wokuzvibata. Somuenzaniso, panyaya youpombwe, akapa nheyo yomutemo inochengetedza kwete chete zviito zvedu asiwo zvido zvedu: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateu 5:28.

15. Tingaita sei kuti tisanyanyova vanoomerera kumitemo yakanyorwa?

15 Muenzaniso uyu unoratidza kuti hatifaniri kutombotadza kuona chinangwa chenheyo dzemitemo yaJehovha. Zvechokwadi hatifaniri kuedza kudiwa naMwari kuburikidza nokuratidza kunge tinozvibata isu tisingadaro. Jesu akafumura unyengeri hwemafungiro akadaro nokutaura nezvengoni uye rudo rwaMwari. (Mateu 12:7; Ruka 6:1-11) Tichitevera nheyo dzemitemo yeBhaibheri, ticharega kuedza kurarama (kana kumanikidza vamwe kurarama) maererano nemitemo isingachinjiki inorambidza nokubvumidza inopfuura zvinodzidziswa neBhaibheri. Tinenge tava kunyanyova nehanya nenheyo dzemitemo yorudo nokuteerera Mwari kupfuura maonerwo anoitwa kunamata kwedu.—Ruka 11:42.

Zvibereko Zvinofadza

16. Ipa mienzaniso yenheyo dzemitemo pakavakirwa mimwe mirayiro yeBhaibheri.

16 Sezvatinoedza kuteerera Jehovha, zvinokosha kuziva kuti mitemo yake yakavakirwa panheyo dzinokosha. Somuenzaniso, vaKristu vanofanira kusanamata zvifananidzo, kusaita unzenza, uye kusashandisa ropa zvisirizvo. (Mabasa 15:28, 29) Chii chiri seri kwezvingaitwa nevaKristu panyaya idzodzo? Mwari ane kodzero yokuti tizvipire kwaari zvakakwana; tinofanira kuva vakavimbika kuvatakaroorana navo; uye Jehovha ndiye Mupi Woupenyu. (Genesi 2:24; Eksodho 20:5; Pisarema 36:9) Kunzwisisa nheyo dzemitemo dziri seri kwacho idzi kunoita kuti zvitiitire nyore kubvuma uye kutevedzera mitemo yakabatana nadzo.

17. Ndezvipi zvakanaka zvinobva pakunzwisisa nokushandisa nheyo dzemitemo yeBhaibheri?

17 Sezvatinonzwisisa nheyo dzemitemo dziri seri kwacho todzishandisa, tinosvika pakuziva kuti dziripo kutibatsira. Zvikomborero zvomudzimu zvinowanika nevanhu vaMwari zvinowanzosanganisira zvimwe zvinhu zvinobatsira zvinotooneka. Somuenzaniso, vaya vasingasvuti, vasingaiti unzenza muupenyu hwavo, uye vanoremekedza utsvene hweropa havabatwi nezvimwe zvirwere. Saizvozvowo, kurarama maererano nechokwadi chaMwari kunogona kutibatsira munyaya dzemari, mukugarisana nevamwe, kana kuti munhau dzomumba. Kubatsirwa kupi zvako kwakanaka zvakadaro kunoratidza kukosha kwezvinodiwa naJehovha, kuti zvinotevedzereka. Asi kuti zvitinakire saizvozvo hakusiri iko chikonzero chaicho chokushandisa nheyo dzemitemo yaMwari. VaKristu vechokwadi vanoteerera Jehovha nokuti vanomuda, nokuti ane kodzero yokuti vamunamate, uye nokuti ndicho chinhu chakarurama chokuita.—Zvakazarurwa 4:11.

18. Kana tichida kuva vaKristu vanobudirira, chii chinofanira kutungamirira upenyu hwedu?

18 Kurega upenyu hwedu huchitungamirirwa nenheyo dzemitemo kunoita kuti tive nemararamiro akakwirira, ayo anogonawo kukwevera vamwe kunzira yaMwari. Chinokosha kupfuura zvose, mararamiro edu anorumbidza Jehovha. Tinoziva kuti Jehovha ndiMwari ane rudo zvechokwadi anoda kuti zvinhu zvitinakire. Kana tichiita zvisarudzo maererano nenheyo dzemitemo yeBhaibheri uye tichiona kuti Jehovha anotikomborera zvakadini, tinosvika pakunzwa tiri pedyo naye zvikuru. Hungu, tinowedzera kuva noukama hworudo naBaba vedu vokudenga.

Unoyeuka Here?

• Nheyo yemitemo chii?

• Nheyo dzemitemo dzinosiyana sei nemitemo?

• Nei zvichibatsira kuti tifunge uye tiite maererano nenheyo dzemitemo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 20]

Wilson, mumwe muKristu anobva kuGhana, akaziviswa kuti mumazuva mashomanana, aizobudiswa basa. Pazuva rake rokupedzisira, akapiwa basa rokugeza motokari yomukuru wekambani yacho. Wilson paakawana chitsama chemari mumotokari yacho, foromani wake akamuudza kuti Mwari akanga amutumira mari yacho nokuti akanga ava kumiswa basa. Zvisinei, achishandisa nheyo dzemitemo yeBhaibheri pamusoro pokuvimbika, Wilson akadzorera mukuru wekambani mari yake. Ashamiswa uye afadzwa, mukuru wekambani akabva ati pakarepo Wilson ave mushandi wepo zvachose ndokubva amusimudzirawo kuti ave mumwe wevakuru vakuru vevashandi vekambani.—VaEfeso 4:28.

[Bhokisi riri papeji 21]

Rukia mumwe mukadzi wokuAlbania ane makore ari kuma60. Zvakonzerwa nebopoto rakamuka mumhuri, akanga asingataudzani nehanzvadzi yake kwemakore 17. Akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye akadzidza kuti vaKristu vanofanira kuva norugare navose, vasingavi nepfundepfunde. Akarara achinyengetera, uye hana yake ichirova zvokuti, akaenda kumba kwehanzvadzi yake. Muzukuru wake akamuzarurira musuo. Ashamiswa, akabvunza Rukia kuti: “Ndiani afa? Mavingei?” Rukia akakumbira kuti aida kuona hanzvadzi yake. Akatsanangura zvinyoronyoro kuti kudzidza nezvenheyo dzemitemo yeBhaibheri uye nezvaJehovha kwaive kwamuita kuti ade kuyanana nehanzvadzi yake. Mushure memisodzi nokumbundirana, vakapemberera kuwiriranazve uku!—VaRoma 12:17, 18.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mateu 5:27, 28

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mateu 5:3

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mateu 5:24

[Mufananidzo uri papeji 23]

“Paakaona mapoka evanhu akakwira mugomo; akati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari; uye akashamisa muromo wake akatanga kuvadzidzisa.”—MATEU 5:1, 2