Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakafadzwa nokuverenga magazini eNharireyomurindi omunguva pfupi yapfuura here? Ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:

Ipurogiramu ipi yako pachako ine chokuita neMharidzo Yepagomo yaungashandisa kuti uderedze kunetseka nepfungwa?

Zuva rimwe nerimwe, ungaverenga imwe yedzidziso huru dzaJesu iri mumharidzo iyoyo kana kumwewo muEvhangeri. Nokufungisisa dzidziso iyoyo uye nokutsvaka kuishandisa pachako, ungangowana mufaro wakawedzera uye ungaderedza kunetseka nepfungwa.—12/15, mapeji 12-14.

Ndezvipi zvikonzero zvitatu zvakanaka zvokuti vakuru varovedze vashumiri vanoshumira kuita mamwe mabasa?

Nokuwedzera kuri kuita nhamba yeZvapupu zvaJehovha, vamwe varume vanotakura mitoro vari kudiwa kuti vabatsire vachangobva kubhabhatidzwa kuti vafambire mberi. Zera kana kuti kurwara kwava kutadzisa vamwe vakuru vava nenguva vachishumira kuita zvimwe zvinhu. Uye vamwe vakuru vane mitoro isiri yomuungano dzavo chete, saka vangasakwanisa kuita zvakawanda muungano yavo sezvavaimboita.—1/1, peji 29.

Vanhu vanovimba sei navanamwari vasiri vechokwadi?

Vakawanda vanonamata vanamwari vezvitendero zvavo, asi ivava vangangova vanamwari vasina upenyu vasingagoni kununura sezvaingoita Bhaari womumazuva aEriya. (1 Madzimambo 18:26, 29; Pisarema 135:15-17) Vamwe vanoremekedza vanhu vanoita zvokuvaraidza vanhu kana kuti nyanzvi dzemitambo, dzisingagoni kupa tariro chaiyoiyo yeramangwana. Kusiyana naivava, Jehovha ariko chaizvo uye anozadzika zvinangwa zvake.—1/15, mapeji 3-5.

Chii chatingadzidza pane zvakaitwa naKaini paakanyeverwa naMwari?

Mwari akatipa rusununguko rwokusarudza, uye tinogona kusarudza kuita zvakarurama pane kurega kuita zvakanaka, sezvakaita Kaini. Nhoroondo yeBhaibheri inoratidzawo kuti Jehovha anotonga vasingapfidzi.—1/15, mapeji 22-3.

Nei kuchena kuchinyanya kukosha iye zvino?

Netsika dziri kuchinja, vanhu vakawanda vanopedza nguva shoma vachichenesa musha wavo kupfuura zvaiwanzoitwa. Kurega kuchenesa zvokudya uye mvura kunogona kukonzera ngozi dzoutano. Kuwedzera pakuchena mumuviri, Bhaibheri rinosimbisawo kungwarira kuchena mumudzimu, mutsika, uye mupfungwa.—2/1, mapeji 3-6.

Nezvezvapupu zvaivapo chiKristu chisati chavapo, Pauro akati vaisazo“kwaniswa isu tisipo.” Izvozvo zvinodaro sei? (VaHebheru 11:40)

MuMireniyumu iri kuuya, Kristu nehama dzake dzakazodzwa dzinenge dziri kudenga, dzichishumira semadzimambo nevapristi, vachaita kuti vachamutswa vabatsirwe norudzikinuro. Vakatendeka vakadaro sezvinotaurwa muna VaHebheru chitsauko 11 ndipo pavacha“kwaniswa.”—2/1, peji 23.

Pauro airevei paakaudza vaHebheru kuti: “Hamusati mambodzivisa kusvika pakubuda ropa”? (VaHebheru 12:4)

Aireva kushinga kusvikira pakufa. Nhoroondo yaiva nemienzaniso yevanhu vakanga vakatendeka kusvikira pakufa. Kunyange vaHebheru vakanga vanyorerwa naPauro vakanga vasina kuedzwa kusvika ipapo, vaifanira kufambira mberi kusvikira vakura, vachivaka kutenda kwavo kuti vatsungirire chero chingauya.—2/15, peji 29.

Nei zvakanakisisa kusataura kuti Jehovha anopomhodza kururamisira kwake nengoni?

Mune mimwe mitauro, “kupomhodza” kunogona kureva kuita kuti zvive nomwero kana kuti kudzora. Jehovha ndiMwari weruramisiro nengoni, uye paanozviratidza, zviviri izvi zvinoshanda zvichipindirana. (Eksodho 34:6, 7; Dheuteronomio 32:4; Pisarema 116:5; 145:9) Kururamisira kwaJehovha hakudi kupfaviswa kana kupomhodzwa nengoni.—3/1, peji 30.

Zvakanaka here kuti muKristu aite kuti chitunha chehama yake chiomeswe?

Kuomesa inzira yokuchengetedza nayo chitunha. Vamwe vanhu vekare vaiita tsika iyi nezvikonzero zvechitendero. Vanamati vechokwadi havangadaro. (Muparidzi 9:5; Mabasa 24:15) Kuomesa chitunha kwaizongononotsa zvisingadzivisiki, kudzoka kwomuviri kuguruva. (Genesi 3:19) Asi hapaizova nechikonzero chokunetseka kana mutemo waida kuti chitunha chiomeswe, dzimwe mhuri dzaizvida, uye zvaifanira kuitwa nokuti vamwe vanofanira kufamba mufambo murefu kuenda kumariro.—3/15, mapeji 29-31.

Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inotidzidzisa kuti Mwari anogamuchira vanhu vemarudzi ose?

Jehovha akatuma muprofita Jona kunonyevera vaNinivhi, uye Mwari akakurudzira Jona kubvuma kupfidza kwavo. Neshoko nomuenzaniso, Jesu akakurudzira kuratidzwa kworudo kuvaSamariya. Vose muapostora Petro nomuapostora Pauro vane zvavakaitawo pakuunza mashoko akanaka kune vakanga vasiri vaJudha. Kubva mumienzaniso yakadai, tinogona kuona kukosha kwokuedza kubatsira vanhu vanobva kwakasiyana-siyana.—4/1, mapeji 21-4.