Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vafundisi Vaviri Vaionga Mabhuku aRussell

Vafundisi Vaviri Vaionga Mabhuku aRussell

Vafundisi Vaviri Vaionga Mabhuku aRussell

MUNA 1891 Charles Taze Russell, uyo akaita basa guru pakati pevanamati vechokwadi vaJehovha vechiKristu, akashanyira Europe kokutanga. Maererano nemimwe mishumo, paakambomira muPinerolo, kuItaly, Russell akasangana naPurofesa Daniele Rivoire, aimbova mufundisi werimwe boka rechitendero rainzi vaWaldenses. * Kunyange zvazvo Rivoire akaramba achisonganira nevaWaldenses pashure pokunge asiya ufundisi hwake, akaramba aine pfungwa dzokuda kudzidza zvakawanda uye aiverenga mabhuku akawanda ainyorwa naC. T. Russell.

Muna 1903, Rivoire akashandurira mumutauro wokuItaly bhuku raRussell rinonzi The Divine Plan of the Ages uye akaridhindisa nemari yake. Izvi zvakaitika nguva refu bhuku romutauro wokuItaly repamutemo risati rabudiswa. Mumashoko ebhuku racho okutanga, Rivoire akanyora kuti: “Tinoda kuti bhuku romutauro wokuItaly rokutanga iri ridzivirirwe naIshe. Ngaarikomborere kuitira kuti, pasinei nezvimwe zvisina kunyatsorurama zviri mariri, rigone kubatsira kukudza zita rake dzvene kwazvo, rokurudzira vana vake vanotaura mutauro wokuItaly kuti vazvipire zvizere. Mwoyo yevose vanokoshesa kudzika kwakaita pfuma, uchenjeri, nezivo yourongwa norudo zvaMwari, kuburikidza nokuverenga bhuku rino, ngaionge Mwari pachake, uyo bhuku rino rabudiswa nenyasha dzake.”

Rivoire akatangawo kushandurira mumutauro wokuItaly Zion’s Watchtower and Herald of Christ’s Presence. Magazini iyi, inova ndiyo yava kunzi Nharireyomurindi, yakatanga kubuda kana pagore muna 1903. Kunyange Purofesa Rivoire asina kumbova Mudzidzi weBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, akaratidza kufarira zvikuru kuparadzira shoko reBhaibheri sokutsanangurwa kwaraiitwa mumabhuku eVadzidzi veBhaibheri.

“Zvakaita Sokuti Mumaziso Angu Makadonha Mavhunurwa”

Mumwe mufundisi wevaWaldenses aikoshesa mabhuku aRussell aiva Giuseppe Banchetti. Baba vaGiuseppe, vakanga vatendeuka kubva kuchiKaturike, vakamupa dzidzo yevaWaldenses. Muna 1894, Giuseppe akava mufundisi akashumira nzanga dzakasiyana-siyana dzevaWaldenses muApulia neAbruzzi uye pazvitsuwa zveElba neSicily.

Apo bhuku repamutemo raRussell mumutauro wokuItaly rinonzi Divine Plan of the Ages rakabudiswa muna 1905, Banchetti akanyora ongororo inonakidza kwazvo. Yakabuda mumagazini yechiPurotesitendi inonzi La Rivista Cristiana yaibudiswa nguva nenguva. “Kwatiri,” akanyora kudaro Banchetti, bhuku raRussell “ndiyo nhungamiro yakajeka uye yechokwadi iyo muKristu chero upi zvake angawana kuti adzidze Magwaro Matsvene zvinobatsira uye zvine chikomborero . . . Pandakangoriverenga, zvakaita sokuti mumaziso angu makadonha mavhunurwa, kuti nzira yaMwari yakanga yatwasanuka uye yava nyore. Kunyange zvimwe zvinhu zvaiita sezvinopesana kazhinji kacho zvaipedzisira zvonzwisisika. Dzidziso dzaimbonetsa dzakaratidza kuva nyore uye dzinogamuchirika zvakanakanaka. Zvinhu zvakanga zvisingambonzwisisiki zvakajeka. Urongwa hwakanaka kwazvo hwokuponeswa kwenyika muna Kristu hwakaoneka pamberi pangu zviri nyore kwazvo zvokutondiita kuti ndidanidzire sezvakaitwa nomuApostora kuti: Haiwa ukuru hwepfuma youchenjeri nezivo zvaMwari!”—VaRoma 11:33.

Sezvakataurwa muna 1925 naRemigio Cuminetti, Banchetti akaratidza “kubvumirana zvikuru” nebasa reVadzidzi veBhaibheri uye “akagutsikana zvizere” nedzidziso dzacho sematsananguriro avaidziita. Munzira yake oga, Banchetti akatsvakawo kuita kuti dzidziso dzakadaro dzizivikanwe.

Zvinoonekwa muzvinyorwa zvaBanchetti kuti, kufanana neZvapupu zvaJehovha, aidavira kuti kwaizova norumuko rwepasi pano, sezvinodzidziswa muMagwaro. Akabvumiranawo neVadzidzi veBhaibheri paakatsanangura kuti gore rakafa Jesu rakanga ratotaurwa kare nokuziviswa naMwari muuprofita hwaDhanieri hwevhiki 70. (Dhanieri 9:24-27) Kanopfuura kamwe, uye mukupesana kuri pachena nedzidziso dzechechi yake, aidavira kuti Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu chinofanira kuchengetwa kamwe chete gore rimwe nerimwe, “zuva chairo panosvika musi wegore negore wechiitiko chacho.” (Ruka 22:19, 20) Akaramba pfungwa yaDarwin yokushanduka-shanduka, uye akatsigira kuti vaKristu vechokwadi havafaniri kupinda muhondo dzenyika.—Isaya 2:4.

Pane imwe nguva, Banchetti aikurukura zvakanyorwa naRussell nomumwe murume ainzi J. Campbell Wall. Achipindura kutsoropodza kwaWall, Banchetti akati: “Ndine chokwadi kuti kana ukaverenga mabhuku matanhatu aRussell, unganzwa mufaro mukuru kwazvo, uye ungandionga zvakanyanya. Handiparidzi dzidziso; asi ndakaverenga mabhuku iwayo makore gumi nerimwe akapfuura, uye ndinoonga Mwari mazuva ose kuti akandiratidza chiedza chakadaro uye nyaradzo yakadaro achishandisa bhuku rakavakirwa zvachose uye zvakasimba muMagwaro Matsvene.”

“Teerera, Teerera, Teerera”

Zvinokosha kuti vafundisi vaviri ava vevaWaldenses—Daniele Rivoire naGiuseppe Banchetti—vakaratidza kuonga nzira iyo Russell akatsanangura nayo Bhaibheri. Banchetti akanyora kuti: “Ndinoti hapana nomumwe wedu vaEvangelical, kwete kunyange vafundisi vedu kana mapurofesa echitendero, hapana anoziva zvose. Kwete, tine zvinhu zvakawanda kwazvo zvokudzidza. . . . [Tinofanira] . . . kugara toteerera, tisingafungi kuti tinozviziva zvose, uye tisingarambi zvatinopiwa kuti tiongorore. Asi, teerera, teerera, teerera.”

Makore ose, zviuru zvevanhu zvinoteerera shoko roUmambo rinounzwa mumisha yavo neZvapupu zvaJehovha. Vanhu vari kwose kwose vane pfungwa dzinoda kudzidza avo vane nyota yechokwadi cheBhaibheri vari kubvuma kukokwa kwavanoitwanaJesu kuti: “Uy[a] uve muteveri wangu.”—Mako 10:17-21; Zvakazarurwa 22:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Vakatumidzwa zita raPierre Vaudès, kana kuti Peter Waldo, mumwe mushambadziri womuzana remakore rechi12 wokuLyons, France. Waldo akadzingwa muChechi yeKaturike nokuti akanga achipikisa dzidziso dzayo dzepurigatori, kunamatwa kwaMariya, kuregerera kwechirango chepurigatori, uye kubhabhatidzwa kwevacheche. Kuti uwane mamwe mashoko pamusoro pevaWaldenses, ona nyaya inoti “Vechitendero chevaWaldenses—Vanosiya Chitendero Chavo Ndokuchinjira kuchiPurotesitendi” iri muNharireyomurindi yaMarch 15, 2002.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Purofesa Daniele Rivoire

[Mufananidzo uri papeji 29]

Giuseppe Banchetti

[Kwazvakatorwa]

Banchetti: La Luce, April 14, 1926