Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anovenga Kunyengera

Jehovha Anovenga Kunyengera

Jehovha Anovenga Kunyengera

‘Musanyengerana mumwe nomumwe hama yake.’—MARAKI 2:10.

1. Mwari anodei kwatiri kuti tizowana upenyu husingaperi?

UNODA upenyu husingaperi here? Kana uchidavira tariro iyoyo inovimbiswa muBhaibheri, zvichida uchati, ‘Ndingatadze nei kuhuda.’ Asi kana uchida kuti Mwari akupewo upenyu husingagumi munyika yake itsva, uchafanira kuita zvaanoda. (Muparidzi 12:13; Johani 17:3) Hakusi kushaya musoro here kutarisira vanhu vasina kukwana kuita izvozvo? Kwete, nokuti Jehovha anotaura mashoko anokurudzira aya “Nokuti ndinoda rudo, handidi zvibayiro, uye kuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.” (Hosea 6:6) Saka kunyange vanhu vanokanganisa vanogona kuita zvinodiwa naMwari.

2. VaIsraeri vakawanda vakanyengera Jehovha sei?

2 Zvisinei, havasi vanhu vose vanoda kuita kuda kwaJehovha. Hosea anoratidza kuti kunyage vaIsraeri vakawanda vakanga vasingadi kudaro. Sorudzi vakanga vabvuma kupinda musungano, chibvumirano, chokuteerera mitemo yaMwari. (Eksodho 24:1-8) Asi pasina nguva yakareba vakanga ‘vadarika sungano’ nokuputsa mitemo yake. Saka Jehovha akati vaIsraeri ivavo ‘vakamunyengera.’ (Hosea 6:7) Uye ndizvo zviri kuitwa nevanhu vakawanda kubvira ipapo. Asi Jehovha anovenga kunyengera, kungave kuchiitirwa iye kana kuti vaya vanomuda uye vanomushumira.

3. Tichaongorora chii muchidzidzo chino?

3 Hosea akanga asiri iye muprofita chete akanyanya kutaura nezvemaonero anoita Mwari kunyengera, maonero atinofanira kuva nawo kana tine tariro yokurarama tichifara. Munyaya yapfuura, tatanga nokuongorora mashoko ouprofita aMaraki, tichitanga nechitsauko chokutanga chebhuku rake. Zvino regai tiende kuchitsauko chechipiri chebhuku iroro, uye tione kuti maonero anoita Mwari kunyengera anowedzera kutaurwa nezvawo sei. Kunyange Maraki akanga achitaura nezvemamiriro ezvinhu akanga akatekeshera pakati pevanhu vaMwari makumi emakore vadzoka kubva kuutapwa kuBhabhironi, chitsauko chechipiri ichi chine zvachinoreva chaizvo kwatiri.

Vapristi Vanokodzera Kupiwa Mhosva

4. Inyeveroi iyo Jehovha akapa vapristi?

4 Chitsauko 2 chinotanga nokutsoropodza kunoita Jehovha vapristi vechiJudha nokuda kwokutsauka kwavo kubva panzira dzake dzakarurama. Kudai vaisateerera zano rake nokugadzirisa nzira dzavo, vaizopinda muna taisireva. Ona zvinotaurwa nendima mbiri dzokutanga dzinoti: “Zvino imi vapristi, chinzwai uyu murayiro unouya kwamuri. Kana imi musingadi kunzwa, kana musingadi kuita nomwoyo wenyu zvandakarayira kuti mukudze zita rangu—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—ipapo ndichatuma kutuka pamusoro penyu, ndichatuka ropafadzo dzenyu.” Dai vapristi vakanga vadzidzisa vanhu mitemo yaMwari ndokuichengeta, vangadai vakakomborerwa. Asi nokuti havana kuita kuda kwaMwari, vaizotukwa panzvimbo pokukomborerwa. Kunyange apo vapristi vaiedza kukomborera munhu, kwaizova kutuka.

5, 6. (a) Nei zvikurukuru vapristi vakanga vakakodzera kupiwa mhosva? (b) Jehovha akataura sei kuti aishora vapristi?

5 Nei vapristi zvikurukuru vakanga vakakodzera kupiwa mhosva? Ndima 7 inopa chimwe chinhu chiri pachena: “Miromo yomupristi inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murayiro pamuromo wake; nokuti ndiye nhume yaJehovha wehondo.” Makore anopfuura chiuru akanga adarika, mitemo yaMwari yakapiwa kuvaIsraeri kuburikidza naMosesi yaiti vapristi vaiva nebasa ‘rokudzidzisa vana vaIsraeri mirayiro yose yakanga yataurwa naJehovha.’ (Revhitiko 10:11) Zvinosuruvarisa kuti munhu akanyora 2 Makoronike 15:3 pane imwe nguva yakatevera akashuma kuti: “Nguva huru vaIsraeri vakanga vasina Mwari wazvokwadi, kana mupristi unodzidzisa, kana murayiro.”

6 Munguva yaMaraki, muzana remakore rechishanu B.C.E., vapristi vakanga vakangodaro. Vaikundikana kudzidzisa vanhu Mutemo waMwari. Saka vapristi ivavo vakanga vakakodzera kubvunzwa kuti vape tsanangudzo. Cherechedza mashoko akasimba anotaurwa naJehovha kwavari. Maraki 2:3 inozivisa kuti “Ndichamhamira ndove kuzviso zvenyu, iyo ndove yemitambo yenyu.” Kutukwa kwakadini! Ndove yemhuka dzezvibayiro yaifanira kutakurwa kunze kwomusasa yopiswa. (Revhitiko 16:27) Asi Jehovha paanovataurira kuti ndove yacho yaitozoita kuzorwa kumeso kwavo, zviri kunyatsoratidza kuti aishora uye airamba zvibayiro zvacho nevaizvibayira.

7. Nei Jehovha akanga akatsamwira vadzidzisi voMutemo?

7 Mazana emakore Maraki asati avako, Jehovha akanga apa vaRevhi basa rokuti vatarisire tebhenekeri uye gare gare temberi noushumiri hutsvene. Vaiva vadzidzisi vorudzi rwaIsraeri. Kuita basa iroro kwaizoreva upenyu norugare kwavari norudzi rwavo. (Numeri 3:5-8) Asi vaRevhi havana kuramba vachitya Mwari sezvavakanga vaita pakutanga. Saka Jehovha akavaudza kuti: “Makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurayiro; makasimbisa sungano yaRevhi . . . zvamusina kuchengeta nzira dzangu.” (Maraki 2:8, 9) Nokukundikana kwavo kudzidzisa chokwadi uye nomuenzaniso wavo wakashata, vapristi vakatsausa vaIsraeri vakawanda, saka zvakanga zvakarurama kuti Jehovha avatsamwire.

Kuchengeta Zvinodiwa naMwari

8. Hazviiti here kutarisira vanhu kuchengeta zvinodiwa naMwari? Tsanangura.

8 Ngatiregei kufunga kuti vapristi ivavo vaikodzera kunzwirwa tsitsi uye kuti vaifanira kunge vakaregererwa nokuti vaiva vanhu vasina kukwana uye vaisafanira kutarisirwa kuchengeta zvinodiwa naMwari. Chokwadi ndechokuti vanhu vanokwanisa kuchengeta mirayiro yaMwari, nokuti Jehovha haavatarisiri kuita zvavasingakwanisi. Zvichida vamwe vapristi kare ikako vakachengeta zvinodiwa naMwari, uye hapana mubvunzo kuti pane mumwe munhu akakwanisa kuzviita gare gare—Jesu, “mupristi mukuru.” (VaHebheru 3:1) Nezvake zvaigona kunzi: “Mutemo wechokwadi waiva mumuromo make, uye hapana kusarurama kwakawanikwa pamiromo yake. Akafamba neni murugare nomukururama, uye akadzosa vazhinji pakukanganisa.”—Maraki 2:6, NW.

9. Ndivanaani vakaparadzira chokwadi nokutendeka munguva yedu?

9 Saiye, kwerinopfuura zana remakore hama dzakazodzwa dzaKristu, vaya vane tariro yokudenga, dzakashumira ‘sevapristi vatsvene, kuti dzipe zvibayiro zvomudzimu zvakanaka kuna Mwari.’ (1 Petro 2:5) Vave vachitungamirira mukuparadzira chokwadi cheBhaibheri kuvamwe. Sezvawakadzidza chokwadi chavanodzidzisa, wati wambozvionerawo here kuti mutemo wechokwadi uri mumiromo yavo? Vakabatsira vakawanda kubva mukunamata kwenhema, zvokuti iye zvino kwava nemamiriyoni nyika yose vakadzidza chokwadi cheBhaibheri uye vane tariro youpenyu husingaperi. Ivavawo vane ropafadzo yokudzidzisa mamwe mamiriyoni mutemo wechokwadi.—Johani 10:16; Zvakazarurwa 7:9.

Chinhu Chinoda Kungwarirwa

10. Nei tiine chimwe chinhu chatinofanira kungwarira?

10 Zvisinei, pane chinhu chinoda kungwarirwa. Tingatadza kuona zvidzidzo zviri pana Maraki 2:1-9. Mumwe nomumwe wedu ari kungwarira here kuti kusarurama kurege kuwanikwa pamiromo yake? Somuenzaniso, nhengo dzemhuri yedu dzinganyatsovimba nezvatinotaura here? Hama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo dziri muungano yedu dzingavimba nesu here? Zvingava nyore zvikuru kuita katsika kokurunga mashoko edu zvokuti anoita seakarurama pakuataura nepo achitsausa vamwe tichizviziva hedu. Kana kuti mumwe angawedzeredza kana kuvanza mamwe mashoko munyaya dzebhizimisi. Jehovha haazvioni here? Uye kana tikaita zvinhu zvakadaro, angagamuchira zvibayiro zverumbidzo zvinobva mumiromo yedu here?

11. Ndivanaani zvikurukuru vanofanira kungwarira?

11 Kana dziri hama dzine ropafadzo yokudzidzisa Shoko raMwari muungano nhasi, Maraki 2:7 inofanira kushanda senyevero. Inoti miromo yavo “inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murayiro” pamiromo yavo. Mutoro mukuru unouya pavadzidzisi vakadaro, nokuti Jakobho 3:1 inoratidza kuti va“chatongwa zvakatonyanya.” Nepo vachifanira kuparidza nokudzidzisa nesimba uye nechido, kudzidzisa kwavo kunofanira kubva muShoko raMwari rakanyorwa uye mirayiridzo inopiwa nesangano raJehovha. Nenzira iyoyo vachava “vanonyatsokwanisa kudzidzisa vamwe.” Nokudaro vanopiwa zano rokuti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Timoti 2:2, 15.

12. Vaya vanodzidzisa vanofanira kungwarira pachii?

12 Kana tikasangwarira, tingava nomuedzo wokupinza zvatinoda isu pachedu nepfungwa dzedu mukudzidzisa kwedu. Ingava ngozi huru kumunhu anonyanya kuvimba nezvaanenge asarudza kuita kunyange zvichipesana nezviri kudzidziswa nesangano raJehovha. Asi Maraki chitsauko 2 inoratidza kuti tinofanira kutarisira kuti vadzidzisi veungano vachaomerera kuzivo inobva kuna Mwari, kwete pfungwa dzavo pachavo, idzo dzingagumbura makwai. Jesu akati: “Munhu wose anogumbura mumwe wevaduku ava vanotenda mandiri, zvakanaka zvikuru kuti guyo rakadai serinotenderedzwa nembongoro risungirirwe mumutsipa make uye anyudzwe mugungwa rakadzika, rakafara.”—Mateu 18:6.

Kuroorana Neasingatendi

13, 14. Ndeipi imwe nzira yokunyengera yakasimbiswa naMaraki?

13 Kubvira Mar 2 pandima 10 zvichienda mberi, Maraki chitsauko 2 chinotaura nezvokunyengera zvakatonanga. Maraki akataura nezvezvinhu zviviri, zvaakaramba achishandisira shoko rokuti “kunyengera.” Kutanga, cherechedza kuti Maraki akatangira zano rake nemibvunzo iyi inoti: “Ko isu tose hatina baba vamwe here? Haasi Mwari mumwe akatisika here? Tinogonyengerana neiko mumwe nomumwe hama yake, tichimhura sungano yamadzibaba edu?” Ipapo Mar 2 ndima 11, inowedzera kuti kunyengera kwaIsraeri kwakanga kwakafanana nokusvibisa ‘utsvene hwaJehovha.’ Chii chavaiita chakanga chakaipa zvakadaro? Ndima iyi inotaura chinhu chimwe chakakanganiswa: vakanga ‘vawana mukunda wamwari wavatorwa.’

14 Nemamwe mashoko, vamwe vaIsraeri, vaiva murudzi rwakatsaurirwa kuna Jehovha, vakanga varoora vanhu vaisamunamata. Zviri kutaurwa zvinotibatsira kuona kuti nei izvozvo zvakanga zvakaipa zvikuru. Mar 2 Ndima 10 inoti vakanga vana baba mumwe chete. Izvi zvakanga zvisingarevi Jakobho (akazotumidzwa kuti Israeri), kana kuti Abrahamu, kunyange Adhamu. Maraki 1:6 inoratidza kuti Jehovha ndiye akanga ari “baba vamwe” vacho. Rudzi rwaIsraeri rwakanga rune ukama naye, vakanga vabvumirana musungano yakaitwa namadzibaba avo. Mumwe wemitemo iri musungano iyoyo waiti: “Usawanana navo, usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, kana kutorera mwanakomana wako mwanasikana wake.”—Dheuteronomio 7:3.

15. (a) Vamwe vangazviruramisa sei pakuroorana neasingatendi? (b) Jehovha anotii panyaya yokuroorana?

15 Vamwe nhasi vangafunga kuti, ‘Iii, munhu wandiri kuda akanaka zvikuru. Zvichida nokufamba kwenguva achagamuchira kunamata kwechokwadi.’ Kufunga kwakadaro kunongotsigira nyevero yakafuridzirwa yokuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?” (Jeremia 17:9) Maonero anoita Mwari kuroora munhu asingatendi anoratidzwa pana Maraki 2:12: ‘Munhu unoita zvakadai, Jehovha uchamubvisa.’ Nokudaro vaKristu vanokurudzirwa kuroora kana kuroorwa “munaShe bedzi.” (1 VaKorinde 7:39) MuchiKristu, mutendi ‘haabviswi’ nokuda kwokuroorwa nomunhu asingatendi. Kunyange zvakadaro, kana asingatendi wacho akaramba akadaro, chii chichaitika kwaari apo Mwari achagumisa nyika ino munguva pfupi iri kutevera?—Pisarema 37:37, 38.

Kubata Mudzimai Zvakashata

16, 17. Inzira ipi yokunyengera yakateverwa nevamwe?

16 Maraki anozotaura chinhu chechipiri chokunyengera: kubata mudzimai zvakashata, zvikurukuru nokumuramba pasina chikonzero. Mar 2 Ndima 14 yechitsauko 2 inoti: “Jehovha wakanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera, kunyange ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye.” Nokubata madzimai avo nokunyengera, varume vechiJudha vakaita kuti atari yaJehovha ‘ifukidzwe nemisodzi.’ (Maraki 2:13) Varume ivavo vakanga vachiramba madzimai avo nezvikonzero zvisiri pamutemo, vachikanganisa nokusiya madzimai oujaya hwavo, zvichida kuti varoore vakadzi vaduku kana kuti vechihedheni. Uye vapristi vaiva nouori vakabvumira izvozvo! Asi Maraki 2:16 inozivisa kuti: “Ndinovenga kurambana—ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri.” Gare gare, Jesu akaratidza kuti unzenza ndihwo chete chikonzero chokuramba munhu asina mhaka achizosununguka kuroorazve.—Mateu 19:9.

17 Fungisisa mamwe emashoko aMaraki, woona kuti anobaya mwoyo nokunzwisa tsitsi zvakadini. Anotaura nezve“shamwari yako, nomukadzi wawakaita sungano yako naye.” Murume mumwe nomumwe akanga ari munyaya yacho akanga aroora mumwe waainamata naye, mukadzi wechiIsraeri, achimusarudza kuva shamwari inodiwa, wokugara naye upenyu hwose. Nepo zvichida kuroorana ikoko kwakaitika apo iye nomudzimai uyu vakanga vachiri vaduku, kupindana kwemazuva uye kuchembera kwakanga kusingaiti kuti sungano yavo isashanda, ndiko kuti, chibvumirano chokuroorana.

18. Zano raMaraki nezvokunyengera rinoshanda sei nhasi?

18 Zano rakapiwa panyaya idzi rinoshandawo zvakaenzana nhasi. Zvinosiririsa kuti vamwe havateereri nhungamiro yaMwari yokuroora munaShe bedzi. Uye zvinosuwisawo kuti vamwe havarambi vachishanda kuti imba yavo irambe yakasimba. Pane kudaro, vanoedza kutsvaka tuzvikonzero votevera nzira inovengwa naMwari kuburikidza nokurambana zvisingabvumirwi nemagwaro kuti varoore mumwe. Pavanoita zvinhu zvakadaro ‘vanonetsa Jehovha.’ Kare munguva yaMaraki, vaya vaisashandisa zano raMwari vachiziva havo vaitotsunga kufunga kuti Jehovha aitokanganisa pakuona kwaaivaita. Saka vakatoti: “Mwari wezvakarurama uripiko?” Kuzungaira kwakadini! Ngatisawira mumusungo iwoyo.—Maraki 2:17.

19. Varume nemadzimai vangagamuchira sei mudzimu waMwari?

19 Zvino achitaura zvakanaka, Maraki anoratidza kuti muzuva rake vamwe varume vakanga vasina kunyengera madzimai avo. Vakanga ‘vachine mudzimu mutsvene waMwari.’ (Mar 2 Ndima 15, NW) Zvinofadza kuti ungano yaMwari kupota pasi zvino izere nevarume ‘vanokudza vakadzi vavo.’ (1 Petro 3:7) Havabati madzimai avo zvisina kunaka kana kuvatuka, havazodi kuita zvepabonde nenzira inonyadzisa, uye havazozvidzi madzimai avo nokutamba nevamwe vakadzi kana kuti kuona zvinonyadzisira. Sangano raJehovha rakakomborerwawo nemadzimai echiKristu akawanda zvikuru akatendeka kuna Mwari nemitemo yake. Varume nevakadzi vose vakadaro vanoziva zvinovengwa naMwari, uye vanofunga uye vanoita saizvozvo. Ramba uchiita saivo, ‘uchiteerera Mwari somutongi’ uchikomborerwa nomudzimu mutsvene wake.—Mabasa 5:29.

20. Inguva ipi iri kuswedera kumunhu wose?

20 Munguva pfupi iri kutevera Jehovha achaunza mutongo panyika yose. Munhu mumwe nomumwe achafanira kupindura pamusoro pezvaanodavira nezvaanoita. “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:12) Saka mubvunzo unoda kunyatsofungwa nezvawo iye zvino ndewokuti: Ndiani achapona pazuva raJehovha? Nyaya yechitatu uye yokupedzisira pane dzino dzakatevedzana ichakurukura musoro iwoyo.

Unogona Kutsanangura Here?

• Jehovha akashora vapristi vomuIsraeri nechikonzero chipi chikuru?

• Nei zvinodiwa naMwari zvisina kunyanya kuomera vanhu kuzviita?

• Nei tichifanira kungwarira kudzidzisa kwedu nhasi?

• Miitiro ipi miviri yakashorwa naJehovha zvikurukuru?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Munguva yaMaraki vapristi vakashorwa nokuti vaisachengeta nzira dzaJehovha

[Mufananidzo uri papeji 16]

Tinofanira kungwarira kudzidzisa nzira dzaJehovha, kwete zvatinoda isu

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jehovha akashora vaIsraeri vakaramba madzimai avo nezvikonzero zvenhando kuti varoore vakadzi vechihedheni

[Mufananidzo uri papeji 18]

VaKristu nhasi vanoremekedza sungano yokuroorana