Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatsira Kwakaita Mumwe Mwanakomana Baba Vake

Kubatsira Kwakaita Mumwe Mwanakomana Baba Vake

Kubatsira Kwakaita Mumwe Mwanakomana Baba Vake

JAMES, anobva kuEngland, ane makore ari kumavambo kwema30, anorwara nepfungwa. Asi kwemakore akawanda ave achipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha naamai vake nehanzvadzi yake. Zvisinei, baba vake vakanga vasina kumbova nehanya nechitendero chavo. Mamwe manheru pashure pomusangano waisanganisira muenzaniso wokukokera munhu wokuziva kuChirangaridzo chorufu rwaJesu, James akaenda kukamuri rake nokukurumidza. Vachida kuziva kuti kwaitei, amai vake vakamutevera ndokumuwana ari mubishi rokutsvaka magazini ekare eNharireyomurindi neMukai! Akasarudza yaiva nomufananidzo nemashoko okukokera kuChirangaridzo papeji yokuseri ndokumhanyira kuna baba vake. Akatanga anongedzera kumufananidzo ndokuzonongedzera baba ndokuti “Imi!” Amai vake nababa vake vakatarisana vachishamiswa sezvavakaziva kuti James aikokera baba vake kuChirangaridzo. Baba vake vakati vangangopinda.

Manheru eChirangaridzo, James akaenda kuwadhiropu yababa vake, akasarudza mutirauzi, akaenda nawo kuna baba vake, ndokuvaratidza kuti vanofanira kuupfeka. Baba vake vakamupindura kuti vakanga vasingazoendi kumusangano wacho. Saka James naamai vake vakaenda kuImba yoUmambo voga.

Zvisinei, imwewo nguva pava paya James akatanga kusaita zvinenge zvichitaurwa naamai vake pavaimugadzirira kuti vaende kumisangano, achisarudza kusara zvake pamba nababa vake. Zvakazoti mumwe musi weSvondo mangwanani, James akarambazve kuita zvaaiudzwa naamai vake pavaimugadzirira kuenda kumisangano. Zvakashamisa amai vake ndezvokuti baba vacho vakabva vati kwaari, “James, kana ndikaenda kumusangano nhasi, iwe unoendawo here?” Chiso chaJames chakabva charatidza kufara. Akambundira baba vake ndokuti “Ehe!” uye vose vari vatatu vakaenda kuImba yoUmambo.

Kubvira pazuva iroro, baba vaJames vakaramba vachipinda misangano yose yomusi weSvondo uye pasina nguva yakareba vakataura kuti vaifanira kupinda mimwe misangano kuti vafambire mberi. (VaHebheru 10:24, 25) Vakabva vaita saizvozvo, uye mushure memwedzi miviri vakatanga kudzidza Bhaibheri nguva dzose. Vakakurumidza kufambira mberi, vakakurumidza kuchinja mararamiro avo pazvakanga zvakakodzera, uye pasina nguva refu vakatanga kuitawo basa rokuparidza Umambo. Gore rimwe chete pashure pokutanga kudzidza Bhaibheri, vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha vakazviratidza nokunyudzwa mumvura. Panguva ino mushumiri anoshumira muungano yavo. Iye zvino vose vari mumhuri yacho vanoshumira Jehovha vakabatana.